Ramba Uchifambira Mberi
WAKASHANDIRA paunyanzvi hwokutaura hwose huri mupurogiramu yechikoro chino here? Wakaitawo basa rose rokuita rinonzi riitwe here? Uri kushandisa pfungwa dzose paunenge uchikurukura hurukuro here, mungave muchikoro kana kuti pamimwe misangano, uye pakuita ushumiri hwomumunda?
Ramba uchibatsirwa nedzidzo yeChikoro chaMwari Choushumiri. Hazvinei kuti wanga uchikurukura hurukuro kwenguva yakareba sei, mune dzimwe nzvimbo dzaunogona kufambira mberi zvakare.