Vechiduku—Muchaitei Noupenyu Hwenyu?
“NDINODA kuwana zvakanakisisa muupenyu.” Anodaro mumwe musikana achiri kuyaruka. Hapana mubvunzo kuti newewo ndizvo zvaunoda. Asi chaizvo unowana sei “zvakanakisisa” muupenyu? Vanyori venhau nevezera rako, pamwe kunyange nevadzidzisi vako, vangati zvinouya nokuwana mari yakawanda uye kuva nebasa repamusoro—kuva munhu akabudirira!
Zvisinei, Bhaibheri rinonyevera vechiduku kuti kudzingana nepfuma kwakangofanana no“kudzingana nemhepo.” (Muparidzi 4:4) Chimwe chikonzero ndechokuti, vechiduku vashoma ndivo vanowana upfumi nomukurumbira. Avo vanozviwana kazhinji zvinovavhiringidza zvikuru. “Rakaita sebhokisi risina chinhu,” anodaro mumwe wechiduku wokuBritain uyo akaita basa repamusoro revakadzidza. “Ukatarisa mukati, unoona musina chinhu.” Chokwadi, basa dzimwe nguva rinogona kuunza pfuma nomukurumbira. Asi harigoni kugutsa ‘zvinodiwa zvako zvomudzimu.’ (Mateu 5:3) Kunze kwaizvozvo, 1 Johani 2:17 inonyevera kuti “nyika iri kupfuura.” Kunyange kudai waizobudirira munyika ino, zvaizongova zvenguva pfupi.
Muparidzi 12:1 nokudaro inonyevera vechiduku kuti: “Yeuka Musiki wako uchiri mudiki.” (Today’s English Version) Hungu nzira yakanakisisa inobvira yokushandisa nayo upenyu hwako ndeyokuita basa raJehovha Mwari. Asi kutanga, unofanira kuve akakodzera kuita basa raMwari. Ungadaro sei? Uye upenyu hwokushumira Mwari hunoda chii?
Kukodzera Kuva Chapupu chaJehovha
Chokutanga, unofanira kuva nechido chokushumira Mwari—uye chido ichocho hachingouyi choga, kunyange kana vabereki vako vari vaKristu. Unofanira kuva noukama hwako pachako naJehovha. “Kunyengetera kunokubatsira kuva noukama hwako pachako naJehovha,” anodaro mumwe musikana wechiduku.—Pisarema 62:8; Jakobho 4:8.
VaRoma 12:2 inoratidza zvimwe zvaunofanira kuita. Inoti: “Zviwanire chiri kuda kwaMwari kwakanaka uye kunogamuchirika uye kwakakwana.” Wakambonzwa usina chokwadi pamusoro pezvimwe zvinhu zvawakadzidziswa here? Kana zvakadaro tevera zvinokurudzirwa neBhaibheri ‘wozviwanira woga’ kana zvinhu izvi zviri zvechokwadi! Tsvakurudza woga. Verenga Bhaibheri nemabhuku anotaura nezveBhaibheri. Zvisinei, kudzidza nezvaMwari hakusi kungoshandisa pfungwa. Imbofungisisa zvaunoverenga kuitira kuti zvidzike mumwoyo wako wokufananidzira. Izvi zvichaita kuti uwedzere kuda Mwari.—Pisarema 1:2, 3.
Tevere, edza kungoudzawo vamwe zvauri kudzidza, zvichida vaunodzidza navo kuchikoro. Kuparidza pasuo nesuo ndiro danho rinotevera. Ungapota uchisangana nevaunodzidza navo kuchikoro paunenge uchiparidza, uye pamwe izvi zvingakutyisa pakutanga. Asi Bhaibheri rinotikurudzira kuti tive vasinga“nyari nemashoko akanaka.” (VaRoma 1:16) Uri kuunza shoko roupenyu netariro! Nei uchifanira kunyara naro?
Zvino, kana vabereki vako vari vaKristu, ungave uchitofamba navo mubasa iri. Asi pane zvaunokwanisa kuita here kunze kwokungomira pamusuo wakanyarara kana kuti kungogovera magazini nematurakiti? Iwe pachako unokwanisa kutaura pasuo here, uchishandisa Bhaibheri kurayira saimba? Kana usingagoni, saka kumbira kuti vabereki vako vakubatsire kana kuti mumwe munhu mukuru ari muungano. Vavarira kuti ukodzere kuva muparidzi asina kubhabhatidzwa wemashoko akanaka!
Nokufamba kwenguva, uchangonzwa wava kuda kuzvitsaurira—kupika kuna Mwari kuti uchamushumira kubva ipapo zvichienda mberi. (VaRoma 12:1) Zvisinei, kuzvitsaurira haisi nyaya yepachivande chete. Mwari anoda kuti vanhu vose ‘vazivise pachena nomuromo kuti vawane ruponeso.’ (VaRoma 10:10) Panguva yokubhabhatidzwa, unotanga kuzivisa nomuromo kutenda kwako. Wozotevera kubhabhatidzwa mumvura. (Mateu 28:19, 20) Ichokwadi kuti kubhabhatidzwa idanho rakakomba. Asi usarega nokuti unofunga kuti ungangokundikana neimwe nzira. Kana uchivimba nesimba raMwari, achakupa “simba rinopfuura romuzvarirwo” kuti akubatsire kumira wakasimba.—2 VaKorinde 4:7; 1 Petro 5:10.
Panguva yokubhabhatidzwa, unova mumwe weZvapupu zvaJehovha. (Isaya 43:10) Izvi zvinofanira kuchinja zvikuru kwazvo mararamire auchaita. Kuzvitsaurira kunosanganisira ‘kuzviramba.’ (Mateu 16:24) Ungasiya zvimwe zvinhu zvawanga uchida kuita nezvawanga uchivavarira ‘wotanga kutsvaka umambo hwaMwari.’ (Mateu 6:33) Kuzvitsaurira nokubhabhatidzwa naizvozvo kunozarura mikana yakawanda yokuita kudaro. Ngationgorore mimwe yacho.
Mikana Yokushumira Mwari Nguva Yakazara
● Kupayona ndomumwe mukana wakadaro. Muparidzi piyona muKristu womuenzaniso wakanaka akabhabhatidzwa akaronga kupedza maawa asiri pasi pe70 mwedzi nomwedzi achiparidza mashoko akanaka. Kupedza nguva yakawedzerwa uri mumunda kuchakubatsira kuva nounyanzvi hwokuparidza nokudzidzisa. Mapiyona mazhinji akawana mufaro wokubatsira vaaidzidza navo Bhaibheri kuti vave Zvapupu zvakabhabhatidzwa. Ibasa ripi renyika ringagona kufadza nokugutsa zvakadaro?
Kuti vawane chokurarama nacho, mapiyona mazhinji ane mabasa okunyika enguva shoma aanoita. Vazhinji vanoronga pachine nguva nokuda kwebasa iri vodzidzira rimwe basa rounyanzvi kuchikoro kana kuti kuvabereki vavo. Kana iwe nevabereki vako muchifunga kuti zvichakubatsira kuti uwedzere kudzidza wabva kusekondari, iva nechokwadi chokuti chinangwa chako hachisi chokuti uwane mari yakawanda, asi kutsigira ushumiri hwako, uye pamwe kushanda somushumiri wenguva yakazara.
Zvisinei, chinhu chikuru muupenyu hwapiyona, harisi basa rake rokunyika, asi ushumiri hwake—kubatsira vamwe kuti vawane upenyu! Wadii kuti kupayona kuve chimwe chezvinhu zvaunoda kuzoita? Kupayona kazhinji kunotungamirira kune dzimwe ropafadzo. Somuenzaniso, mamwe mapiyona anoenda kunodiwa vaparidzi voUmambo vakawanda. Vamwe vanodzidzira mutauro wokumwe voshanda neungano yomunzvimbo yokwavo yomutauro wokumwe kana kuti kutoenda kune imwe nyika. Hungu, kupayona inzira youpenyu ine zvikomborero!
● Chikoro cheBhaibheri chevaKristu Vakaroorana ndomumwe mukana uripo. Chikoro ichi chinodzidzisa vakaroorana kuti vanyatsoshandiswa naJehovha nesangano rake. Vakawanda vanenge vapedza chikoro ichi vanotumirwa kunoshanda munzvimbo dzinodiwa vaparidzi vakawanda munyika yavo. Vamwe vanotumirwa kune dzimwe nyika kana mamiriro avo ezvinhu achivabvumira. Vanenge vapedza chikoro vanogonawo kushanda semapiyona chaiwo kwenguva pfupi kunzvimbo dzisina kumbobvira dzashandwa kana kuti kubatsira kunzvimbo dzinenge dziine vaparidzi vashoma.
● Chikoro cheBhaibheri Chehama Dzisina Kuroora chakavambwa kuti chirovedze vakuru nevashumiri vanoshumira vasina kuroora vakakodzera. Kosi yevhiki sere ine basa rakawanda inodzidzisa nezvemabasa evakuru nevashumiri vanoshumira, sangano, uye kudzidzisa pamberi pevanhu. Vamwe vanogoverwa kushumira vari munyika yavo. Vamwe vanokumbirwa kuti vatore migove yokune dzimwe nyika.
● Basa repaBheteri rinosanganisira kushumira somuzvipiri pane chimwe chezvivako zvemapazi eZvapupu zvaJehovha. Vamwe vemhuri yeBheteri vanoshanda zvakananga kubudisa mabhuku eBhaibheri. Vamwe vanopiwa migove yemabasa okutsigira, zvakadai sokutarisira zvivako nemidziyo kana kuti kutarisira mhuri yeBheteri chaiko. Mabasa ose iropafadzo dzebasa dzvene kuna Jehovha. Pamusoro pazvo, avo vari paBheteri vanofara nokuziva kuti zvose zvavanoita, zvinobatsira nhamba huru yehama dzavo munyika yose.
Dzimwe nguva hama dzine unyanzvi chaihwo dzinokokwa kuzoshanda paBheteri. Zvisinei, vazhinji vanodzidziswa pashure pokunge vasvika. Avo vari paBheteri havashandiri kupfuma asi vanogutsikana nezvokudya zvavanopiwa, pokugara, uye mari shomanana yezvinhu zvavangada. Mumwe wechiduku wemhuri yeBheteri anorondedzera basa rake achiti: “Rakazonaka! Zvinoda kugara zvichitevedzwa hazvisi nyore zvazvo asi ndakawana zvikomborero zvakawanda ndichishumira ndiri pano.”
● Basa renyika yose rinopa munhu mukana wokuvaka zvivako zvemapazi neDzimba dzoUmambo. Vashumiri vomunyika yose, sokudanwa kwavanoitwa, vanofamba vachienda kune dzimwe nyika kuti vanobatsira mubasa rokuvaka rakadaro. Urwu ndorumwe rudzi rwebasa rinoyera, rakafanana nebasa revaya vakavaka temberi yaSoromoni. (1 Madzimambo 8:13-18) Urongwa hwokutarisirwa kwevashumiri vomunyika yose hwakafanana nohwemhuri yeBheteri. Iropafadzo yakadini iyo hama nehanzvadzi idzi dzinayo kushumira mubasa iri kuti Jehovha arumbidzwe!
Shumira Jehovha Nomweya Wose
Kushumira Jehovha ndiyo nzira yakanakisisa yokushandisa nayo upenyu hwako. Wadii kuchiita chinangwa chako kuzoshumira Mwari nguva yakazara? Kurukura basa renguva yakazara nevabereki vako, vakuru vomuungano, uye nomutariri wako wedunhu. Kana uchifarira Bheteri, Chikoro cheBhaibheri Chehama Dzisina Kuroora, kana kuti Chikoro cheBhaibheri chevaKristu Vakaroorana, pinda misangano yevanoda kupinda inoitwa pamagungano edunhu nekokorodzano dzoruwa.
Chokwadi, havasi vose vangakodzera kana kuti vangakwanisa kuzoshumira nguva yakazara. Dzimwe nguva zvinetso zvoutano, mari, nemitoro yemhuri inodzora izvo munhu angaita. Kunyange zvakadaro, vaKristu vose vakabhabhatidzwa vanofanira kuteerera kurayira kunoita Bhaibheri kuti: “Unofanira kuda Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wose nemweya wako wose nepfungwa dzako dzose.” (Mateu 22:37) Jehovha anoda kuti uite zvose zvaunogona izvo upenyu hwako hunokubvumira. Naizvozvo pasinei nemamiriro ezvinhu zvako, ita kuti kushumira Jehovha chive icho chinhu chikuru muupenyu hwako. Zvirongere zvinhu chaizvo zvaunovavarira kuita mukunamata Mwari. Hungu, “yeuka Musiki wako uchiri mudiki”—uye uchakomborerwa nokusingaperi nokuti wakaita kudaro!
Kutoti zvaratidzwa, Magwaro echiHebheru anobva muBhaibheri muNdimi yeUnion Shona nomunyorero mutsva uye Magwaro echiGiriki anobva muShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki. NW zvinoreva New World Translation of the Holy Scriptures.
4/13