RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jr chits. 12 pp. 140-153
  • “Izvozvo Zvakanga Zvisiri Kundiziva Here?”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Izvozvo Zvakanga Zvisiri Kundiziva Here?”
  • Shoko raMwari Kwatiri Achishandisa Jeremiya
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ZVINOREHWA NOKUZIVA MWARI
  • “MUTSA WAKE WORUDO UNOGARA NOKUSINGAGUMI!”
  • “NAJEHOVHA MUPENYU . . . MUKURURAMISIRA!”
  • “HANDIZORAMBI NDAKATSAMWA NOKUSINGAGUMI”
  • “Ndapota, Teererai Inzwi raJehovha”
    Shoko raMwari Kwatiri Achishandisa Jeremiya
  • Kushumira Mu“mazuva Okupedzisira”
    Shoko raMwari Kwatiri Achishandisa Jeremiya
  • Zuva Nezuva Unobvunza Here Kuti, “Jehovha Ari Kupi?”
    Shoko raMwari Kwatiri Achishandisa Jeremiya
  • “Ndaisa Mashoko Angu Mumuromo Mako”
    Shoko raMwari Kwatiri Achishandisa Jeremiya
Ona Zvimwe
Shoko raMwari Kwatiri Achishandisa Jeremiya
jr chits. 12 pp. 140-153

CHITSAUKO 12

“Izvozvo Zvakanga Zvisiri Kundiziva Here?”

1, 2. Nei kwakanga kusiri kuchenjera kuti Jehoyakimu avake imba yake?

MAMBO JEHOYAKIMU akanga achivaka imba, uye yaizova yakakura uye yakanaka zvikuru. Akanga aronga kuvaka imba ine makamuri akakura ari panhurikidzwa mbiri kana kupfuura. Mahwindo akakura aizoita kuti mushana upinde mukati uye mhepo irambe ichifefetera kuitira kuti mambo nemhuri yake vagare zvakanaka. Madziro acho aizova emisidhari inonhuwirira yokuRebhanoni. Pendi tsvuku yaibva kunze kwenyika yaizoshandiswa yoita kuti mukati medzimba dzacho mutsvuke, zvaidiwa zvikuru nevakakwirira uye vaiva nemasimba mune dzimwe nyika.—Jer. 22:13, 14.

2 Mari yaidiwa kuvaka yakanga yakawanda zvikuru. Panguva iyoyo, kudzivirira nyika yacho uye mitero yaidiwa neIjipiti zvakanga zvaita kuti upfumi hwenyika yacho huderere zvikuru. (2 Madz. 23:33-35) Asi Jehoyakimu akakwanisa kuita kuti imba yake itsva youmambo ivakwe. Akanyima vavaki mubayiro wavo! Jehoyakimu akavabata sevaranda, achishandisa ziya ravo sechipo chavaipa kutsigira umambo hwake.

3. Jehoyakimu nababa vake vakanga vakasiyana pakudini, uye nei?

3 Achishandisa Jeremiya, Mwari akapa Jehoyakimu mhosva pamusana poudyire hwake.a Akayeuchidza mambo wacho kuti baba vake, Mambo Josiya, vakanga varatidza mutsa wakakura uye vasinganyimi vaya vaishanda uyewo varombo. Josiya aitorwira kunyange mhosva dzavo mudare. Achiita kuti Jehoyakimu afunge nezvokuva nehanya kwaJosiya nevarombo, Jehovha akabvunza kuti: “Izvozvo zvakanga zvisiri kundiziva here?”—Verenga Jeremiya 22:15, 16.

4. Nei kuziva Jehovha kuchifanira kukosha kwauri?

4 Mamiriro ezvinhu zvaanowedzera kuipa munyika yaSatani, tinoda kubatsirwa uye kuchengetedzwa naJehovha sezvaanoita vaya vanonyatsomuziva. Saka tinofanira kuramba tichiswedera pedyo naMwari. Tinodawo kuratidza unhu hwake hwakanaka kuti tibudirire pakuparidza mashoko akanaka. Zvisinei, ungafunga kuti, ‘MuKristu anganyatsoziva Mwari sei sezvakaita Mambo Josiya?’

ZVINOREHWA NOKUZIVA MWARI

5, 6. (a) Baba vakanaka vanoitei pavana vavo? (b) Kuziva nzira dzaMwari kunofanira kuita kuti tiite sei, kusiyana nezvakaitwa naJehoyakimu?

5 Funga zvinoitwa nababa vakanaka paupenyu hwevana vavo. Somuenzaniso, pavanoona kubatsira kunoita baba vavo vaya vanotambudzika, ivo vanganzwa vachida kupawo vamwe. Pavanovaona vachida amai vavo uye vachivaremekedza zvingavabatsira kuti varatidzewo mutsa kune vanhukadzi kana vari vakomana uye kune vanhurume kana vari vasikana. Vanonzwa kuti baba vavo vanozivikanwa nokururamisira uye kutendeseka panyaya dzemari, izvo zvinofanira kuvaita kuti vavewo vanoruramisira uye vakatendeseka. Chokwadi, nokuziva zvinoitwa nababa vavo uye unhu hwavo, vana ivavo vangakura vachidawo kubata vamwe sezvinoita baba vavo.

6 Nenzira yakafanana, muKristu anoziva Jehovha sezvaiita Josiya haangomuzivi saChangamire Wezvinhu Zvose Zvakasikwa chete. Nokuverenga Bhaibheri, muKristu wacho anosvika pakuziva mabatiro anoita Mwari vamwe, uye anobva ada kutevedzera Baba vake vokudenga. Kuda kwaanoita Jehovha kunowedzera sezvaanofunga zuva nezuva zvinodiwa naMwari nezvaasingadi. Asi munhu asingateereri mitemo uye zviyeuchidzo zvaMwari, achiramba kutungamirirwa naye muupenyu hwake, haazombozivi Mwari wechokwadi. Anenge akafanana naJehoyakimu, akakanda mumoto shoko raJehovha raakataura achishandisa Jeremiya.—Verenga Jeremiya 36:21-24.

Mifananidzo iri papeji 143

Josiya naJehoyakimu—vakaita zvakasiyana kumashoko aMwari

7. Nei uchifanira kuda kuziva Jehovha sezvakaita Mambo Josiya?

7 Kubudirira kwedu mubasa dzvene uye kuva kwedu netariro youpenyu munyika itsva kunobva pakuziva Jehovha zvechokwadi. (Jer. 9:24) Ngationgororei humwe unhu hwaMwari sezvahunoratidzwa mune zvakanyorwa naJeremiya. Patichakurukura unhu hwaMwari, ona kuti iwe pachako ungamuziva sei womutevedzera sezvakaita Mambo Josiya.

Nei tingati Mambo Josiya ainyatsoziva Jehovha? Kuziva kwako Jehovha sezvakaita Josiya kunosanganisirei?

“MUTSA WAKE WORUDO UNOGARA NOKUSINGAGUMI!”

8. Mutsa worudo chii?

8 Unhu hwaJehovha hunozivikanwa semutsa worudo, kana kuti rudo rwokuvimbika, hahuna mashoko akakwana okuhutsanangura zvakazara mumitauro yakawanda. Maererano nerimwe duramazwi reBhaibheri, shoko racho rechiHebheru rinotsanangura kubatana kwesimba, kutsiga uye rudo. Duramazwi iroro rinoenderera mberi richiti: “Tsananguro chero ipi yeshoko racho isingabudisi zvinhu zvacho zvose zviri zvitatu inenge isina kukwana.” Naizvozvo, munhu anoratidza mutsa worudo anenge achipfuura kungova munhu akanaka chete. Aine hanya zvikuru, anoedza nepaanogona napo kubatsira vamwe nezvavanoda, kunyanya mune zvokunamata. Chikonzero chikuru chinoita kuti ade kubatsira vamwe ndechokuda kwaanoita kufadza Mwari Wemasimbaose.

9. Zvakaitwa naJehovha kuvaIsraeri zvakaratidzei?

9 Nzira yakanakisisa yokunzwisisa zvinorehwa nemashoko omuBhaibheri okuti “mutsa worudo” ndeyokudzidza zvakaitira Mwari vanamati vake vechokwadi mumakore akawanda. Jehovha akachengetedza vaIsraeri uye akavapa zvokudya pavakaita makore 40 vari murenje. MuNyika Yakapikirwa, Mwari akavapa vatongi kuti vavanunure pavavengi vavo uye kuti vavadzosere pakunamata kwechokwadi. Sezvo Jehovha akaramba ainavo munguva dzakanaka nedzakaipa mumazana emakore ose iwayo, aigona kuudza rudzi rwacho kuti: “Ndakakuda norudo rusingagumi. Ndokusaka ndakakukweva nomutsa worudo.”—Jer. 31:3.b

10. Sezvinoratidzwa nezvakaitika kuvaJudha vaiva muBhabhironi, Jehovha anoratidza sei mutsa worudo nokuteerera kwaanoita minyengetero?

10 Munguva yatiri kurarama, Mwari anoramba achiratidza mutsa worudo munzira dzinobatsira vanamati vake zvakananga. Funga nezvokunyengetera. Jehovha anoteerera minyengetero yose inobva pamwoyo, asi anonyatsoteerera vashumiri vake vakazvitsaurira pavanonyengetera kwaari. Kunyange tikaita makore tichinyengeterera dambudziko rimwe chete risingaperi, haatigumbukiri uye haaneti kuteerera minyengetero yedu. Jehovha akamboita kuti Jeremiya atumire mashoko kuboka revaJudha vaitova nhapwa muBhabhironi. Vaiva makiromita anopfuura 800 kubva kutemberi, kure nemhuri uye shamwari dzaiva muJudha. Zvisinei, kuva kwavo kure netemberi hakuna kuita kuti Jehovha atadze kunzwa kukumbira kwavo kunzwirwa nyasha uye mashoko avo okurumbidza. Uchifunga nezveminyengetero yako yomwoyo wose, funga nezvokunyaradzwa kwakaitwa vaJudha pavakanzwa mashoko aMwari ari pana Jeremiya 29:10-12.—Verenga.

Mifananidzo iri papeji 144

11, 12. (a) Jehovha akapa vanhu vomuJerusarema tariro yei? (b) Munhu anenge arangwa zvakakodzera angabatsirwa sei?

11 Tinoona humwe uchapupu hwomutsa worudo waJehovha pakuva kwake netariro. Jerusarema parakanga rava pedyo nokuparadzwa uye vagari vomuguta racho zvavakaramba vachipandukira Mwari, ramangwana ravo rakanga rakadini? Vaizofa nenzara here kana kuti vaizourayiwa nebakatwa reBhabhironi? Kana kuti vaizotapwa kwenguva yakareba vofira kune imwe nyika. Zvisinei, Jehovha aiva ‘neshoko rakanaka’ rinopa tariro vaya vaizopfidza vochinja upenyu hwavo. Akavimbisa kuti ‘aizofunga nezvavo.’ ‘Aizovadzosa kunzvimbo ino,’ kumusha kwavo, vachibva kure kuBhabhironi. (Jer. 27:22) Nokudaro, vaizoshevedzera vachiti: “Rumbidzai Jehovha wemauto, nokuti Jehovha akanaka; nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi!”—Jer. 33:10, 11.

12 Pamusana pemutsa wake worudo, Jehovha anokurudzira vaya vari mumamiriro ezvinhu akaoma zvikuru pakuona kwevanhu. Mazuva ano pane vamwe vaimbova muungano yechiKristu asi vakarangwa zvakakodzera. Vanganzwa vaine mhosva yakakura uye parizvino vanozeza kuwadzana zvakare nevanhu vaMwari. Vanganetseka kuti Jehovha achazombovakanganwira ovagamuchirazve here kana kuti kwete. Mwari Wemasimbaose ane ‘shoko rakanaka’ kune vose vakadaro. Vangabatsirwa nomutsa pane chero zvavanofanira kuchinja mumafungiro avo uye zvavanoita. Uye zvatinoverenga mundima yapfuura zvingashanda kwavari—Jehovha ‘achavadzosa kunzvimbo yavo’ pakati pevanhu vake vanofara.—Jer. 31:18-20.

13. Nei kutsigirwa kwakaitwa Jeremiya naJehovha kuchifanira kukukurudzira?

13 Zvaari Mwari ane mutsa worudo, Jehovha nokuvimbika anotsigirawo vashumiri vake vakatendeka. Mumazuva ano okupedzisira enyika yaSatani, tine zvikonzero zvakanaka zvokuvimba kuti Jehovha achatsigira uye achachengetedza vose vanotanga kutsvaka Umambo hwake. Yeuka kuti mumazuva okupedzisira eJerusarema, Jeremiya aivimba naJehovha kuti ndiye aizomupa zvokudya nokumuchengetedza. Mwari haana kumbokundikana kubatsira muprofita wacho. (Jer. 15:15; verenga Mariro 3:55-57.) Kunyange zvinhu zvikakuomera sei, iva nechokwadi chokuti Jehovha anoyeuka kuvimbika kwako. Pamusana pomutsa wake worudo, anoda kukutsigira kuitira kuti ‘usapera.’—Mari. 3:22.

Chii chine chokuita nomutsa worudo waJehovha chinoita kuti unyanye kumuyemura? Nei uchinzwa saizvozvo?

“NAJEHOVHA MUPENYU . . . MUKURURAMISIRA!”

14. Kusaruramisira kupi kwawakaona munguva ichangopfuura?

14 Vamwe vanhu vanopedza makore vari mujeri pamusana pemhosva dzavanenge vasina kupara. Pave paine nyaya dzokuti dare rinotongera munhu rufu uye uchapupu hwokuti haana mhosva hwozobuda munhu wacho aurayiwa. Mune dzimwe nyika, vabereki vanoshaya kuti vowana sei zvokudya zvokuti vanobva vatengesa vana vavo sevaranda kuitira kuti mhuri iwane zvokudya. Unofungei paunonzwa nezvokusaruramisira kwakadaro mazuva ano? Unofunga kuti Jehovha anonzwa sei? Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti anoda kubvisa zvose zvinokonzera kutambura. Ndiye oga anokwanisa kuita izvozvo. Nokudaro, mazuva ano varombo uye vanhu vasina mhosva vanogona kuva netariro. Jehovha, Mwari wekururamisira, ari kutora matanho okuvanunura mumatambudziko avainawo.—Jer. 23:5, 6.

Mifananidzo iri papeji 146

15, 16. (a) Jeremiya akabudisa chokwadi chipi nezvaJehovha? (b) Nei ungavimba nemitemo uye zvinovimbiswa naMwari?

15 Munguva yakararama Jeremiya, vamwe vaiziva unhu hwaMwari hukuru hwokururamisira. Somuenzaniso, muprofita wacho akataura nezvomukana wokuti vaIsraeri vaigona kupfidza zvivi zvavo voita sokuti vaitaura mashoko airatidza kuchinja kwavaizoita mwoyo yavo vachiti: “NaJehovha mupenyu muchokwadi, mukururamisira uye mukururama!” (Jer. 4:1, 2) Izvozvo ndezvechokwadi nokuti kusaruramisira hakuna nzvimbo muchinangwa chaJehovha. Asi pane humwe uchapupu hwokuti Jehovha anoda kururamisira.

16 Hapana mubvunzo kuti Mwari anoita zvaanenge ataura uye haana unyengeri. Kunyange zvazvo vanhu vakawanda vasingaiti zvavanenge vavimbisa vamwe, Jehovha haadaro. Kunyange mitemo yezvinhu zvakasikwa yaakadzika uye inotibatsira hapana munhu anogona kuityora. (Jer. 31:35, 36) Tinogonawo kuvimba nezvaanovimbisa uye zvaakatonga, nokuti zvakanaka nguva dzose.—Verenga Mariro 3:37, 38.

17. (a) Jehovha anoitei paanotonga nyaya? (b) Nei ungavimba nenzira inoshandiswa nevakuru pakugadzirisa matambudziko muungano? (Ona bhokisi rakanzi, “Vanotonga Vachimiririra Jehovha.”)

17 Paanotonga, Jehovha haagutsikani nezvinenge zvakangoita nyaya yacho nechokunze. Anoongorora zvimwe zvisiri pachena kuti awane chokwadi chose. Anoongororawo vavariro dzevanenge vari munyaya yacho. Iye zvino vanachiremba vava kukwanisa kushandisa michina uye unyanzvi kuti vaone mwoyo womurwere paunenge uchipomba ropa, voziva zvaunenge wakaita. Kana kuti vanogona kuongorora itsvo dziri kuita basa rokuchenesa ropa. Jehovha anogona kuita zvinopfuura izvozvo. Anoongorora mwoyo wokufananidzira ndokuona vavariro dzemunhu uye itsvo dzokufananidzira, dzinoratidza manzwiro emukati-kati emunhu. Naizvozvo anogona kuziva chikonzero nei mumwe munhu akaita zvaakaita uye kuti anonzwa sei pamusana pezvaakaita. Uye Wemasimbaose haaremerwi nokuwanda kwezvinhu zvinobuda paanoongorora. Kupfuura mutongi akangwara zvikuru pavanhu, anoshandisa zvose izvozvo nenzira yakarurama uye zviri pakati nepakati kuti asarudze zvine chokuita neremangwana redu.—Verenga Jeremiya 12:1a; 20:12.

VANOTONGA VACHIMIRIRIRA JEHOVHA

Achishandisa Shoko rake rakanyorwa uye ungano yechiKristu, Jehovha anodzidzisa vakuru matongero aanoita. Anovapa simba rokumumiririra pakugadzirisa zvinetso muungano. Hama idzodzo hadzina kukwana uye hadzigoni kuona zviri mumwoyo sezvinoita Jehovha. Asi vanoda kubata vavanonamata navo maererano nezvinoitwa naMwari Wemasimbaose. Vanonyengeterera kutungamirirwa naMwari uye vanoedza kushandisa mashoko emuBhaibheri akakodzera, naizvozvo vanotsvaka ku“tonga nokururama,” sezvinoitwa naJehovha pachake. (Jer. 11:20) Saka, une chikonzero chakanaka chokuvimba nevakuru, “nokuti ivo vari kurinda mweya yenyu sevanhu vachazozvidavirira.”—VaH. 13:17.

18, 19. Kuziva unhu hwaMwari hwokururamisira kunoita kuti tiite sei?

18 Naizvozvo, une chikonzero chakasimba chokuvimba naJehovha, kunyange dzimwe nguva uchinzwa hana yako ichikunetsa pamusana pezvikanganiso zvawakaita kare. Usambokanganwa kuti Jehovha haasi muchuchisi akaoma musoro anongotsvaka chikonzero chokuti munhu arangwe, asi iye Mutongi ane mutsa anoda kubatsira. Kana usina kugadzikana pamusana pezvawakaita kare kana kuti nenyaya inobatanidza mumwe munhu, kumbira Jehovha kuti apindire ‘pakurwisa,’ kana kuti pakutambudzika mumwoyo kuitira kuti ukanganwe nyaya yacho.c Uchibatsirwa naMwari, unogona kuona kukoshesa kwaanoita zvaunoramba uchiita mubasa dzvene.—Verenga Mariro 3:58, 59.

19 Zvinonzwisisika kuti Mwari wokururamisira kwakakwana anoda kuti vaya vanoda kufarirwa naye varuramisirewo. (Jer. 7:5-7; 22:3) Kuparidza mashoko akanaka tisingasaruri inzira inokosha yokuratidza kururamisira kwaMwari. Kana uchishingaira pakudzokerazve kune vanofarira uye pakuitisa zvidzidzo zveBhaibheri, unoratidza kururamisira kwaMwari kukuru munzira inobatsira zvechokwadi. Izvozvo zvinodaro sei? Anoda kuti vanhu vemarudzi ose vadzidze nezvake voponeswa. (Mari. 3:25, 26) Chokwadi une ropafadzo yokushanda pamwe chete naMwari, uchiratidza kururamisira kwake mubasa iroro rinoponesa upenyu!

Kururamisira kwaJehovha kunokunyaradza sei? Unganyaradza sei vamwe nokururamisira kwaMwari?

“HANDIZORAMBI NDAKATSAMWA NOKUSINGAGUMI”

20. (a) Chii chakabudiswa pachena naJeremiya pane izvo Mwari anoita nevanhu? (b) ‘Kuzvidemba’ kunei chokuita nekukanganwira kwaJehovha? (Ona bhokisi rakanzi, “Jehovha ‘Anozvidemba’ Pakudini?”)

20 Vakawanda vanoona bhuku raJeremiya nereMariro seanongoshora uipi. Maonero iwayo anopesana nezvaitaurwa naJehovha kuvanhu vake achida kuvakanganwira sezvakanyorwa mumabhuku acho. Akakurudzira vaJudha kuti: “Ndapota, mumwe nomumwe ngaatendeuke panzira yake yakaipa, uye itai kuti nzira dzenyu nezvamunoita zvive zvakanaka.” Pane imwe nguva, Jeremiya akavakurudzira kuti: “Itai kuti nzira dzenyu nezvamunoita zvive zvakanaka, uye teererai inzwi raJehovha Mwari wenyu, uye Jehovha achazvidemba nokuda kwedambudziko raakataura pamusoro penyu.” (Jer. 18:11; 26:13) Mazuva ano, Jehovha achiri kukanganwira vose vanozvidemba nemwoyo wose uye vanorega kuita zvakaipa.

JEHOVHA ‘ANOZVIDEMBA’ PAKUDINI?

Tinogona kunyatsonzwisisa ukuru hwokukanganwira kwaMwari nokufunga nezvemabatiro aanoita vaya vaimboita zvivi asi vakazochinja mwoyo yavo. Paanoona kuti vanochinja upenyu hwavo vomuteerera, ‘anozvidemba.’ (Jer. 18:8; 26:3) Pakudini?

Mwari akakwana uye haambokanganisi pakutonga, saka hakusi kuti anozvidemba sezvinoita munhu anenge arasika zvachose pakutonga nyaya. Asi Jehovha anozvidemba nokuchinja zvaanoita, achiita maererano nokuchinja mwoyo kwaanoona.

Uku hakusi kungobvisa mutongo kunoitwa munhu asingafungi. Manzwiro anoita Jehovha nezvevatadzi vanopfidza anochinja. Maererano nedzimwe nyanzvi, pakabva shoko rechiHebheru rechiito rinoshandurwa kuti, ‘kuzvidemba’ mundima dziri pamusoro apa panonzi panoratidza pfungwa yokufema zvakadzika, zvimwe uchitura befu. Izvi zvingaratidza kuti Jehovha paanoona kuzvidemba kwechokwadi mumwoyo wemunhu, nenzira yokufananidzira anofema zvakadzika, sokutura befu rokuzorora. Mwari anogona kuratidza munhu anenge apfidza rudo runowanikwa nevaya vaanofarira. Mutadzi iyeye angasangana nemimwe migumisiro, asi Mwari anofara nokuchinja kwaanenge aita mwoyo. Anoita kuti “dambudziko” racho kana kuti kuranga kwake kwanga kwakakodzera kusaoma. (Jer. 26:13) Ndeupi mutongi anoda kuona kupfidza kwechokwadi zvakadai? Jehovha anofara kuita izvozvo.—Jer. 9:24.

21. Jehovha anenge achida kupedzei paanokanganwira munhu?

21 Asi Jehovha anoita zvinopfuura kungotaura nezvokukanganwira. Anoita maererano nezvaanenge ataura. Jehovha akashandisa Jeremiya kuti akurudzire vanhu kuti: “Dzokai, haiwa imi vaIsraeri vakatsauka . . . Handizokutaririi nechiso changu ndakatsamwa . . . Handizorambi ndakatsamwa nokusingagumi.” (Jer. 3:12) Mwari haarambi akatsamwira vanhu vake vaanenge akanganwira. Asi, kunyange paine chinenge chakanganisika, Jehovha anoda kugadzirisa ukama hunenge hwakanganisika. Pasinei nezvivi zvingave zvakaitwa nomunhu, kana mutadzi iyeye akapfidza zvechokwadi okumbira kukanganwirwa naMwari, Jehovha ‘achamudzosa’ kunyasha dzake nechikomborero. (Jer. 15:19) Mashoko iwayo okuvimbisa anofanira kukurudzira chero munhu akaparadzana naMwari wechokwadi iye zvino kuti adzokere kwaari. Haubvumi here kuti kukanganwira kwaJehovha kunoita kuti tide kuswedera pedyo naye?—Verenga Mariro 5:21.

Mifananidzo iri papeji 152

22, 23. Sezvaunotevedzera Jehovha panyaya yokukanganwira, ndechipi chinofanira kuva chinangwa chako?

22 Mumwe munhu paanokugumbura nemashoko kana zviito zvinoratidza kusafunga, uchatevedzera Jehovha here? NezvevaJudha vekare, Mwari akati ‘aizonatsa’ vaya vaaikanganwira. (Verenga Jeremiya 33:8.) Anokwanisa kunatsa kana kuti kuchenesa, mupfungwa yokukanganwa zvikanganiso zvevanopfidza, oita kuti munhu wacho atange patsva kumushumira. Asi kukanganwirwa naMwari hakurevi kuti munhu wacho anatswa pakusakwana kwatakagara nhaka zvokuti anenge akwana, asisina chivi. Kunyange zvakadaro, tine zvatinodzidza pane zvakataurwa naMwari nezvokunatsa vanhu. Tinogona kuedza kwazvo kukanganwa kukanganisa kwakaita mumwe munhu, izvo zvakafanana nokunatsa maonero atinoita munhu wacho mumwoyo medu. Sei?

23 Ngatitii waizopiwa vhasi remaruva sechipo. Kudai raizosviba, kurirasa ndicho chinhu chokutanga chawaizoita here? Kwete. Zvimwe waizoedza nepaunogona napo kuti urichenese nokungwarira, uchibvisa tsvina yose. Unoda kuona kunaka kwaro, kupenya kwarinoita muchiedza chezuva. Saizvozvowo, unogona kushanda zvakaoma kuti ukurire manzwiro okurwadziwa kana okusafarira hama kana hanzvadzi yakakugumbura. Rwisa kuramba uchifunga nezvemashoko kana kuti zviito zvakakurwadza. Sezvaunobudirira pakukanganwa zvikanganiso zvacho, unonatsa mumwoyo mako maonero aunoita munhu waunenge wakanganwira. Kana mwoyo wako wacheneswa pakufunga zvakaipa nezvemunhu wacho, unenge wasununguka kuvazve noushamwari hwepedyo hwakanga hwaita sehwarasika zvachose.

24, 25. Uchabatsirwa nei kana ukaziva Jehovha sezvakaita Mambo Josiya?

24 Tangoongorora humwe unhu hwaJehovha uye zvaakaita zvatinodzidza patinomuziva zviri nani. Tinogona kuona kuti zvatinobatsirikana nazvo patinonyatsoziva Jehovha zvinoita kuti tide zvikuru kumunamata nenzira yaanoda. Kana tikanyatsoziva Jehovha sezvakaita Mambo Josiya, upenyu hwedu huchazara nemufaro, uri humwe unhu hwaMwari.

25 Kunyatsoziva Jehovha kuchaita kuti tive noukama hwakanaka nevamwe. Tikashanda nesimba kuti tiratidze mutsa worudo, kururamisira, uye kukanganwira sezvinoita Jehovha, ushamwari hwedu muungano yechiKristu huchadzika midzi uye huchawedzera kukosha. Uyewo, tichaona tava kukwanisa kudzidzisa sezvatinodzokera kunoona vanhu vatakavimbisa kuti tichadzoka mundima yedu uye kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvinobudirira. Vanofarira vachanzwa kudekara pavanoona mararamiro edu echiKristu. Saka tichava vakagadzirira zviri nani kuvabatsira kunamata Jehovha nenzira yaanofarira, kuti vatevere “nzira yakanaka.”—Jer. 6:16.

Chii chaunowana pana Mariro 5:21?

a Ona Chitsauko 4 chebhuku rino pandima 12 kuti uzive zvakaipa zvakazoitika kuna Jehoyakimu.

b The New English Bible inoshandura mashoko aJehovha ichiti: “Ndakakuda zvikuru kubvira kare, uye ndinoramba ndiine hanya newe.”

c Kana hama kana kuti hanzvadzi ikatyora mutemo waMwari zviri pachena, vakuru vomuungano vanofanira kuudzwa kuitira kuti vabate nyaya yacho uye vape rubatsiro rwomuMagwaro.—Jak. 5:13-15.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe