Chitsauko 20
Ramba Uchinyatsorangarira Zuva raJehovha
1. Pawakatanga kudzidza kuti kununurwa munhamo dzenyika ino yekare kwava pedyo, wakanzwa sei?
CHIMWE chezvinhu zvokutanga zvawakadzidza muBhaibheri chaiva chokuti chinangwa chaJehovha ndechokuti pasi pose pave paradhiso. Munyika itsva iyoyo, hondo, kupara mhosva, urombo, kurwara, kutambura, uye kufa hazvizovipozve. Kunyange vakafa vachamutswa. Itarisiro inoshamisa zvakadini! Kuva pedyo kwezvose izvozvo kunosimbiswa nouchapupu hwokuti kuvapo kusingaonekwi kwaKristu saMambo anotonga kwakatanga muna 1914 uye kuti kubvira ipapo tave tiri mumazuva okupedzisira enyika ino yakaipa. Pamugumo wemazuva ano okupedzisira, Jehovha achaparadza nyika iripo zvino ounza nyika itsva!
2. “Zuva raJehovha”chii?
2 Bhaibheri rinodana nguva iyi yokuparadza iri kuuya kuti “zuva raJehovha.” (2 Petro 3:10) I“zuva rokutsamwa kwaJehovha” kwaacharatidzira nyika yose yaSatani. (Zefania 2:3) Richaguma ne“hondo yezuva guru raMwari Wemasimba Ose . . . , inonzi Ha-Magedhoni muchiHebheru [Amagedhoni],” muchaparadzwa “madzimambo apasi rose rinogarwa.” (Zvakazarurwa 16:14, 16) Mararamiro ako anoratidza chivimbo chaunacho chokuti “zuva raJehovha” iri rava pedyo here?—Zefania 1:14-18; Jeremia 25:33.
3. (a) Zuva raJehovha richauya rini? (b) Zvaratidza kuva zvinobatsira sei kuti Jehovha haana kutiudza “zuva iroro kana awa yacho”?
3 Bhaibheri harititauriri musi chaiwo uchauya Jesu Kristu soMuurayi Anoshandiswa naJehovha pakuparadza nyika yaSatani. “Hapana munhu anoziva pamusoro pezuva iroro kana awa yacho, kunyange ngirozi dziri kudenga kana Mwanakomana, asi Baba,” akadaro Jesu. (Mako 13:32) Kana pane vasinganyatsodi Jehovha, vachanzwa vachida kusundira mberi zuva rake mupfungwa dzavo votanga kutsvaka zvinhu zvenyika. Asi vaya vanonyatsoda Jehovha vachamushumira nomwoyo wose, pasinei nokuti mugumo wenyika ino yakaipa unouya rini.—Pisarema 37:4; 1 Johani 5:3.
4. Jesu akanyevera kuti chii?
4 Achinyevera vanoda Jehovha, Jesu anoti: “Rambai muchitarira, rambai makamuka, nokuti hamuzivi kuti nguva yakatemwa ichasvika rini.” (Mako 13:33-37) Anotikurudzira kuti tirege kubvumira pfungwa dzedu kunyanya kufunga pamusoro pokudya nokunwa kana “kufunganya zvoupenyu” zvokuti tinotadza kuona kukosha kwenguva yatiri.—Ruka 21:34-36; Mateu 24:37-42.
5. Sezvakatsanangurwa naPetro, zuva raJehovha richaunza chii?
5 Petro anotipawo zano rokuti tinyatsorangarira “kuvapo kwezuva raJehovha, iro naro matenga achitsva achanyungudutswa uye zvinhu zvichipisa kwazvo zvichanyunguduka.” Hurumende dzose dzevanhu—“matenga”—dzichaparadzwa, sezvichaitwa vanhu vose zvavo vakaipa—“pasi”—ne“zvinhu” zvavo, pfungwa nemabasa enyika ino yakaipa, zvakadai semafungiro ayo okuzvimirira pana Mwari uye mararamiro ayo ounzenza uye okuda pfuma zvikuru. Izvi zvichatsiviwa ne“matenga matsva [Umambo hwaMwari hwokudenga] nepasi idzva [vanhu vatsva vepasi]” umo “kururama kuchagara mazviri.” (2 Petro 3:10-13) Zviitiko izvi zvinoparadza nyika zvichangoerekana zvatanga uye pazuva neawa yazvisingatarisirwi.—Mateu 24:44.
Ramba Uchitarisira Chiratidzo
6. (a) Mhinduro yaJesu kumubvunzo wevadzidzi vake yaishanda kumugumo wegadziriro yezvinhu yechiJudha kusvika papi? (b) Zvikamu zvipi zvemhinduro yaJesu zvinotaura zviitiko nemafungiro zvinobvira muna 1914 zvichiuya kuno?
6 Tichitarira nguva yatiri kurarama, tinofanira kunyatsoziva zvose zvine chokuita nechiratidzo chinobatanidza zvakawanda chinoratidza mazuva okupedzisira—“kuguma kwegadziriro yezvinhu.” Gara uchiziva kuti Jesu paakapindura mubvunzo wevadzidzi, wakanyorwa pana Mateu 24:3, zvimwe zvezvaakataura mundima 4 kusvikira ku22 zvakati zadzikei zvishoma panyika yeJudha pakati pa33 C.E. na70 C.E. Asi uprofita hwacho hunozadzika zvakakura munguva inobvira muna 1914, nguva yo“kuvapo” kwaKristu neyo“kuguma kwegadziriro yezvinhu.” Mateu 24:23-28 inotaura zvaizoitika kubvira muna 70 C.E. kusvikira kunguva yokuvapo kwaKristu. Zviitiko zvinotsanangurwa pana Mateu 24:29–25:46 zvinoitika munguva yokupedzisira.
7. (a) Nei somunhu oga oga tichifanira kungwaririra mazadzikirwo anoitwa chiratidzo nezviitiko zvenguva ino? (b) Pindura mibvunzo iri panoperera ndima ino, uchiratidza mazadzikiro akaita chiratidzo kubvira muna 1914.
7 Somunhu oga oga tinofanira kucherechedza zviitiko nemafungiro zvinozadzika chiratidzo chacho. Kubatanidza zvinhu izvi nouprofita hweBhaibheri kuchatibatsira kunyatsorangarira zuva raJehovha. Kuchatibatsirawo kunyengetedza vamwe patinovanyevera nezvokuva pedyo kwezuva iroro. (Isaya 61:1, 2) Tichifunga nezvevavariro idzi, ngatikurukurei mibvunzo inotevera inotsanangura zvikamu zvechiratidzo chacho, sezvakanyorwa pana Mateu 24:7 naRuka 21:10, 11.
Kumukirana ‘kworudzi norudzi uye umambo noumambo’ kwakazadzika munzira ipi inoshamisa kuvambira muna 1914? Nezvehondo, chii chakaitika kubvira ipapo?
Muna 1918, chirwere chipi chakauraya vanhu vakawanda kudarika Hondo Yenyika I? Pasinei zvapo noruzivo rwomunhu rwokurapa, zvirwerei zvichiri kuuraya mamiriyoni evanhu?
Kushomeka kwezvokudya kwatambudza nyika kusvikira papi pasinei nokufambira mberi mune zvesayenzi muzana remakore rapfuura?
Chii chinokuita kuti uve nechokwadi chokuti 2 Timoti 3:1-5, 13 iri kutsanangura, kwete nzira iyo upenyu hwave huri nguva dzose, asi nzira iyo mamiriro ezvinhu akaipa awedzera nayo sezvatinonanga kumugumo wemazuva okupedzisira?
Kuparadzanisa Vanhu
8. (a) Chiizve chimwe chinotsanangurwa pana Mateu 13:24-30, 36-43 icho Jesu akabatanidza nokuguma kwenyika? (b) Mufananidzo waJesu unorevei?
8 Pane zvimwe zviitiko zvinokosha izvo Jesu akabatanidza nokuguma kwenyika. Chimwe chaizvozvi kuparadzaniswa kwe“vanakomana voumambo” kubva mu“vanakomana vowakaipa.” Jesu akataura nezveizvi mumufananidzo wake womunda wegorosi wakadyarwawo masora nomuvengi. “Gorosi” mumufananidzo wake rinomirira vaKristu vechokwadi vakazodzwa. “Masora” ndevaya vanotaura kuti vaKristu asi vachizviratidza kuti “vanakomana vowakaipa” nokuti vakabatanidzwa nenyika inotongwa naDhiyabhorosi. Ivava vanoparadzaniswa ne“vanakomana voumambo” hwaMwari uye vanoiswa chiratidzo chokuparadzwa. (Mateu 13:24-30, 36-43) Izvi zvakaitika chaizvoizvo here?
9. (a) Pashure peHondo Yenyika I, kuparadzaniswai kukuru kwakaitika kune vose vaizviti vaKristu? (b) VaKristu vakazodzwa vakapa sei uchapupu hwokuti vaiva vashumiri vechokwadi voUmambo?
9 Hondo Yenyika I yapera, pakava nokuparadzaniswa kwevose vaizviti vaKristu vachiiswa mumapoka maviri: (1) Vafundisi vechiKristudhomu nevateveri vavo, avo vakatsigira zvakasimba Sangano Renyika Dzakabatana (zvino rava Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose) uye vachingoomerera kuti vakavimbika kunyika yavo, uye (2) vaKristu vechokwadi vomunguva iyoyo yepashure pehondo, vakatsigira zvizere Umambo hwaMwari hunotongwa naMesiya, kwete marudzi enyika ino. (Johani 17:16) Ivava vakazviratidza kuti vashumiri vechokwadi voUmambo hwaMwari nokuparidza “aya mashoko akanaka oumambo” pasi pose. (Mateu 24:14) Zvikaguma nei?
10. Ndoupi waiva mugumisiro wokutanga webasa rokuparidza Umambo?
10 Chokutanga, pakaunganidzwa vakasara vevakazodzwa nomudzimu waMwari, vane tariro yokuva naKristu sevamwe voUmambo hwokudenga. Kunyange vakadaro vakanga vakapararira munyika dzakawanda, vakaunzwa musangano rimwe rakabatana. Kuiswa chiratidzo kwevakazodzwa ava kwava kuda kupedziswa.—Zvakazarurwa 7:3, 4.
11. (a) Ibasa ripi rokuunganidza riri kuenderera mberi, uye maererano nouprofita hupi? (b) Kuzadzika kwouprofita uhu kunoratidzei?
11 Ipapo, mukutungamirira kwaKristu, pakatanga kuunganidzwa “boka guru revanhu . . . vanobva kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi.” Ivava vanoumba anonzi “mamwe makwai” achapukunyuka “kutambudzika kukuru” achipinda munyika itsva yaMwari. (Zvakazarurwa 7:9, 14; Johani 10:16) Basa iri rokuparidza Umambo hwaMwari mugumo usati wauya riri kuenderera mberi kusvikira kunguva ino chaiyo. Rakavimbika, boka guru remamwe makwai, zvino rava nemamiriyoni evanhu, rinobatsira vasara vakazodzwa kuparidza shoko rinokosha roUmambo. Shoko iri riri kunzwiwa mumarudzi ose.
Chii Chiri Mberi?
12. Ibasa rakawanda sei rokuparidza richiri kufanira kuitwa zuva raJehovha risati rasvika?
12 Zvose zviri pamusoro apa zvinoratidza kuti tava pedyo nomugumo wemazuva okupedzisira uye kuti zuva raJehovha rava pedyo. Asi pachine uprofita huchada kuzadzika zuva iroro rinotyisa risati ratanga here? Hungu. Chokwadi ndechokuti kuparadzaniswa kwevanhu panyaya yoUmambo hakusati kwapera. Mune dzimwe nharaunda umo kutambudzwa kwakanyanya kwazvo kwakaitika kwemakore, iye zvino vadzidzi vatsva vari kuwedzera. Kunyange kuya uko vanhu vanoramba mashoko akanaka, ngoni dzaJehovha dziri kuratidzwa nokupa kwedu uchapupu. Saka basa ngariitwe! Jesu anotivimbisa kuti basa parinopera, mugumo unobva wauya.
13. Sezvakanyorwa pana 1 VaTesaronika 5:2, 3, chiitiko chipi chine zvikuru zvachinoreva chichaitika, uye chicharevei kwatiri?
13 Humwe uprofita hweBhaibheri hune zvikuru zvahunoreva hunofanotaura kuti: “Panguva ipi kana ipi yavanoti: ‘Rugare nokuchengeteka!’ ipapo kuparadzwa kwakamwe kamwe kuchava pavari nokukurumidza sokurwadziwa kwomukadzi ane pamuviri; uye havangambopukunyuki.” (1 VaTesaronika 5:2, 3) Zvichazoonekwa kuti kuzivisa kwokuti “rugare nokuchengeteka” kuchaitwa nenzira ipi. Asi hazvisi kuzomboreva kuti vatungamiriri venyika vagadzirisa zvechokwadi zvinetso zvevanhu. Vaya vanonyatsorangarira zuva raJehovha havazotsauswi nokuzivisa ikoko. Vanoziva kuti nokukurumidza pashure pacho, kuparadzwa kuchangoerekana kwauya.
14. Zviitikoi zvichaitika munguva yokutambudzika kukuru, uye munhevedzano ipi?
14 Pakuvamba kwokutambudzika kukuru, vatongi vachapandukira Bhabhironi Guru, sangano renyika yose rezvitendero zvenhema, uye vachariparadza. (Mateu 24:21; Zvakazarurwa 17:15, 16) Zvadaro, marudzi acharwisana nevaya vanotsigira uchangamire hwaJehovha, vachidenha hasha dzaJehovha dzaanoda kuratidzira hurumende dzenyika nevatsigiri vadzo, zvichiguma nokuparadzwa kwadzo zvachose. Iwayo ndiwo maperero achaita kutambudzika kukuru paAmagedhoni. Ipapo, Satani nemadhimoni ake vachaiswa mugomba rakadzika-dzika, vasingazokwanisizve kunyengedza vanhu. Izvi zvichagumisa zuva raJehovha apo zita rake richakudzwa.—Ezekieri 38:18, 22, 23; Zvakazarurwa 19:11–20:3.
15. Nei kungava kusachenjera kufunga kuti zuva raJehovha richiri kure-kure?
15 Kuguma kwenyika ino kuchauya panguva chaiyo, maererano nourongwa hwaMwari. Hakuzononoki. (Habhakuki 2:3) Rangarira, kuparadzwa kweJerusarema muna 70 C.E. kwakauya nokukurumidza, apo vaJudha vakanga vasingakutarisiri, pavaifunga kuti ngozi yakanga yapfuura. Uye zvakadini neBhabhironi rekare? Rakanga riine simba, riine chivimbo, uye rakatsigirwa nemasvingo makuru. Asi rakawa muusiku humwe. Saizvozvowo, nyika yakaipa iripo zvino ichaparadzwa kamwe-kamwe. Pazvinoitika, ngatiwanikwei takabatana mukunamata kwechokwadi, tanyatsorangarira zuva raJehovha.
Kudzokorora
• Nei zvichikosha kunyatsorangarira zuva raJehovha? Tingaita sei izvozvo?
• Tinobatanidzwa papi mukuparadzaniswa kwevanhu kuri kuitika?
• Chii chichiri mberi chichaitika zuva raJehovha risati ratanga? Saka, tinofanira kunge tichiitei?
[Mifananidzo iri papeji 180, 181]
Nokukurumidza mazuva okupedzisira achaguma nokuparadzwa kwenyika yaSatani