RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 10/15 pp. 13-18
  • Jehovha Anokoshesa Basa Rako Rinoitwa Nomwoyo Wose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha Anokoshesa Basa Rako Rinoitwa Nomwoyo Wose
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kunaka Kwebasa Rinoitwa Nomwoyo Wose
  • Hatienzaniswi
  • Chipo “Chine Mutengo Mukuru” Chomukadzi Anoonga
  • “Tumari Tuviri Tuduku” Twechirikadzi
  • Kudzidza Mumurangariro waJehovha Webasa Rinoitwa Nomwoyo Wose
  • Iva Wemweya Wose!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Akatsungirira Kushungurudzika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Zvatingadzidza Kuna Mariya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • “Ndaona Ishe!”
    Tevedzerai Kutenda Kwavo
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 10/15 pp. 13-18

Jehovha Anokoshesa Basa Rako Rinoitwa Nomwoyo Wose

“Zvose zvamunoita, muzviitei nomwoyo wose, sokuna [Jehovha, NW], musingaitiri vanhu.”—VAKOROSE 3:23.

1, 2. (a) Ndeipi ropafadzo hurusa yatingagona kuva nayo? (b) Nei padzimwe nguva tingatadza kuita zvose zvatingada kuita mukubatira Mwari?

KUBATIRA Jehovha ndiyo ropafadzo hurusa yatingagona kuva nayo. Nechikonzero chakanaka, magazini ino yakanguri yakurudzira vaKristu kuzvibatanidza muushumiri, kunyange kubatira “zvizere zvikuru” pose pazvinenge zvichibvira. (1 VaTesaronika 4:1, NW) Zvisinei, nguva dzose hatikwanisi kuita zvose izvo mwoyo yedu inoshuva mukubatira Mwari. “Mamiriro ezvinhu zvangu anoita kuti ndifanire kushanda nguva yakazara,” inotsanangura kudaro imwe hanzvadzi isina kuroorwa yakabhabhatidzwa anoda kusvika makore 40 akapfuura. “Chikonzero changu chokushanda, hachisi chokuwana zvipfeko zvakanaka zvinodhura kana kuti kuenda kumazororo anodhura, asi ndechokugovera zvinodikanwa, zvinobatanidza ndyiko dzokurapwa uye dzemazino. Ndinonzwa sokuti ndiri kupa Jehovha zvisaririra.”

2 Kuda Mwari kunotisunda kuda kuita zvakawanda sezvatinogona mubasa rokuparidza. Asi mamiriro ezvinhu muupenyu anowanzoganhurira zvatinogona kuita. Kutarisira mamwe mabasa omuMagwaro, anobatanidza mitoro yemhuri, kungatitorera nguva yedu yakawanda nesimba. (1 Timotio 5:4, 8) Mudzino “nguva dzokutambudzika dzakaoma kubata nadzo,” upenyu hunoramba huchioma zvikuru. (2 Timotio 3:1, NW) Patinenge tisingakwanisi kuita zvose zvatingada kuita muushumiri, mwoyo yedu ingatitambudza kusvika kumwero wakati. Tingashamisika kana Mwari achifadzwa nokunamata kwedu.

Kunaka Kwebasa Rinoitwa Nomwoyo Wose

3. Jehovha anokarirei kwatiri tose?

3 PaPisarema 103:14, Bhaibheri rinotivimbisa kuti Jehovha “unoziva chatakaitwa nacho, unorangarira kuti tiri guruva.” Anonzwisisa ganhuriro dzedu kupfuura mumwe munhu upi noupi. Haadi zvinopfuura zvatinogona kupa. Anokarirei? Chimwe chinhu icho munhu wose, pasinei zvapo nemamiriro ezvinhu zvake muupenyu, anogona kupa: “Zvose zvamunoita, muzviitei nomwoyo wose, sokuna [Jehovha, NW], musingaitiri vanhu.” (VaKorose 3:23) Hungu, Jehovha anotikarira—tose zvedu—kumubatira nomwoyo wose.

4. Zvinorevei kubatira Jehovha nomwoyo wose?

4 Zvinorevei kubatira Jehovha nomwoyo wose? Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “mwoyo wose” rinoreva chaizvoizvo kuti “kubva pamweya.” “Mweya” wacho unoreva munhu wose, nemano ake ose omuviri neendangariro. Kushanda nomwoyo wose nokudaro kunoreva kuzvipa, kushandisa mano edu ose uye kushandisa nhamburiko dzedu kumwero mukurusa unobvira mubasa raMwari. Zvichitaurwa zviri nyore, zvinoreva kuita zvose zvinogona kuitwa nomweya wedu.—Marko 12:29, 30.

5. Muenzaniso wavaapostora unoratidza sei kuti vanhu vose havafaniri kuita zvakafanana muushumiri?

5 Kuva womwoyo wose zvinoreva kuti tinofanira kuita zvakafanana muushumiri here? Izvozvo hazvingavi zvinobvira, nokuti mamiriro ezvinhu nemano anosiyana pamunhu nomunhu. Rangarira vaapostora vakatendeka vaJesu. Vose vakanga vasingakwanisi kuita zvakafanana. Somuenzaniso, tinoziva zvishomanene zvikuru nezvevamwe vaapostora, vakadai saSimoni muKanani naJakobho mwanakomana waArfeo. Zvichida mabasa avo savaapostora akanga akati ganhurirwei. (Mateo 10:2-4) Mukupesana, Petro akakwanisa kugamuchira mabasa akawanda anokosha—chokwadika, Jesu akatomupa “kiyi dzoushe”! (Mateo 16:19) Bva, Petro haana kukwidziridzwa kupfuura vamwe. Johane paakagamuchira chiono cheJerusarema Idzva muna Zvakazarurwa (munenge muna 96 C.E.), akaona mabwe 12 enheyo uye akanga akanyorwa “mazita avaapostora vane gumi navaviri.”a (Zvakazarurwa 21:14) Jehovha aikoshesa basa ravaapostora vose, kunyange zvazvo vamwe sezviri pachena vaikwanisa kuita zvakapfuura vamwe.

6. Mumuenzaniso waJesu womukushi, chii chinoitika kumbeu yakakushwa pa“ivhu rakanaka,” uye mibvunzoi inomuka?

6 Nenzira yakafanana, Jehovha haarayiri basa rokuparidza rakafanana kwatiri tose. Jesu akaratidzira izvi mumuenzaniso womukushi, uyo wakafananidza basa rokuparidza nokukusha mbeu. Mbeu dzacho dzakawira pamarudzi akasiyana-siyana evhu, zvichiratidza marudzi akasiyana-siyana emamiriro emwoyo anoratidzirwa nevaya vanonzwa shoko. “Wakakushwa muvhu rakanaka,” akatsanangura kudaro Jesu, “ndiye unonzwa shoko, akarinzwisisa; ndiye unobereka zvibereko, mumwe achiita zana, mumwe makumi matanhatu, mumwe makumi matatu.” (Mateo 13:3-8, 18-23) Chibereko ichi chii, uye nei chichiberekwa zvakasiyana-siyana?

7. Chibereko chembeu yakadyarwa chii, uye nei chichiberekwa muuwandu hwakasiyana-siyana?

7 Sezvo mbeu yakakushwa iri “shoko roushe,” kubereka zvibereko kunonongedzera kukuparadzira shoko iroro, kuritaura kuvamwe. (Mateo 13:19) Kuwanda kwezvibereko zvinoberekwa kunosiyana-siyana—kubvira pamakumi matatu kusvikira kuzana—nemhaka yemano nemamiriro ezvinhu muupenyu anosiyana. Munhu ane utano hwakanaka nesimba romuviri angakwanisa kupedzera nguva yakawanda mukuparidza kupfuura uya ane simba rinopedzwa nemamiriro ezvinhu eutano hwakakomba kana kuti nokukwegura. Munhu muduku asina kuroora akasununguka mumitoro yemhuri angakwanisa kuita zvakawanda kupfuura uya anofanira kushanda nguva yakazara kuti agovere mhuri.—Enzanisa naZvirevo 20:29.

8. Jehovha anorangarira sei avo vanopa zvakanakisisa izvo mweya yavo inogona kupa?

8 Mukurangarira kwaMwari, munhu anoita nomwoyo wose anobereka zvine makumi matatu haana kutendeka kupfuura uya anobereka zana here? Nyangwe! Kuwanda kwezvibereko kungasiyana-siyana, asi Jehovha anofadzwa chero bedzi basa racho rinoitwa riri rakanakisisa iro mweya yedu inogona kupa. Yeuka, kuwanda kwakasiyana-siyana kwezvibereko zvose zvinobva pamwoyo iri “ivhu rakanaka.” Shoko rechiGiriki, (ka·losʹ) rinoshandurwa kuti “rakanaka” rinoreva chimwe chinhu “chakaisvonaka” uye “chinofadza mwoyo, uye kupa mufarwa kumaziso.” Zvinonyaradza sei kuziva kuti patinoita zvakanakisisa zvedu, mwoyo yedu yakaisvonaka mumeso aMwari!

Hatienzaniswi

9, 10. (a) Mwoyo yedu ingatitungamirira muchimiro chipi chokurangarira zvinhu zvipi zvisina kunaka? (b) Muenzaniso uri pana 1 VaKorinte 12:14-26 unoratidza sei kuti Jehovha haatienzanisi navamwe mune zvatinoita?

9 Mwoyo yedu isina kukwana ingafungidzira zvinhu nenzira yakasiyana, zvisinei. Ingaenzanisa basa redu neravamwe. Ingarangarira kuti, ‘Vamwe vari kuita zvakawanda kwazvo muushumiri kupfuura zvandiri kuita. Jehovha angagona sei kumbofadzwa nebasa rangu?’—Enzanisa na1 Johane 3:19, 20.

10 Mifungo yaMwari nenzira zvakakwirira zvikuru kupfuura zvedu. (Isaya 55:9) Tinowana nzwisiso munzira iyo Jehovha anorangarira nayo nhamburiko dzedu savanhu kubva muna 1 VaKorinte 12:14-26, umo ungano inofananidzwa nemuviri une mitezo yakawanda—maziso, maoko, tsoka, nzeve, uye zvichingodaro. Rangarira, kwechinguvana, muviri chaiwoiwo. Zvingava zvisina kunaka kuenzanisa maziso ako nemaoko ako kana kuti makumbo nenzeve! Mutezo mumwe nomumwe unoshanda basa rakasiyana, bva mitezo yose inoshanda uye inokosheswa. Nenzira yakafanana, Jehovha anokoshesa basa rako romwoyo wose kungava kuti vamwe vari kuita zvakawanda kana kuti vari kuita zvishoma.—VaGaratia 6:4.

11, 12. (a) Nei vamwe vangarangarira kuti hava“na simba” uye hava“kudzwi”? (b) Jehovha anorangarira sei basa redu?

11 Nemhaka yeganhuriro dzinoiswa kupfurikidza neutano husina kunaka, kukwegura, kana kuti mamwe mamiriro ezvinhu, padzimwe nguva vamwe vedu vangarangarira kuti tiri “vasina simba” kana kuti “vasingakudzwi.” Asi Jehovha haarangariri zvinhu nenzira iyoyo. Bhaibheri rinotiudza kuti: “Mitezo iyo yomuviri inenge isina simba, ndiyo inodikanwa; nemitezo . . . yatinoti haikudzwi, ndiyo yatinokudza kwazvo; . . . Asi Mwari wakabatanidza muviri wose, akakudza nokupfuurisa mitezo inoshayiwa kunaka.” (1 VaKorinte 12:22-24) Naizvozvo munhu wose anogona kuva anokosha kuna Jehovha. Anokoshesa basa redu mukati megadziriro dzeganhuriro dzedu. Mwoyo wako haukusundi kuda kuita zvose zvaunogona mukubatira Mwari anonzwisisa uye ane rudo akadaro here?

12 Zvinokosha kuna Jehovha, ipapoka, hakusi kuti unoita zvakawanda sezvinoita mumwe munhu asi kuti unoita izvo iwe—mweya wako—unogona kuita somunhu oga. Kuti Jehovha anokoshesa nhamburiko dzedu somunhu oga kwakaratidzirwa nenzira inoorora zvikuru nokubata kwaJesu nevakadzi vaviri vakasiyana zvikuru mukati mamazuva okupedzisira oupenyu hwake pasi pano.

Chipo “Chine Mutengo Mukuru” Chomukadzi Anoonga

13. (a) Ndeapi akanga ari mamiriro ezvinhu aiva akapoteredza kudira kwaMaria mafuta anonhuwira mumusoro waJesu netsoka dzake? (b) Mafuta aMaria aikosha zvakadini?

13 Nemusi weChishanu manheru, Nisani 8, Jesu akasvika kuBhetania, musha muduku waiva pamukwidza waiva nechokumabvazuva kweGomo reMiorivhi, anenge makiromita matatu kubva kuJerusarema. Jesu akanga ane shamwari dzaaida mutaundi rino—Maria, Marta, uye hanzvadzi yavo, Razaro. Jesu akanga ambova mueni mumusha wavo, zvichida kanoverengeka. Asi nemusi weMugovera manheru, Jesu neshamwari dzake vakadya mumusha waSimoni, aimbova nemaperembudzi uyo sezvinobvira akanga arapwa naJesu. Sezvo Jesu akanga akagara patafura, Maria akaita chiito chokuzvininipisa chakaratidzira kuda kwake zvikuru munhu akanga amutsa hanzvadzi yake. Akaputsa chinu chakanga chine mafuta anonhuwira, aiva “nomutengo mukuru.” Aidhura zvikuru! Aikosha madhinari 300, zvakaenzana nemuhoro wegore rose. Akadira aya mafuta anonhuwira mumusoro maJesu nepatsoka dzake. Akatopukuta tsoka dzake nebvudzi rake.—Marko 14:3; Ruka 10:38-42; Johane 11:38-44; 12:1-3.

14. (a) Vadzidzi vakagamuchira sei zvakaitwa naMaria? (b) Jesu akadzivirira Maria sei?

14 Vadzidzi vakatsamwa! ‘Kupambadzirei?’ vakabvunza kudaro. Judhasi, achiviga chishuvo chake chokuba nokukarakadza kubetsera vanoshayiwa, akati: “Chizoro ichi chingadai chatengeswa namadhinari anopfuura mazana matatu, akapiwa varombo.” Maria akaramba akanyarara. Zvisinei, Jesu akaudza vadzidzi kuti: “Muregei. Munomutambudzireiko? Wakandiitira basa rakanaka [chimiro chaka·losʹ]. . . . Wakaita paakagona napo; wakagara azodzera muviri wangu kuvigwa. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kwose kunozoparidzirwa Evhangeri panyika dzose, zvakaitwa naye zvicharehwawo, vamurangarire nazvo.” Kunaka kwamashoko aJesu kunofanira kuva kwakadzikamisa mwoyo waMaria zvikuru!—Marko 14:4-9; Johane 12:4-8.

15. Nei Jesu akasundwa kwazvo nezvakanga zvaitwa naMaria, uye nenzira iyoyo tinodzidzei pamusoro pebasa rinoitwa nomwoyo wose?

15 Jesu akasundwa zvikuru nezvakanga zvaitwa naMaria. Mukufungidzira kwake, akanga aita chiito chaifanira kurumbidzwa. Kwakanga kusiri kudhura kwechipo chacho kwaikosha kuna Jesu asi idi rokuti “wakaita paakagona napo.” Akashandisa mukana wacho ndokupa zvaakanga achikwanisa kupa. Dzimwe shanduro dzakashandura mashoko aya dzichiti, “Aita zvose zvaaigona,” kana kuti, “Aita zvaaigona nesimba rake.” (An American Translation; The Jerusalem Bible) Kupa kwaMaria kwakanga kuri kwomwoyo wose nemhaka yokuti akapa zvakanakisisa zvake. Ndizvo zvinoreva basa rinoitwa nomwoyo wose.

“Tumari Tuviri Tuduku” Twechirikadzi

16. (a) Jesu akasvika sei pakucherekedza mupiro wechirikadzi yaiva murombo? (b) Mari yechirikadzi yacho yaikosha zvakadini?

16 Mazuva maviri gare gare, pana Nisani 11, Jesu akapedza zuva refu ari mutembere, umo chiremera chake chakapokanwa uye akapindura mibvunzo yakaoma pamusoro pemitero, rumuko, uye dzimwe nhau. Akatuka vanyori navaFarise nokuti, vakanga “vachiparadza dzimba dzechirikadzi.” (Marko 12:40) Ipapo Jesu akagara, sezviri pachena muDare raVakadzi, umo, maererano negamuchidzanwa rechiJudha, makanga mune mabhokisi omupiro 13. Akagara kwechinguva, achitarisa nenzira yokungwarira sezvo vanhu vaikanda mipiro yavo. Vanhu vakawanda vakapfuma vakauya, vamwe zvichida nechitarisiko chokuva vakarurama, kunyange kuratidzira. (Enzanisa naMateo 6:2.) Jesu akatarisisa mumwe mukadzi. Mazisowo zvawo angadai asina kucherekedza chinhu chipi nechipi chinoshamisa pamusoro pake kana kuti chipo chake. Asi Jesu, uyo aigona kuziva mwoyo yavamwe, aiziva kuti akanga ari “chirikadzi yaiva murombo.” Aizivawo chaizvoizvo chipo chake—“tumari tuviri tuduku, tusingakoshi zvikuru.”b—Marko 12:41, 42, NW.

17. Jesu akakoshesa sei mupiro wechirikadzi, uye nokudaro tinodzidzei pamusoro pokupa Mwari?

17 Jesu akadana vadzidzi vake, nokuti aida kuti vaone zvakananga chidzidzo chaakanga oda kudzidzisa. “Yakaisa zvizhinji kuna avo vose vakaisa muchivigiro,” akadaro Jesu. Mukufungidzira kwake yakaisa zvakawanda kupfuura zvavamwe vose zvabatanidzwa. Akapa “zvose zvaakanga anazvo”—mari yose yaakanga anayo. Kupfurikidza nokuita kudaro, akazviisa mumaoko anoitira hanya aJehovha. Nokudaro munhu akaitwa muenzaniso wokupa Mwari ndeuyo ane chipo chakanga chisingakoshi zvikuru. Mumeso aMwari, zvisinei, chakanga chichikosha zvikuru!—Marko 12:43, 44; Jakobho 1:27.

Kudzidza Mumurangariro waJehovha Webasa Rinoitwa Nomwoyo Wose

18. Tinodzidzei mukubata kwaJesu navakadzi vaviri?

18 Mukubata kwaJesu naava vakadzi vaviri, tinodzidza zvidzidzo zvinosvika pamwoyo pamusoro penzira iyo Jehovha anorangarira nayo basa rinoitwa nomwoyo wose. (Johane 5:19) Jesu haana kuenzanisa chirikadzi naMaria. Akangokoshesa tumari tuviri twechirikadzi sezvaakaita mafuta aMaria “aiva nomutengo mukuru.” Sezvo mukadzi mumwe nomumwe akapa zvakanakisisa zvake, mumeso aMwari zvipo zvavo zvose zviri zviviri zvakanga zvichikosha. Naizvozvo kana mirangariro yokusava namaturo ichikura mukati mako nemhaka yokuti haukwanisi kuita zvose zvaunoda kuita mukubatira Mwari, usaora mwoyo. Jehovha anofara kugamuchira zvakanakisisa zvaunogona kupa. Yeuka, Jehovha “unotarira zviri pamwoyo,” naizvozvo anoziva zvishuvo zvomwoyo wako zvizere.—1 Samueri 16:7.

19. Nei tisingafaniri kuenzanisa izvo vamwe vari kuita mukubatira Mwari?

19 Kurangarira kwaJehovha basa rinoitwa nomwoyo wose kunofanira kupesvedzera nzira yatinorangarirana neyatinobatana nayo. Kungasava kuratidza rudo sei kutsoropodza nhamburiko dzavamwe kana kuti kuenzanisa basa romumwe munhu neromumwe! Nenzira inosuruvarisa, mumwe muKristu akanyora kuti: “Padzimwe nguva vamwe vanopa murangariro wokuti kana usiri piyona hausi chinhu. Vaya vanotamburira kuramba vachipfuurira savaparidzi voUmambo venguva dzose ‘chete’ vanofanira kunzwa vachikosheswawo.” Ngatiyeukei kuti hatina chiremera chokusarudza zvinoumba basa rinoitwa nomwoyo wose remumwe muKristu. (VaRoma 14:10-12) Jehovha anokoshesa basa rinoitwa nomwoyo wose romumwe nomumwe wamamiriyoni avaparidzi voUmambo vakatendeka, naizvozvo isuwo tinofanira kudaro.

20. Zviri nani kuwanzofungei pamusoro pevatinonamata navo?

20 Zvakadini, kunyange zvakadaro, kana vamwe vachiratidzika kuva vari kuita zvishoma kupfuura zvavanogona muushumiri? Kuderera kwomubato wewatinotenda naye kungaratidzira kuti pane kudikanwa kwokubetsera kana kuti kwekurudziro kuvakuru vanoitira hanya. Panguva imwe chete, hatifaniri kukanganwa kuti kune vamwe, basa rinoitwa nomwoyo wose ringafanana chaizvo netumari tuviri tuduku twechirikadzi pane mafuta anodhura aMaria. Kazhinji kazhinji zvakanaka kufunga kuti hama dzedu nehanzvadzi dzinoda Jehovha uye kuti rudo rwakadaro rwuchavasunda kuita zvakawanda—kwete zvishoma—sezvavanogona. Chokwadi hapana mubatiri waJehovha anotungamirirwa nehana angasarudza kuita zvishoma kupfuura zvaanogona mukubatira Mwari!—1 VaKorinte 13:4, 7.

21. Ibasai rinopa mubayiro riri kurondwa navakawanda, uye mibvunzoi inomuka?

21 Zvisinei, nokuda kwavanhu vaMwari vakawanda, basa rinoitwa nomwoyo wose rakareva kuronda basa rinopa mubayiro mukurusa—ushumiri hwoupiyona. Vanogamuchira zvikomboreroi? Uye zvakadini nesu tisati takwanisa kupayona ikozvino—tinogona sei kuratidza mudzimu wokupayona? Mibvunzo iyi ichakurukurwa munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

a Sezvo Matiasi akatsiva Judhasi somuapostora, zita rake—kwete raPauro—ringava raiva pakati peaya aiva pamabwe enheyo 12. Kunyange zvazvo Pauro akanga ari muapostora, akanga asiri mumwe wavane 12.

b Imwe neimwe yemari iyi yakanga iri lepton, mari dukusa yechiJudha yaishandiswa panguva iyoyo. Lepta mbiri dzakanga dzakaenzana ne1/64 yomuhoro wezuva. Maererano naMateo 10:29, nokuda kweassarion (yakaenzana nelepta sere), munhu aigona kutenga njiva mbiri, dzakanga dziri pakati peshiri dzaiva dzakachipa zvikurusa dzaishandiswa sezvokudya navarombo. Naizvozvo chirikadzi iyi yakanga iri murombo zvirokwazvo, nokuti yakanga ichingova nehafu yemari yaidikanwa kutenga njiva imwe, yaiva isingambokwani zvokudya.

Ungapindura Sei?

◻ Zvinorevei kubatira Jehovha nomwoyo wose?

◻ Muenzaniso uri pana 1 VaKorinte 12:14-26 unoratidza sei kuti Jehovha haatienzanisi navamwe?

◻ Tinodzidzei pamusoro pokupa nomwoyo wose kubva mutsinhiro dzaJesu pamusoro pamafuta anodhura aMaria netumari tuviri tuduku twechirikadzi?

◻ Kurangarira kwaJehovha basa rinoitwa nomwoyo wose kunofanira kutisunda sei kupesvedzera nzira yatinorangarirana nayo?

[Mufananidzo uri papeji 15]

Maria akapa zvakanakisisa zvake, achiita kuti muviri waJesu unhuwire namafuta ane “mutengo mukuru”

[Mufananidzo uri papeji 16]

Tumari tuviri twechirikadzi—tunenge tusingakoshi muukoshi hwemari asi tunokosha mumeso aJehovha

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe