Chitsauko 19
Ramba Uchitaura Shoko raMwari Usingatyi
1. (a) Vadzidzi vaJesu vakazivisa mashokoi akanaka, asi vamwe vaJudha vakaita sei? (b) Tingabvunza mibvunzo ipi?
ANODA kusvika makore 2 000 apfuura, Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, akazodzwa saMambo womunguva yemberi panyika yose. Jesu akaurayiwa zvakonzerwa nevavengi vechitendero, asi Jehovha akamumutsa kubva kuvakafa. Kuburikidza naJesu, zvakanga zvava kuita kuwana upenyu husingaperi. Zvisinei, vadzidzi vaJesu pavakazivisa pachena mashoko akanaka aya, vakatanga kutambudzwa. Vamwe vavo vakaiswa mujeri, kunyange kuzvamburwa nokurayirwa kuti varege kutaura nezvaJesu. (Mabasa 4:1-3, 17; 5:17, 18, 40) Vaizoitei? Ungadai wakaitei? Ungadai wakaramba uchipupura usingatyi here?
2. (a) Mashoko api akanaka kwazvo anofanira kuziviswa muzuva redu? (b) Ndivanaani vane mutoro wokuparidza mashoko akanaka?
2 Muna 1914 Mambo woUmambo hwaMwari, Jesu Kristu, akagadzwa pachigaro choUmambo mudenga kuti atonge ‘pakati pevavengi vake.’ (Pisarema 110:2) Pashure pacho, Satani nemadhimoni ake vakakandirwa pasi pano. (Zvakazarurwa 12:1-5, 7-12) Mazuva okupedzisira enyika yakaipa iripo zvino akanga atanga. Nguva ino painopera, Mwari achaparadza nyika yose yaSatani. (Dhanieri 2:44; Mateu 24:21) Vapukunyuki vachava netarisiro youpenyu husingaperi panyika ichava paradhiso. Kana wakagamuchira mashoko akanaka aya, uchada kuataurirawo vamwe. (Mateu 24:14) Asi ungatarisira kuti vanhu vaite sei kwaari?
3. (a) Vanhu vanoita sei pavanonzwa shoko roUmambo? (b) Tinofanira kutarisana nomubvunzo upi?
3 Paunozivisa mashoko akanaka oUmambo, vamwe vanhu vachaafarira, asi vazhinji vachashaya hanya nawo. (Mateu 24:37-39) Vamwe vangakutsoropodza kana kukushora. Jesu akanyevera kuti kushora kungangobva kuhama dzako pachako. (Ruka 21:16-19) Kungabvawo kubasa kwako kana kuti kuchikoro. Mune dzimwe nzvimbo dzenyika, Zvapupu zvaJehovha zvinotorambidzwa nehurumende. Paunotarisana nemamiriro ezvinhu akadaro, ucharamba uchitaura shoko raMwari usingatyi ‘womira wakasimba mukutenda’ here?—1 VaKorinde 16:13.
Hativimbi Nesimba Redu Pachedu
4. (a) Kuti tizviratidze kuti tiri vashumiri vaMwari vakatendeka, chii chinonyanya kudiwa? (b) Nei misangano yechiKristu ichikosha kwazvo?
4 Chinokosha pakuva mushumiri waJehovha akatendeka kuvimba nezvaanotipa. Chimwe chaizvozvi misangano yeungano. Magwaro anotikurudzira kuti tisairega. (VaHebheru 10:23-25) Vaya vanoramba vari Zvapupu zvaJehovha zvakatendeka vave vachishanda nesimba kuti vapinde misangano nguva dzose nevavanonamata navo. Pamisangano iyi zivo yedu yeMagwaro inowedzerwa. Uyezve, kunzwisisa kwedu chokwadi chinonyatsozivikanwa kunowedzera, uye kuziva kwedu nzira dzokuchishandisa kunowedzerawo. Tinoswededzwa pedyo nehama dzedu dzechiKristu mukunamata kwakabatana uye tinosimbiswa kuti tiite kuda kwaMwari. Mudzimu waJehovha unogovera nhungamiro kuburikidza neungano, uye achishandisa mudzimu iwoyo, Jesu ari pakati pedu.—Mateu 18:20; Zvakazarurwa 3:6.
5. Zvapupu zvaJehovha pazvinenge zvichirambidzwa kunamata, chii chinoitwa pamusoro pemisangano?
5 Unopinda nguva dzose misangano yose here, uye unoita kuti zvaunonzwa zvichikurukurwa zvishande kwauri pachako here? Dzimwe nguva apo Zvapupu zvaJehovha zvinenge zvichirambidzwa, zvinokosha kuita misangano mumapoka maduku mumisha yazvo. Nzvimbo nenguva zvingasiyana-siyana uye zvingasanakira vanhu nguva dzose, mimwe misangano ichiitwa usiku-siku. Asi pasinei nokuti zvingasanakira vanhu vose kana kuti zvingavaisa mungozi, hama nehanzvadzi dzakatendeka dzinoita zvose zvadzinogona kuti dzive pamusangano mumwe nomumwe.
6. Tinoratidza sei kuvimba kwatinoita naJehovha, uye izvi zvingatibatsira sei kuramba tichitaura tisingatyi?
6 Kuvimba naJehovha kunokudziridzwa nokugara tichitaura naye mumunyengetero womwoyo wose, tichiziva kuti tinoda kubatsirwa naMwari. Ndizvo zvaunoita here? Jesu akanyengetera anyengeterazve muushumiri hwake hwepasi pano. (Ruka 3:21; 6:12, 13; 22:39-44) Uye usiku hwakatangira zuva rokuzorovererwa kwake, akakurudzira vadzidzi vake kuti: “Rambai makarinda muchinyengetera, kuti murege kupinda mumuedzo.” (Mako 14:38) Kana tikawana vanhu vasina hanya neshoko roUmambo, tingaedzwa kuti tiderere muushumiri hwedu. Kana vanhu vakatitsoropodza kana kutitambudza, tinganzwa tichiedzwa kurega kuparidza kuti tisawana zvinetso. Asi kana tikanyengetera nomwoyo wose kuti mudzimu waMwari utibatsire kuramba tichitaura tisingatyi, tichadzivirirwa kuti tisakundwa nemiedzo iyoyo.—Ruka 11:13; VaEfeso 6:18-20.
Zvakanyorwa Pamusoro Pokupupura Nokusatya
7. (a) Nei zvakanyorwa muna Mabasa zviri zvinhu zvatinofanira kufungisisa? (b) Pindura mibvunzo yakaiswa panoperera ndima ino, uchisimbisa kuti mashoko acho anogona kutibatsira sei.
7 Zvakanyorwa mubhuku raMabasa zvinhu zvatinofanira kufungisisa tose. Zvinotaura nezvenzira iyo vaapostora nevamwe vadzidzi vokutanga—vanhu vaiva nokunzwa kwakafanana nokwedu—vakakurira nayo zvipingamupinyi ndokuratidza kuti vaiva zvapupu zvaJehovha zvisingatyi uye zvakatendeka. Ngationgororei chikamu chezvakanyorwa izvozvo tichibatsirwa nemibvunzo nemagwaro zvinotevera. Sezvatinoita kudaro, funga kuti iwe pachako ungabatsirwa sei nezvauri kuverenga.
Vaapostora vaiva vanhu vakadzidza zvikuru here? Vaiva here vanhu vakazvarwa vasingatyi, pasinei nechaiitika? (Johani 18:17, 25-27; 20:19; Mabasa 4:13)
Chii chakaita kuti Petro ataure asingatyi pamberi pedare rechiJudha rakanga ratonga Mwanakomana waMwari pachake? (Mateu 10:19, 20; Mabasa 4:8)
Chii chakanga chichiitwa nevaapostora muvhiki dzakatangira kuunzwa kwavo pamberi peSanihedhirini? (Mabasa 1:14; 2:1, 42)
Vatongi pavakarayira vaapostora kurega kuparidza muzita raJesu, Petro naJohani vakapindura sei? (Mabasa 4:19, 20)
Vasunungurwa, vaapostora vakatarisira kubatsirwa naani? Vakanyengetera kuti kutambudzwa kwacho kumire here, kana kuti chii? (Mabasa 4:24-31)
Jehovha akabatsira nenzira dzipi apo vashori vakaedza kumisa basa rokuparidza? (Mabasa 5:17-20)
Vaapostora vakaratidza sei kuti vainzwisisa chikonzero nei vakanga vanunurwa? (Mabasa 5:21, 41, 42)
Kunyange apo vakawanda vevadzidzi vakanga vaparadzirwa pamusana pokutambudzwa, vakaramba vachiitei? (Mabasa 8:3, 4; 11:19-21)
8. Migumisiro ipi inofadza yakabva muushumiri hwevadzidzi vokutanga, uye isu tasvika sei pakubatanidzwa?
8 Basa rokuparidza mashoko akanaka rakaitirwa zviripo. Vadzidzi vanenge 3 000 vakabhabhatidzwa paPendekosti ya33 C.E. “Varume nevakadzi vazhinji vaitenda munaShe, vakaramba vachiwedzerwa.” (Mabasa 2:41; 4:4; 5:14) Nokufamba kwenguva, kunyange mumwe mutambudzi wevanhu vaMwari aityisa, Sauro weTaso, akava muKristu uye akatanga kupupurira chokwadi asingatyi. Akasvika pakuzivikanwa somuapostora Pauro. (VaGaratiya 1:22-24) Basa rakatanga muzana remakore rokutanga harina kumira. Rawedzera simba mumazuva ano okupedzisira uye rasvika mativi ose epasi. Tine ropafadzo yokuriitawo, uye sezvatinoita kudaro, tinogona kudzidza kubva mumuenzaniso wakaratidzwa nezvapupu zvakavimbika zvakatitangira kushumira.
9. (a) Pauro akashandisa mikana ipi kupupura? (b) Unoparadzira shoko roUmambo kune vamwe munzira dzipi?
9 Pauro paakadzidza chokwadi pamusoro paJesu Kristu, chii chaakaita? “Akabva atanga kuparidza Jesu . . . , kuti Uyu ndiye Mwanakomana waMwari.” (Mabasa 9: 20) Akanzwa achionga mutsa usina kufanirwa waMwari kwaari, uye akaona kuti munhu wose aida mashoko akanaka aakanga agamuchira. Pauro aiva muJudha, uye maererano netsika yomuzuva racho, akaenda kumasinagogi kunopupura. Akaparidzawo paimba neimba akakurukura nevanhu pamusika. Uye akanga akagadzirira kutamira kundima itsva kunoparidza mashoko akanaka.—Mabasa 17:17; 20:20; VaRoma 15:23, 24.
10. (a) Pauro akaratidza sei kuti kunyange akanga asingatyi, ainzwisisawo munzira yaaipupurira nayo? (b) Tingaratidza sei unhu hwaPauro pakupupurira kuhama, vatinoshanda navo, nevatinodzidza navo kuchikoro?
10 Pauro akanga asingatyi asiwo achinzwisisa, sezvatinofanira kuva. KuvaJudha akataura zvaivafadza achivakira pazvipikirwa zvakaitwa naMwari kumadzibaba avo. KuvaGiriki akataura achivakira pazvinhu zvavakanga vachiziva. Dzimwe nguva akashandisa zvakaitika kwaari paaidzidza chokwadi senzira yokupa nayo uchapupu. Akati: “Ndinoita zvinhu zvose nokuda kwemashoko akanaka, kuti ndive anoagoverana navo.”—1 VaKorinde 9:20-23; Mabasa 22:3-21.
11. (a) Pauro akaitei kuti asarambe achingosangana nevashori? (b) Ndirini patingatevedzera nokuchenjera muenzaniso waPauro, uye sei? (c) Simba rokuti tirambe tichitaura tisingatyi rinobva kupi?
11 Apo kushora kwakaita kuti zviite sezviri nani kuti Pauro aparidzire kune imwe nzvimbo kwenguva yakati, akaita kudaro pane kumanikidzira kuramba achisangana nevashori. (Mabasa 14:5-7; 18:5-7; VaRoma 12:18) Asi haana kumbonyara nemashoko akanaka. (VaRoma 1:16) Kunyange zvazvo Pauro akanga asingafari nokubatwa kwaaiitwa nevashori kwoutsinye—kunyange kwechisimba—‘akava asingatyi naMwari wedu’ kuti arambe achiparidza. Akati: “Ishe akamira pedyo neni akandipa simba, kuti neni kuparidza kuitwe kwazvo.” (1 VaTesaronika 2:2; 2 Timoti 4:17) Musoro weungano yechiKristu, Jesu, anoramba achipa simba ratinoda kuti tiite basa raakafanotaura nokuda kwezuva redu.—Mako 13:10.
12. Chii chinopa uchapupu hwokusatya kwechiKristu, uye kunokonzerwa nei?
12 Tine zvikonzero zvose zvokuramba tichitaura shoko raMwari tisingatyi, kungofanana nezvakaitwa naJesu nevamwe vashumiri vaMwari vakatendeka vomuzana remakore rokutanga. Izvi hazvirevi kuva vasingafungi kana kuedza kumanikidza shoko pane vaya vasingaridi. Asi hatiregi nokuti vanhu havana hanya; uye hatinyaradzwi nokushorwa. Kufanana naJesu, tinotaura kuti Umambo hwaMwari ndiyo hurumende yakakodzera yepasi pose. Tinotaura nechivimbo nokuti tinomiririra Jehovha, Changamire Wezvose, uye nokuti shoko ratinoparidza haribvi kwatiri asi kwaari. Uye kuda kwedu Jehovha ndiko kunofanira kunyanya kutikurudzira kumurumbidza.—VaFiripi 1:27, 28; 1 VaTesaronika 2:13.
Kudzokorora
• Nei zvichikosha kutaurira vanhu vose vanobvira shoko roUmambo, asi vangaitei?
• Tingaratidza sei kuti hativimbi nesimba redu kuti tishumire Jehovha?
• Zvidzidzoi zvinokosha zvatinodzidza mubhuku raMabasa?
[Mifananidzo iri papeji 173]
Sezvaiitwa kare, vashumiri vaJehovha nhasi vanotaura shoko raMwari vasingatyi