CHITSAUKO 18
Ndingaita Mari Sei?
“Ndinoda mari yokutenga motokari.”—Sergio.
“Ndinofarira zvokutenga-tenga.”—Laurie-Ann.
“Pane zvinhu zvakanaka chaizvo, uye ndinoda kuva nazvo; asi vabereki vangu havakwanisi kuzvitenga.”—Mike.
UNGAVA nezvikonzero zvakafanana zvokuda kubata mari. Kana kuti unoda kuita mari yokuti ubatsire kuriritira mhuri yenyu. Kunyange kana usingabhadhari zvimwe zvinhu zvinoshandiswa pamba, kuzvitengera mbatya kana kuti zvimwe zvinhu kungarerutsira vabereki vako pazvinhu zvine chokuita nemari.
Chero zvazvingava, zvinoda mari kuti uzviwanire zvinhu zvako kana kuti zvemhuri yenyu. Kunyange zvazvo Jesu akavimbisa kuti Mwari aizogovera vaya ‘vanotanga kutsvaka Umambo hwaMwari,’ muKristu anofanira kuita chimwe chinhu kuti azviriritire. (Mateu 6:33; Mabasa 18:1-3; 2 VaTesaronika 3:10) Saka ungaita mari sei? Uye zvinotonyanya kukosha, ungaramba sei uchiiona zviri pakati nepakati?
Mawaniro Aungaita Basa
Kana uchinyatsoda chimwe chinhu chisingagoni kutengwa nevabereki vako, ungatsvaka basa kuti uwane mari inokwana kuchitenga. Taura nevabereki vako nezvazvo. Vangafarira zvaunenge wafunga kuita. Kuri kuti vanobvuma uye kuti zvinobvumirwa nomutemo kuti ushande, heano mazano mana anokubatsira kuwana basa.
Fambisa shoko racho. Udza vavakidzani vako, vadzidzisi uye hama kuti uri kutsvaka basa. Kana uchinyara kuvabvunza zvakananga, ungangovabvunza kuti vaiita basa rei pavakanga vari pazera rako. Kana vanhu vakawanda vakaziva kuti uri kutsvaka basa, panova nemikana yakawanda yokuti uzive kwarinowanikwa.
Edza mikana yose. Nyorera mabasa anenge aziviswa mumapepanhau kana kuti paIndaneti uye pazvikwangwani zvemashoko zvinowanikwa muzvitoro, pachikoro chako uye mune dzimwe nzvimbo dzevoruzhinji. Mumwe wechiduku anonzi Dave anoti, “Ndiwo mawaniro andakaita basa. Ndakatarira mupepa, ndikavatumira CV yangu nefakisi uye ndakavafonera. Kana izvi zvikasashanda, zvichida ungaita kuti anopinza vanhu basa agutsikane kuti unogona kuita basa raari kuda kuti riitwe.
Nyora CV woiparadzira. Nyora papepa kuti unogona kuwanika sei uye nyora mabasa aunokwanisa uye awakamboita. Unofunga kuti hauna chokunyora here? Chimbofunga zvakare. Wakambosara nomwana vabereki vako pavakanga vasipo, kana kuti wakambosara newevamwe here? Izvi zvinoratidza kuti vanhu vanovimba newe. Wakambobatsira baba vako kugadzira motokari here? Zvichida izvi zvinoratidza kuti unogona kugadzira zvinhu. Unogona kutaipa kana kuti kushandisa kombiyuta here? Kana kuti wakawana mamakisi akawanda pane chimwe chinhu chounyanzvi chawakaita kuchikoro here? Izvi ndizvo zvinodiwa nevanhu vangangozokupinza basa. Zvinyore paCV yako. Ipa CV yako vanhu vangangozokupinza basa, udza shamwari dzako nehama kuti vaipe kuna ani naani zvake wavanoziva kuti ari kutsvaka vashandi.
Zvishandire. Funga nezvenharaunda yaunogara. Pane zvinhu zvinodiwa nevanhu zvisiri kugoverwa uye mabasa asina ari kuaita here? Somuenzaniso, ngatitii unofarira mhuka. Unogona kugeza kana kuti kudimburira mvere dzeimbwa kana katsi zvevavakidzani vako wobhadharwa. Kana kuti unogona kuridza chiridzwa. Ungangodzidzisa vamwe kuchiridza here? Kana kuti unogona kuita mabasa asingawanzodiwi nevakawanda, akadai sokusuka mahwindo kana kuti okuchenesa. MuKristu haanyari kushanda nemaoko ake. (VaEfeso 4:28) Chokwadi, kuzvishandira kunoda kuti uite zvinhu usingatumwi, uve akarongeka uye anoda kutanga kuita zvimwe zvinhu.
Shoko renyevero: Usamhanyirira kuita bhizimisi usati waziva zvose zvinobatanidzwa. (Ruka 14:28-30) Kutanga, kurukura nevabereki vako. Uyewo taura nevamwe vakamboita basa rakafanana. Uchafanira kubhadhara mitero here? Unofanira kuva nerezenisi kana kuti mvumo here? Kuti uzive zvinodiwa, bvunza zviremera zvomunzvimbo yacho.—VaRoma 13:1.
Ramba Uri Pakati Nepakati
Fungidzira uchiedza kuchovha bhasikoro uku wakatakura zvinhu zvinoverengeka, zvakadai sebhegi rokuchikoro, bhora uye girosari. Kuwedzera kwaunoita zvinhu zvaunotakura, ndiko kuwedzera kuoma kwazvinoita kuti urambe wakatsiga! Izvozvo ndizvo zvingaitika kana ukabvuma basa rine zvakawandisa zvokuita. Ukanyanya kushandisa nguva yako, simba rako uye pfungwa dzako pabasa rinoitwa wabva kuchikoro, utano hwako nemamakisi ako zvingaderera. Zvinonyanya kukosha ndezvokuti kugara uchiita basa rinonetesa kungaita kuti zvikuomere kufambirana nepurogiramu yechiKristu yokupinda misangano, kudzidza Bhaibheri uye kuita ushumiri hwechiKristu. “Pane misangano yandisina kupinda nokuti ndakanga ndakaneta pashure pokushanda ndabva kuchikoro,” anodaro wechiduku anonzi Michèle.
Kuda kwaunoita mari ngakurege kuva chinhu chinonyanya kukosha muupenyu hwako saizvozvo! Jesu akati mufaro wechokwadi unowanikwa ne“vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu.” (Mateu 5:3) Akatiwo: “Kunyange kana munhu aine zvizhinji upenyu hwake hahubvi pazvinhu zvaainazvo.” (Ruka 12:15) Mumwe muKristu wechiduku anonzi Maureen akateerera zano iroro. Anoti, “Handidi kunyura muzvinangwa zvokutsvaka pfuma. Ndinonyatsoziva kuti kunamata kwangu kungakanganisika kana ndikanyura pakutsvaka mari.”
Chokwadi, kune dzimwe nyika, vechiduku hapana zvavangaita kunze kwokutoshanda kwemaawa akawanda kuti vabatsire pakuriritira mhuri dzavo. Zvisinei, kana usiri mumamiriro ezvinhu akadaro, nei ungava munhu asiri pakati nepakati panyaya iyi? Maererano nevaongorori vakawanda, kushanda kwemaawa anopfuura 20 pavhiki uku uchienda kuchikoro kunenge kuri kunyanyisa uye kune zvakunokanganisa. Vamwe vanopa zano rokushanda kwemaawa asingapfuuri masere kusvika kugumi pavhiki. Mambo Soromoni akachenjera akati: “Zviri nani kuzorora zvishoma pane kushanda zvakaoma zvakapetwa kaviri asi uchidzingana nemhepo.”—Muparidzi 4:6.
Yeuka kuti, “simba rinonyengera repfuma” rinogona kuita kuti usafarire zvinhu zvokunamata. (Mako 4:19) Saka kana uchiita rimwe basa wabva kuchikoro kuti uwane mari, ronga purogiramu yako kuti uise zvinhu zvokunamata pakutanga. Nyengetera kuna Jehovha Mwari nezvenyaya yacho. Anogona kukusimbisa kuti utsungirire kuoma kwemamiriro acho ezvinhu uye anogona kukubatsira kuti urambe uri pakati nepakati mune zvokunamata.
VERENGA ZVAKAWANDA NEZVENYAYA IYI MUBHUKU 1, CHITSAUKO 21
Unodzora mari yako kana kuti ndiyo inokudzora here? Ona kuti ungaishandisa sei noungwaru.
RUGWARO RUNOBUDISA PFUNGWA HURU
“Pasinei nokuti simbe inoda chimwe chinhu zvakadini, haimbofi yakachiwana. Munhu anoshanda nesimba achawana zvose zvaanoda.”—Zvirevo 13:4, Today’s English Version.
ZANO
Tumira CV yako kumakambani usingamiriri kuti ashambadze mabasa anenge amuka.
WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?
Kune dzimwe nzvimbo, mabasa 85 muzana anowanikwa haashambadzwi.
ZVANDINORONGA KUITA!
Ndichawedzera mikana yangu yokuwana basa noku- ․․․․․
Ndichangoshanda kwemaawa ․․․․․․․ pavhiki.
Izvi ndizvo zvandingada kubvunza vabereki vangu nezvenya- ya iyi ․․․․․
UNOFUNGEI?
● Nei uchida kumboitawo mari?
● Uchasangana nezvinetso zvipi kana ukawana basa?
● Ungaramba uchiona mari zviri pakati nepakati sei?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 153]
“Kana mufaro wako nguva dzose uchibva pakuva nezvinhu, haumbofi wakafara. Pachagara pachingova nechinhu chitsva chaunoda. Unofanira kudzidza kufara nezvauinazvo.’’—Jonathan
[Bhokisi riri papeji 155]
Remekedza Mari—Asi Usaida
Kana banga rakapinza richishandiswa nomubiki ane unyanzvi, rinenge riri mudziyo unokosha. Asi kana banga rimwe chete iroro rikashandiswa nomunhu asina unyanzvi kana kuti asina kungwarira rinogona kukuvadza zvikuru. Mari yakafanana nebanga rakapinza. Kana uchiziva kuishandisa zvakanaka, ingava chinhu chinobatsira. Asi kana usina kungwarira, unogona kukuvara! Somuenzaniso, muapostora Pauro akanyevera nezvokuda mari. Vachitsvaka pfuma, vamwe vanoita kuti ushamwari hwavo, ukama hwemhuri uye kunyange ukama hwavo naMwari huparare. Nokudaro, ‘vanozvibaya pose pose nokurwadziwa kuzhinji.’ (1 Timoti 6:9, 10) Unodzidzei? Dzidza kushandisa mari nounyanzvi. Iremekedze asi usaida!
[Mufananidzo uri papeji 153]
Kuita zvinhu zvakawandisa kunogona kuita kuti zvikuomere kuti urambe wakatsiga