RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yp1 chits. 4 pp. 28-33
  • Nei Baba Naamai Vakarambana?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Baba Naamai Vakarambana?
  • Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Vabereki Vachirambana?
  • Zvaungaita
  • Zvausingafaniri Kuita
  • Zvaungatarisira Mune Ramangwana
  • Neiko Baba Naamai Vakaparadzana?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Ndingaita Sei Kana Vabereki Vangu Vari Kurambana?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Ndinofanira Kuitei Kana Vabereki Vangu Vachipopotedzana?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Ko Kurambana Kwavabereki Vangu Kuchashatsa Upenyu Hwangu Here?
    Mukai!—1988
Ona Zvimwe
Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
yp1 chits. 4 pp. 28-33

CHITSAUKO 4

Nei Baba Naamai Vakarambana?

“Ndaiva pamba naAmai musi watakasiyiwa naBaba. Ndaingova nemakore matanhatu, saka handina kunzwisisa zvakanga zvichiitika. Ndakanga ndakagara zvangu pasi ndichiona TV, uye ndakanzwa amai vachipfikura uye vachiteterera baba kuti vasaenda. Vakadzika masitepisi vachiuya vachipinda mandaiva vakabata sutukesi, ndokupfugama vachibva vanditsvoda ndokuti, ‘Baba vacharamba vachikuda.’ Vakabva vabuda. Ndakaita nguva refu ndisina kuona baba vangu. Kubvira ipapo, ndave ndichitya kuti zvimwe Amai vachandisiyawo.”—Elaine, 19.

KANA vabereki vako vakarambana, zvingaita sokuti upenyu hwako hwaenda musango, uchangoramba uchitambura. Kazhinji zvinokonzera kuti munhu anyare, agumbuke, azvidye mwoyo, atye kusiyiwa, anzwe aine mhosva, aore mwoyo, uye anzwe arasikirwa zvikuru—kunyange kuda kutsiva.

Kana vabereki vako vachangobva pakurambana, unganzwa saizvozvo, uye izvi zvinotarisirwa nokuti Musiki wedu aida kuti vana varerwe nababa naamai vari vaviri. (VaEfeso 6:1-3) Iye zvino hauchisina mubereki wawaigara uchiona zuva nezuva, munhu waungave waida chaizvo. Daniel ane vabereki vakarambana paaiva nemakore manomwe anoti, “Ndairemekedza baba vangu zvikuru uye ndaida kuva navo. Asi Amai ndivo vakawana kodzero yepamutemo yokutichengeta.”

Nei Vabereki Vachirambana?

Kazhinji, vana vanoshamiswa nokurambana kwevabereki vavo nokuti vabereki vanenge vanyatsoviga matambudziko avo. Rachel uyo aiva nemakore 15 pakarambana vabereki vake anoti, “Zvakandikatyamadza. Ndaigarofunga kuti vabereki vangu vaidanana.” Kunyange kana vabereki vachigara vachinetsana, pavanozonyatsorambana zvingatokatyamadza uye kurwadza!

Kazhinji vanorambana nokuti mumwe mubereki akaita unzenza. Pakadaro, Mwari anobvumira kuti asina mhosva wacho adambure muchato osununguka kurooranazve nomumwe. (Mateu 19:9) Mune zvimwe zvinoitika, “kutsamwa nehasha nokupopota nokutuka” zvakakonzera kuti vakaroorana varwe, zvichiita kuti mumwe mubereki atyire kuti iye nevana vangakuvadzwa.—VaEfeso 4:31.

Ichokwadi kuti vamwe vakaroorana vanorambana pamusana pezvikonzero zvisinganyanyi kukosha. Pane kugadzirisa zvinenge zvichinetsa, mumwe anoramba mumwe wake nezvikonzero zvoudyire, nokuti anoti “haasi kufara” kana kuti “havachadanani.” Izvi hazvifadzi Mwari, uyo “anovenga kurambana” kwakadaro. (Maraki 2:16) Jesu akati dzimwe mhuri dzingaparara kana mumwe pane vakaroorana akava muKristu.—Mateu 10:34-36.

Chero zvazvingava, kusarudza kungave kwakaita nevabereki vako kusakuudza kana kusapindura mibvunzo yako zvisina kunyatsojeka nezvokurambana kwavo hakurevi kuti havakudi. Vabereki vako vangaomerwa kuti vataure nezvokurambana kwacho vachingofunga nezvokurwadziwa kwavo. (Zvirevo 24:10) Vanganzwawo vasina kusununguka uye vachinyara kubvuma zvavakakundikana vari vaviri.

Zvaungaita

Ziva kuti zvii zvaunotya. Sezvo kurambana kungachinja upenyu hwako zvachose, ungaona wava kunetseka nezvinhu zvawaisambova nehanya nazvo. Kunyange zvakadaro, ungakwanisa kudzora kutya kwako nokutanga kuziva kuti zvinhu zvacho zvii. Pasi apa, isa ✔ padivi pechaunonyanya kutya, kana kuti nyora chaunotya pakanzi “Zvimwe.”

□ Mumwe mubereki wangu achandisiyawo.

□ Mhuri yedu ichange isina mari yakakwana yokurarama nayo.

□ Ndingangodaro ndakakonzera kurambana kwacho.

□ Kana ndikaroora kana kuroorwa, imba yangu ichaputsika.

□ Zvimwe ․․․․․

Kurukurai zvinokunetsa. Mambo Soromoni akati pane “nguva yokutaura.” (Muparidzi 3:7) Saka edza kuziva nguva yakakodzera yokukurukura nevabereki vako zvinhu zvaunotya zvawamaka pamusoro apa. Ita kuti vazive kuti wakasuruvara kana kuti wakavhiringidzika zvakadini. Zvimwe vachakwanisa kutsanangura zviri kuitika nokudaro worega kunyanya kuzvidya mwoyo. Kana vabereki vako vasingadi kana kuti vasingakwanisi kukutsigira panguva ino, ungaudza shamwari inovaka. Tanga iwe kunotaura nayo. Kungova nomumwe munhu achakuteerera kungakuzorodza zvikuru.—Zvirevo 17:17.

Zvinotonyanya kukosha ndezvokuti Baba vako vokudenga vanogara vachida kukuteerera, sezvo vari “Munzwi womunyengetero.” (Pisarema 65:2) Durura mwoyo wako kwavari, ‘nokuti ivo vane hanya newe.’—1 Petro 5:7.

Zvausingafaniri Kuita

Usachengeta mafi. Daniel ambotaurwa anoti, “Vabereki vangu vaingozvifunga ivo chete. Vakanga vasingambofungi nezvedu uye kuti zvavakaita zvaizoita kuti tinzwe sei.” Mafungiro aDaniel anonzwisisika uye angava echokwadi. Asi ungapindura sei mibvunzo inotevera? Nyora mhinduro dzako pamutsetse uripo.

Daniel aizokuvara zvakadini dai aizoramba akatsamwa uye akachengeta mafi? (Verenga Zvirevo 29:22.) ․․․․․

Kunyange zvazvo zvaizova zvakaoma, nei zvingava zvakanaka kuti Daniel aedze kukanganwira vabereki vake pamusana pokumurwadzisa kwavakaita? (Verenga VaEfeso 4:31, 32.) ․․․․․

Chokwadi chinokosha chiri pana VaRoma 3:23 chingabatsira sei Daniel kuona vabereki vake zvakanaka? ․․․․․

Dzivisa kuita zvinhu zvingakupinza mumatambudziko. Denny anoyeuka kuti, “Ndakanga ndisingafari uye ndakaora mwoyo pashure pokunge vabereki vangu varambana. Ndakatanga kuva nematambudziko kuchikoro uye rimwe gore ndakafoira. Pashure paizvozvo . . . ndakatanga kutamba nechikoro uye ndaigara ndichirwa nevanhu.”

Unofunga kuti Denny akanga achiedza kuti zviite sei paaitamba kuchikoro? ․․․․․

Nei angave akatanga kurwa nevanhu vakawanda? ․․․․․

Dai waizonzwa uchida kurwadzisa vabereki vako nokuita zvakaipa, pfungwa iri pana VaGaratiya 6:7 ingakubatsira sei kuramba uine maonero akanaka? ․․․․․

Zvaungatarisira Mune Ramangwana

Kukuvara kwakadai sokutyoka bvupa, kungatora vhiki dzakawanda kana kuti kunyange mwedzi yakawanda kuti kunyatsopora. Saizvozvowo, kukuvara mupfungwa kunotora nguva yakareba kuti kupore. Dzimwe nyanzvi dzinofunga kuti kurwadziwa kwakanyanya kunoitika pakurambana kunopera mumakore matatu. Izvozvo zvingaita senguva yakareba zvikuru, asi yeuka kuti zvakawanda zvinofanira kuitika upenyu hwako husati hwagadzikana.

Kutanga, zvinhu zvamunogara muchiita mumhuri—zvinenge zvavhiringidzwa nokurambana—zvinofanira kurongwazve. Zvichatorawo nguva yakareba vabereki vako vasati vagadzikana mupfungwa. Ipapo chete ndipo pavangakwanisa kukupa rutsigiro rwaunoda. Zvisinei, pamunotanga kurarama sezvamaimboita, uchatanga kunzwazve zviri nani.

VERENGA ZVIMWE NEZVENYAYA IYI MUBHUKU 2, CHITSAUKO 25

MUCHITSAUKO CHEDU CHINOTEVERA

Unozvidya mwoyo here nokuti mubereki wako akaroora kana kuti kuroorwazve? Ungaita sei?

RUGWARO RUNOKOSHA

‘Pane nguva yokuporesa.’—Muparidzi 3:1, 3.

ZANO

Kana vabereki vako vakarambana, mumwe chete wavo kana kuti zvimwe vose zvavo vanenge vaine zvavakakanganisa. Edza kuziva zvikanganiso izvozvo kuitira kuti usazozvidzokorora kana ukasarudza kuroora kana kuti kuroorwa mune ramangwana.—Zvirevo 27:12.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Unogona kuva neimba inofara kunyange zvazvo vabereki vako vasina.

ZVANDINORONGA KUITA!

Ndinogona kutaura zvandinotya kuna (nyora zita romunhu anokuvaka waungada kutaura naye) ․․․․․

Kana ndichinzwa kuda kurwadzisa vabereki vangu nokuita zvakaipa, ndinogona kuzvidzora kana ndikaita zvinotevera: ․․․․․

Izvi ndizvo zvandinoda kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Nei vabereki vako vangasada kutaura newe nezvokurambana kwavo?

● Nei zvichikosha kuyeuka kuti kurambana inyaya yokunetsana kwevabereki vako vari vaviri, kwete newe?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 32]

Pashure pokunge amai vangu vatisiya, ndakaora mwoyo uye zuva nezuva ndaichema. Asi ndainyengetera kakawanda, ndaigara ndiine zvokuita ndichibatsira vamwe uye ndaigara ndiri pedyo neshamwari dzinovaka. Ndinofunga kuti izvi ndizvo zvakashandiswa naJehovha Mwari kuti andibatsire kutsungirira.’’—Natalie

[Mufananidzo uri papeji 33]

Kukanganwa nezvokurambana kwevabereki vako kwakafanana nokupora ruoko rwakatyoka—zvinorwadza asi pakupedzisira uchapora

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe