Rwiyo 46
Jehovha Ndiye Mambo Wedu!
1. Farai, rumbidzai Mwari.
Matenga ozivisa kururama.
Tiimbire Mwari tichimurumbidza.
Tifungisise basa rake.
(KORASI)
Matenga farai, nyika ngaifare
Jehovha zvino ava Mambo!
Matenga farai, nyika ngaifare,
Jehovha zvino ava Mambo!
2. Zivisai kukudzwa kwake;
Taurai mabasa ake makuru.
Jehovha ndiMambo; vose vam’rumbidze.
Togwadama pamberi pake.
(KORASI)
Matenga farai, nyika ngaifare
Jehovha zvino ava Mambo!
Matenga farai, nyika ngaifare,
Jehovha zvino ava Mambo!
3. Iye zvino ava kutonga.
Akagadza Mwanakomana wake.
Vanamwari venyika ino vanyare,
Mwari oga ngaarumbidzwe.
(KORASI)
Matenga farai, nyika ngaifare
Jehovha zvino ava Mambo!
Matenga farai, nyika ngaifare,
Jehovha zvino ava Mambo!
(Onawo 1 Mak. 16:9; Pis. 68:20; 97:6, 7.)