Rwiyo 66
Kushumira Jehovha Nomweya Wose
Rakaprindwa
1. Changamire She Jehovha,
Ndinokudai zvikurusa.
Ndakazvipira kwamuri;
Handifi ndakakusiyai.
Ndinonatsokutererai;
Ndichaita kuda kwenyu.
(KORASI)
Haiwa Ishe Jehovha;
Ndakazvipirawo kwamuri.
2. Zvose zvinokukudzai.
Nyika, mwedzi, uye nyeredzi.
Ndinopa upenyu hwangu
Kuti ndikukudzei Mwari.
Ndichavawo akavimbika
Zvandakazvitsaurira.
(KORASI)
Haiwa Ishe Jehovha;
Ndakazvipirawo kwamuri.
(Onawo Dheut. 6:15; Pis. 40:8; 113:1-3; Mup. 5:4; Joh. 4:34.)