RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • gl pp. 28-29
  • Jesu “Munyika yevaJudha”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu “Munyika yevaJudha”
  • ‘Ona Nyika Yakanaka’
  • Mashoko Akafanana
  • Nyika Yakapikirwa
    ‘Ona Nyika Yakanaka’
  • ‘Jehovha Paakamutsa Vatongi’
    ‘Ona Nyika Yakanaka’
  • B10 Israeri Munguva yaJesu
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Israeri Mumazuva aDhavhidhi naSoromoni
    ‘Ona Nyika Yakanaka’
Ona Zvimwe
‘Ona Nyika Yakanaka’
gl pp. 28-29

Jesu “Munyika yevaJudha”

Nyika Yakapikirwa (Munguva yaJesu)

Nyika Yakapikirwa (Munguva yaJesu)

PAAKAPUPURIRA Koneriyasi, muapostora Petro akataura zvakaitwa naJesu “munyika yevaJudha nomuJerusarema.” (Mab 10:39) Unofunga kuti inharaunda dzipi dzakaitirwa naJesu ushumiri hwake hwakaita mbiri?

“Nyika yevaJudha” yaisanganisira Judhiya, uko Jesu akaita basa raMwari. (Ru 4:44) Abhabhatidzwa, Jesu akaita mazuva 40 ari murenje reJudha (kana kuti, Judhiya), nzvimbo yakaoma uye yaisava nevanhu, kwaingowanzosvikwa nevapanduki. (Ru 10:30) Gare gare, achibva Judhiya achikwidza kuchamhembe, Jesu akaparidzira mukadzi weSamariya pedyo neSikari.—Joh 4:3-7.

Patinoongorora Evhangeri tinogona kuona kuti Jesu akanyanya kuparidzira muGarireya. Kunyange zvazvo aienda kumaodzanyemba kuJerusarema kumitambo yegore negore, nguva yakawanda pamakore maviri ekutanga eushumiri hwake ainge ari nechekumusoro muNyika Yakapikirwa. (Joh 7:2-10; 10:22, 23) Somuenzaniso, akataura dzidziso dzake dzakawanda dzinozivikanwa uye akaita zvishamiso zvakawanda ari paGungwa reGarireya kana kuti pedyo naro. Yeuka kuti akadzikamisa madutu pagungwa iri uye akatofamba pariri. Aiparidzira vanhu ari mumagwa pamhenderekedzo yaiva netumatombo yegungwa racho. Vateveri vake vepedyo vokutanga, vaibva mumisha yaiva pedyo yevanhu vairarama nekubata hove nekurima.—Mk 3:7-12; 4:35-41; Ru 5:1-11; Joh 6:16-21; 21:1-19.

Paaiparidzira muGarireya, Jesu aibva muKapenaume, “guta rokwake” raiva pamahombekombe. (Mt 9:1) Akanga ari pachikomo chaiva pedyo paakapa Mharidzo Yepagomo yakakurumbira. Aimboenda neigwa kuMagadhani, Bhetisaidha, kana kuti nzvimbo dzaiva pedyo, achibva kuKapenaume.

Cherechedza kuti “guta rokwake” rakanga risiri kure neNazareta, kwaakakurira; nokuKana, kwaakashandura mvura kuva waini; nokuNaini, kwaakamutsa mwanakomana wechirikadzi; uye kuBhetisaidha, kwaakaita chishamiso chokupa vanhu 5 000 zvokudya uye kwaakasvinudza bofu.

Pashure pePaseka ya32 C.E., Jesu akaenda kumaodzanyemba akananga kuTire neSidhoni, zviteshi zvengarava zvekuFenikiya. Akabva azowedzera ushumiri hwake kune mamwe maguta gumi akanga akawanda vaGiriki ainzi Dhekaporisi. Jesu aiva pedyo neKesariya Firipi (F2) Petro paakazivisa kuti Jesu ndiye Mesiya, uye nguva shomanana izvi zvaitika Jesu akachinja chitarisiko, zvichida paGomo reHemoni. Gare gare, Jesu akaparidza munharaunda yePereya, mhiri kwaJodhani.—Mk 7:24-37; 8:27–9:2; 10:1; Ru 13:22, 33.

Jesu akapedza vhiki yake yokupedzisira pasi pano aine vadzidzi vake ari muJerusarema, “guta raMambo mukuru,” nomunharaunda dzakapoteredza. (Mt 5:35) Pamepu iri papeji inotevera unogona kuwana nzvimbo dzaiva pedyo naro dzawakaverenga muEvhangeri, dzakadai seEmausi, Bhetani, Bhetifage neBheterehema.—Ru 2:4; 19:29; 24:13; ona “Nharaunda yeJerusarema,” papeji 18.

[Mepu iri papeji 29]

(Kana uchida kuona zvayakaita, ona bhuku racho)

Nyika Yomuzuva raJesu (Munguva yaJesu)

Nyika Yomuzuva raJesu

Maguta eDhekaporisi

E5 Hippo(s)

E6 Pera

E6 Scythopolis

F5 Gadhara

F7 Gerasa

G5 Dion

G9 Firadhefiya

H1 Dhamasiko

H4 Raphana

I5 Canatha

Migwagwa Mikuru (Ona bhuku racho)

Nzira Yaiwanzoshandiswa Kubva kuGarireya Kuenda kuJerusarema (Ona bhuku racho)

Imwe Nzira Yaigona Kushandiswa Kubva kuGarireya Kuenda kuJerusarema, Ichipfuura nomuPereya (Ona bhuku racho)

A11 Gaza

B6 Kesariya

B8 Jopa

B9 Ridha

B12 Bheeri-shebha

C4 Toremai

C8 SAMARIYA

C8 Andipatrisi

C8 Arimatiya

C9 Emausi

C10 JUDHIYA

C11 Hebroni

C12 IDHUMEYA

D1 Sidhoni

D2 Tire

D3 FENIKIYA

D4 GARIREYA

D4 Kana

D5 Sepphoris

D5 Nazareta

D5 Naini

D7 Samariya

D7 Sikari

D9 Efremu

D9 Bhetifage

D9 Jerusarema

D9 Bhetani

D10 Bhetrehema

D10 Herodium

D10 RENJE RAJUDHA

D12 Masada

E4 Korazini

E4 Bhetisaidha

E4 Kapenaume

E4 Magadhani

E5 Tibheriyasi

E5 Hippo(s)

E6 Bhetani? (mhiri kweJodhani)

E6 Scythopolis

E6 Pera

E6 Sarimu

E6 Ainoni

E9 Jeriko

F1 ABHIRENE

F2 Kesariya Firipi

F4 Gamala

F5 Abila?

F5 Gadhara

F7 PEREYA

F7 Gerasa

G3 ITUREYA

G5 Dion

G6 DHEKAPORISI

G9 Firadhefiya

H1 Dhamasiko

H3 TIRAKONITISI

H4 Raphana

H12 ARABHIYA

I5 Canatha

[Makomo]

D7 Gomo reEbhari

D7 Gomo reGerizimi

F2 Gomo reHermoni

[Mvura zhinji]

B6 Gungwa reMediterranean (Gungwa Guru)

E4 Gungwa reGarireya

E10 Gungwa Romunyu (Gungwa Rakafa)

[Nzizi]

E7 Rwizi Jodhani

[Zvitubu nematsime]

D7 Tsime raJakobho

[Mufananidzo uri papeji 28]

Gungwa reGarireya. Kapenaume iri kuruboshwe nechekumberi. Patiri kuona apa kumadokero kwakadziva kumaodzanyemba kweBani reGenesareti

[Mufananidzo uri papeji 28]

VaSamariya vainamata paGomo reGerizimu. Gomo reEbhari riri necheseri kwacho

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe