RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lv chits. 16 pp. 183-195
  • Rwisanai naDhiyabhorosi Nemanomano Ake

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rwisanai naDhiyabhorosi Nemanomano Ake
  • “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • DHIYABHOROSI ‘ANOFAMBA-FAMBA SESHUMBA INODZVOVA’
  • TINORWA “NEMASIMBA EMIDZIMU YAKAIPA”
  • KUITA ZVEMIDZIMU KUPANDUKA
  • MIBVUNZO INOITA KUTI USAVE NECHOKWADI
  • ANOONA ZVATINOFARIRA NEZVATINODA
  • PANOTAURWA NYAYA DZEMADHIMONI
  • Bvuma Kubatsirwa naJehovha Ukunde Satani Nemadhimoni
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Dhiyabhorosi Ndiani?
    Mwari Anodei Kwatiri?
  • Ngwarira—Satani Anoda Kukudya!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Rwisana naDhiyabhorosi
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
Ona Zvimwe
“Rambai Muri Murudo rwaMwari”
lv chits. 16 pp. 183-195
Murume ari kubhabhatidzwa pagungano guru rechiKristu

CHITSAUKO 16

Rwisanai naDhiyabhorosi Nemanomano Ake

“Rwisanai naDhiyabhorosi, uye iye achakutizai.”​—JAKOBHO 4:7.

1, 2. Kubhabhatidzwa kwevanhu kunofadza vanaani?

KANA wava nemakore uchishumira Jehovha, unofanira kunge wanzwa hurukuro dzorubhabhatidzo dzakawanda pamagungano edu. Asi kunyange wakadzinzwa kakawanda, zvichiri kukubatabata paunoona vaya vanenge vakagara nechemberi vachisimuka kuratidza kuti vanoda kubhabhatidzwa. Ipapo vateereri vanonzwa kufara vachiita sevachazvimba maoko nokuombera. Unoita souchabuda misodzi paunoona vamwezve vanhu vachisarudza kutsigira Jehovha. Hakusi kufara kwatinoita pakadaro!

2 Kana isu tichifadzwa nemikana mishoma yatiinayo yekuona vanhu vachibhabhatidzwa, ko kuzoti ngirozi? Ungafungidzira here ‘mufaro unovapo kudenga’ padzinoona zviuru zvevanhu munyika yose zvichiwedzera vhiki imwe neimwe kusangano raJehovha rinooneka? (Ruka 15:7, 10) Hapana mubvunzo kuti ngirozi dzinofara kuona kuwedzera uku!—Hagai 2:7.

DHIYABHOROSI ‘ANOFAMBA-FAMBA SESHUMBA INODZVOVA’

3. Nei Satani ari kufamba “seshumba inodzvova,” uye anoda kuitei?

3 Kusiyana naizvozvo, kune zvisikwa zvemudzimu zvisingafari kuona vanhu ivavo vachibhabhatidzwa. Satani nemadhimoni vanosvotwa kuona zviuru zvevanhu zvichisiya nyika ino yakaora. Havangambotadzi kusvotwa iye Satani akambenge azvikudza achiti hapana munhu anoshumira Jehovha norudo rwechokwadi uye angaramba akatendeka kana zvinhu zvaoma. (Verenga Jobho 2:4, 5.) Pose panosarudza munhu kuzvitsaurira kuna Jehovha, Satani anoratidzwa kuti anonyepa. Zvinoita sokuti Satani ari kumomoterwa nezviuru zvevanhu zvichimushora vhiki imwe neimwe. Ndosaka ‘achifamba-famba seshumba inodzvova, ichitsvaka kudya mumwe munhu’! (1 Petro 5:8) “Shumba” iyi ine shungu dzokuparadza kunamata kwedu, ichiita kuti tikanganise kana kutogura ukama hwedu naMwari.—Pisarema 7:1, 2; 2 Timoti 3:12.

Pose panobhabhatidzwa munhu anenge azvitsaurira kuna Jehovha, Satani anoratidzwa kuti anonyepa

4, 5. (a) Jehovha anotadzisa Satani kuita madiro munzira dzipi mbiri dzinokosha? (b) MuKristu wechokwadi anogona kuva nechokwadi chokutii?

4 Kunyange zvazvo takatarisana nomuvengi anotyisa, hapana chikonzero chokuti tikurirwe nokutya. Nei? Nokuti Jehovha anotadzisa “shumba inodzvova” iyi kuita madiro munzira mbiri dzinokosha. Ndedzipi idzodzo? Yokutanga, Jehovha akatotaura kare kuti “boka guru” revaKristu vechokwadi richapona ‘pakutambudzika kukuru.’ (Zvakazarurwa 7:9, 14) Uprofita hwaMwari haufi hwakakundikana. Saka kunyange Satani anofanira kuziva kuti sesangano, vanhu vaMwari haavagoni.

5 Nzira yechipiri tinoiona pachokwadi chakataurwa nomumwe munhu waMwari aive akatendeka. Muprofita Azariya akati kuna Mambo Asa: “Jehovha anemi chero bedzi imi muinaye.” (2 Makoronike 15:2; verenga 1 VaKorinde 10:13.) Pane mienzaniso yakawanda yakanyorwa inoratidza kuti Satani haana kumbobvira abudirira kuparadza vashumiri vaMwari vairamba vari pedyo naMwari. (VaHebheru 11:4-40) Nhasi, muKristu anoramba ari pedyo naMwari achakwanisa kurwisana naDhiyabhorosi kana kutomukunda. Shoko raMwari rinototivimbisa kuti: “Rwisanai naDhiyabhorosi, uye iye achakutizai.”—Jakobho 4:7.

TINORWA “NEMASIMBA EMIDZIMU YAKAIPA”

6. Satani anotirwisa sei?

6 Satani haakundi hake muhondo yacho, asi anogona kuva nevamwe vaanouraya kana vakasangwarira. Satani anoziva kuti anogona kutiparadza kana akakwanisa kuita kuti ukama hwedu naJehovha huve zinyekenyeke. Anoedza kuzviita sei izvozvo? Nokutirwisa zvakasimba, kurwisa mumwe nomumwe wedu ari oga, uye kushandisa manomano. Ngationgororei nzira idzi dzinonyanya kushandiswa naSatani.

7. Nei Satani ari kurwisa vanhu vaJehovha zvakasimba?

7 Kurwisa zvakasimba. Muapostora Johani akati: “Nyika yose iri musimba reakaipa.” (1 Johani 5:19) Mashoko iwayo ane nyevero kuvaKristu vose vechokwadi. Sezvo Satani akatopedza kare nenyika yose yevanhu vakaipa, iye zvino ava kugona kuisa pfungwa dzake dzose nesimba pakurwisa vaya vakamutiza, kureva vanhu vaJehovha. (Mika 4:1; Johani 15:19; Zvakazarurwa 12:12, 17) Akaguta nehasha nokuti anoziva kuti hapasisina nguva. Saka ari kutowedzera moto zvekuti iye zvino tiri kutarisana noutsinye hwake neumharadzi hwaari kuita kekupedzisira.

8. Muapostora Pauro anorevei paanoti ‘tinorwa’ nemidzimu yakaipa?

8 Kurwisa mumwe nomumwe wedu ari oga. Muapostora Pauro akanyevera vamwe vaKristu achiti: “Hatirwi [muchiGiriki, hatiiti mutsimba] neropa nenyama, asi . . . nemasimba emidzimu yakaipa ari munzvimbo dzomumatenga.” (VaEfeso 6:12) Nei Pauro akashandisa shoko rinoreva mutsimba? Nokuti rinopa pfungwa yokukikiritsana, kurwa makabatana muri pedyo nepedyo. Saka paakashandisa shoko iroro, Pauro aisimbisa kuti mumwe nomumwe wedu ari kurwisana nemidzimu yakaipa ari oga. Tingava tichigara munyika inoitwa zvechidhimoni kana kuti kwete, hatifaniri kukanganwa kuti patakatsaurira upenyu hwedu kuna Jehovha takaita setapinda mudariro rokuita mutsimba. Tingati kubvira paanozvitsaurira, muKristu anopinda muhondo iyoyi. Ndosaka Pauro akaona zvakakosha kuti akurudzire vaKristu vomuEfeso katatu achiti “mirai makasimba”!—VaEfeso 6:11, 13, 14.

9. (a) Nei Satani nemadhimoni vachishandisa nzira dzakasiyana-siyana ‘dzemanomano’? (b) Nei Satani achiedza kukanganisa mafungiro edu, uye tingamurwisa sei? (Ona bhokisi rakanzi “Ngwarira Manomano aSatani!.”) (c) Inzira ipi yemanomano yatava kuzokurukura?

9 Kurwisa nemanomano. Pauro anokurudzira vaKristu kumira vakasimba vachirwa “nemanomano” aSatani. (VaEfeso 6:11) Cherechedza kuti Pauro anoshandisa shoko rinoreva zvinhu zvakawanda. Midzimu yakaipa haishandisi nzira imwe chete asi dzakasiyana-siyana; ine chikonzero chainozviitira. Nokufamba kwenguva, vamwe vatendi vakanga vambomira vakasimba vasangana nomumwe muedzo, vakazodonha vasangana nomumwe wakasiyana newavakambosangana nawo. Saka Dhiyabhorosi nemadhimoni vanonyatsoongorora zvinoitwa nomumwe nomumwe wedu kuti vaone patisina kusimba mune zvokunamata. Vapaona vanobva vati dzawira mutswanda. Asi chazvakanakira ndechokuti tinogona kuziva nzira dzaDhiyabhorosi dzakawanda, nokuti dzinobudiswa pachena neBhaibheri. (2 VaKorinde 2:11) Muzvitsauko zvokutanga zvebhuku rino, takakurukura nzira dzake dzakadai sokukwezva kwepfuma, shamwari dzakaipa, uye unzenza hwepabonde. Iye zvino ngatikurukurei imwezve nzira yemanomano aSatani, kuita zvemidzimu.

KUITA ZVEMIDZIMU KUPANDUKA

10. (a) Kuita zvemidzimu kudii? (b) Jehovha anoona sei kuita zvemidzimu, uye iwe unozviona sei?

10 Kana munhu achiita zvemidzimu, kana kuti zvechidhimoni, anenge achitodyidzana nemidzimu yakaipa. Kuuka, kufembera, kutsinga uye kubvunza vakafa dzimwe nzira dzokuita zvemidzimu. Sezvatinonyatsoziva, vanhu vanoita zvemidzimu “vanosemesa” Jehovha. (Dheuteronomio 18:10-12; Zvakazarurwa 21:8) Sezvo nesuwo tichifanira ‘kusema zvakaipa,’ hazvingamboita kuti titsvake kudyidzana nemidzimu yakaipa. (VaRoma 12:9) Ikoko kungava kupandukira kunonyangadza Baba vedu vokudenga Jehovha!

11. Nei tingati Satani anenge akunda chaizvo kana akatifurira kuti tiite zvemidzimu? Ipa muenzaniso.

11 Zvisinei, Satani ane shungu dzekuti vamwe vedu vaite zvemidzimu nokuti anoziva kuti kuzviita kupandukira Jehovha kwakakura. Pose paanenge afurira munhu kuti aite zvechidhimoni Satani anoziva kuti anenge akunda chaizvo. Nei? Funga nezvomuenzaniso uyu: Kana musoja akanyengetedzwa kuti apanduke osiya chikwata chake achienda kudivi romuvengi, mukuru weuto iroro angafara. Angatomumisa pamberi pevanhu vose achipemberera, kuti asvotese aimbova mukuru womusoja uya anenge apanduka. Ndizvo zvazvinoitawo kana muKristu akatanga kuita zvemidzimu. Anenge apandukira Jehovha nemaune achizviisa pasi poutungamiriri hwaSatani. Funga kupembera kungaita Satani achimisa mupanduki iyeye pamberi pevanhu vose! Ndiani angada kubatsira Dhiyabhorosi kuti akunde zvakadaro? Hapana! Hatisi vapanduki.

MIBVUNZO INOITA KUTI USAVE NECHOKWADI

12. Inzira ipi inoshandiswa naSatani kuita kuti tichinje maonero atinoita zvemidzimu?

12 Satani haabudiriri kushandisa zvemidzimu patiri, chero bedzi tichizvisema. Saka anoziva kuti anofanira kuchinja mafungiro edu. Sei? Anotsvaka nzira dzokuvhiringidza nadzo vaKristu zvokuti vamwe vanosvika pakufunga kuti “zvakanaka zvakaipa uye zvakaipa zvakanaka.” (Isaya 5:20) Kuti aite izvi, Satani anoshandisa imwe nzira yaagara achishandisa kwenguva refu, iya yokuita kuti munhu ave nemibvunzo inoita kuti asava nechokwadi.

13. Satani akashandisa sei mibvunzo kuita kuti vanhu vasava nechokwadi?

13 Cherechedza mashandisiro akaita Satani nzira iyi munguva yakapfuura. MuEdheni akabvunza Evha kuti: “Ichokwadi here kuti Mwari akati hamufaniri kudya miti yose yomumunda?” Munguva yaJobho, pamusangano waiitwa nengirozi kudenga, Satani akabvunza kuti: “Jobho anotya Mwari pasina here?” Uye pakutanga kwoushumiri hwaJesu hwepasi pano, Satani akati kuna Kristu: “Kana uri mwanakomana waMwari, udza matombo aya kuti ave zvingwa.” Pamashoko aakataura kuna Jesu, Satani aitoratidza kusaremekedza zvainge zvataurwa naJehovha mavhiki matanhatu akanga apfuura zvokuti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandafarira.”—Genesisi 3:1; Jobho 1:9; Mateu 3:17; 4:3.

14. (a) Satani anoshandisa sei mibvunzo inoita kuti vanhu vasava nechokwadi nezvemidzimu? (b) Tava kuzokurukura nezvei?

14 Nhasi, Dhiyabhorosi anoshandisa nzira yakadaro achiedza kuita kuti tisava nechokwadi kuti zvemidzimu zvakaipa. Zvinorwadza kuti akatobudirira pakuita kuti vamwe vatendi vasava nechokwadi. Vava kutanga kufunga kuti zvimwe zvinhu zvechidhimoni hazvina kunyanya kuipa. (2 VaKorinde 11:3) Tingabatsira sei vakadaro kuti vagadzirise mafungiro avo? Tingava sei nechokwadi kuti manomano aSatani haatifuriri? Kuti tiwane mhinduro, ngatikurukurei zvinhu zviviri muupenyu zvakashatiswa naSatani nenzira isiri nyore kuona, achizvisanganisa nechidhimoni. Zvinhu izvozvo ivaraidzo uye kurapwa.

ANOONA ZVATINOFARIRA NEZVATINODA

15. (a) Vakawanda kunyika dzokuMadokero vanoona sei zvemidzimu? (b) Vamwe vaKristu vakakanganiswa sei nemaonero anoita nyika zvemidzimu?

15 Munyika dzokuMadokero, vanhu vari kuramba vachiwedzera kusatya zvinhu zvakadai semashiripiti, uroyi, nezvimwe zvinhu zvechidhimoni. Mafirimu, mabhuku, TV, nemitambo yepakombiyuta zviri kuramba zvichiita kuti zvinhu izvi zvionekwe sezvokutamba nazvo, zvinoratidza kuchenjera, uye zvisingakuvadzi. Mamwe mafirimu nemabhuku ane nyaya dzinotaura nezvemashiripiti akurumbira zvokuti vanoafarira vakatoronga makirabhu. Zviri pachena kuti madhimoni akatobudirira pakuita kuti vanhu vaone mashiripiti seasingakuvadzi. Maitiro iwayo okuita zvokutamba nechidhimoni akapindawo muvaKristu here? Vamwe vakatokanganiswa mafungiro avo. Sei? Somuenzaniso, pashure pokuona rimwe firimu remashiripiti, mumwe muKristu akati, “Ndaona firimu racho chete, asi handina kuita zvemidzimu.” Nei mafungiro akadaro aine ngozi?

16. Nei zviine ngozi kusarudza varaidzo inonyanya kutaura zvechidhimoni?

16 Kunyange zvazvo paine musiyano pakuita chidhimoni nokuchiona, zvechokwadi izvi hazvirevi kuti kuchiona hakuna ngozi. Nei? Funga izvi: Shoko raMwari rinoratidza kuti Satani kana madhimoni ake havagoni kuziva zvatinofunga.a Saka, sezvatambokurukura, midzimu yakaipa inocherechedza zviito zvedu, kusanganisira varaidzo yatinosarudza kuti izive zvatiri kufunga uye patisina kusimba mune zvokunamata. Kana zviito zvomuKristu zvichiratidza kuti anofarira mafirimu nemabhuku anotaura nezvemasvikiro, zvitsinga, zvinoitwa nevanhu kana vasvikirwa kana kuti dzimwe nyaya dzakadaro dzechidhimoni, anenge aine zvaari kuudza madhimoni. Anenge ari kutoita kuti madhimoni azive paasina kusimba! Madhimoni anobva asungawo dzosimba pakuita mutsimba nomuKristu iyeye achida kushandisa paya pasina kusimba kuti amurigire pasi oramba akamutsimbirira. Kutaura zvazviri, vamwe vakatanga kufarira zvemidzimu muvaraidzo yainyanya kutaura nezvechidhimoni ndokuzopedzisira vava kuzviita.—Verenga VaGaratiya 6:7.

Mukadzi ari kunyengetera kuna Mwari

Tsigirwa naJehovha paunenge uchirwara

17. Satani angashandisa manomano api pavanhu vanenge vachirwara?

17 Kunze kwokushandisa kufarira kwatinoita varaidzo, Satani anoedzawo kushandisa kuda kwatinoita kurapwa. Sei? MuKristu angaora mwoyo kana utano huchiramba huchimunetsa kunyange aedza zvakasiyana-siyana kuti arapwe. (Mako 5:25, 26) Izvozvo zvinogona kupa Satani nemadhimoni mukana wakanaka wokushandisa. Madhimoni angaedza murwere apererwa kuti atsvake kurapwa pachishandiswa “simba remashiripiti,” kana kuti remidzimu. (Isaya 1:13) Kana manomano iwayo emadhimoni akabudirira, zvingagona kuita kuti ukama hwomurwere naMwari huve zinyekenyeke. Sei?

18. Inzira dzipi dzokurapwa dzingarambwa nomuKristu, uye nei?

18 Jehovha akayambira vaIsraeri vakanga vava kushandisa “simba remashiripiti” achiti: “Pamunotambanudza zvanza zvenyu, ndinokuvanzirai maziso angu. Kunyange mukaita minyengetero mizhinji, handizoteereri.” (Isaya 1:15) Hatidi kuita chero chinhu chingatadzisa minyengetero yedu kunzwiwa kana chingaita kuti Jehovha asatitsigira, zvikurukuru patinenge tichirwara. (Pisarema 41:3) Saka kana zvichiratidza kuti imwe nzira yokuziva nayo chirwere kana kuti yokurapwa nayo ingasanganisira chidhimoni, muKristu wechokwadi anofanira kuramba.b (Mateu 6:13) Kana akadaro achava nechokwadi chokuti Jehovha acharamba achimutsigira.​—Ona bhokisi rakanzi “Kuita Zvemidzimu Zvechokwadi Here?”

KUITA ZVEMIDZIMU ZVECHOKWADI HERE?

Rugwaro rwungakutungamirira: “Mabasa enyama anooneka, uye ndeaya . . . tsika yokuita zvemidzimu, . . . kupesana, kuita tumapoka, . . . Vane tsika yokuita zvinhu zvakadai havazogari nhaka youmambo hwaMwari.”​—VaGaratiya 5:19-21.

Zvibvunze kuti:

  • Pane imwe tsika yandinoita ine chokuita nechitendero chenhema here?—2 VaKorinde 6:16, 17.

  • Pane zvinhu zvandiinazvo zvine chekuita nezvemidzimu here?—Mabasa 19:19.

  • Pane marapirwo andinoitwa anoshandisa zvemashiripiti here?—Revhitiko 19:26.

PANOTAURWA NYAYA DZEMADHIMONI

19. (a) Dhiyabhorosi akafurira vakawanda kuti vafungei nezvesimba rake? (b) VaKristu vechokwadi havafaniri kutaura nyaya dzei?

19 Kunyange zvazvo vakawanda kunyika dzokuMadokero vachitoita zvavo zvokutamba nesimba raSatani, kune dzimwe nyika hazvina kudaro. Kunyika idzodzo Dhiyabhorosi akanyengedza vakawanda kuti vafunge kuti ane simba rinopfuura raainaro chairo. Vamwe vanhu vanorarama vachitya midzimu yakaipa pose pavanenge vari. Nyaya dzinotaurwa nezvesimba remadhimoni hadzizivani. Nyaya dzakadaro dzinowanzotaurwa zvokuti vanhu vanakidzwe nadzo zvisingaiti. Tingaparadzirawo nyaya dzakadaro here? Kwete. Vashumiri vaMwari wechokwadi vane zvikonzero zviviri zvinoita kuti vasaita izvozvo.

20. Munhu angaparadzira sei nhema dzaSatani, zvichida asingazivi?

20 Chokutanga, kana munhu achiparadzira nyaya dzezvakaitwa nemadhimoni anenge achitoita kuti Satani awane vatsigiri vakawanda. Sei? Shoko raMwari rinobvuma kuti Satani anogona kuita mabasa esimba, asi rinonyeverawo kuti anoshandisa “zviratidzo zvenhema” uye “nokunyengera.” (2 VaTesaronika 2:9, 10) Sezvo Satani ari iye munyengeri mukuru, anoziva nzira yokufurira nayo pfungwa dzevaya vanofarira zvemidzimu, uye kuita kuti vabvume zvinhu zvisiri zvechokwadi. Vanhu vakadaro vangatenda nemwoyo wose kuti vane zvavakaona nokunzwa uye vangazvitaura sechokwadi. Nekufamba kwenguva nyaya dzavo dzinopedzisira dzava netunhema padzinoramba dzichitaurwa. Kana muKristu akaparadzira nyaya dzakadaro, anenge ava kuita kuda kwaDhiyabhorosi, “baba venhema.” Anenge achiparadzira nhema dzaSatani.—Johani 8:44; 2 Timoti 2:16.

21. Tinoda kuti nyaya dzedu dzinyanye kuva dzei?

21 Chechipiri, kunyange kana muKristu aine zvaakasangana nazvo zvechokwadi, haangavi netsika yokuvaraidza vamwe vanamati nenyaya dzakadaro. Nei? Tinokurudzirwa kuti ‘tirambe takatarira Mumiririri Mukuru uye Mukwanisi wokutenda kwedu, iye Jesu.’ (VaHebheru 12:2) Saka tinofanira kuisa pfungwa dzedu pana Kristu, kwete pana Satani. Zvakakosha kuziva kuti Jesu paaive pasi pano haana kuvaraidza vadzidzi vake nenyaya dzemadhimoni, kunyange zvazvo aigona kutaura zvakawanda zvinogona nezvisingagoni kuitwa naSatani. Pane kudaro, Jesu akaisa pfungwa dzake pashoko roUmambo. Saka, tichitevedzera Jesu nevaapostora, tinoda kuti nyaya dzedu dzinyanye kuva ‘dzezvinhu zvikuru zvaMwari.’—Mabasa 2:11; Ruka 8:1; VaRoma 1:11, 12.

22. Tingaramba sei tichiita kuti kuve ‘nomufaro kudenga’?

22 Ichokwadi kuti Satani anoshandisa nzira dzakasiyana-siyana dzemanomano, kusanganisira zvemidzimu, kuti aparadze ukama hwedu naJehovha. Zvisinei, kana tichisema zvakaipa uye tichinamatira kune zvakanaka tinoita kuti Dhiyabhorosi asava nomukana wokuderedza chido chakasimba chatiinacho chokusiyana nezvemidzimu zvose. (Verenga VaEfeso 4:27.) Fungidzira ‘mufaro mukuru unovapo kudenga’ kana tikaramba ‘takamira takasimba pakurwisana nemanomano aDhiyabhorosi’ kusvikira aparadzwa!—Ruka 15:7; VaEfeso 6:11.

a Mazita anopiwa Satani achimutsanangura (Mudzivisi, Mucheri, Munyengeri, Muedzi, Murevi Wenhema) haapi pfungwa yokuti anogona kuziva zviri mumwoyo memunhu nemupfungwa. Asi Jehovha anonzi “muongorori wemwoyo,” uye Jesu anonzi “anoongorora itsvo [pfungwa dzomukatikati] nomwoyo.”—Zvirevo 17:3; Zvakazarurwa 2:23.

b Kuti uwane mamwe mashoko, ona nyaya inoti “Muedzo Woutano Nokuda Kwako Here?” iri muNharireyomurindi yaDecember 15, 1994, pamapeji 19-22, uye nyaya inoti “Zvinotaura Bhaibheri: Kurapwa Kwaunosarudza—Kune Basa Here?” iri muMukai! yaJanuary 8, 2001.

NGWARIRA MANOMANO ASATANI!

Satani, nyanzvi yokunyengera, ‘akapofumadza pfungwa dzevasingatendi’ kwezviuru zvemakore. (2 VaKorinde 4:4) Haadzokeriwo shure pakuedza kukanganisa mafungiro evanamati vaMwari. Nei? Satani anonzwisisa kuti mafungiro edu ane simba pane zvatinoita. Anoziva kuti kana akakwanisa kuchinja mafungiro edu anogona kuita kuti tiite zvakaipa.—Jakobho 1:14, 15.

Yeuka nzira yaakanyengera nayo Evha. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Ndinotya kuti zvimwe, sokunyengedzwa kwakaitwa Evha nenyoka nemanomano ayo, pfungwa dzenyu dzingashatiswa dzikabva . . . [pana] Kristu.” (2 VaKorinde 11:3) Satani akashandisa nyoka yakangwara kufurira Evha kuti azvipinze muna taisireva. Akashatisa pfungwa dzaEvha kuti avhiringidze mafungiro ake. Nzira iyoyo yakabudirira. Kuteerera kwakaita Evha kwakaita kuti achinje maonero zvokuti zvinhu zvaairambidzwa zvakatanga kumufadza. Pfungwa dzake padzakangoshatiswa, akava nyore kufuririka kuti apinde muchivi.—Genesisi 3:1-6; Zvakazarurwa 12:9.

Satani haana kuchinja. Nzira yake yaanoshandisa ndiyoyo: Kushatisa pfungwa, chivi chozotevera. Satani akaita kuti zvematongerwo enyika, chitendero, zvokutengeserana, uye varaidzo zvirongwe zvokuti zviparadzire nhema dzake. (Johani 14:30) Akabudirira kuvhiringidza mafungiro oruzhinji rwevanhu, achichinja maitiro avo nemaonero avo. Tsika dzaimboonekwa sokuita zvivi, dzakadai soungochani, kubika mapoto, kuita vana pasina kuroorana, dzava kuonekwa sedzisina kuipa, uye vamwe vanotozvida. Satani akabudirira zvakadii pakutsausa vanhu? Bhaibheri rinoti: “Nyika yose iri musimba reakaipa.”—1 Johani 5:19.

Kunyange isu vaKristu tinogona kuedzwawo nenzira idzi dzinoshandiswa naSatani. (1 VaKorinde 10:12) Zvaari kuziva kuti asarirwa nenguva pfupi, Satani “akatsamwa kwazvo” uye anonyanya kuda kutsausa vanhu vaMwari. (Zvakazarurwa 12:12) Kana tikasangwarira, mashoko aSatani anoparadzirwa seakanaka uye ‘vanyengeri’ vaanoshandisa zvinogona kushatisa mafungiro edu zvoita kuti tiite chivi.—Tito 1:10.

Somuenzaniso, funga maonero anoita nyika nyaya yewanano. Bhaibheri rinodzidzisa kuti kuroorana kutsvene, uye kunoda kuti vanhu vazvipire kwoupenyu hwose. (Mateu 19:5, 6, 9) Mafirimu enyika neTV zvinoita kuti wanano ionekwe sechibvumirano chisingakoshi chinongosiyiwa munhu paanenge adira. Isu vaKristu tinoda kungwarira kuti nhema dzaSatani dzisashatise mafungiro edu. Zvikasadzorwa, zvinhu izvi zvinogona kukanganisa maonero edu zvoderedza kuzvipira kwatakaita kune watakaroorana naye. Kana mumba mukava nokusanzwisisana, tinogona kuva nomuedzo wokutsvaka kunyaradzwa uye kutsigirwa nomunhu watisina kuroorana naye. Pasina nguva mumwe munhu, zvichida watinoshanda naye kana mumwe watinonamata naye, angaita sokunge ndiye anonzwisisa. Tikangorega zvichienderera, tinogona kuerekana tapinda muchivi.

Mumwe muenzaniso wokufunga nezvawo ndewemaitiro okusada kutongwa akazara munyika yaSatani. Vakawanda “vakaoma musoro, [uye] vanozvitutumadza nokuda kwokudada.” (2 Timoti 3:4) Kana maitiro iwayo akashatisa mafungiro edu, zvinobva zvakanganisa maonero atinoita kuzviisa pasi uye kuteerera. Hama ikapindwa nemafungiro aya, ingashora zano revakuru. (VaHebheru 12:5) Hanzvadzi ingatanga kusava nechokwadi nourongwa hwaMwari hwokuti murume ndiye musoro.—1 VaKorinde 11:3.

Tinoonga kuti Jehovha anotinyevera nezvenzira dzaSatani. (2 VaKorinde 2:11) Ngatisamborega nhema dzaSatani dzichipinda mupfungwa dzedu. Kuti tirambe tiri murudo rwaMwari, ‘pfungwa dzedu ngadzirambe dziri pazvinhu zviri kumusoro.’—VaKorose 3:2.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe