RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • gl pp. 6-7
  • Nyika Yemadzitateguru evaIsraeri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyika Yemadzitateguru evaIsraeri
  • ‘Ona Nyika Yakanaka’
  • Mashoko Akafanana
  • B2 Mavambo uye Nzendo Dzemadzitateguru evaIsraeri
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Madzimambo Ane Simba Anorwisa Nyika Yakapikirwa
    ‘Ona Nyika Yakanaka’
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Jehovha ndiMwari “Anopa Rugare”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Ona Zvimwe
‘Ona Nyika Yakanaka’
gl pp. 6-7

Nyika Yemadzitateguru evaIsraeri

STEFANI akatanga rondedzero yake yakakurumbira achitaura nzvimbo dzaitozivikanwa achiti: “[Jehovha] akazviratidza kuna tateguru wedu Abrahamu paakanga ari kuMesopotamiya, asati agara kuHarani, uye akati kwaari, ‘Buda . . . uende kunyika yandichakuratidza.’” (Mab 7:1-4) Aya ndiwo aiva mavambo ezviitiko zvinokosha zvomuNyika Yakapikirwa zvaiva nechokuita naAbrahamu, Isaka, naJakobho, zviitiko zvakabatana nechinangwa chaMwari chokukomborera vanhu.—Ge 12:1-3; Jos 24:3.

Mwari akati Abrahamu (kana kuti Abramu) abude muUri yavaKadheya, guta rakabudirira raiva kumabvazuva kwemahombekombe eRwizi Yufratesi. Abrahamu aizoenda nekupi? Kubva kuKadheya, nharaunda inonziwo Sumeri kana kuti Shinari, zvingadai zvakaita nyore kudai akaenda nekumavirira. Saka akaenderei nekuHarani kure zvakadaro?

Madzibaba (zvayakaita)

Madzibaba (zvayakaita)

Uri yaiva pedyo nekumuganhu wekumabvazuva kwenzvimbo yakazonzi Fertile Crescent, nyika yaibva kuParestina kusvika panotangira rwizi rwaTigirisi nerwaYufratesi. Nzvimbo iyi inofanira kunge yaimbova nzvimbo yaiva neunyoro isinganyanyi kupisa. Nechekumaodzanyemba kwenzvimbo iyi ndiko kune Syro-Arabian Desert, gwenga rine makomo ane matombo nenzvimbo dzakati sandara dzizere jecha. The Encyclopædia Britannica inoti zvaisava nyore kupfuura nemugwenga iri, iro raiva pakati peMediterranean Coast neMesopotamiya. Mamwe mapoka evafambi aigona kubva kuYufratesi achiyambuka kuenda kuTadmori ozoenda kuDhamasiko, asi Abrahamu haana kuenda nemhuri yake nezvipfuwo zvake nomurenje rakadaro.

Pane kudaro, Abrahamu akakwidza nomupata weRwizi Yufuratesi achienda kuHarani. Ava ikoko aigona kutevera nzira yaishandiswa nevatengesi yaipfuura nepaiva negoronga remvura paKakemishi obva ananga kumaodzanyemba achipfuura nemuDhamasiko achienda nekunzvimbo yakazozivikanwa seGungwa reGarireya. Via Maris, kana kuti “Nzira Yemugungwa” yaipfuura nomuMegidho ichienda kuIjipiti. Zvisinei, Abrahamu akafamba nomumakomo eSamariya, achibva azodzika musasa paShekemu. Gare gare akazodzika nekumaodzanyemba achipfuura nemumakomo. Unogona kuona nzvimbo dzaakapfuura nemadziri ukaverenga Genesisi 12:8–13:4. Onawo dzimwe nzvimbo dzaakapfuura nadzo achisangana nezvakasiyana-siyana: Dhani, Dhamasiko, Hobha, Mamre, Sodhoma, Gerari, Bheeri-shebha, neMoriya (Jerusarema).—Ge 14:14-16; 18:1-16; 20:1-18; 21:25-34; 22:1-19.

Kuziva dzimwe nzvimbo kunowedzera kunzwisisa zviitiko zvoupenyu hwaIsaka naJakobho. Somuenzaniso, Abrahamu ari kuBheeri-shebha, akatuma muranda wake kupi kunotsvakira Isaka mudzimai? Kuchamhembe, kuMesopotamiya (kureva, “Nyika Iri Pakati Penzizi”) kuPadhani-aramu. Zvino chifungidzira rwendo rurefu rwaRibheka rwokuenda kuNegebhu ari pangamera, zvimwe pedyo neKadheshi, kunosangana naIsaka.—Ge 24:10, 62-64.

Gare gare mwanakomana wavo Jakobho (Israeri) akaitawo rwendo rurefu kuti anoroora munamati waJehovha. Ava kudzokera kunyika yake, Jakobho akaenda neimwewo nzira. Ayambuka Jabhoki pedyo nePenueri, Jakobho akaita mutsimba nengirozi. (Ge 31:21-25; 32:2, 22-30) Isau akasangana naye munharaunda iyoyo, vachibva vazoenda kunogara kunharaunda dzakasiyana.—Ge 33:1, 15-20.

Madzibaba (Munyika Yakapikirwa)

Madzibaba (Munyika Yakapikirwa)

Mwanasikana waJakobho Dhina abatwa chibharo paShekemu, Jakobho akatamira kuBheteri. Zvisinei, ungafungidzira here kuti vanakomana vaJakobho vainofudzira zvipfuwo zvake kure zvakadini uko Josefa akazovawana? Mepu ino (neiri papeji 18-19) ingakubatsira kuona mufambo uripo pakati peBheteri neDhotani. (Ge 35:1-8; 37:12-17) Vakoma vaJosefa vakamutengesa kuvashambadzi vaienda kuIjipiti. Unofunga kuti vakaenda nenzira ipi pachiitiko ichi chakazoita kuti vaIsraeri vose vaende kuIjipiti uye kubuda kwavakazoita?—Ge 37:25-28.

[Mepu iri papeji 7]

(Kuti uwane mashoko azere, ona bhuku racho)

Nzendo dzaAbrahamu (ona bhuku racho)

Nzendo dzaIsaka (ona bhuku racho)

Nzendo dzaJakobho (ona bhuku racho)

Migwagwa Mikuru (ona bhuku racho)

Madzitateguru (zvayakaita)

A4 GOSHENI

A5 IJIPITI

B4 SHURI

B5 PARANI

C3 Dhamasiko

C3 Dhani (Raishi)

C4 Shekemu

C4 Bheteri

C4 Hebroni (Kiriyati-abha)

C4 Gerari

C4 Bheeri-shebha

C4 SEIRI

C4 Kadheshi

C5 EDHOMU

D1 Kakemishi

D2 Tadmori

D3 Hobha

E1 PADHANI-ARAMU

E1 Harani

F2 MESOPOTAMIYA

G1 Ninivhi

G2 FERTILE CRESCENT

G3 Bhabhironi

H4 KADHEYA

H4 Uri

[Makomo]

C4 Moriya

[Mvura zhinji]

B3 Gungwa reMediterranean (Gungwa Guru)

[Nzizi]

E2 Yufratesi

G2 Tigirisi

Madzitateguru (muNyika Yakapikirwa)

KENANI

Megidho

GIRIYEDHI

Dhotani

Shekemu

Sukoti

Mahanaimu

Penueri

Bheteri (Ruzi)

Ai

Jerusarema (Sarema)

Bhetrehema (Efrati)

Mamre

Hebroni (Makpera)

Gerari

Bheeri-shebha

Sodhomu?

NEGEBHU

Rehobhoti?

Bheeri-rahai-roi

Kadheshi

Migwagwa Mikuru

Via Maris

Mugwagwa waMambo

[Makomo]

Moriya

[Mvura zhinji]

Gungwa Romunyu

[Nzizi nehova]

Jabhoki

Jodhani

[Mufananidzo uri papeji 6]

Rwizi rwaYufratesi pedyo neBhabhironi

[Mufananidzo uri papeji 6]

Abrahamu akagara muBheeri-shebha achifudzira zvipfuwo zvake pedyo naipapo

[Mufananidzo uri papeji 6]

Mupata une rukova weJabhoki

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe