CHITSAUKO 12
Makuhwa Akaipirei?
“Pane imwe nguva ndakaenda kupati uye zuva rakatevera racho guhwa rakanga rapararira rokuti ndakanga ndarara nomumwe wevakomana vaivako. Ikoko kwaiva kunyepa chaiko!”—Linda.
“Dzimwe nguva ndinonzwa guhwa rokuti ndiri kufambidzana nomumwe munhu—munhu wandisingatombozivi! Vanhu vakawanda vanoita makuhwa havatomborina basa nokuti zvavari kutaura ndezvechokwadi here.”—Mike.
MAKUHWA angaita sokuti upenyu hwako hwakazara nezvinetso kunge zvevanhu vomufirimu. Ingobvunza Amber ane makore 19. Anoti “Ndagara ndinongoitirwa makuhwa. Ndainzi ndine nhumbu, ndine dzandakambobvisa, uye kuti ndaitenga nokutengesa zvinodhaka uye ndaizvishandisa. Nei vanhu vaitaura zvinhu izvi nezvangu? Chokwadi handizivi!”
Sezvo zviri nyore kutumira tsamba nekombiyuta, mukomana kana kuti musikana anenge aine vavariro yakaipa angakanganisa mukurumbira wako asina kana shoko raamboti bufu. Zvinongoda kuti munhu atayipe mashoko mashomanana kuti atumire makuhwa akashata kune vanhu vakawanda vanoda kuagamuchira! Mune zvimwe zviitiko, nzvimbo yokubudisira mashoko paIndaneti yakatogadzirwa kuitira kunyadzisa mumwe munhu. Kazhinji, madhayari anenge ari paIndaneti anenge akazara nemakuhwa asingataurwi nomuromo.
Asi nguva dzose zvakaipa here kutaura nezvevamwe? Pane here chinonzi . . .
Makuhwa Akanaka?
Maka zvinotevera kuti chokwadi kana kuti nhema.
Makuhwa akaipa nguva dzose. □ Chokwadi □ Nhema
Ndeipi mhinduro yakarurama? Kutaura zvazviri, zvinoenderana nokuti chii chaunoti “makuhwa.” Kana shoko iri richireva kungotaurawo zvako nezvevamwe, pangava nedzimwe nguva pazvinenge zvakanaka. Handiti Bhaibheri rinotiudza kuti “farirai zvinoitika muupenyu hwevamwe.” (VaFiripi 2:4, New Century Version) Hazvirevi kuti tinofanira kupindira munyaya dzisinei nesu. (1 Petro 4:15) Asi kutaura zvinoitika muupenyu kunopa mashoko anobatsira akadai sokuti ndiani ari kuchata kana kuti ndiani ava nemwana. Kutaura chokwadi, hatingati tinofarira vanhu kana tisingambotauri nezvavo!
Zvisinei, zviri nyore kuti kungotaura zvinoitika muupenyu hwevamwe kugume kwava makuhwa akashata. Somuenzaniso, kungotaura kuti “Tawanda naRudo vanoenderana,” zvinogona kuguma zvava kunzi “Tawanda naRudo vari kudanana” kunyange zvazvo ivo vasina chavanoziva nezvazvo. Kana usiri Tawanda kana kuti Rudo ungati ‘hapana nyaya apa!’
Julie, ane makore 18, akamboitirwa makuhwa akadaro, uye zvakamurwadza. Anoti, “Zvakandigumbura, uye zvakaita kuti ndizengurire kuvimba nevamwe.” Jane ane makore 19 akasanganawo nazvo. “Ndakapedzisira ndisingachatauri nomukomana wandainzi ndinodanana naye,” anodaro, uye anowedzera kuti, “Zvakanga zvisingafaniri kudaro, nokuti taingova shamwari uye ndaifunga kuti taigona kutaura pasina makuhwa aizomuka!”
Dzora Rurimi Rwako
Ungadzora sei rurimi rwako paunenge waedzwa kuti uite makuhwa? Kuti upindure mubvunzo uyu, chimbofunga nezvounyanzvi hunodiwa pakutyaira mumugwagwa unofamba motokari dzakawanda. Usingafungiri, chimwe chinhu chingaitika chingada kuti uchinje divi raunenge uchifambira, ufambe zvishoma kuti dzimwe dzipfuure, kana kuti utomira. Kana wakamuka, unoona zviri mberi woita maererano nezvinodiwa.
Ndizvo zvazvinoitawo nokukurukurirana. Kazhinji zvinooneka kana kukurukurirana kwava kuzova makuhwa akaipa. Kana zvikadaro, ungachinja here nyaya yacho nounyanzvi? Ukasadaro, ziva kuti makuhwa anokuvadza. Mike anoti, “Ndakataura zvakaipa nezvomumwe musikana ndichiti aiva jengavakomana uye zvakasvika munzeve dzake. Handimbofi ndakakanganwa inzwi rake paakauya kuzondibvunza uye kurwadziwa kwaaiitwa nokurasa muromo kwandakanga ndaita. Takayanana, asi zvakaramba zvichingondinetsa kuziva kuti ndakanga ndarwadzisa mumwe munhu zvakadaro!”
Hapana mubvunzo kuti mashoko anogona kukuvadza. Kunyange Bhaibheri rinobvuma kuti “kune munhu anotaura asingafungi zvinobaya sezvinoita bakatwa.” (Zvirevo 12:18) Ndosaka uchifanira kunyatsofunga usati wataura! Chokwadi, zvingada kuti uzvidzore kuti ugumise kutaura kunonakidza nezvomumwe munhu. Zvisinei, zvakafanana nezvinotaurwa naCarolyn ane makore 17, kuti: “Unofanira kungwarira zvaunotaura. Kana usina chokwadi nazvo, ungave uri kuparadzira nhema.” Saka nezvemakuhwa angangokuvadza, shandisa zano romuapostora Pauro ‘rokuvavarira kugara wakanyarara, uchiva nehanya nezvinhu zvako woga.’—1 VaTesaronika 4:11.
Ungaratidza sei kuti une hanya nevamwe asi usingapindiri muzvinhu zvavo? Usati wataura nezvomumwe munhu, zvibvunze kuti: ‘Chaizvoizvo, ndine chokwadi nazvo here? Chinangwa changu pakuzvitaura ndechei? Kutaura kwangu makuhwa kunokanganisa sei mukurumbira wangu?’ Mubvunzo wokupedzisira uyu unokosha nokuti kuzivikanwa somunhu ane makuhwa kunobudisa pachena zvauri kupfuura munhu ari kutaurwa nezvake.
Kana Uri Iwe Waitirwa Makuhwa
Ungaita sei kana uri iwe waitirwa makuhwa? “Usakurumidza kugumbuka,” inonyevera kudaro Muparidzi 7:9. Pane kudaro, edza kuona nyaya yacho sezvairi. Bhaibheri rinoti: “Mwoyo wako ngaurege kuva nehanya nemashoko ose angataurwa nevanhu, . . . nokuti mwoyo wako unonyatsoziva kuti kazhinji, iwe wakatukawo vamwe.”—Muparidzi 7:21, 22.
Chokwadi, hapana kuzvipembedza kwaungaita pamakuhwa anokuvadza. Asi kunyanya kugumbuka kungatonyanya kushatisa mukurumbira wako kupfuura zvaizoita guhwa racho! Saka wadii kuva nemaonero akabatsira Renee? Anoti, “Ndinowanzorwadziwa mumwe munhu paanotaura chimwe chinhu chakaipa nezvangu, asi ndinoedza kuona zvinhu sezvazviri. Ndiri kureva kuti, vhiki inotevera vanenge vava kutotaura nezvomumwe munhu kana kuti chimwewo chinhu.”a
Saka ngwarira kuti udzore zvamunokurukura kuti zvisava makuhwa anokuvadza. Uye kana kutaura kwakaipa kuchibatanidza iwe, usanyanya kugumbuka. Mabasa ako akanaka ngaakupupurire. (1 Petro 2:12) Kana ukadaro, uchabatsira pakuchengetedza ukama hwakanaka nevamwe uye kuramba uine ukama hwakanaka naMwari.
[Mashoko Omuzasi]
a Dzimwe nguva kungava kuchenjera kutaura nokungwarira nomunhu anenge akakuitira makuhwa. Zvisinei, kazhinji kacho, zvingava zvisina hazvo basa nokuti “rudo runofukidza zvivi zvizhinji.”—1 Petro 4:8.
RUGWARO RUNOBUDISA PFUNGWA HURU
“Munhu anorinda muromo wake anochengeta mweya wake. Munhu anoshama miromo yake kwazvo—achaparadzwa.”—Zvirevo 13:3.
ZANO
Kana ukanzwa mumwe munhu achinyeyewa, ungati: “Ini hangu handidi kutaura nezvazvo. Uyezve, iye haapo kuti azvipindurire.”
WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?
Kungoteerera makuhwa kungaita kuti ubatanidzwewo maari. Kana ukabvumira munhu anotaura makuhwa kuti aenderere mberi, unenge uchiita kuti mashoko akurumidze kupararira!
ZVANDINORONGA KUITA!
Nguva inotevera ndikava pamuedzo wokuparadzira makuhwa, ndicha- ․․․․․
Kana zvinhu zvakaipa zvikataurwa nezvangu, ndichagadzirisa mamiriro acho ezvinhu noku- ․․․․․
Izvi ndizvo zvandingada kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․
UNOFUNGEI?
● Ndirini pazvakakodzera kutaura nezvevamwe?
● Wakamboitirwa makuhwa here, kana zvakadaro, zvakakudzidzisei?
● Kuparadzira makuhwa pamusoro pevamwe kungakanganisa sei mukurumbira wako?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 107]
“Ndakadzidza chidzidzo munhu wandakaitira makuhwa paakazviziva ndokubva andibvunza. Pakanga pasina manzvengero enyaya yacho! Ndakanyatsodzidza kuti zviri nani kutaura chokwadi nezvomumwe munhu pane kumurima!’’—Paula
[Mufananidzo uri papeji 108]
Makuhwa anokuvadza akafanana nechombo chine ngozi chinogona kuparadza mukurumbira womumwe munhu