Ganhuro 4
Neiko Baba Naamai Vakaparadzana?
“Ini ndinoyeuka apo baba vangu vakatisiya. Isu takanga tisingazivi zvomenemene chakanga chiri kuitika. Amai vaitofanira kuenda kubasa vachitisiya tiri toga nguva yose. Dzimwe nguva taingogara hedu bedzi tiri pafafitera ndokunetsekana kana ivo vakanga vatisiyawo. . . . ”—Musikana wemhuri yakachatanurana.
CHATANURO yavabereki vako ingaratidzika somugumo wenyika, ngwavaira inoparira rusuruvaro rwakaringanira kugara nokusingaperi. Kunowanzonyandura denho yokunzwa kwenyadzi, kushatirwa, kufunganya, rutyo rwokusiiwa, kunzwa kwokuva nemhaka, kupera mwoyo, nokurashikirwa kukurusa—kunyange kushuva kutsiva.
Kana vabereki vako vakaparadzana pamisi ichangobva kupfuura iyi, iwewo ungave uchitambura kunzwa kwakadaro. Kunze kwezvo, Musiki wedu akakuitira kuti uve anorerwa navose vari vaviri baba naamai. (VaEfeso 6:1-3) Asika, zvino wakabvisirwa kuvapo kwezuva nezuva kwomubereki waunoda. “Ndairemekedza zvomenemene baba vangu uye ndaida kuva navo,” anochema kudaro Paul, uyo vabereki vake vakaparadzana apo iye akanga ana makore manomwe. “Asi Amai vakawana maruramiro okutitarisira.”
Chikonzero Nei Vabereki Vachiparadzana
Kazhinji kazhinji vabereki vakaita kuti zvinetso zvavo zvirambe zvakasanovanzika. “Handizati ndichiyeuka vabereki vangu vachirwa,” anodaro Lynn, ane vabereki vakachatanura apo iye akanga achiri mwana. “Ndaifunga kuti vaiwirirana.” Uye kunyange apo vabereki vanorwa chaizvo, kungangoitikawo sekatyamadzo apo ivo vanoparadzana chaizvo!
Mune zvinoitika zvizhinji, kuparadzana kunoitika nokuti mumwe mubereki ane mhaka yokusazvibata muutere. Mwari anobvumira mukwanyina asine mhaka kuwana chatanuro. (Mateo 19:9) Mune zvimwe zvinoitika, “kutsamwa nokupopota nomutauro wakashata” zvakapinda mumasimba masimba, zvichiparira mubereki mumwe kutya garikano yake yokunyama neyeyo yavana.—VaEfeso 4:31.
Dzimwe chatanuro, sezvinobvumwa, dzinowanwa pazvikonzero zvisina kutsarukana. Panzvimbo pokugadzirisa zvinetso zvavo, vamwe vanochatanura noudyire nemhaka yokuti vanotaura kuti ivo ‘havasi kufara’ kana ‘havazati vachadananazve.’ Ikoku hakufadzi kuna Mwari, uyo “akavenga kuchatanura.” (Maraki 2:16) Jesu akaratidzirawo kuti vamwe vaizoputsa roorano dzavo nokuti vakwanyina vavo vakava maKristu.—Mateo 10:34-36.
Chipi kana chipi chingava chikonzero, idi rokuti vabereki vako vangave vakasarudza kunyarara kana kukupa bedzi mhinduro dzisina kutsarukana dzemibvunzo yako pamusoro pechatanuro hakuzati kuchireva kuti ivo havazati vachikuda.a Vachifunga bedzi nezvekuvadziko yavo vamene, vabereki vako vangakuwana kwakaoma kutaura pamusoro pechatanuro. (Zvirevo 24:10) Vangakuwana kuchinyadzisa uye kuchikangaidza kubvuma kukundikana kwavo.
Zvaunogona Kuita
Edza kucherechedza nguva yakafanira yokukurukura muruteramo zvichemo zvako navabereki vako. (Zvirevo 25:11) Ita kuti vazive kuti unosuruvariswa sei uye unokangaidzwa sei pamusoro pechatanuro. Zvimwe ivo vachakupa tsananguro inogutsa. Kana vasina, rega kupererwa nezano rose zvaro. Ko Jesu haana kunyima mashoko ayo iye aiziva kuti vadzidzi vake vakanga vasina kugadzirira kuachengeta here? (Johane 16:12) Uye vabereki vako havana maruramiro okuva nenhau dzapachivande here?
Pakupedzisira, nzwisisa kuti chatanuro, pasinei hapo nechingava chikonzero chayo, ikakavadzano pakati pavo—kwete newe! Munzvero yavo yemhuri dzakachatanura dzine 60, Wallerstein naKelly vakawana kuti vanyakuroorana vaipomerana mhaka, vabatirwi vavo, mitezo yemhuri, uye shamwari nokuda kwechatanuro. Asika, vanzveri vanoti: “Hapana nomumwe, nomutoo unofadza zvikuru, akapomera vana.” Kunzwa kwavabereki vako hakuchinji kwauri.
Miuyo Inoporesa Yenguva
Pane “nguva yokuporesa.” (Muparidzi 3:3) Uyezve sezvo ronda chairoiro, rakadai sepfupa rakavhunika, ringada mavhiki kana kunyange mwedzi kuti ripore chaizvoizvo, maronda epfungwa anoda nguva yokupora.
Vanzveri vechatanuro Wallerstein naKelly vakawana kuti mukati bedzi mamakore anoverengeka pashure pechatanuro “kutya kwakapararira, nhamo, kusadavira kunokatyamadza . . . kwakanyangarika kana kwakatsakatika chose chose.” Dzimwe nyanzvi dzinorangarira kuti kuipisisa kwechatanuro kunopera mukati mamakore matatu bedzi. Iyoyi ingaratidzika kuva nguva refu, asi zvakawanda zvinotofanira kuitika upenyu hwako husati hwagona kugadzikana.
Kutanga, muitiro wemba—wavhiringidzwa nechatanuro—unofanira kurongwazve. Nguva ichapfuurawo vabereki vako vasati vazvimirira mupfungwa. Panguva ino bedzi pakupedzisira pavangava vanokwanisa kukupa tsigiro inodikanwa. Upenyu hwako zvahunowanazve chitarisiko chomugariro wenguva dzose, uchavamba kunzwazve mugariro womuzvarirwo.
Zvisinei, Soromoni akapa iyi nyevero, kuti: “Rega kuti: ‘Neiko kwakaitika kuti mazuva akare akabvumikisa kuva ari nani zvikuru kupfuura aya?’ nokuti iwe wakabvunza pamusoro paikoko nokusati kuri nokuda kwouchenjeri.” (Muparidzi 7:10) Kufungisisa pamusoro pezvenguva yakapfuura kungagona kukupofumadzira kune zvenguva ino. Ko mugariro wemhuri yenyu wakanga wakaita sei pamberi pechatanuro? “Nguva dzose paiva nokurwa kwakawanda—kuridza mhere nokutuka,” anobvuma kudaro Annette. Kungava here kuti zvino wofarikanya rugare rwapamba?
‘Ndinogona Kuvaita Kuti Vadzokerane’
Dzimwe pwere dzinotanga fungidziro dzokubatanidzazve vabereki vadzo, zvimwe dzichiomerera kufungidziro dzakadaro kunyange pashure pokunge vabereki vadzo varoorazve!
Zvisinei, kuramba chatanuro hakuchinji chinhu. Uye misodzi yose, kutsvetera, uye kuronga mazano zvimwe hazvingaite kuti vabereki vako vadzokereranezve pamwe chete. Naizvozvo huzvitambudzirei hako umene kupfurikidza nokufungisisa pamusoro pezvisingabviri? (Zvirevo 13:12) Soromoni akataura kuti kune “nguva yokurega zvose sezvakarashika.” (Muparidzi 3:6) Naizvozvo gamuchira zvose zviri zviviri kuti chatanuro ndeyechokwadi neyechigarire. Iyi inhano huru yokuikanganwa kwako.
Kubvumirana Navabereki Vako
Ungava unoshatirirwa nomutoo wakafanira vabereki vako nokuda kwokukangaidza upenyu hwako. Sokutaura kwakaita rimwe jaya nomutoo wakakasharara, kuti: “Vabereki vangu vaiva noudyire. Vakanga vasingafungi chaizvoizvo pamusoro pedu uye kuti zvavaiita zvaizotitapura sei. Vakangopfuurira zvavo ndokuita rongedzero dzavo.” Ikoku kungava kwechokwadi. Asika unogona kupfuurira uchirarama wakatwara mutoro wokutsamwa noukasharari ndokusazvikuvadza umene here?
Bhaibheri rinozanura, kuti: “Shungu dzose nokutsamwa nehasha . . . ngazvibviswe kwamuri . . . Asi muitirane tsitsi, muchinzwirana nyasha zvikuru, muchikanganwirana norusununguko.” (VaEfeso 4:31, 32) Unogona sei kukanganwira mumwe munhu akakukuvadza zvikuru kwazvo? Edza kurangarira vabereki vako nomutoo usina kwawakarerekera—savanhu vanokanganisa, vasina kukwana. Hungu, kunyange vabereki ‘vanoita chivi ndokuperevedza pambiri yaMwari.’ (VaRoma 3:23) Kuziva ikoku kunogona kukubetsera kusvika pakuwirirana navabereki vako.
Taura Kunzwa Kwako Mukusavanza
“Handizati ndambokurukura chaizvoizvo manzwire andakaita pamusoro pechatanuro yavabereki vangu,” rimwe jaya rakadaro parakabvunzurudzwa nesu. Kunyange zvazvo pakuvamba yakanga yakanyarara, pwere yacho yakava neshungu nomutoo unowedzera—kunyange misodzi—sezvayakataura pamusoro pechatanuro yavabereki vayo. Kunzwa kwakanga kwanguve kwakavanzwa kwakafukunurwa. Ichikatyamara naikoku, iyo yakabvuma, kuti: “Kukutaura mukusavanza kwakandibetsera chaizvoizvo.”
Iwe nenzira imwe cheteyo ungawana kuchibetsera kuvimba nomumwe munhu, panzvimbo pokuzviparadzanisa iwe umene. Ita kuti vabereki vako vazive chaizvoizvo manzwire aunoita, chiri kutya kwako nefunganyo. (Enzanisa naZvirevo 23:26.) MaKristu akakura mumudzimu anogonawo kubetsera. Somuenzaniso, Keith akawana tsigiro shomanene kana kuti kusaiwana kumhuri yokwake, iyo yakaparadzaniswa nechatanuro. Asi iye akawana tsigiro kumwewo zvako. Keith anoti: “Ungano yechiKristu yakava mhuri yangu.”
Kupfuura zvose, unogona kuwana nzeve inoteerera kuna Baba vako vokudenga, “Munzwi womunyengetero.” (Pisarema 65:2) Pwere inonzi Paul inoyeuka chakaibetsera kukanganwa chatanuro yavabereki vayo: “Ndainyengetera nguva yose uye nguva dzose ndainzwa kuti Jehovha akanga ari munhu chaiye.”
Kupfuurira Noupenyu Hwako
Pashure pechatanuro, zvinhu zvingasatongova zvimwe chetezvo. Kunyange zvazvo zvakadaro, ikoku hakuzati kuchireva kuti upenyu hwako hahungagoni kuva hunobereka zvibereko nohunofadza. Bhaibheri rinopangira kuti, “Rega kuva nousimbe pabasa rako.” (VaRoma 12:11) Hungu, panzvimbo pokuzvibvumira iwe umene kuva anomomoterwa nenhamo, kuvadziko, kana kutsamwa, pfuurira noupenyu hwako! Batikana nebasa rako rokuchikoro. Ronda basa rokuzvifadza naro. Iva “nezvakawanda zvokuita mubasa raShe.”—1 VaKorinte 15:58.
Kuchada basa, kutsunga, uye kupfuura kwenguva. Asika pakupedzisira kuputsika kweroorano yavabereki vako kuchava kusati kurizve chinhu chinodzora muupenyu hwako.
[Mashoko Omuzasi]
a Vanzveri Wallerstein naKelly vakawana kuti “zvikamu zvina zvezvishanu zvavana vadukusa [zvavabereki vakachatanura] vakanzverwa vakanga vasingagoverwi tsananguro yakaringanira kana kuti zvimwe simbisiro yokutarisirwa kunopfuurira. Chokwadi, ivo vakamuka mamwe mangwanani kungowana bedzi kuti mumwe mubereki akanga aenda.”
Mibvunzo Yekurukurirano
◻ Ndezvipi zvimwe zvezvikonzero nei vabereki vachiparadzana?
◻ Neiko kungava kunoomera vabereki vako kutaura pamusoro pako? Chii chaungaita kana ivo vachiratidzira kuzengurira kutaura?
◻ Neiko kusina donzo kufungisisa pazvinhu zvomunguva yakapfuura kana kuti kufungidzira pamusoro pokuita kuti vabereki vako vadzokeranezve pamwe chete?
◻ Ndezvipi zviri zvinhu zvakananga zvaunogona kuita kuzvibetsera iwe umene kukanganwa chatanuroyo?
◻ Unogona sei kubata nokutsamwira vabereki vako kwaunganzwa?
[Bhokisi riri papeji 36, 37]
‘Chatanuro Ichaparadza Upenyu Hwangu Here?’
Pashure pechatanuro yavabereki vadzo, dzimwe pwere dzakadokuparadza upenyu hwadzo. Dzimwe dzinoita zvisarudzo zvechimbi-chimbi, zvakadai sokurega chikoro. Dzimwe dzinoratidzira kukangaidzika kwadzo nokutsamwa kupfurikidza nokuzvibata zvisakafanira—sokunge kuranga vabereki vadzo nokuda kwokuchatanura. Anoyeuka kudaro Denny: “Ndakanga ndisingafari uye ndakapera mwoyo pashure pechatanuro yavabereki vangu. Ndakatanga kuva nezvinetso kuchikoro ndokukundikana rimwe gore. Pashure paikoko . . . Ndakava musetsi weboka ndokupinda mukurwa kwakawanda.”
Mufambiro unokatyamadza ungasanowana ngwariro yavabereki vako. Asi chii chinopedzwa chaizvoizvo, panzvimbo pokuwedzera nhamo pamugariro unototambudza? Zvomenemene, munhu bedzi anorangwa kupfurikidza nokuita chakaipa ndiye muiti wechakaipa. (VaGaratia 6:7) Edza kunzwisisa kuti vabereki vako vari kutamburawo uye kuti kunoratidzika kuva kuregeredza kwavo hakuzati kuri kwoutsinye. Vakabvuma kudaro amai vaDenny, kuti: “Ini ndairegeredza chaizvoizvo vana vangu. Pashure pechatanuro, ini ndimene ndakanga ndakavhiringidzika, handati ndaigona kuvabetsera.”
Bhaibheri rinopangira pana VaHebheru 12:13, kuti: “Rambai muchiruramisa nzira nokuda kwetsoka dzenyu, kuti icho chiri chakaremara chigorega kuva chinoshodogoka.” Kunyange kana chirango chavabereki chisipo, hapana pembedzo nokuda kwomufambiro wakashata. (Jakobho 4:17) Gamuchira mutoro nokuda kwezviito zvako ndokushandisa kuzviranga.—1 VaKorinte 9:27.
Dzivisawo kuita zvisarudzo nechimbi-chimbi, somuenzaniso, kubva pamusha. “Wakachenjera unorangarira nhano dzake.” (Zvirevo 14:15) Kana vabereki vako vachiratidzika kuva vakanyanyokangaidzika papfundo rino kuti vakupe nzeve yavo, huregerereiko kukurukura zvisarudzo zvako neshamwari yakura zvikuru?
Zvakare, ungava nechiverengero chakati kuti chefunganyo pamusoro penguva yako yemberi. Vabereki vako zvavakakundikana paroorano, kunonzwisisika kuti ungazvidya mwoyo pamusoro pekariro yako umene yokufarikanya roorano inobudirira. Sezvineiwo, kusafadza kweroorano hakuzati kuri chimwe chinhu chaunogara nhaka kuna vabereki vako—senjonjerwa. Iwe uri munhu akatsaukana, uye kuti roorano ipi neipi yomunguva yemberi yako ichava yakadini kunotsamira, kwete pakukundikana kwavabereki vako, asi pahukuru uhwo iwe nomukwanyina wako munoshandisa Shoko raMwari.
Ungazviwanawo umene uchinetsekana pamusoro pezvinhu zvawaichimborerutsa—zvokudya, zvokupfeka, pokugara, mari. Zvisinei, vabereki vanowanzoronga mutoo wakati kuti wokutsigira vana vavo pashure pechatanuro, kunyange kana Amai vachitofanira kutanga kushanda basa rokunyika. Kunyanguvezvo, bhuku rinonzi Surviving the Breakup rinonyevera chaizvoizvo, kuti: “Zvaisimboriritira mhuri imwe zvinofanira zvino kuriritira mhuri mbiri, zvichigombedzera kuderera mumupimo wokurarama nokuda kwomutezo uri wose wemhuri.”
Naizvozvo, kungasanova kwokuti iwe uchatofanira kurovedzana nokuita usina zvinhu zvawaisimbofarikanya, zvakadai sezvipfeko zvitsva. Asi Bhaibheri rinotiyeuchidza, kuti: “Isu hatina kupinza chinhu munyika, uye hatingagoni kubuda nechinhu chipi nechipi. Naizvozvo, zvatine zvokudya nozvokufuka, isu tichagutsikana nezvinhu izvozvo.” (1 Timotio 6:7, 8) Zvimwe iwe unogona kubetsera kuronga kutsva mari inoshandiswa yemhuri. Yeukawo kuti Jehovha ndiye “baba wavanakomana nherera.” (Pisarema 68:5) Unogona kuva nechokwadi chokuti iye anoitira hanya zvikurukuru zvinoshaikwa zvako.
Jeremia akacherekedza, kuti: “Kwakanaka kuti munhu akagwinya anofanira kutakura joko mukati moupwere hwake.” (Mariro 3:27) Aiwa, hapana “chakanaka” mukuona vabereki vachiparadzana. Asi kunobvira kushandurira ichi chinoitika chisina kutsarukana kuchimuko chako.
Munzveri Judith Wallerstein akacherechedza, kuti: “Wedzero yepfungwa noungwaru [pakati pavana vavabereki vakachatanura] yakaparirwa nenjodzi yemhuri yakanga ichiorora uye padzimwe nguva ichitapura. Vechiduku . . . vakarangarira nomutoo wokupengenuka zvinoitika zvavabereki vavo ndokuwana mhedziso dzinomufungo nokuda kwenguva yemberi yavo vamene. Ivo vakanga vachiitira hanya kuwana nzira dzokudzivisa nadzo mhosho idzo vabereki vavo vakanga vaita.”
Hapana panikiro pamusoro pakwo, kuparadzana kwavabereki vako kune chokwadi chokuita chiratidzo chakwo paupenyu hwako. Asi kana chiratidzo ichecho chiri vanga rinotsakatika kana kuti vanga rinonyenga mutoro wako mumwero mukuru.
[Mufananidzo uri papeji 35]
Kuona kuputsika kweroorano yavabereki vako kunogona kuva chimwe chezvinoitika zvinorwadza zvokufungidzira
[Mufananidzo uri papeji 38]
Kufungisisa yeuko yezvaichimbova zvakaita upenyu kungangokupedza simba bedzi