RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • bh p. 204-p. 205 ndim. 4
  • Nei vaKristu Vechokwadi Vasingashandisi Muchinjikwa Pakunamata

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei vaKristu Vechokwadi Vasingashandisi Muchinjikwa Pakunamata
  • Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Mashoko Akafanana
  • Ichokwadi Here Kuti Jesu Akafira paMuchinjikwa?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Sei Zvapupu zvaJehovha Zvisingashandisi Muchinjikwa?
    Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
  • Muchinjikwa
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Muchinjikwa
    Mukai!—2017
Ona Zvimwe
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
bh p. 204-p. 205 ndim. 4

MASHOKO OKUWEDZERA

Nei vaKristu Vechokwadi Vasingashandisi Muchinjikwa Pakunamata

MUCHINJIKWA unonamatwa uye unoremekedzwa nemamiriyoni evanhu. The Encyclopædia Britannica inodana muchinjikwa kuti “chiratidzo chikuru chechitendero chechiKristu.” Kunyange zvakadaro, vaKristu vechokwadi havashandisi muchinjikwa pakunamata. Nei?

Chikonzero chinokosha ndechokuti Jesu Kristu haana kufira pamuchinjikwa. Shoko rechiGiriki rinowanzoshandurwa kuti “muchinjikwa” ndistau·rosʹ. Rinongoreva “bango rakatwasuka kana kuti danda.” The Companion Bible rinoti: “Shoko rokuti [stau·rosʹ] harimborevi mapango maviri akachinjikana . . . MuchiGiriki che[Testamende Itsva] hamuna chinotombopa kapfungwa kemapango maviri.”

Mune dzimwe ndima dzinoverengeka, vanyori veBhaibheri vanoshandisa rimwe shoko nokuda kwepakaurayirwa Jesu. Ishoko rechiGiriki rokuti xyʹlon. (Mabasa 5:30; 10:39; 13:29; VaGaratiya 3:13; 1 Petro 2:24) Shoko iri rinongoreva “bango” kana kuti “chimuti, tsvimbo, kana kuti muti.”

Richitsanangura nei dandawo zvaro raiwanzoshandiswa kuurayira vanhu, bhuku rinonzi Das Kreuz und die Kreuzigung (Muchinjikwa uye Kurovererwa paMuchinjikwa), rakanyorwa naHermann Fulda, rinoti: “Miti yakanga isingawaniki pose pose panzvimbo dzaisarudzwa kuti dziurayirwe vanhu, vamwe vachiona. Saka dandawo zvaro raidzikwa muvhu. Vakasimudza maoko mudenga, vanhu vaityora mutemo vaisungirirwa padanda iri kana kuti kurovererwa maoko uye kakawanda makumbo avo airovererwawo.”

Zvisinei, uchapupu hwakasimba kupfuura humwe hwose, hunobva muShoko raMwari. Muapostora Pauro anoti: “Kristu wakatidzikinura pakutuka kwomurayiro, iye akaitwa chakatukwa nokuda kwedu, nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Vakatukwa vose vanoturikwa pamuti!” (VaGaratiya 3:13, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Pano Pauro ari kudzokorora mashoko aDheuteronomio 21:22, 23 ayo anotaura zvakajeka nezvomuti, kwete muchinjikwa. Sezvo kuurayiwa neiyi nzira kwaiita kuti munhu wacho ave “akatukwa,” zvaisazova zvakakodzera kuti vaKristu vashongedze misha yavo nemifananidzo yaKristu akarovererwa.

Hapana uchapupu hwokuti kwemakore 300 okutanga pashure pokufa kwaKristu, vaya vaizviti vaKristu vakashandisa muchinjikwa pakunamata. Zvisinei, muzana remakore rechina, Mambo wechihedheni ainzi Constantine akatendeukira kuchiKristu chakaramba kutenda, akatsigira kuti muchinjikwa uve chiratidzo chechiKristu. Hazvinei kuti Constantine aiva nevavariro dzei, muchinjikwa hauna chokuita naJesu Kristu. Chokwadika, muchinjikwa wakatanga nevahedheni. New Catholic Encyclopedia inobvuma kuti: “Muchinjikwa unowanika mutsika dzaivapo chiKristu chisati chavapo uye mune dzisiri dzechiKristu.” Mamwe mabhuku akasiyana-siyana akabatanidza muchinjikwa nokunamatwa kwezvinhu zvakasikwa uye tsika dzokurara nomumwe munhu dzechihedheni.

Saka, nei ichi chiratidzo chechihedheni chakasimudzirwa? Zviri pachena kuti zvakaitirwa kuti vahedheni vagamuchire “chiKristu” zviri nyore. Kunyange zvakadaro, kuzvipira kuchiratidzo chechihedheni chero chipi zvacho kunoshorwa neBhaibheri zviri pachena. (2 VaKorinde 6:14-18) Magwaro anorambidzawo kunamata zvidhori kwose. (Eksodho 20:4, 5; 1 VaKorinde 10:14) Saka, nechikonzero chakanaka chaizvo, vaKristu vechokwadi havashandisi muchinjikwa pakunamata.a

a Kuti uwane kukurukurwa kwakadzama kwomuchinjikwa, ona mapeji 240-244 ebhuku rinonzi Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe