Nzira Yokutsvakurudza Nayo Mashoko
MAMBO SOROMONI “wakarangarira, noku[tsvakurudza], nokurongedza zvirevo zvizhinji.” Pamusana pei? Nokuti aifarira kunyora “akarurama, ari mashoko e[ch]okwadi.” (Mup. 12:9, 10) Ruka “akatsvaka zvinhu zvose nokururama kubvira pakutanga” kuti arondedzere zviitiko zvoupenyu hwaKristu zvichitevedzana. (Ruka 1:3) Vashumiri vaMwari vose ava vaitsvakurudza mashoko.
Kutsvakurudza mashoko kuita sei? Kunyatsotsvaka mashoko enyaya yakati. Kunosanganisira kuverenga, uye kunoda kushandiswa kwezvinodiwa pakudzidza. Kungasanganisira kubvunzurudza vanhu.
Zvinhu zvipi zvingaita kuti kutsvakurudza kudiwe? Heino mienzaniso mishomanana. Kudzidza kwako woga kana kuti kuverenga Bhaibheri kungamutsa mibvunzo inokosha kwauri. Mumwe munhu waunoparidzira angamutsa mubvunzo waungada kuva nemashoko chaiwo okupindura nawo. Ungave wapiwa hurukuro.
Chimbofunga nezvomugove uya wokupa hurukuro. Mashoko aungave wakakumbirwa kutaura nezvawo angave asina kunyatsonanga. Ungaashandisa sei muungano menyu? Apfumise nokutsvakurudza. Kana akatsigirwa nechiitiko chaicho, chimwe chete kana zviviri, kana kuti muenzaniso unokodzera mashoko ako uye unotaura nezvoupenyu hwevateereri, pfungwa ingave yaimboratidzika seiri pachena inova inodzidzisa, nokutokurudzira. Mashoko akadhindwa auri kuverenga angave akarongedzerwa kushandiswa nevaverengi vomunyika yose, asi unofanira kuatsanangura, kufananidzira uye kushandisa pfungwa dzacho kuungano kana kuti kumunhu mumwe chete. Unofanira kuzviita sei?
Usati watanga kutsvaka mashoko funga nezvevateereri vako. Chii chavanotoziva? Chii chavanofanira kuziva? Wadaro chiona chinangwa chako. Ndechokutsanangura here? kutendisa? kuramba? kana kuti kukurudzira? Kutsanangura kunoda kupa mamwe mashoko kuti nyaya ijeke. Kunyange zvazvo zvinhu zvikuru zvingave zvichitonzwisiswa, ungada kuwedzera kutsanangura kuti ndirini pokuita kana kuti nzira yokuita nayo zvataurwa. Kutendisa kunoda kupa zvikonzero zvinoratidza kuti nei chinhu chakadaro, kusanganisira kupa uchapupu. Kuramba kunoda kunyatsoziva nyaya yacho yose nokunyatsoongorora uchapupu hwashandiswa. Chokwadi, hatingotsvaki zvikonzero zvakasimba asi nzira dzokukurukura nadzo pfungwa nomutoo womutsa. Kukurudzira kuchiito kunosanganisira kusvika pamwoyo. Kunoreva kupa vateereri vako chinhu chokutarisira uye kuvaka chido chavo chokuti vaite zviri kukurukurwa. Mienzaniso yezvakaitika chaizvo muupenyu yevaya vakaita saizvozvo, kunyange pakutarisana nezvinetso, ingabatsira kusvika pamwoyo.
Wagadzirira here kutanga zvino? Hausati. Funga kuti mashoko akawanda zvakadini aunoda. Nguva ingava chinhu chinokosha. Kana uchizopa vamwe mashoko acho, uchava nenguva yakawanda sei? Maminitsi mashanu here? Maminitsi makumi mana nemashanu here? Nguva yacho ine painogumira here zvakadai sepamisangano yeungano, kana kuti ingachinjwa, zvakadai sepane waunodzidza naye Bhaibheri kana kuti kushanya kwokunofudza?
Pakupedzisira, zvishandiso zvipi zvokushandisa pakutsvakurudza zvaunokwanisa kuwana? Kuwedzera pane zvaunazvo kumba, pane zvokuwedzera here paraibhurari yenyu yepaImba yoUmambo? Hama dzave dzichishumira Jehovha kwemakore akawanda dzingada here kuti ushandise zvadzinazvo pakutsvakurudza? Pane raibhurari yevanhu vose here munharaunda yenyu ine mabhuku angashandiswa kana zvikava zvakafanira?
Kushandisa Chishandiso Chedu Chikuru Pakutsvakurudza—Bhaibheri
Kana chirongwa chako chokutsvakurudza chichisanganisira zvinorehwa norugwaro, tanga neBhaibheri racho.
Ongorora Zviri Kutaurwa. Zvibvunze kuti: ‘Rugwaro urwu rwainyorerwa ani? Ndima dziri pedyo dzinoratidzei nezvezvakazokonzera mashoko kana kuti pfungwa dzevanhu vaivapo?’ Mashoko akadaro kazhinji angatibatsira kunzwisisa rugwaro, uye angawedzerawo upenyu muhurukuro yaungaashandisa.
Somuenzaniso, mashoko aVaHebheru 4:12 anowanzotorwa kuratidza simba reShoko raMwari rokubaya mwoyo uye kuchinja upenyu. Zviri kutaurwa zvinowedzera kunzwisisa kwedu kuti zvingadaro sei. Anotsanangura zvakaitika kuvaIsraeri mumakore 40 omurenje vasati vapinda munyika iyo Jehovha akanga apikira Abrahamu. (VaH. 3:7–4:13) “Shoko raMwari,” chipikirwa chake chokuvaunza munzvimbo yokuzororera maererano nesungano yake naAbrahamu, rakanga risina kufa; rakanga riri benyu uye richifambira mberi kunozadzika. VaIsraeri vaiva nezvikonzero zvose zvokuratidza kutenda mariri. Zvisinei, Jehovha sezvaaivatungamirira kubva Ijipiti vachienda kuGomo reSinai ndokuzopfuurira vachienda kuNyika Yakapikirwa, vakaratidza kusava nokutenda kakawanda. Saka nezvavakaita nemaitiro akaita Mwari shoko rake, zvaiva mumwoyo mavo zvakava pachena. Saizvozvowo muzuva redu, shoko raMwari rechipikirwa rinoratidza zviri mumwoyo yevanhu.
Tarisawo Chiratidzo Chemamwe Magwaro. Mamwe maBhaibheri ane zviratidzo zvemagwaro okutarisawo. Rako rinazvo here? Kana zvirizvo, izvi zvingabatsira. Ona muenzaniso womuShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene. Sara anotaurwa somuenzaniso wakakodzera kutevedzerwa nevadzimai vechiKristu pana Petro Wokutanga 3:6. Kutarisawo kuna Genesi 18:12 kunosimbisa izvi nokutaura kuti Sara aitaura nezvaAbrahamu saishe “mumwoyo make.” Saka kuzvininipisa kwake kwaiva mumwoyo. Kuwedzera kukunzwisisa kwakadaro, magwaro okutarisawo angava anoratidza kuzadzika kwouprofita hweBhaibheri kana kuti muenzaniso wesungano yoMutemo. Zvisinei, ziva kuti mamwe magwaro okutarisawo anenge asiri okupa tsanangudzo dzakadaro. Angangoratidza pfungwa dzakada kufanana kana kuti mashoko oupenyu kana kuti enzvimbo.
Tsvaka Uchishandisa ‘Bible Concordance.’ Iyi indandanda yemashoko akashandiswa muBhaibheri yakarongwa nearufabheti. Inogona kukubatsira kuwana magwaro anoenderana nenyaya yauri kutsvaka. Sezvaunoiongorora, uchadzidza zvimwe zvinhu zvinobatsira. Uchaona uchapupu hwo“muenzaniso” wechokwadi chiri muShoko raMwari. (2 Tim. 1:13) Shanduro yeNyika Itsva ine ndandanda isina kukura ye“Mashoko eBhaibheri Akarongwa.” Comprehensive Concordance yakakura kupfuura apa. Kana iripo mumutauro waunonzwisisa, ichakuendesa, kumagwaro ose ane rimwe nerimwe reshoko guru riri muBhaibheri.
Kudzidza Kushandisa Zvimwe Zvinoshandiswa Pakutsvakurudza
Bhokisi riri papeji 33 rine zvimwe zvinoshandiswa pakutsvakurudza zvakagoverwa no“muranda akatendeka, akangwara.” (Mat. 24:45-47) Zvakawanda zvacho zvine peji yezviri mukati, uye zvakawanda zvine indekisi kwokupedzisira yakagadzirirwa kukubatsira kuwana mashoko akananga. Panopera gore rimwe nerimwe, indekisi yemisoro inobudiswa muNharireyomurindi neMukai! uyu muunganidzwa wenyaya dzegore iroro.
Kujairana norudzi rwemashoko anowanikwa mumabhuku okudzidza Bhaibheri kunogona kubatsira kukurumidzisa matsvakiro acho. Ngatimbotii unoda kuziva nezvouprofita, chitendero, tsika dzechiKristu, kana kuti kushandiswa kwenhungamiro iri muBhaibheri. Pamwe Nharireyomurindi ingave nezvaunenge uchitsvaka. Mukai! inotaura nezvezvinoitika zvazvino uno, zvinetso zvinowanikwa kwose kwose, chitendero, sayenzi, nevanhu vomunyika dzakasiyana-siyana. Mashoko anotevedzana enyaya imwe neimwe yeEvhangeri ari mubhuku rinonzi Munhu Mukurusa Ati Amborarama. Kukurukurwa kwendima nendima kwemabhuku ose eBhaibheri kunowanikwa mumabhuku akadai saZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!, Fungisisa Uprofita hwaDhanieri! nemabhuku maviri oUprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose. Mubhuku rinonzi Kurangarira muMagwaro, uchawana mhinduro dzinogutsa kumazana akawanda emibvunzo yeBhaibheri inowanzobvunzwa mubasa romumunda. Kuti unzwisise zvimwe zvitendero, zvazvinodzidzisa, uye kuti zvakavapo sei, ona Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu. Nhoroondo yakanyatsokwana yenhau yazvino uno yeZvapupu zvaJehovha iri mubhuku rinonzi Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari. Kuti uwane mushumo pazviri kuitika mukuparidzwa kwemashoko akanaka munyika yose, ona Yearbook of Jehovah’s Witnesses yakapedzisira kubuda. Insight on the Scriptures ienisaikoropidhiya nebhuku remepu reBhaibheri. Kana uchida mashoko pamusoro pevanhu, nzvimbo, zvinhu, mitauro, kana kuti nhau dzakaitika dzine chokuita neBhaibheri, umu ndimo makanakisisa mokuwana mashoko.
“Watch Tower Publications Index.” Indekisi iyi, inobudiswa mumitauro inopfuura 20, ichakuendesa kumashoko ari mumabhuku edu akasiyana-siyana. Yakakamurwa kuva indekisi yenyaya, uye indekisi yemagwaro. Kuti ushandise indekisi yenyaya, wana shoko rinomirira nyaya yauri kuda kutsvaka. Kuti ushandise indekisi yemagwaro tsvaka rugwaro rwauri kuda kunzwisisa zviri nani pandandanda iripo. Kana pane zvakabudiswa mumutauro wako panyaya iyoyo kana kuti parugwaro irworwo pamakore eIndex iyoyo, uchawana mabhuku akarongwa okuona. Shandisa kiyi iri kwokutanga kweIndex kuti uzive chinomirirwa nemabhii emazita emabhuku ataurwa. (Somuenzaniso, uchibatsirwa neizvozvo, uchadzidza kuti w99-CA 3/1 15 zvinoreva kuti Nharireyomurindi ya1999, magazini yaMarch 1, peji 15.) Misoro mikuru yakadai se“Zviitiko Zvomuushumiri” uye “Nyaya Dzoupenyu dzeZvapupu zvaJehovha,” ingabatsira mukugadzirira hurukuro dzeungano dzinokurudzira.
Sezvo kutsvakurudza, kuchinakidza kwazvo, chenjerera kuti usatsauswe. Ramba wakaisa pfungwa dzako pachinangwa chako chokutsvaka mashoko anodiwa panhau iripo iye zvino. Kana Index ikakuendesa kumwewo kunowanikwa mashoko, enda kumapeji ataurwa, ipapo shandisa misoro miduku nemitsetse yokutanga yendima kuti zvikutungamirire kumashoko anokodzera zvaunoda. Kana uri kutsvaka zvinorehwa nendima yakati yeBhaibheri, tanga wawana rugwaro rwacho papeji yaunenge wanzi uende. Ipapo ongorora mashoko akapoteredza.
“Watchtower Library” iri paCD-ROM. Kana uchikwanisa kuwana kombiyuta, ungabatsirwa nokushandisa Watchtower Library iri paCD-ROM, ine muunganidzwa wakakura wemabhuku edu. Iyi purogiramu iri nyore kushandisa inoita kuti ukwanise kutsvaka shoko, mashoko, kana kuti rugwaro mune chero bhuku zvaro riri paWatchtower Library. Kunyange kana ichi chokushandisa pakutsvakurudza chisiri mumutauro wenyu, ungakwanisa kubatsirwa nacho mumutauro unoshandiswa zvikuru munyika dzose waunoziva.
Mamwe Maraibhurari ezveBhaibheri
Mutsamba yake yechipiri kuna Timoti yakafuridzirwa, Pauro akakumbira jaya iroro kuti rimuunzire kuRoma “mipumburu, zvikurukuru yematehwe.” (2 Tim. 4:13) Pane zvimwe zvakanyorwa zvaikosheswa naPauro uye akazvichengeta. Ungadarowo. Unochengeta Nharireyomurindi, Mukai! neUshumiri Hwedu hwoUmambo zvako kunyange kana pazvinenge zvadzidzwa pamisangano yeungano here? Kana uchidaro, zvichava zviripo kuti zvive zvinhu zvokushandisa pakutsvakurudza, pamwe nemamwe mabhuku echiKristu awakawana. Ungano dzakawanda dzinoedza kuchengeta muunganidzwa wemabhuku eBhaibheri paraibhurari paImba yoUmambo. Iwaya ndeokubatsira vose vari muungano, kuti vaashandise pavanenge vari paImba yoUmambo.
Chengeta Mafaira Ako
Ramba wakangwarira zvinhu zvinofadza zvaungashandisa paunenge uchitaura uye uchidzidzisa. Kana ukawana mupepanhau kana magazini kanyaya, zvakaitika, kana muenzaniso zvinobatsira zvaungashandisa muushumiri hwako, kacheke, kana kuti kopa mashoko acho. Isa musi, musoro wepepanhau racho, uye zvimwe zita romunyori kana kuti mubudisi wacho. Pamisangano yeungano, nyora pfungwa dzokushandisa pakukurukura uye mifananidzo ingakubatsira kutsanangura chokwadi kune vamwe. Wati wambofunga mufananidzo wakanaka asi ndokusawana mukana wokubva wangoushandisa here? Unyore, wouchengeta mufaira. Kana wazova paChikoro chaMwari Choushumiri kwenguva yakati, uchange wagadzirira hurukuro dzakati. Pane kurasa zvawakanyora pahurukuro idzi, zvichengete. Kutsvakurudza kwawakaita kungazobatsira.
Taura Nevanhu
Vanhu itsime rizere remashoko. Ruka paainyora nyaya yake yeEvhangeri, sezviri pachena akawana mashoko akawanda nokubvunzurudza vakaona nemaziso. (Ruka 1:1-4) Zvimwe muKristu waunonamata naye angakujekesera nyaya yawanga uchiedza kutsvaka mashoko pairi. Maererano naVaEfeso 4:8, 11-16, Kristu anoshandisa “zvipo zviri varume” kutibatsira kukura pa“zivo yakarurama pamusoro peMwanakomana waMwari.” Kubvunzurudza vaya vane ruzivo mukushumira Mwari kungapa pfungwa dzinobatsira. Kutaura nevanhu kungabudisawo zvavari kufunga, uye izvi zvingakubatsira kugadzirira mashoko anoshanda zvechokwadi.
Ongorora Zvaunowana
Kana gorosi rakohwewa, tsanga dzinofanira kubviswa muhundi. Ndizvo zvazvakaitawo nezvaunowana pakutsvakurudza kwako. Zvisati zvave kushandisika, unofanira kusiyanisa zvinokosha nemashokowo zvawo asingadiwi.
Kana uchizoshandisa mashoko acho muhurukuro, zvibvunze kuti: ‘Pfungwa iyi yandiri kuda kushandisa inopa chimwe chinhu chinokosha chaizvoizvo pahurukuro yangu here? Kana kuti, kunyange zvazvo ari mashoko anofadza, anoti tsausei pfungwa panhau yandiri kufanira kunge ndichitaura nezvayo here?’ Kana uri kusarudza kutaura zviri kuitika iye zvino kana kuti mashoko ezvinhu zvinogara zvichingochinja zvesayenzi kana kuti mishonga, iva nechokwadi chokuti mashoko acho achiri kushanda. Zivawo kuti mamwe mashoko ari mumabhuku edu ekare angave akagadziridzwa, saka funga kuti chii chakapedzisira kubudiswa panyaya iyoyo.
Kuchenjerera chaiko kunodikanwa kana ukasarudza kuunganidza mashoko anobva kunyika. Usambokanganwa kuti Shoko raMwari ndiro chokwadi. (Joh. 17:17) Jesu ndiye ane basa guru mukuzadzika kwezvinangwa zvaMwari. Naizvozvo, VaKorose 2:3 inoti: “Pfuma yose youchenjeri neyezivo zvakanyatsovanzwa maari.” Sarudza zvawawana pakutsvakurudza uchifunga nezveizvozvo. Maererano nokutsvakurudza kunyika, zvibvunze kuti: ‘Mashoko aya akawedzeredzwa, ndeokufungidzira, kana kuti haasi okuchenjera here? Akanyorwa pamusana poudyire kana kuti nokuvavarira kuwana mari here? Vamwe vanobudisa mashoko akadaro vanobvumirana nazvo here? Kupfuura zvose, anopindirana nechokwadi cheBhaibheri here?’
Zvirevo 2:1-5 inotikurudzira kuramba tichitsvaka zivo, kunzwisisa, uye kuziva se“sirivha . . . sepfuma yakavanzwa.” Izvozvo zvinoreva zvose kushanda nesimba uye mibayiro mikuru. Kutsvakurudza kunoda kushingaira, asi kukuita kuchakubatsira kuwana pfungwa dzaMwari panyaya, kururamisa pfungwa dzakaipa, uye kusimbisa kubata kwako chokwadi. Kuchaita kuti hurukuro dzako dzive dzakapfuma uye dzine upenyu, dzichinakidza kukurukura uye dzinofadza kuteerera.