RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lr chits. 48 pp. 250-256
  • Nyika Itsva yaMwari Ine Rugare—Unogona Kurarama Mairi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyika Itsva yaMwari Ine Rugare—Unogona Kurarama Mairi
  • Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • Mashoko Akafanana
  • Ungaitei Kuti Urarame Nekusingaperi?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Upenyu Munyika Itsva Ino Rugare
    Upenyu Munyika Itsva Ino Rugare
  • Nyika Itsva Yava Pedyo!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
  • Ndechipi Chiri Chinangwa chaMwari Nokuda Kwapasi?
    Mwari Anodei Kwatiri?
Ona Zvimwe
Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
lr chits. 48 pp. 250-256

CHITSAUKO 48

Nyika Itsva yaMwari Ine Rugare—Unogona Kurarama Mairi

MWARI akaisa Adhamu naEvha mubindu reEdheni. Kunyange zvazvo vakava vasingateereri ndokufa, Mwari akaita kuti zvive zvinobvira kuti vana vavo, kusanganisira isu nhasi, vararame muParadhiso nokusingaperi. Bhaibheri rinopikira kuti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.”—Pisarema 37:29.

Bhaibheri rinotaura pamusoro pe“matenga matsva” ne“pasi idzva.” (Isaya 65:17; 2 Petro 3:13) “Matenga” aripo zvino akaumbwa nehurumende dzevanhu dziripo nhasi, asi Jesu Kristu nevanotonga naye mudenga vachaumba “matenga matsva.” Zvichafadza sei apo aya matenga matsva, ayo ari hurumende yaMwari yakarurama yorugare, achatonga pasi pose!

Saka “nyika itsva,” chii zvino?— Nyika itsva vachava vanhu vakanaka vanoda Jehovha. Unoonaka, Bhaibheri parinotaura nezve“pasi,” dzimwe nguva rinoreva vanhu vanogara pasi pano, kwete nyika pachayo. (Genesisi 11:1; Pisarema 66:4; 96:1) Naizvozvo vanhu vanoumba nyika itsva vachararama pasi pano chaipo.

Nyika yevanhu vakaipa iripo zvino ichave isisipo panguva iyoyo. Yeuka, Mafashamo omuzuva raNoa akatsvaira nyika yevanhu vakaipa. Uye sezvatadzidza, nyika yakaipa iripo zvino ichaparadzwa paAmagedhoni. Ngationei zvino kuti zvichave zvakaita sei kugara munyika itsva yaMwari pashure peAmagedhoni.

Unoda kugara muParadhiso nokusingaperi munyika itsva yaMwari ine rugare here?— Hapana chiremba anogona kutiita kuti tirarame nokusingaperi. Hakuna piritsi richaita kuti tisafe. Nzira imwe bedzi yatinogona kurarama nayo nokusingaperi ndeyokuswedera pedyo naMwari. Uye Mudzidzisi Mukuru anotiudza kuti tingazviita sei.

Ngatitore maBhaibheri edu tovhura pana Johani Chitsauko 17,ndima 3. Pano tinowana mashoko aya oMudzidzisi Mukuru anoti: “Izvi zvinoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo pamusoro penyu, Mwari wechokwadi bedzi, neyowamakatuma, Jesu Kristu.”

Naizvozvo, Jesu akati chii chatinofanira kuita kuti tirarame nokusingaperi?— Kutanga, tinofanira kupinza zivo yaBaba vedu vokudenga, Jehovha, uyewo yoMwanakomana wake, uyo akapa upenyu hwake nokuda kwedu. Izvi zvinoreva kuti tinofanira kudzidza Bhaibheri. Bhuku rino, Dzidza kuMudzidzisi Mukuru, riri kutibatsira kuita izvozvo.

Asi kudzidza nezvaJehovha kuchatibatsira sei kurarama nokusingaperi?— Sokungoda kwatinoita zvokudya mazuva ose, tinofanira kudzidza pamusoro paJehovha mazuva ose. Bhaibheri rinoti: “Munhu anofanira kurarama, kwete nechingwa choga, asi nokutaura kwose kunobuda mumuromo maJehovha.”—Mateu 4:4.

Tinofanirawo kupinza zivo yaJesu Kristu nokuti Mwari akatumira Mwanakomana wake kuzobvisa zvivi zvedu. Bhaibheri rinoti: “Hapana mumwe angaponesa vanhu.” Uye Bhaibheri rinotiwo: “Anotenda muMwanakomana ane upenyu husingaperi.” (Mabasa 4:12; Johani 3:36) Zvinorevei ‘kutenda’ muna Jesu?— Zvinoreva kuti tinonyatsodavira muna Jesu uye tinoziva kuti pasina iye hatigoni kurarama nokusingaperi. Tinodavira kudaro here?— Kana tichidaro, ticharamba tichidzidza pamusoro poMudzidzisi Mukuru mazuva ose, uye tichaita zvaanotaura.

Imwe nzira yakanaka yokudzidza nayo kuMudzidzisi Mukuru ndeyokugara tichiverenga bhuku rino uye kutarisa nokufunga pamusoro pemifananidzo yacho yose. Ona kana uchigona kupindura mibvunzo iri pamwe chete nemifananidzo iyi. Uyewo verenga bhuku racho naamai kana baba vako. Kana vabereki vako vasipo, riverenge nevamwe vanhu vakuru uye nevamwe vana. Zvaisazova zvinofadza here kudai waigona kubatsira vamwe kudzidza pamusoro poMudzidzisi Mukuru uye zvavanofanira kuita kuti vararame nokusingaperi munyika itsva yaMwari?—

Bhaibheri rinotiudza kuti: “Nyika iri kupfuura.” Asi Bhaibheri rinozotsanangura kuti tingararama sei nokusingaperi munyika itsva yaMwari. Rinoti: “Uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.” (1 Johani 2:17) Naizvozvo tingararama sei nokusingaperi munyika itsva yaMwari?— Hungu, nokupinza zivo yaJehovha noMwanakomana wake anodiwa, Jesu. Asi tinofanirawo kuita, zvatinodzidza. Dai kudzidza kwako bhuku rino kukakubatsira kuita zvinhu izvi.

Vabereki nevana vari kunakidzwa vachitamba nemhuka muParadhiso

Sezvaunoverenga Isaya 11:6-9 naIsaya 65:25, unodzidza pamusoro pemhuka dzinogara murugare. Tarira mifananidzo iyi. Ona gwayana, mbudzana, mbada, mhuru, shumba huru, uye vana vari pamwe nazvo. Unoziva here mazita edzimwe mhuka dziri pano idzo Bhaibheri rinotaura?—Ona mukomana uyo ari kutamba nemhungu! Hapana anenge achigara munyika itsva anofanira hake kutya. (Hosiya 2:18) Unofungei pamusoro paizvozvo?—

Vanhu vemarudzi akasiyana-siyana vari kufara munyika itsva

Zvino ona rugare ruri pakati pevanhu vemarudzi ose. Vose vanodanana, seizvo Jesu akati vateveri vake vaizoita. (Johani 13:34, 35) Zvombo zvehondo zviri kuitwa mapadza okurimisa pasi. Bhaibheri rinotaura pamusoro porugare runoshamisa nokuchengeteka izvo vanhu vachanakidzwa nazvo munyika itsva yaMwari. Tinogona kuverenga pamusoro peizvi mumagwaro akadai saPisarema 72:7; Isaya 2:4; 32:16-18; naEzekieri 34:25.

Vanhu vari kuvaka dzimba, vachirima, uye vachinakidzwa nekurarama muParadhiso

Ona vanhu vari papeji ino. Vari kutarisira pasi, vachiriita kuti rive nzvimbo yakanaka. Ona dzimba dzakanaka dzavari kuvaka uye michero nemiriwo zvakanaka zvinoratidzwa pano. Vanhu vari murugare nepasi, naizvozvo rava paradhiso sebindu reEdheni. Tinogona kuverenga pamusoro pezvinhu zvinoshamisa izvi pana Pisarema 67:6; 72:16; Isaya 25:6; 65:21-24; naEzekieri 36:35.

Vanhu vane utano hwakanaka uye vari kufara muParadhiso

Sezvaunoona, pano munhu wose ane utano hwakanaka uye ari kufara. Vanhu vanogona kusvetuka mudenga senondo. Hapana akaremara, bofu, kana kuti anorwara. Uye ona vanhu avo vamutswa kubva kuvakafa! Bhaibheri rinotaura pamusoro pezvinhu izvi pana Isaya 25:8; 33:24; 35:5, 6; Mabasa 24:15; naZvakazarurwa 21:3, 4.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe