RWIYO 137
Vakadzi Vakatendeka, Hanzvadzi dzechiKristu
Rakaprindwa
1. Sara, Mariya, Esteri naRute
Vaiva vakadzi vakavimbika.
Vakanga vakazvipira kuna She.
Vaiva vakadzi vakatendeka.
Pane vamwewo vakafarirwa,
Vasina kunyorwa nemazita avo.
2. Kuvimbika, ushingi nekunaka;
Unhu hunodiwa nevanhu vese.
Ndihwo hwaiva nevakadzi ava;
Mienzaniso yatinokoshesa.
Nhasiwo hanzvadzi dzatinadzo
Dzakatendeka tinodzitevedzera.
3. Vanamai, mhandara, chirikadzi,
Munoshanda nechido basa renyu.
Mune mwero, munozvininipisa,
Sezvo muchifarirwa, musambotya.
Mese chengetwai naJehovha,
Nekutenda muchapiwa mubayiro.
(Onawo VaF. 4:3; 1 Tim. 2:9, 10; 1 Pet. 3:4, 5.)