CHIDZIDZO 40
Kutaura Zvinhu Zvakarurama
NEI muKristu angataura mashoko asiri echokwadi? Angave ari kungodzokorora mashoko aakanzwa, asina kutsvaka nguva yokuongorora uchokwadi hwawo. Kana kuti angawedzeredza panyaya asingazvioni, nokuti akaverenga zvisizvo kwaakatora mashoko acho. Patinonyatsofungisisa nezvokururama, kunyange muzvinhu zviduku, vateereri vedu vachaona kuti vanogona kuvimba nouchokwadi hwezvinhu zvinotokosha zveshoko redu.
Muushumiri Hwomumunda. Vachiziva kuti vachine zvakawanda zvokudzidza, vazhinji vanozeza kutanga kuita ushumiri hwomumunda. Asi ivava vanokurumidza kuona kuti vanogona kupupurira zvinobudirira, kunyange nechokwadi chishomanana chavanoziva. Vangazviita sei? Chinhu chinokosha kugadzirira.
Usati wabuda muushumiri hwomumunda jairana nenyaya yaunoda kunotaura nezvayo. Edza kufungidzira mibvunzo ingabvunzwa nevachakuteerera. Tsvaka mhinduro dzomuBhaibheri dzinogutsa. Dzichakugadzirira kuti upe mhinduro dzakarurama une pfungwa dzakadzikama. Uri kunoitisa chidzidzo cheBhaibheri here? Nyatsoongorora mashoko achadzidzwa. Iva nechokwadi chokuti unonzwisisa zvikonzero zvomuMagwaro zvemhinduro dzemibvunzo yakanyorwa.
Ngatitii saimba kana kuti waunoshanda naye abvunza mubvunzo wausina kugadzirira kupindura, unoita sei? Kana usina chokwadi nezvokutaura, rega kuita zvokufungidzira. “Mwoyo wowakarurama unombofunga chaangapindura.” (Zvir. 15:28) Ungawana rubatsiro rwaunoda mubhuku rinonzi Kurangarira Magwaro kana kuti mu“Misoro yeBhaibheri Yokukurukurirana” kana zvirimo mumutauro wenyu. Kana usina chimwe chaizvozvi, kumbira kuti umbonotsvakurudza mashoko wozodzoka. Kana abvunza mubvunzo wacho achida chokwadi, haangaoni chakaipa nokumirira mhinduro yakarurama. Chaizvoizvo angatoororwa nokuzvininipisa kwako.
Kushanda muushumiri hwomumunda nevaparidzi vane ruzivo kungakubatsira kukudziridza unyanzvi mukubata Shoko raMwari zvakarurama. Ona magwaro avanoshandisa uye matsananguriro avanoaita. Bvuma nokuzvininipisa mazano api neapi kana kuti kururamisa kwavangakuita. Mudzidzi aishingaira Aporo akabatsirwa noruyamuro rwaakapiwa nevamwe. Ruka akarondedzera Aporo se“nyanzvi pakutaura,” “ainyatsoziva Magwaro,” uye a“ipisa nomudzimu,” munhu ai“taura nokudzidzisa nenzira yakarurama zvinhu zvine chokuita naJesu.” Asi aisaziva zvakawanda. Prisira naAkwira pavakaona izvi, “vakamutora vakava naye vakamutsanangurira nzira yaMwari zvakanyatsorurama.”—Mabasa 18:24-28.
“Anobatisisa Shoko Rakatendeka.” Hurukuro dzedu pamisangano dzinofanira kuratidza kuremekedza kukuru basa rinoitwa neungano se“mbiru nechitsigi[r]o chechokwadi.” (1 Tim. 3:15) Kuti chokwadi chitsigirwe, zvinokosha kuti tinzwisise magwaro atiri kuda kuzoshandisa muhurukuro. Funga nezvezviri kutaurwa uye chinangwa chacho.
Zvaunotaura pamisangano yeungano zvingadzokororwa. Ichokwadi kuti “tose tinokanganisa kakawanda.” (Jak. 3:2) Asi uchabatsirwa kana ukadzidzira kuva netsika dzakanaka dzinobatsira kutaura zvakarurama. Hama zhinji dzakanyoresa muChikoro chaMwari Choushumiri, dzichava vakuru nokufamba kwenguva. “Zvinopfuura zvenguva dzose” zvinotarisirwa kuna vaya vane mutoro wakadaro. (Ruka 12:48) Kana mukuru akapa zano risina kururama nokuti haasi kuva nehanya, izvozvo zvingaguma nezvinetso zvakakomba kuvanhu vari muungano, uye mukuru wacho angasafarirwa naMwari. (Mat. 12:36, 37) Saka hama inosvika pakukwanisa kuva mukuru inofanira kuzivikanwa noku“batisisa shoko rakatendeka pamusoro pounyanzvi hwa[yo] hwokudzidzisa.”—Tito 1:9.
Chenjerera kuti kufunga kwako kunopindirana no“muenzaniso wemashoko anopa utano” anoratidzwa muchokwadi chose chomuMagwaro. (2 Tim. 1:13) Izvi hazvifaniri kukutyisidzira. Pamwe uchigere kupedza kuverenga Bhaibheri rose. Ramba uchishandira kuita izvozvo. Asi panguva ino, ona kuti mazano anotevera angakubatsira sei kuongorora mashoko auri kufunga kushandisa pakudzidza kwako.
Kutanga, zvibvunze kuti: ‘Izvi zvinopindirana here nezvandakatodzidza muBhaibheri? Zvichaita kuti vateereri vangu vaswedere pedyo naJehovha here, kana kuti zviri kusimudzira uchenjeri hwenyika, zvichikurudzira vanhu kutungamirirwa nahwo?’ Jesu akati: “Shoko renyu ichokwadi.” (Joh. 17:17; Dheut. 13:1-5; 1 VaK. 1:19-21) Zvadaro, shandisa zvakanaka zvishandiso pakutsvakurudza mashoko zvinopiwa neboka romuranda akatendeka akangwara. Izvi hazvizongokubatsiri kunzwisisa magwaro zvakarurama chete asiwo kuashandisa zvine mwero uye zvinonzwisisika. Kana hurukuro dzako dzichibva pa“muenzaniso wemashoko anopa utano” uye uchivimba nenzira inoshandiswa naJehovha pakutsanangura nokushandisa magwaro, mashoko ako achava akarurama.
Kuongorora Kururama Kwemashoko. Zviitiko zvazvino uno, mashoko anobudiswa, uye zvakaitika zvinogona kubatsira paunenge uchifananidzira uye uchitaura mashandiro edzimwe pfungwa. Ungava nechokwadi sei chokuti akarurama? Imwe nzira ndeyokuwana zvinhu izvozvo kunzvimbo yakavimbika. Yeuka kuongorora kuti mashoko acho ndeazvino uno here. Zvinhu zvine nhamba zvinova zvekare nokufamba kwenguva; zvinowanikwa nesayenzi hazvitani kutsiviwa nezvitsva; uye vanhu zvavanowedzera kunzwisisa nhau dzakaitika uye mitauro yekare, zvaimbobvumiranwa pamusana pezvaizivikanwa zvinoda kugadziridzwa. Chenjerera kwazvo kana uchifunga nezvokushandisa mashoko anobva mumapepanhau, terevhizheni, redhiyo, tsamba dzinotumirwa nekombiyuta kana kuti Indaneti. Zvirevo 14:15 inoyambira kuti: “Usina mano unotenda mashoko ose; asi wakangwara unongwarira mafambiro ake.” Zvibvunze kuti: ‘Kwabva mashoko aya kune mukurumbira wokutaura chokwadi here? Mashoko acho anogona kupupurirwa here nedzimwe nzira?’ Kana usina chokwadi nechimwe chinhu chisiye.
Kuwedzera pakuongorora kuvimbika kwokunobva mashoko, nyatsofunga kuti unoda kushandisa mashoko acho sei. Iva nechokwadi kuti mashandisiro aunoita mashoko aunotora kune imwe nzvimbo nezvakaitika zvinopindirana nepaabva. Pakuedza kusimbisa pfungwa yako, chenjerera kuti “vamwe vanhu vashoma” havazotaurwi vava kunzi “voruzhinji,” uye kuti “vanhu vazhinji” havazonzi “vanhu vose,” uye pane kuti “mune zvimwe zviitiko” hauzoti “nguva dzose.” Kuwedzeredza kana kunyanyisa mashoko ane nhamba, ukuru, kana kuti kukomba kwechinhu kunomutsa mibvunzo yokuvimbika kwako.
Kana uchigara uchitaura zvakarurama, uchazivikanwa somunhu anoremekedza chokwadi. Izvi zvinoita kuti Zvapupu zvaJehovha seboka zvionekwe zvakanaka. Zvinotokosha zvikuru zvinokudza ‘Jehovha Mwari wechokwadi.’—Pis. 31:5.