RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • gl pp. 16-17
  • Israeri Mumazuva aDhavhidhi naSoromoni

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Israeri Mumazuva aDhavhidhi naSoromoni
  • ‘Ona Nyika Yakanaka’
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Jehovha Paakamutsa Vatongi’
    ‘Ona Nyika Yakanaka’
  • Nyika Yakapikirwa
    ‘Ona Nyika Yakanaka’
  • Israeri Nemarudzi Ainge Akaipoteredza
    ‘Ona Nyika Yakanaka’
  • Jesu “Munyika yevaJudha”
    ‘Ona Nyika Yakanaka’
Ona Zvimwe
‘Ona Nyika Yakanaka’
gl pp. 16-17

Israeri Mumazuva aDhavhidhi naSoromoni

MWARI akapikira kupa vana vaAbrahamu nyika “kubvira parwizi rweIjipiti kusvikira kurwizi . . . rwaYufratesi.” (Ge 15:18; Eks 23:31; Dhe 1:7, 8; 11:24) Nyika Yakapikirwa haina kusvika kumiganhu iyoyo Joshua achangopinda muKenani asi zvakatozoitika papera makore 400.

Mambo Dhavhidhi akakunda umambo hwevaAramu vekuZobha, uhwo hwaisvika kuna Yufratesi kuchamhembe kweSiriya.a Kubudirira kwakaita Dhavhidhi pakurwisana nevaFiristiya nechekumaodzanyemba kwakaita kuti muganhu usvike kuIjipiti.—2Sa 8:3; 1Mak 18:1-3; 20:4-8; 2Mak 9:26.

Dhavhidhi naSoromoni (migwagwa)

Dhavhidhi naSoromoni (migwagwa)

Miganhu (Nguva yaSoromoni)

Miganhu (Nguva yaSoromoni)

Soromoni akazotonga “kubvira kuRwizi [Yufratesi] kusvikira kunyika yevaFiristiya uye kusvikira kumuganhu weIjipiti,” zvichifanoratidza kutonga kworugare kwaMesiya. (1Mad 4:21-25; 8:65; 1Mak 13:5; Pis 72:8; Zek 9:10) Kunyange zvakadaro, nharaunda yakagara vaIsraeri inowanzonzi yaibva “kuDhani kusvikira kuBheeri-shebha.”—2Sa 3:10; 2Mak 30:5.

Achiita zvakanga zvarambidzwa naMwari, Soromoni akazviunganidzira mabhiza nengoro. (Dhe 17:16; 2Mak 9:25) Aigona kufamba nadzo mumigwagwa mikuru nemiduku. (Jos 2:22; 1Mad 11:29; Isa 7:3; Mt 8:28) Pamigwagwa iyi tine mishomanana chete inonyatsotaurwa muBhaibheri, yakadai ‘semugwagwa mukuru unobva kuBheteri uchienda kuShekemu uye nechokumaodzanyemba kweRebhona.’—Vat 5:6; 21:19.

Bhuku rinonzi The Roads and Highways of Ancient Israel rinoti: “Chakanyanya kuoma pakuongorora pakanga paine migwagwa yemuIsraeri ndechokuti hapana zvinhu zvichiri kuooneka panzira idzi dzinotaurwa muTestamende Yekare, nokuti migwagwa yakanga isinganyatsogadzirwe [panguva iyoyo].” Asi, zvakaita nyika yacho uye zvisaririra zvemaguta akafukunurwa zvinoratidza paienda neyakawanda yemigwagwa yacho.

Mauto aiwanzofamba achitevedza migwagwa. (1Sa 13:17, 18; 2Mad 3:5-8) Kuti varwise vaIsraeri, vaFiristiya vakapfuura nemuEkroni nemuGati vakasvika panharaunda iri “pakati peSoko neAzeka.” Uto raSauro rakasangana navo ipapo “mubani reEraa.” Dhavhidhi auraya Goriyati, vaFiristiya vakatiza vachidzokera kuGati nekuEkroni, uye Dhavhidhi akakwidza kuJerusarema.—1Sa 17:1-54.

Maguta eRakishi (D10), Azeka (D9), neBheti-shemeshi (D9) akanga ari panzira dzaipfuura nomuShefera uye pedyo nezvikomo zveJudhiya. Saka maguta aya aibatsira kudzivisa vavengi vaifamba nemugwagwa weVia Maris kuti vasapinde muIsraeri.—1Sa 6:9, 12; 2Mad 18:13-17.

[Mashoko Omuzasi]

a Nyika yevaRubheni yakasvika kuRenje reSiriya, iro raigumira muna Yufratesi nechekumabvazuva.—1Mak 5:9, 10.

[Mufananidzo uri papeji 16]

MABHUKU EBHAIBHERI AKANYORWA PANGUVA IYI:

1 na2 Samueri

Mapisarema (mamwe mabhuku acho)

Zvirevo (mamwe mabhuku acho)

Rwiyo rwaSoromoni

Muparidzi

[Mepu dziri papeji 17]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Nharaunda Nemigwagwa Munguva Youmambo Hwakabatana

Miganhu (Nguva yaSoromoni)

Tifsa

Hamati

Tadmori

Bherotai (Kuni?)

Sidhoni

Dhamasiko

Tire

Dhani

Jerusarema

Gaza

Aroeri

Bheeri-shebha

Tamari

Eziyoni-gebheri

Erati (Eroti)

[Nzizi nehova]

Yufuratesi

M.R. weIjipiti

Dhavhidhi naSoromoni (migwagwa)

B10 Gaza

C8 Jopa

C9 Ashdhodhi

C10 Ashkeroni

C11 Zikragi

C12 RENJE REPARANI

D5 Dhori

D6 Heferi

D8 Afeki

D8 Rama

D9 Shaaribhimu

D9 Gezeri

D9 Makazi

D9 Ekroni

D9 Bheti-shemeshi

D9 Gati

D9 Azeka

D10 Soko

D10 Adhuramu

D10 Keira

D10 Rakishi

D11 Jatiri

D12 Bheeri-shebha

E2 Tire

E4 Kabhuri

E5 Jokneyamu (Jokmeyamu?)

E5 Megidho

E6 Taanaki

E6 Arubhoti

E7 Piratoni

E8 Rebhona

E8 Zeredha

E8 Bheteri

E9 Bheti-horoni Rezasi

E9 Bheti-horoni Rokumusoro

E9 Gebha

E9 Gibhiyoni

E9 Gibhiya

E9 Kiriyati-jearimu

E9 Nobhi

E9 Bhaari-perazimu

E9 Jerusarema

E9 Bhetrehema

E10 Tekoa

E10 Hebroni

E11 Zifi

E11 Horeshi?

E11 Kameri

E11 Maoni

E11 Eshtemoa

F5 Endori

F5 Shunemi

F5 Jezreeri

F6 Bheti-sheyani

F7 Tiza

F7 Shekemu

F8 Zaretani

F8 Shiro

F8 Ofra?

F9 Jeriko

F11 Eni-gedhi

G2 Abheri-bheti-maaka

G2 Dhani

G3 Hazori

G3 MAAKA

G5 Ro-dhebhari (Dhebhiri)

G5 Rogerimu

G6 Abheri-mehora

G7 Sukoti

G7 Mahanaimu

H1 SIRIYA

H4 GESHURI

H6 Ramoti-giriyedhi

H8 Rabha

H9 Medhebha

H11 Aroeri

H12 MOABHI

I4 Heramu?

I9 AMONI

[Migwagwa Mikuru]

C10 Via Maris

H6 Mugwagwa waMambo

[Makomo]

F5 Gomo reGiribhoa

[Mvura zhinji]

C8 Gungwa reMediterranean (Gungwa Guru)

F10 Gungwa Romunyu (Gungwa Rakafa)

G4 Gungwa reGarireya

[Chitubu kana tsime]

E9 Eni-rogeri

[Mifananidzo iri papeji 16]

Kurudyi: Bani reEraa, makomo eJudha achioneka nechekumabvazuva

Pazasi: Migwagwa yaibatsira pakufamba muNyika Yakapikirwa

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe