Israeri Nemarudzi Ainge Akaipoteredza
JEHOVHA akaudza Abrahamu kuti: ‘Buda munyika yako [Uri iri muMesopotamiya] uende kunyika yandichakuratidza.’ Nyika iyoyo yaigarwa uye yainge iine marudzi akaipoteredza.—Ge 12:1-3; 15:17-21.
Vanhu vaMwari pavaibuda muIjipiti vaiziva kuti vaigona kurwiswa nevavengi, vakadai ‘semachinda eMoabhi.’ (Eks 15:14, 15) VaAmareki, vaMoabhi, vaAmoni, nevaAmori vaiva munzira yakashandiswa nevaIsraeri kuenda kuNyika Yakapikirwa. (Nu 21:11-13; Dhe 2:17-33; 23:3, 4) Uye vaIsraeri vaizosangana nemamwe marudzi aivavenga munyika yavainge vapikirwa naMwari.
Marudzi Aifanira Kubviswa
Mwari akati vaIsraeri vaifanira ‘kubvisa marudzi ane vanhu vazhinji’ manomwe akanga akakodzera kuparadzwa aiti, vaHiti, vaGigashi, vaAmori, vaKenani, vaPerizi, vaHivhi, nevaJebhusi. Vakanga vakafumuka uye kunamata kwavo kwaisemesa. Vanamwari vavo vaisanganisira Bhaari (aizivikanwa neshongwe dzaifananidzira nhengo yechirume), Moreki (aibayirwa vana), uye Ashtoreti (Astarte) mwarikadzi wembereko.—Dhe 7:1-4; 12:31; Eks 23:23; Re 18:21-25; 20:2-5; Vat 2:11-14; Pis 106:37, 38.
Dzimwe nguva nharaunda yose iyo Mwari akanga achipa vaIsraeri yainzi “Kenani,” kubva kuchamhembe kweSidhoni kusvika “kumupata une rukova weIjipiti.” (Nu 13:2, 21; 34:2-12; Ge 10:19) Pamwe pacho Bhaibheri rinotaura nemazita marudzi akasiyana-siyana, maguta oumambo, kana kuti vanhu vomunyika idzodzo. Mamwe aiva nenzvimbo dzaainyatsogara, akadai sevaFiristiya vaiva pamahombekombe uye vaJebhusi vaiva mumakomo aiva pedyo neJerusarema. (Nu 13:29; Jos 13:3) Vamwe vaichinja nzvimbo dzavaigara nokufamba kwaiita nguva.—Ge 34:1, 2; 49:30; Jos 1:4; 11:3; Vat 1:16, 23-26.
Pakabuda vaIsraeri muIjipiti, kunenge kuti rudzi rwevaAmori ndirwo rwaiva nesimba kudarika mamwe.a (Dhe 1:19-21; Jos 24:15) Vakanga vapamba nyika yevaMoabhi kusvikira kumupata une rukova weAnoni, kunyange zvazvo nharaunda yaiva mhiri kubva Jeriko yakanga ichiri kunzi “mapani erenje eMoabhi.” Madzimambo evaAmori aitongawo Bhashani neGiriyedhi.—Nu 21:21-23, 33-35; 22:1; 33:46-51.
Kunyange zvazvo vaitsigirwa naMwari, vaIsraeri havana kuparadza marudzi ose iwayo aifanira kuparadzwa, ayo akazovatsausa nokufamba kwenguva. (Nu 33:55; Jos 23:13; Vat 2:3; 3:5, 6; 2Mad 21:11) VaIsraeri vakatsauswa pasinei nokuyambirwa kwavakanga vaitwa vachinzi: “Musatevera vamwe vanamwari, chero vanamwari vapi zvavo vemarudzi akakupoteredzai.”—Dhe 6:14; 13:7.
[Mashoko Omuzasi]
a Shoko rokuti ‘muAmori’ raigona kushandiswa sezvaingoitwa rokuti ‘muKenani’ richireva vanhu vose vaigara munyika iyoyo kana kuti dzinza racho chete.—Ge 15:16; 48:22.
[Mepu iri papeji 11]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Marudzi Aifanira Kubviswa Munyika Yakapikirwa
FIRISTIA (D8)
C8 Ashkeroni
C9 Gaza
D8 Ashdhodhi
D8 Gati
D9 Gerari
KENANI (D8)
B10 VAAMAREKI
C12 Hazari-adhari (Adhari?)
C12 Kadheshi (Kadheshi-bhaneya)
D8 Rakishi
D9 Bheeri-shebha
D10 VAAMORI
D11 NEGEBHU
E4 Dhori
E5 Megidho
E5 Taanaki
E6 Afeki
E6 VAHIVHI
E7 VAJEBHUSI
E8 Bheti-shemeshi
E8 Hebroni (Kiriyati-abha)
E9 VAHETI
E9 Dhebhiri
E10 Aradhi (Kenani)
E10 VAKENI
E11 Akrabhimu
F4 VAGIGASHI
F6 Shekemu
F7 VAPERIZI
F7 Girigari
F7 Jeriko
F8 Jerusarema
G2 VAHIVHI
G2 Dhani (Raishi)
G3 Hazori
FENIKIYA (F2)
E2 Tire
F1 Sidhoni
EDHOMU (F12)
F11 SEIRI
G11 Bhozra
VAAMORI (SIHONI) (G8)
G6 GIRIYEDHI
G7 Shitimu
G7 Heshbhoni
G9 Aroeri
SIRIYA (H1)
G1 Bhaari-gadhi
G2 VAHIVHI
I1 Dhamasiko
MOABHI (H10)
VAAMORI (OGI) (I5)
G6 GIRIYEDHI
H3 BHASHANI
H4 Ashtaroti
H4 Edrei
AMONI (I7)
H7 Rabha
[Marenje]
H12 RENJE REARABHIYA
[Makomo]
E4 Gomo reKameri
E11 Gomo reHori
G1 Gomo reHemoni
G8 Gomo reNebho
[Mvura zhinji]
C6 Gungwa reMediterranean (Gungwa Guru)
F9 Gungwa Romunyu
G4 Gungwa reGarireya
[Nzizi nehova]
B11 M.R. weIjipiti
F6 Rwizi rweJodhani
G6 M.R. weJabhoki
G9 M.R. weAnoni
G11 M.R. weZeredhi
[Mifananidzo iri papeji 10]
Kurudyi: Mambo wevaAmori Ogi aitonga Bhashani, yaizivikanwa nokuti yaiva nemombe uye makwai akawanda
Pazasi: Moabhi, ichionekwa iri mhiri kweGungwa Romunyu kana munhu akamira murenje reJudha
[Mufananidzo uri papeji 11]
Jehovha akaudza vaIsraeri kudzinga marudzi ainamata vanamwari venhema, vakadai saBhaari, Moreki, uye mwarikadzi wembereko Ashtoreti (akaratidzwa)