RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 23
  • Ndodii Kana Vanhu Vachindinyeya?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndodii Kana Vanhu Vachindinyeya?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Sei zvichirwadza?
  • Haukwanisi kuvhara miromo yevanhu
  • Nyangwe ukacherwa, hapana chaunobva
  • Makuhwa Akaipirei?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Guhwa Rakanyanyoipirei?
    Mukai!—1999
  • Ndingamisa sei Makuhwa?
    Mukai!—2007
  • Dzivisa Guhwa!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 23

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndodii Kana Vanhu Vachindinyeya?

  • Mibvunzo ine chokuita nemakuhwa

  • Sei zvichirwadza?

  • Haukwanisi kuvhara miromo yevanhu

  • Nyangwe ukacherwa, hapana chaunobva

Mibvunzo ine chokuita nemakuhwa

  1. Waziva kuti shamwari yako iri kukuchera nerweseri. Zviri nyore here kungosiyana nazvo?

    • Hongu

    • Zvakandiomera

    • Handitombokwanisi

  2. Waziva kuti shamwari yako iri kukuchera nerweseri. Zviri nyore here kuenda kwairi monotaurirana zvakanaka-naka kuti mugadzirise dambudziko racho?

    • Hongu

    • Zvakandiomera

    • Handitombokwanisi

  3. Waziva kuti shamwari yako iri kukuchera nerweseri uye iwe unewo zvaunoziva nezveshamwari yako zvokuti ukaudza vamwe vanonakidzwa nazvo asi shamwari yako inogona kurwadziwa nazvo ikazvinzwa. Zviri nyore here kuti usatsiva?

    • Hongu

    • Zvakandiomera

    • Handitombokwanisi

Kana pane mubvunzo wawapindura kuti “zvakandiomera” kana kuti “handitombokwanisi,” nyaya ino ichakubatsira kuti uone zvaungaita kana wacherwa.

Sei zvichirwadza?

Kumwe kuchera ndekwekuda kukuvadza munhu, somuenzaniso kunogona kunge kuri kunyepa nechinangwa chokuda kusvibisa zita rako. Kunyange kana kuchera kwacho kusina hako kunyanya kuipa, kwagara kunorwadza, kunyanya kana akuchera wacho ari munhu waunovimba naye!—Pisarema 55:12-14.

“Ndakanzwa kuti shamwari yangu yakanga ichindichera nerweseri ichinditi handina hanya nevanhu. Kutaura chokwadi ndakarwadziwa! Ndakatadza kuziva kuti chii chakaita kuti ataure zvinhu zvakaita saizvozvo.”—Ashley.

Chokwadi chisingarambiki: Pasinei nokuti munhu wacho akuchera ishamwari yako here kana kuti kwete, hazvinakidzi kuti vanhu vataure zvakaipa nezvako.

Haukwanisi kuvhara miromo yevanhu

Vanhu vanogona kutaura nezvako pamusana pezvikonzero zvakasiyana-siyana. Zvimwe zvacho ndeizvi:

Kukuitira hanya. Vanhu vakasikwa vachida kushamwaridzana nevamwe. Ndokusaka tichida kutaura nevamwe kana kutaura pamusoro pevamwe vanhu. Bhaibheri pacharo rinotokurudzira kuti tive “nehanya” nevamwe.—VaFiripi 2:4.

“Nguva dzose vanhu ndivo vanonakidza kutaura nezvavo!”—Bianca.

“Kutaura chokwadi, ndinoda kuziva zviri kuitika muupenyu hwevamwe vanhu ndobva ndataura nezvazvo kune vamwe. Kuti nditi ndinenge ndichizviitirei, handitombozivi, ndinongonzwa kunakidzwa nazvo.”—Katie.

Kushaya zvokuita. Panguva dzakanyorwa Bhaibheri, kwaiva nevanhu vaipedza “nguva yavo yokuzorora pasina chavaiita asi vachitaura kana kuteerera chimwe chinhu chitsva.” (Mabasa 17:21) Ndizvo zvinoitikawo mazuva ano!

“Dzimwe nguva kana pasina nyaya inonakidza iri kuitika, vanhu vanototi vatsvake zvimwe zvinhu kuti vawane zvokutaura.”​—Joanna.

Kungotyira zvimwe zvinhu. Bhaibheri rine chikonzero chakanaka parinotinyevera kuti tisazvienzanisa nevamwe. (VaGaratiya 6:4) Vamwe vanhu kana vane zvavari kutyira vanotanga kunyeya vamwe.

“Kazhinji kuchera mumwe munhu kunoratidza chimwe chinhu nezvemunhu ari kuchera wacho. Kakawanda kacho munhu ari kunyeya anenge aine godo nechomumwoyo nezvemunhu waari kunyeya. Anofambisa mashoko enhema achiitira kuti vamwe vamuone somunhu akanaka.”​—Phil.

Chokwadi chisingarambiki: Uchida usingadi, vanhu vachatotaura chete nezvevamwe vanhu kusanganisira iwe.

Nyangwe ukacherwa, hapana chaunobva

Hazviiti hazvo kuti uvhare miromo yevanhu kuti vasataura nezvako, asi une zvaunogona kuita pane zvaunenge wanzwa. Kana ukanzwa kuti pane guhwa riri kufamba rine chokuita newe, une zvinhu zviviri zvaunogona kuita.

CHOKUTANGA: Siyana nazvo. Kazhinji kacho, kana iri nyaya duku zviri nani kuti ungosiyana nayo. Shandisa zano iri reBhaibheri rinoti: “Usakurumidza kugumbuka.”—Muparidzi 7:9.

“Pane nyaya yakafamba yaiti ndiri kudanana nomumwe mukomana uyo wandakanga ndisati ndatomboona! Ndakanyatsoti uku ndokupenga chaiko, ndikabva ndangosiyana nazvo.”​—Elise.

“Kuva netsika dzakanaka kunoita kuti guhwa ranga richifamba rishaye basa. Vanhu vakawanda vachaona kuti dzanga dziri nhema. Chokwadi chinozongobuda pachena.”​—Allison.

Zano: Nyora (1) guhwa rakataurwa nezvako uye (2) kuti zvakaita kuti unzwe sei. Kana ukaregerera munhu wacho mumwoyo mako zvichakuitira nyore kubva wangosiyana nazvo.​—Pisarema 4:4.

CHECHIPIRI: Taura nemunhu wacho akakuitira guhwa. Pane dzimwe nguva, unogona kuona kuti guhwa racho rakaipa zvokuti unofanira kutaura nemunhu akaritanga.

“Kana ukataura nevanhu vanenge vakuitira makuhwa, vachapedzisira vaona kuti zvavanotaura zvinopedzisira zvasvika munzeve dzako. Uyezve munogona kubva mataurirana nyaya yacho yopera guhwa rorega kuramba richifamba.”​—Elise.

Usati wataura nemunhu anenge akuitira makuhwa, funga zvinotevera zvinotaurwa neBhaibheri uye mibvunzo iri pasi apa.

  • “Kana munhu achipindura nyaya asati ainzwa, ihwohwo upenzi.” (Zvirevo 18:13) ‘Ndine chokwadi here nenyaya iyi? Kungava here kuti munhu andiudza nyaya iyi ndiye asina kunyatsonzwisisa zvaakaudzwa?’

  • ‘Kurumidza kunzwa, unonoke kutaura, unonoke kuva nehasha.’ (Jakobho 1:19) ‘Ino ndiyo here nguva yakanakisisa yokuti ndinotaura nemunhu akatanga guhwa iri? Matauriro andiri kuda kunoita akarurama here? Hazvingavi nani here kuti ndimboti mirei hasha dzitange dzaserera?’

  • ‘Itira vamwe zvaunoda kuti vakuitirewo.’ (Mateu 7:12, Bhaibheri Dzvene MuChishona Chanhasi) ‘Dai kuri kuti ndini ndaita guhwa racho, ndaizoda kuti munhu wacho auye kuzotaura neni sei? Ndaizoda kuti nyaya iyi igadziriswe sei? Mashoko api anganyatsoshanda uye ndinofanira kuzvibata sei patinenge tichitaurirana?’

Zano: Usati waenda kunotaura nomunhu akakuitira guhwa, nyora pasi zvauri kufunga kuzotaura. Chimira kwevhiki imwe kana mbiri wobva waverenga zvawakanyora woona kana pane zvaungada kugadzirisa. Uyewo taura zvauri kufunga nevabereki vako kana kuti nemumwe munhu mukuru wonzwawo mazano avo.

Chokwadi chisingarambiki: Kungofanana nezvimwe zvinhu zvinoitika muupenyu, makuhwa ndicho chimwe chinhu chausingakwanisi kumisa. Asi hazvirevi kuti ukacherwa wotonetseka zvokushaya hope!

ZVINOTAURWA NEVEZERA RAKO

“Mamwe makuhwa haana kunyanya kuipa asi mamwe anotokuvadza. Kana zvisina hazvo kunyanya kuipa ingosiyana nazvo. Asi kana achikuvadza uye achisvibisa zita rako unofanira kuenda kunotaura nomunhu akazvitanga.”—Brianna.

“Kana vanhu vakatanga kukunyeya, iwe rega kudzorera nokuvanyeyawo kana kutaura zvakaipa pamusoro pavo. Nokuti ukadaro unenge wava kuita zvinhu zvaunoti iwe hauzvifariri.”—Olivia.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe