RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jr chits. 7 pp. 81-91
  • “Ndichagutsa Mweya Wakaneta”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Ndichagutsa Mweya Wakaneta”
  • Shoko raMwari Kwatiri Achishandisa Jeremiya
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ZVIITO ZVINGAODZA MWOYO
  • UCHAZORODZA MWEYA YAKANETA HERE?
  • “Handigoni Kuramba Ndakanyarara”
    Shoko raMwari Kwatiri Achishandisa Jeremiya
  • Uchasarudza Shamwari Dzakaita Sei?
    Shoko raMwari Kwatiri Achishandisa Jeremiya
  • “Ndaisa Mashoko Angu Mumuromo Mako”
    Shoko raMwari Kwatiri Achishandisa Jeremiya
  • Jehovha Anotuma Jeremiya Kunoparidza
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
Ona Zvimwe
Shoko raMwari Kwatiri Achishandisa Jeremiya
jr chits. 7 pp. 81-91

CHITSAUKO 7

“Ndichagutsa Mweya Wakaneta”

1. Chikomborero chipi chomunyika itsva chauri kunyanya kutarisira?

“NYIKA itsva.” Paunonzwa mashoko iwayo, unofunga here nezvezvimwe zvikomborero zvinooneka zvakafanotaurwa? Zvichida muviri wakakwana, zvokudya zvakawanda zvinopa utano, mhuka dzine rugare, kana kuti pekugara pakachengeteka. Zvimwe unogona kutaura mashoko endima dzemuBhaibheri dzinoita kuti utarisire zvinhu izvozvo. Zvisinei, usarerutsa chikomborero ichi—utano hwakanaka mune zvokunamata uye mupfungwa. Pasina chikomborero ichocho, mimwe mifaro yose yaizopera nokukurumidza.

2, 3. Zvakanyorwa naJeremiya zvinotibatsira kutarisira chikomborero chipi chinokosha?

2 Paakaita kuti Jeremiya afanotaura nezvokudzokera kwevaJudha vachibva kuBhabhironi, Mwari akataura manzwiro avaizoita: “Uchashongawo makandira ako, woenda uchitamba sevaya vari kuseka.” (Verenga Jeremiya 30:18, 19; 31:4, 12-14.) Mwari akawedzera mamwe mashoko angakukurudzira zvikuru okuti: “Ndichagutsa mweya wakaneta, uye ndichagutsa mweya yose iri kupera simba.” NET Bible rinotaura zvakavimbiswa naMwari richiti: “Ndichanyatsogutsa zvinodiwa nevaya vakaneta uye ndichanyatsozorodza mweya yevasina simba.”—Jer. 31:25.

3 Itariro yakanaka zvikuru! Jehovha akati aizonyatsogutsa munhu akaneta uye akaora mwoyo. Chokwadi, Mwari anoita zvaanenge avimbisa. Zvakanyorwa naJeremiya zvinotipa chivimbo chokuti isuwo tichagutswa. Kupfuura izvozvo, mashoko iwayo anotibatsira kunzwisisa kuti tingakurudzirwa sei uye tingava sei netariro kunyange iye zvino. Uyewo, anotiratidza kuti tingakurudzira sei vamwe, tovabatsira kugutsa mweya yavo yakaneta.

4. Nei tinganzwisisa manzwiro aiita Jeremiya?

4 Zvakavimbiswa izvozvo zvakaita kuti Jeremiya anyaradzwe, uye zvinogonawo kutinyaradza. Nei? Yeuka pfungwa inotaurwa muChitsauko 1 chebhuku rino yokuti Jeremiya akanga ari “munhu aiva nemanzwiro akafanana needu,” sezvakanga zvakaitawo Eriya. (Jak. 5:17) Chimbofunga zvikonzero zvishoma nei pane dzimwe nguva Jeremiya ainzwa kuora mwoyo kunyange kumboti suruvarei. Paunodaro, fungidzira kuti waizonzwa sei mumamiriro ezvinhu akafanana uye kuti nei zvaunosangana nazvo zvingakuodza mwoyo.—VaR. 15:4.

5. Zvii zvingave zvaiita kuti Jeremiya aore mwoyo?

5 Kuora mwoyo kwaJeremiya kungava kwaikonzerwawo nevanhu vomutaundi rokumusha kwake. Akakurira muAnatoti. Raiva guta revaRevhi raiva makiromita mashoma kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweJerusarema. Muprofita wacho angave aiva nevaaizivana navo uye zvimwe hama dzake dzaiva muAnatoti. Jesu akati muprofita haakudzwi munyika yokumusha kwake, uye izvi zvaiva zvechokwadi kuna Jeremiya. (Joh. 4:44) Vanhu vomutaundi racho vakaita zvinopfuura kusafarira kana kusaremekedza Jeremiya. Pane imwe nguva, Mwari akati “varume vokuAnatoti” vakanga vachi“tsvaka mweya” waJeremiya. Vakataura nehasha vachiti: “Usaprofita uchishandisa zita raJehovha, kuti urege kufira mumaoko edu.” Kwaiva kutyisidzira chaiko kwaibva kuvavakidzani uye zvimwe voukama vaitofanira kunge vachimutsigira!—Jer. 1:1; 11:21.

Mufananidzo uri papeji 83

6. Ungabatsirwa sei nezvakaitika kuna Jeremiya ne“varume vokuAnatoti,” vaunoshanda navo kana vamwewo vanhu vakakushora?

6 Kana vavakidzani, vokuchikoro, vaunoshanda navo, kana kunyange vamwe vomumhuri yako vachikushora, nyaradzwa nezvakaitwa naJehovha kuna Jeremiya. Kare ikako, Mwari akati ‘aizofunga’ nezvevaya vaiva kuAnatoti vaishora muprofita wake. (Verenga Jeremiya 11:22, 23.) Chokwadi, zvakavimbiswa naMwari zvakabatsira Jeremiya kukurira kuora mwoyo kwaikonzerwa nokushorwa chero kupi kwaaiitwa nevanhu vokumusha kwake. Pave paya, kufunga kwaMwari kwaizoguma ne“dambudziko pavarume vokuAnatoti” uye ndizvo zvakaitika. Kana uri iwe, iva nechivimbo chokuti Jehovha ari kuona zviri kuitika kana kuti ari kufunga nezvazvo. (Pis. 11:4; 66:7) ‘Kurambira’ kwaunoita pane zvinodzidziswa neBhaibheri uye kuita zvakanaka kungabatsirawo vamwe vanoshora kuti vadzivise dambudziko ringangovawira.—1 Tim. 4:16.

Mubhuku raJeremiya, chii chinoratidza kuti Mwari ane hanya nemanzwiro evanhu vake, uye izvi zvingava zvakabatsira sei muprofita wacho?

ZVIITO ZVINGAODZA MWOYO

7, 8. Jeremiya akatambudzwa sei, uye zvakaita kuti anzwe sei?

7 Jeremiya akatarisana nezvinopfuura nokure kutyisidzirwa nemashoko nevanhu vokumusha kwake. Chimwe chiitiko chaiva nechokuita nomurume aizivikanwa zvikuru muJerusarema, mupristi ainzi Pashuri.a Paakanzwa uprofita hwaMwari, “Pashuri akabva arova muprofita Jeremiya, akamusunga mumatanda.” (Jer. 20:1, 2) Mashoko iwaya angangova aireva zvinopfuura kurohwa mbama kumeso. Vamwe vanoti Pashuri akaita kuti Jeremiya arohwe shamhu dzinenge makumi mana. (Dheut. 25:3) Jeremiya paairohwa, vanhu vangangove vaimuseka nokumutuka, kunyange kumupfira mate. Hazvina kugumira ipapo. Pashuri akaita kuti Jeremiya asungwe “mumatanda” usiku hwose. Shoko rechiHebheru rakashandiswa rinoratidza kuti muviri wake wakanga wakakombama. Chokwadi, Jeremiya akatambudzwa noutsinye usiku hwose, zvimwe akasungwa mumatanda.

8 Izvozvo zvakaita kuti Jeremiya anzwe sei? Akati kuna Mwari: “Ndakava chinhu chinosekwa zuva rose.” (Jer. 20:3-7) Akambofunga kurega kutaura nezvaMwari. Zvisinei, unoziva kuti Jeremiya aisakwanisa kuita izvozvo uye haana kuzviita. Pane kudaro, mashoko aMwari aakatumwa kuti ataure aiva “somoto unobvira wakavharirwa mumapfupa” aJeremiya.—Verenga Jeremiya 20:8, 9.

Mufananidzo uri papeji 84, 85

9. Nei zvichibatsira kuti tifunge zvakaitika kuna Jeremiya?

9 Nyaya iyoyo inogona kutibatsira kana tikasekwa zvinorwadza nevaya vatinoziva, vangava voukama, vavakidzani, vatinoshanda navo kana vokuchikoro. Hazvifaniri kutishamisa kana pane dzimwe nguva kushorwa ikoko kukambotiodza mwoyo. Izvozvo zvingaitikawo kana tikatambudzwa nokuti tinotsigira kunamata kwechokwadi. Murume akanga asina kukwana Jeremiya akarwadziwa nezvinhu zvakadaro, uye handiti isu tine manzwiro akafanana neake? Asi hatifaniri kukanganwa kuti Jeremiya akabatsirwa naMwari kuwanazve mufaro nechivimbo. Haana kuramba akaora mwoyo, uye isu hatifaniriwo kuramba takaora mwoyo.—2 VaK. 4:16-18.

10. Bhaibheri rinotii nezvemanzwiro aJeremiya?

10 Dzimwe nguva manzwiro aJeremiya aichinja zvikuru. Manzwiro ako anombochinja here—ungava uchifara uye uine tariro asi wobva watanga kunzwa kusurukirwa? Nezvemanzwiro okufara, ona mashoko ari pana Jeremiya 20:12, 13. (Verenga.) Pashure pezvaakanga aitirwa naPashuri, Jeremiya akafara nokuti akanga akaita somumwe wevarombo vakanunurwa “paruoko rwevanoita zvakaipa.” Pane dzimwe nguva, ungave wakanzwa uchida kusvetuka nomufaro, uchida kuimbira Jehovha, kungave kuti wakanga wanunurwa kana kuti pakanga paine chiitiko chinofadza muupenyu hwako kana mubasa rechiKristu. Zvakanaka zvikuru kunzwa saizvozvo!—Mab. 16:25, 26.

Mufananidzo uri papeji 86

Kushorwa kana kuti kusekwa kungaita kuti tinzwe sei?

11. Kana manzwiro edu achichinja-chinja, tinofanira kuyeukei nezvaJeremiya?

11 Sezvo tisina kukwana, manzwiro edu angachinja sezvaiita aJeremiya. Pashure pokushevedzera kuti, “imbirai Jehovha,” akanzwa asina tariro, zvichida achiyerera misodzi. (Verenga Jeremiya 20:14-16.) Akanzwa kusuruvara zvikuru zvokuti akanetseka kuti akanga azvarirwei! Akasuruvara kudaro, akati munhu akazivisa kuzvarwa kwake aifanira kutukwa seSodhoma neGomora. Asi heino nyaya huru: Jeremiya akaramba akasuruvara here? Akakanda mapfumo pasi here, achifunga kuti aifanira kurarama akaora mwoyo? Kwete. Pane kudaro, anofanira kunge akashandira kuti akurire kuora mwoyo kwake, uye akabudirira. Funga zvinozotaurwa, maererano nokurongwa kwebhuku raJeremiya. Mumwe Pashuri, aiva muchinda, akaenda kuna Jeremiya atumwa naMambo Zedhekiya kuti abvunze nezvevaBhabhironi vakanga vakomba Jerusarema. Pane kuti atye, Jeremiya akashinga kuzivisa zvakanga zvatongwa naJehovha uye kuti zvaizoguma nei. (Jer. 21:1-7) Zviri pachena kuti Jeremiya akaramba ari muprofita aishingaira!

12, 13. Zvii zvatingaita kuti titsungirire kuchinja-chinja kwemanzwiro edu?

12 Vamwe vashumiri vaMwari mazuva ano vanochinja-chinja manzwiro avo. Izvi zvingakonzerwa nezvinenge zvichiitika mumuviri mavo—zvichida kuwandisa kana kushomeka kwemahomoni kana kuti kwemakemikari—uye chiremba anokwanisa angataura nezvenzira dzokuderedza kuchinja-chinja kwemanzwiro kwakadaro. (Ruka 5:31) Zvisinei, kufara kana kusurukirwa kunoita vakawanda vedu dzimwe nguva hakuna kunyanyisa kana kupfuura mwero. Kunenge kuti tinosurukirwa kakawanda nokuti tiri vanhu vasina kukwana. Kungakonzerwa nokuneta kana kufirwa nomunhu watinoda. Kana zvinhu zvakadaro zvikaitika kwatiri, tinogona kuyeuka kuti manzwiro aJeremiya aichinja-chinjawo, asi akaramba achifarirwa naMwari. Kuti tikurire dambudziko racho, tingafanira kuchinja zvatinoita towedzera nguva yokuzorora. Kana kuti tingafanira kuzvipa nguva yokuwana nyaradzo pashure pokurasikirwa zvinorwadza. Zvisinei, zvinokosha zvikuru kuti tirambe tichipinda misangano yechiKristu uye tichiita mamwe mabasa echiKristu. Izvi zvinokosha kuti tirambe tichifara pakushumira Mwari.—Mat. 5:3; VaR. 12:10-12.

13 Ungave wakamboora mwoyo kamwe chete, zvepano neapo kana kuti unogara uchichinja-chinja manzwiro, zvakaitika kuna Jeremiya zvinogona kukunyaradza. Sezvambotaurwa, aimboora mwoyo dzimwe nguva. Kunyange zvakadaro, haana kubvumira kuti kuora mwoyo kuite kuti asiye Mwari waaida uye waaishumira akatendeka. Vavengi vake pavakamuitira zvakaipa pashure pokunge aita zvakanaka, akataura naJehovha uye akavimba naye. (Jer. 18:19, 20, 23) Tsunga kutevedzera Jeremiya.—Mari. 3:55-57.

Kana dzimwe nguva uchinzwa wakaora mwoyo kana kusurukirwa, ungashandisa sei zvaunowana mubhuku raJeremiya?

UCHAZORODZA MWEYA YAKANETA HERE?

14. Jeremiya akanyanya kukurudzirwa sei?

14 Tingaita zvakanaka kufungisisa kukurudzirwa kwakaitwa Jeremiya uye kuti akakurudzira sei vamwe vaiva ‘mweya yakaneta.’ (Jer. 31:25) Muprofita wacho akakurudzirwa zvikurukuru naJehovha. Funga kukurudzirwa kwawaizoitwa dai wakanzwa Jehovha achikuudza kuti: “Ini . . . nhasi ndakuita guta rakavakirirwa . . . Vacharwa newe, asi havazokukundi, nokuti ‘Ini ndinewe,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘kuti ndikununure.’” (Jer. 1:18, 19) Jeremiya aiva nechikonzero chakanaka chokutaura nezvaJehovha achiti “simba rangu nenhare yangu, nzvimbo yangu yokutizira muzuva rokutambudzika.”—Jer. 16:19.

15, 16. Zvakaitwa naJehovha achikurudzira Jeremiya zvinotipa zano ripi pane zvatingaita kuti tikurudzire vamwe?

15 Zvinokosha kuziva kuti Jehovha akaudza Jeremiya kuti: “Ini ndinewe.” Mumashoko iwayo unogona kuona here zvaungaita kana mumwe munhu waunoziva achida kukurudzirwa? Kuziva kuti hama kana hanzvadzi yechiKristu kana kuti hama yeropa inoda kukurudzirwa kwakasiyana nekuikurudzira. Kakawanda, nzira inobudirira zvikuru ndeyokuita zvakaitirwa Jeremiya naMwari—iva neanenge achitambura wacho. Wadaro, wozotaura mashoko anokurudzira pane imwe nguva, asi kwete kuwanza mashoko. Mashoko mashoma angabatsira kana akasarudzwa nechinangwa chokupa tariro uye kukurudzira. Haufaniri hako kutsetsenura zvaunotaura. Shandisa mashoko ari nyore kunzwisisa anoratidza kufarira munhu wacho, kuva nehanya uye rudo rwechiKristu. Mashoko akadaro anogona kubatsira zvikuru.—Verenga Zvirevo 25:11.

16 Jeremiya akakumbira kuti: “Haiwa Jehovha, ndiyeukei, mufunge nezvangu.” Zvakabva zvaita sei? Muprofita wacho anoti: “Mashoko enyu akawanikwa, ndikaadya; uye kwandiri shoko renyu rinova kupembera nomufaro uye kufara kwomwoyo wangu.” (Jer. 15:15, 16) Munhu waunenge uchida kukurudzira angadawo kuitirwa mutsa. Ichokwadi kuti mashoko ako haangasviki pane aJehovha. Kunyange zvakadaro, unogona kushandisa mamwe emashoko aMwari pane zvaunotaura. Mashoko emwoyo wose akadaro anobva muBhaibheri anogona zvechokwadi kuita kuti munhu akaora mwoyo afare.—Verenga Jeremiya 17:7, 8.

17. Tinowana chidzidzo chipi chinokosha kubva pane zvakaitwa naJeremiya kuna Zedhekiya naJohanani?

17 Ona kuti Jeremiya paakakurudzirwa naMwari akakurudzirawo vamwe. Sei? Pane imwe nguva, Mambo Zedhekiya akaudza Jeremiya nezvekutya kwaaiita vaJudha vakanga vabatana nevaBhabhironi. Muprofita wacho akataura mashoko anokurudzira, achinyengetedza mambo kuti ateerere Jehovha kuti zvimufambire zvakanaka. (Jer. 38:19, 20) Pashure pokunge Jerusarema rawa uye vaJudha vashomanana vasara munyika yacho, mukuru mukuru wavo weuto Johanani akafunga nezvokuenda nevanhu kuIjipiti. Asi akatanga abvunza Jeremiya. Muprofita wacho akateerera mashoko aJohanani akabva anyengetera kuna Jehovha. Pave paya akataura mhinduro yaJehovha yaikurudzira, achitaura kuti zvakanaka zvaizobva pakuteerera murayiro waMwari wokuti varambe vari munyika yacho. (Jer. 42:1-12) Pazviitiko zvacho zviviri, Jeremiya akapa nzeve—akateerera asati ataura. Kuteerera kunokosha pakukurudzira vamwe. Rega akaora mwoyo adurure mwoyo wake. Teerera paanotaura zvinhu zvinomudya mwoyo uye zvaanotyira. Pazvinenge zvakakodzera, taura mashoko anokurudzira. Hapana zvaunoratidzwa naMwari kuti ubatsire munhu anoda kukurudzirwa, asi unogona kushandisa pfungwa dzinobatsira dziri muShoko raMwari, pfungwa dzinotaura zviri mune remangwana.—Jer. 31:7-14.

Mufananidzo uri papeji 91

18, 19. Muenzaniso upi wekukurudzira vamwe unowanika munyaya yevaRekabhi neyaEbhedhi-mereki?

18 Zedhekiya naJohanani havana kugamuchira zano rinokurudzira ravakapiwa naJeremiya, uye mazuva ano vamwe vangasagamuchira zano rako. Usarega izvozvo zvichikuodza mwoyo. Vamwe vakabvuma kukurudzirwa kwavakaitwa naJeremiya, uye vakawanda vangangobvumawo kukurudzira kwako. Funga nezvevaRekabhi, boka revaKeni vakanga vaine ushamwari nevaJudha kwemakore akawanda. Pamirayiro yakabva kuna tateguru wavo Jehonadhabhi paiva newokuti sezvo vaiva vatorwa vaisafanira kunwa waini. VaBhabhironi pavairwisa, Jeremiya akaendesa vaRekabhi kuimba yokudyira mutemberi. Achitungamirirwa naMwari, Jeremiya akaisa waini pamberi pavo. Vachiremekedza tateguru wavo uye vachiita zvakasiyana nokusateerera kwevaIsraeri, vaRekabhi vaiteerera uye havana kunwa waini yacho. (Jer. 35:3-10) Jeremiya akavaudza mashoko okurumbidza aJehovha uye zvaaizovaitira mune remangwana. (Verenga Jeremiya 35:14, 17-19.) Unogona kutevedzera izvozvo pakukurudzira vamwe: Rumbidza vamwe nomwoyo wose pazvinenge zvichiita.

19 Jeremiya akaitawo kudaro kuna Ebhedhi-mereki, muItiopiya aishanda somukuru mukuru mudare raMambo Zedhekiya. Machinda eJudha akaita zvisina kururamisira kuti Jeremiya akandwe mumugodhi waiva nematope ndokumusiya kuti afiremo. Ebhedhi-mereki akakumbira kuna Mambo Zedhekiya, uyo akamubvumira kuti aponese muprofita wacho. Ebhedhi-mereki akaita izvi kunyange aizviisa pangozi yokurwiswa nevamwe vanhu. (Jer. 38:7-13) Sezvo Ebhedhi-mereki akanga aita zvaipesana nezvaidiwa nemachinda iwayo eJudha, anofanira kunge aityira zvikuru remangwana rake. Jeremiya haana kuramba akanyarara achitarisira kuti Ebhedhi-mereki aizokurira kuzvidya mwoyo kwacho ari oga. Akataura achiudza Ebhedhi-mereki mashoko anokurudzira okukomborerwa kwaaizoitwa naMwari.—Jer. 39:15-18.

20. Chii chatinofanira kunzwa tichida kuitira hama dzedu, vakuru kana vaduku?

20 Chokwadi, patinoverenga bhuku raJeremiya tinowana mienzaniso yakanaka kwazvo yokuti tingaita sei zvakakurudzirwa hama dzedu dzokuTesaronika nemuapostora Pauro kuti dziite: “Rambai muchinyaradzana nokuvakana . . . Mutsa usina kukodzera kuwanwa waShe wedu Jesu Kristu ngauve nemi.”—1 VaT. 5:11, 28.

Zvidzidzo zvipi zvatinowana kuna Jeremiya zvaunoronga kushandisa paunoedza kukurudzira mweya yakaneta?

a Paitonga Zedhekiya, kwaiva nomumwe Pashuri, muchinda akakumbira mambo kuti Jeremiya aurayiwe.—Jer. 38:1-5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe