RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jl chidzidzo 1
  • Zvapupu zvaJehovha Vanhu Vakaita Sei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvapupu zvaJehovha Vanhu Vakaita Sei?
  • Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
  • Mashoko Akafanana
  • Kuva Netsika Dzakanaka
    Mukai!—2019
  • Zvapupu zvaJehovha
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Kutsigiswa Nemitemo Yetsika Isingachinjwi Nenguva
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Hurumende Ichachengeta Tsika Dzinodiwa naMwari
    Mukai!—2003
Ona Zvimwe
Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
jl chidzidzo 1

CHIDZIDZO 1

Zvapupu zvaJehovha Vanhu Vakaita Sei?

[Mufananidzo uri papeji 4]

Denmark

[Mufananidzo uri papeji 4]

Taiwan

[Mufananidzo uri papeji 4]

Venezuela

[Mufananidzo uri papeji 4]

India

Pane Zvapupu zvaJehovha zvaunoziva here? Unogona kunge wakavakidzana nevamwe vedu, muchishanda mese kana kuti muchidzidza mese kuchikoro. Kana kuti tinogona kunge takambotaura newe nezveBhaibheri. Tinombova vanaani, uye sei tichiudzawo vamwe zvatinotenda?

Takangoitawo sevamwe vanhu. Tinobva kwakasiyana-siyana uye mamiriro edu ezvinhu akasiyanawo. Vamwe vedu vaimbova mune zvimwe zvitendero, uye vamwe vedu vakanga vasingatendi muna Mwari. Tisati tava Zvapupu zvaJehovha, tese takazvipa nguva yekunyatsoongorora zvinodzidziswa neBhaibheri. (Mabasa 17:11) Takabvuma zvatakadzidza, tikasarudza kushumira Jehovha Mwari.

Tinobatsirwa nekudzidza Bhaibheri. Tinosangana nematambudziko uye tinokanganisa sezvinongoitawo vamwe vanhu vese. Asi nekuti tinoedza kushandisa zvatinodzidza muBhaibheri, upenyu hwedu hwakavandudzika. (Pisarema 128:1, 2) Ichocho ndicho chimwe chikonzero chinoita kuti tiudzewo vamwe zvinhu zvakanaka zvatakadzidza muBhaibheri.

Tinoita zvinodiwa naMwari. Tinoita zvinotaurwa muBhaibheri kuti ndizvo zvinodiwa naMwari, uye izvozvo zvinoita kuti tive vanhu vanofara, vanoremekedza vamwe, vakatendeka uye vane mutsa. Zvatinodzidza zvinoita kuti tive vanhu vakanaka uye vanogarika navo. Zvinobatsirawo kuti vari mumhuri vave neunhu uye vabatane. Tinoziva kuti “Mwari haasaruri,” saka tiri mhuri yakabatana zvechokwadi kunyange zvazvo tichibva munyika dzakawanda. Hatiparadzaniswi nezvematongerwo enyika kana kuti nekusiyana kwemarudzi edu. Semunhu ega ega tinongovawo vanhu vakafanana nevamwe, asi sesangano takasiyana chaizvo nevamwe.—Mabasa 4:13; 10:34, 35.

  • Zvapupu zvaJehovha zvakafanana papi nevamwe vanhu?

  • Zvapupu zvaJehovha zvakabatsirwa sei nekudzidza Bhaibheri?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe