RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wt chits. 2 pp. 14-22
  • Kudza Jehovha Nokuti Ndiye Mwari Wechokwadi Bedzi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudza Jehovha Nokuti Ndiye Mwari Wechokwadi Bedzi
  • Namata Mwari Wechokwadi Bedzi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Mwari Rudo”
  • Kuratidza Vamwe Rudo
  • “Famba Nezita raJehovha Mwari”
  • Kudza Jehovha saMwari Wechokwadi
    Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi
  • Ida Mwari Anokuda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • “Chikuru Pakati Pazvo Ndirwo Rudo”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Vakwa Norudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Ona Zvimwe
Namata Mwari Wechokwadi Bedzi
wt chits. 2 pp. 14-22

Chitsauko 2

Kudza Jehovha Nokuti Ndiye Mwari Wechokwadi Bedzi

1. Mwari wechokwadi bedzi ndiani?

BHAIBHERI rinotaura kuti kunyange pane vakawanda vanoonekwa sevanamwari, “chaizvoizvo kwatiri kuna Mwari mumwe Baba.” (1 VaKorinde 8:5, 6) “Mwari mumwe” iyeye ndiJehovha, Musiki wezvinhu zvose. (Dheuteronomio 6:4; Zvakazarurwa 4:11) Jesu akataura nezvake achimuti “Mwari wangu naMwari wenyu.” (Johani 20:17) Akabvuma zvakataurwa naMosesi, uyo akanga amboti: “Jehovha ndiye Mwari; hakuna mumwe kunze kwake.” (Dheuteronomio 4:35) Jehovha anopfuura zvimwe zvinhu zvose zvinonamatwa, zvakadai sezvidhori, vanhu vanonamatwa, kana kuti muvengi wake Satani Dhiyabhorosi, “mwari wegadziriro ino yezvinhu.” (2 VaKorinde 4:3, 4) Kusiyana nezvose izvi, Jehovha ndiye “Mwari wechokwadi bedzi,” sokumudana kwakaita Jesu.—Johani 17:3.

2. Sezvatinodzidza nezvaMwari, upenyu hwedu hunofanira kuchinjwa sei?

2 Vanhu vanoonga vanodzidza nezvezvinhu zvinofadza zvinoratidza kuti Mwari munhu akadini, pamwe nezvaakatiitira nezvaachatiitira, vanokwezvwa naye. Zvavanowedzera kuda Jehovha, vanonzwa vachifanira kumukudza. Sei? Imwe nzira ndeyokuudza vamwe nezvake. Munhu “anozivisa pachena nomuromo kuti awane ruponeso,” inodaro VaRoma 10:10. Imwe nzira ndeyokumutevedzera mushoko nomuzviito. “Ivai vatevedzeri vaMwari, sevana vanodiwa” inodaro VaEfeso 5:1. Kuti tidaro zvizere, tinofanira kuziva Jehovha sezvaari chaizvo.

3. Zvinhui zvikuru zvinoratidza zvakaita Mwari?

3 MuBhaibheri rose, mune mashoko akawanda anotaura zvinhu zvikuru zvinoratidza zvakaita Mwari. Zvinhu zvikuru zvina zvaanazvo zvinoti uchenjeri, kururamisira, simba, uye rudo. ‘Iye ndiye ane uchenjeri.’ (Jobho 12:13) ‘Nzira dzake dzose kururamisira.’ (Dheuteronomio 32:4) Ane ‘simba guru.’ (Isaya 40:26) “Mwari rudo.” (1 Johani 4:8) Zvisinei, pazvina izvi, chinopfuura zvose ndechipi, chiya chinoratidza kupfuura zvimwe zvose kuti ndiMwari akaita sei?

“Mwari Rudo”

4. Chii china Mwari chakanyanya kuita kuti asike zvinhu zvose kusanganisira zvipenyu?

4 Funga chakaita kuti Jehovha asike zvinhu zvose nevanhu vomudzimu nevenyama vakangwara. Hwaiva uchenjeri kana kuti simba rake here? Kwete, nokuti kunyange Mwari akazvishandisa, hazvisirizvo zvakamuita kuti asike. Uye kururamisira kwake hakuna kuita kuti asungirwe kupa vamwe chipo choupenyu. Asi, rudo rukuru rwaMwari rwakamuita kuti ape vamwe mufaro wokurarama sevanhu vakangwara. Rudo rwakamuita kuti ave nechinangwa chokuti vanhu vanoteerera vararame nokusingaperi muParadhiso. (Genesi 1:28; 2:15) Rudo rwakamuita kuti aronge kubvisa mhosva yakanga yaunzwa pavanhu nokudarika kwaAdhamu.

5. Maererano neBhaibheri, Jehovha muenzaniso mukuru wechii, uye nei?

5 Saka, pazvose zvinoratidza zvakaita Mwari, chinonyanya kuoneka rudo rwake. Ndizvo zvaari. Kunyange uchenjeri, kururamisira, uye simba zvichikosha, Bhaibheri harimboti Jehovha chimwe chaizvozvo. Asi rinoti iye rudo. Chokwadi, Jehovha muenzaniso mukuru worudo. Urwu rudo runotungamirirwa nenheyo, kwete manzwiro omunhu. Rudo rwaMwari runodzorwa nenheyo dzechokwadi nokururama. Urwu rudo rukuru kwazvo, sezvinoenzanisirwa naJehovha Mwari pachake. Rudo rwakadaro kuratidzwa kwokusambova noudyire uye nguva dzose panenge paine zviito zvinoruratidza.

6. Chii chinoita kuti tikwanise kutevedzera Mwari, kunyange ari mukuru kwatiri?

6 Rudo irworwu rwakaisvonaka ndirwo runoita kuti tikwanise kutevedzera Mwari akadaro. Sevanhu vakaderera, vasina kukwana, vasingatani kukanganisa, tingafunga kuti hatifi takagona kuita kudaro zvinobudirira. Asi heuno mumwe muenzaniso worudo rukuru rwaJehovha: Anoziva zvatisingakwanisi kuita uye haatarisiri kuti tive vakakwana. Anoziva kuti tiri kure nokukwana. (Pisarema 51:5) Ndicho chikonzero nei Pisarema 130:3, 4 richiti: “Dai imi Jehovha, mairangarira zvisakarurama, ndianiko wairamba amire, Ishe? Asi kukanganwirwa kuriko kwamuri.” Hungu, Jehovha ndi“Mwari uzere nyasha nengoni, unononoka kutsamwa, une tsitsi huru.” (Eksodho 34:6) “Imi, Ishe, makanaka, munofarira kukanganwira.” (Pisarema 86:5) Chokwadi zvinozonyaradza! Zvinofadza chaizvo kushumira Mwari akaisvonaka uyu uye kutarisirwa naye norudo nengoni!

7. Rudo rwaJehovha rungaoneka sei mumabasa ake okusika?

7 Rudo rwaJehovha runogonawo kuoneka mumabasa ake okusika. Funga nezvezvinhu zvakanaka zvakawanda zvatakapiwa naJehovha kuti tinakidzwe, zvakadai semakomo akaisvonaka, masango, makungwa, uye nyanza. Akatipa zvokudya zvakasiyana-siyana zvinoshamisa kuti tinakirwe uye tiraramiswe nazvo. Uyezve, Jehovha akatipa maruva akaisvonaka akasiyana-siyana uyewo mhuka dzinonakidza. Akaita zvinhu zvaizoita kuti vanhu vafare, kunyange zvazvo akanga asingasungirwi kudaro. Ichokwadi kuti tichirarama munyika ino yakaipa tisina kukwana sezvatiri panguva ino, hatingagoni kunakidzwa zvizere nezvaakasika. (VaRoma 8:22) Asi imbofungidzira zvatichaitirwa naJehovha muParadhiso! Munyori wepisarema anotivimbisa kuti: “Munotadzanura ruoko rwenyu, ndokugutisa [zvakakodzera] zvipenyu zvose.”—Pisarema 145:16.

8. Ndoupi muenzaniso unopfuura mimwe yose wokutida kunoita Jehovha?

8 Ndoupi muenzaniso unopfuura mimwe yose wokuda vanhu kunoita Jehovha? Bhaibheri rinotsanangura richiti: “Mwari akada nyika zvikuru kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Johani 3:16) Kwaiva kunaka kwevanhu here kwakaita kuti Jehovha aite izvi? VaRoma 5:8 inopindura ichiti: “Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti, patakanga tichiri vanhu vanoita zvivi, Kristu akatifira.” Chokwadi, Mwari akatuma Mwanakomana wake akakwana pasi pano kuti ape upenyu hwake kuti chive chibayiro chorudzikinuro kuti atidzikinure muchivi norufu. (Mateu 20:28) Izvi zvakazarura nzira yokuti vanhu vanoda Mwari vawane upenyu husingaperi. Zvinofadza kuti, rudo rwaMwari runosvika kune vose vanoda kuita kuda kwake, nokuti Bhaibheri rinotiudza kuti: “Mwari haasaruri, asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.”—Mabasa 10:34, 35.

9. Kupa kwakaita Jehovha Mwanakomana wake sorudzikinuro kwatiri kunofanira kuita kuti tidini?

9 Kupa kwakaita Jehovha Mwanakomana wake kuti ave rudzikinuro rwedu, achivhura nzira yokuwana upenyu husingaperi, kunofanira kuita kuti tishandise sei upenyu hwedu? Kunofanira kudzamisa kuda kwatinoita Mwari wechokwadi, Jehovha. Uyewo, kunofanira kuita kuti tide kuteerera Jesu, anomiririra Mwari. “[Jesu] akafira vose kuti vanorarama varege kuchazviraramirazve, asi vararamire iye akavafira akamutswa.” (2 VaKorinde 5:15) Zvinofadza kwazvo kutevera tsoka dzaJesu, nokuti aiva nomuenzaniso wakanaka wokutevedzera rudo netsitsi zvaJehovha! Izvi zvinoratidzwa nezvakataurwa naJesu kune vanozvininipisa: “Uyai kwandiri, imi mose munoshanda zvakaoma uye makaremerwa, uye ndichakuzorodzai. Takurai joko rangu mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye anozvininipisa mumwoyo, uye muchawana zororo remweya yenyu. Nokuti joko rangu nderomutsa uye mutoro wangu wakareruka.”—Mateu 11:28-30.

Kuratidza Vamwe Rudo

10. Ndedzipi dzimwe nzira dzatingaratidza nadzo kuda vamwe vaKristu?

10 Tingaratidza sei kuti tinoda vamwe vaKristu sokudiwa kwatinoitwa naJehovha naJesu? Ona nzira dzakawanda dzatingaita izvi: “Rudo rune mwoyo murefu rune mutsa. Rudo haruna godo, haruzvikudzi, haruzvitutumadzi, haruzvibati zvisina kufanira, haruzvitsvakiri zvarwo, harutsamwi. Haruchengeti mafi. Harufariri zvisina kururama, asi runofara nechokwadi. Runotsungirira zvinhu zvose, runotenda zvinhu zvose, rune tariro pazvinhu zvose, runotsungirira zvinhu zvose. Rudo harumboperi.”—1 VaKorinde 13:4-8; 1 Johani 3:14-18; 4:7-12.

11. Ndivanaani vatinofanira kuda zvekare, uye tingavada sei?

11 Ndivanaani zvekare vatinofanira kuda, uye tingavada sei? Jesu akati: “Naizvozvo endai muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.” (Mateu 28:19, 20) Izvi zvinosanganisira kuudza vaya vasati vava vaKristu mashoko akanaka enyika itsva yaMwari iri kuuya inenge iri paradhiso. Jesu akaratidza zvakajeka kuti rudo rwedu harufaniri kungoratidzwa vaya vanotenda zvatinotendawo chete, nokuti akati: “Kana muchida avo vanokudai [chete], mune mubayiro wei? Vateresi havasi kuitawo chinhu chakafanana here? Uye kana muchikwazisa hama dzenyu bedzi, muri kuita chinhui chinoshamisa? Vanhu vemamwe marudzi havasi kuitawo chinhu chakafanana here?”—Mateu 5:46, 47; 24:14; VaGaratiya 6:10.

“Famba Nezita raJehovha Mwari”

12. Nei zita raMwari richingokodzera iye chete?

12 Chimwe chinhu chinokosha pakukudza Mwari wechokwadi kuziva, kushandisa, uye kudzidzisa vamwe zita rake rinoshamisa, rokuti Jehovha. Munyori wepisarema akataura ichi chido chomwoyo wose chokuti: “Vazive kuti imi moga, imi mune zita rinonzi Jehovha, ndimi Wokumusoro-soro kumusoro kwapasi pose.” (Pisarema 83:18) Zita rokuti Jehovha rinoreva kuti “Anoita Kuti Zvive Sezvaanoda.” Ndiye Muiti Mukuru Wezvinangwa, nguva dzose achiita kuti zvinangwa zvake zvibudirire. Uye Mwari wechokwadi ndiye oga ane kodzero yokuva nezita iroro, nokuti vanhu havambogoni kuva nechokwadi chokuti zvavanoita zvichabudirira. (Jakobho 4:13, 14) Jehovha ndiye oga anogona kutaura kuti shoko rake “richaendika” pane zvaanoritumira. (Isaya 55:11) Vakawanda vanoshamiswa zvikuru pavanoona zita raMwari mumaBhaibheri avo vodzidza zvarinoreva. (Eksodho 6:3) Asi vachabatsirwa nezivo iyi kana chete vaka“famba nezita raJehovha . . . nokusingaperi-peri.”—Mika 4:5.

13. Kuziva zita raJehovha uye kufamba nezita rake kunorevei?

13 Nezvezita raMwari, Pisarema 9:10 rinoti: “Vanoziva zita renyu vachavimba nemi.” Izvi zvinosanganisira zvakawanda kupfuura kungoziva zita raJehovha, izvo zvisingarevi kungoerekana wava kuvimba naye. Kuziva zita raMwari kunoreva kunzwisisa kuti Jehovha ndiMwari worudzii, kuremekedza chiremera chake, uye kuteerera zvaanorayira, kuvimba naye muzvinhu zvose. (Zvirevo 3:5, 6) Kufanana naizvozvo, kufamba nezita raJehovha kunoreva kuzvitsaurira kwaari nokumumiririra somumwe wevanamati vake, tichinyatsoshandisa upenyu hwedu maererano nokuda kwaMwari. (Ruka 10:27) Uri kuita izvozvo here?

14. Kana tichizoshumira Jehovha nokusingaperi, chii chinodiwa kupfuura kungonzwa sokuti chinhu chinokosha?

14 Kana tichizoshumira zita raJehovha nokusingaperi, zvikonzero zvedu zvinofanira kupfuura kungonzwa kuti zvinokosha. Muapostora Pauro akakurudzira Timoti, uyo akanga ave achishumira Jehovha kwemakore akawanda kuti: “Urambe uchizvirovedza nokuzvipira kuna Mwari sevavariro yako.” (1 Timoti 4:7) Kuzvipira kunobva mumwoyo wakazara nokuonga munhu wacho wauri kuzvipira kwaari. “Kuzvipira kuna Mwari” kunoratidza kuremekedza Jehovha oga zvikuru. Kunoratidza kumuda kwazvo pamusana pokumuremekedza iye nenzira dzake zvikuru. Kunoita kuti tide kuti munhu wose aremekedze zita rake kwazvo. Tinofanira kukudziridza kuzvipira kuna Mwari muupenyu hwedu kana tichizofamba nezita raJehovha, Mwari wechokwadi bedzi, nokusingaperi.—Pisarema 37:4; 2 Petro 3:11.

15. Tingazvipira sei kuna Mwari zvakazara?

15 Kuti tishumire Mwari zvinogamuchirika, tinofanira kumunamata iye oga, sezvo ari “Mwari une godo.” (Eksodho 20:5) Hatingadi Mwari uku tichida nyika yakaipa, ina mwari wayo Satani. (Jakobho 4:4; 1 Johani 2:15-17) Jehovha anonyatsoziva kuti mumwe nomumwe wedu ari kuedza kuva munhu worudzii. (Jeremia 17:10) Kana tichinyatsoda kururama, anozviona uye achatibatsira kutsungirira miedzo yedu yezuva nezuva. Achititsigira nomudzimu mutsvene wake une simba guru, achaita kuti tikwanise kukunda uipi hwazara kudai munyika. (2 VaKorinde 4:7) Achatibatsirawo kuramba tiine tariro yakasimba youpenyu husingaperi mupasi rinenge riri paradhiso. Iyoyo itariro ine mbiri zvikuru! Tinofanira kuhukoshesa zvikuru ndokushumira nokuzvidira Mwari wechokwadi, Jehovha, uyo anoita kuti huvepo.

16. Chii chaungada kuita pamwe chete nemamwe mamiriyoni evanhu?

16 Mamiriyoni evanhu panyika pose akabvuma nomufaro kukokwa nomunyori wepisarema uyo akanyora kuti: “Kudzai Jehovha pamwe chete neni, ngatikudzise zita rake pamwe chete.” (Pisarema 34:3) Jehovha anokukoka kuti uve pakati pemapoka ari kuwedzera mumarudzi ose ayo ari kuita izvi.

Kudzokorora

• Jehovha munhu worudzii? Tinobatsirwa sei nokunyatsonzwisisa zvinhu zvinoratidza zvaari?

• Tingabatsira sei vamwe kudzidza chokwadi nezvaMwari?

• Kuziva zita raJehovha uye kufamba nezita rake kunorevei?

[Mifananidzo iri papeji 14]

Jehovha, norudo rwake rukuru, ‘achapfumbanura ruoko rwake ogutisa zvipenyu zvose’

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe