Rwiyo 86
Vakadzi Vakatendeka, Hanzvadzi dzechiKristu
Rakaprindwa
1. Sara, Mariya, Esteri naRute
Vaiva vakadzi vakavimbika.
Vakanga vakazvipira kunaShe.
Vaiva vakadzi vakatendeka.
Pane vamwewo vakafarirwa,
Vasina kunyorwa nemazita avo.
2. Kuvimbika, ushingi nokunaka
Unhu hunodiwa nevanhu vose.
Ndihwo hwaiva nevakadzi ava;
Mienzaniso yokutevedzera.
Hanzvadzi dzinovatevedzera,
Basa renyu rakakosha, munofadza.
3. Vanamai, mhandara, chirikadzi
Munoshanda nechido basa renyu.
Mune mwero, munozvininipisa.
Sezvo muchifarirwa, musambotya.
Mose chengetwai naJehovha,
Muchapiwa mubayiro nokutenda.
(Onawo VaF. 4:3; 1 Tim. 2:9, 10; 1 Pet. 3:4, 5.)