RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • bh p. 197-p. 199 ndim. 2
  • Kuzivisa Kunoita Uprofita hwaDhanieri Kusvika kwaMesiya

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuzivisa Kunoita Uprofita hwaDhanieri Kusvika kwaMesiya
  • Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Mashoko Akafanana
  • Uprofita hwaDhanieri Hwakataura Nezvekuuya kwaMesiya
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
  • Nguva Yokuuya kwaMesiya Inoziviswa
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • “Tawana Mesia”!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • “Tawana Mesiya”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Ona Zvimwe
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
bh p. 197-p. 199 ndim. 2

MASHOKO OKUWEDZERA

Kuzivisa Kunoita Uprofita hwaDhanieri Kusvika kwaMesiya

MUPROFITA Dhanieri akararama makore anopfuura 500 Jesu asati aberekwa. Kunyange zvakadaro, Jehovha akazivisa Dhanieri mashoko aizoita kuti zviite kutaura nguva chaiyo yaizozodzwa Jesu kana kuti yaaizogadzwa, kuti ave Mesiya, kana kuti Kristu. Dhanieri akaudzwa kuti: “Ziva, unzwisise kuti kubvira pachataurwa shoko rokudzorera nokuvakazve Jerusarema kusvikira kuna Mesiya Mutungamiriri, pachava nevhiki nomwe, uye vhiki dzine makumi matanhatu nembiri.”—Dhanieri 9:25.

Kuti tiwane nguva yaizosvika Mesiya, tinofanira kutanga taziva pokutangira kuverenga nguva inozotisvitsa kuna Mesiya. Maererano nouprofita hwacho, inotangira ‘paizotaurwa shoko rokudzorera nokuvakazve Jerusarema.’ ‘Kutaurwa kweshoko’ uku kwakaitika rini? Maererano nomunyori weBhaibheri anonzi Nehemiya, shoko rokunovakazve masvingo okupoteredza Jerusarema rakataurwa “mugore rechimakumi maviri ramambo Atashasta.” (Nehemiya 2:1, 5-8) Vanyori venyaya dzakaitika kare vanosimbisa kuti gore ra474 B.C.E. ndiro raiva gore rizere rokutanga raAtashasta somutongi. Saka, gore rechi20 rokutonga kwake raiva 455 B.C.E. Iye zvino tava nepokutangira uprofita hwaDhanieri hwaiva nechokuita naMesiya, kureva 455 B.C.E.

Dhanieri anoratidza kuti nguva inotisvitsa pakusvika kwa“Mesiya Mutungamiriri” yaizova yakareba zvakadini. Uprofita hwacho hunotaura nezve“vhiki nomwe, uye vhiki dzine makumi matanhatu nembiri”—dzose dzichikwana vhiki 69. Nguva iyi yakareba sei? Shanduro dzeBhaibheri dzinoverengeka dzinoratidza kuti idzi hadzisi vhiki dzemazuva manomwe, asi vhiki dzemakore. Kureva kuti vhiki yoga yoga inomirira makore manomwe. Iyi pfungwa yevhiki dzemakore, kana kuti zvikamu zvemakore manomwe manomwe, yakanga yakajairika kuvaJudha vekare. Somuenzaniso, vaichengeta gore reSabata pagore rechinomwe roga roga. (Eksodho 23:10, 11) Saka, vhiki 69 dzouprofita dzinokwana zvikamu 69, chimwe nechimwe chiine makore 7, kana kuti makore anokwana 483.

Iye zvino changosara kuverenga chete. Kana tikaverenga kubva muna 455 B.C.E., makore 483 anotisvitsa mugore ra29 C.E. Iroro ndiro gore chairo rakabhabhatidzwa Jesu, akava Mesiya!a (Ruka 3:1, 2, 21, 22) Ikoko hakusi kuzadzika kwouprofita hweBhaibheri kunoshamisa here?

[Dhaigiramu/Mifananidzo iri papeji 198]

a Kubva muna 455 B.C.E. kusvika muna 1 B.C.E. pane makore 454. Kubva muna 1 B.C.E. kusvika muna 1 C.E. pane gore rimwe chete (pakanga pasina gore razero). Uye kubva muna 1 C.E. kusvika muna 29 C.E. pane makore 28. Kusanganisa nhamba nhatu idzi kunotipa makore anokwana 483. Jesu ‘akaurayiwa’ muna 33 C.E., muvhiki yemakore yechi70. (Dhanieri 9:24, 26) Ona bhuku rinonzi Fungisisa Uprofita hwaDhanieri! chitsauko 11, uye Insight on the Scriptures, Volume 2, mapeji 899-901. Ose akabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe