RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jl chidzidzo 2
  • Sei Tichinzi Zvapupu zvaJehovha?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Sei Tichinzi Zvapupu zvaJehovha?
  • Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
  • Mashoko Akafanana
  • Kudza Zita Guru raJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Chikonzero Nei Tichifanira Kuziva Zita raMwari
    Zita raMwari Richagara Nokusingaperi
  • Zita raMwari Ndiani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2019
  • Mwari Ane Zita
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
Ona Zvimwe
Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
jl chidzidzo 2

CHIDZIDZO 2

Sei Tichinzi Zvapupu zvaJehovha?

[Mufananidzo uri papeji 5]

Noa

[Mufananidzo uri papeji 5]

Abrahamu naSara

[Mufananidzo uri papeji 5]

Mozisi

[Mufananidzo uri papeji 5]

Jesu Kristu

Vanhu vakawanda vanofunga kuti Zvapupu zvaJehovha chitendero chitsva. Asi makore 2 700 akapfuura vashumiri vaMwari mumwe chete wechokwadi vainzi “zvapupu” zvake. (Isaya 43:10-12) Taimboshevedzwa kuti Vadzidzi veBhaibheri, asi takazochinja muna 1931. Sei takatanga kunzi Zvapupu zvaJehovha?

Izita rinozivisa nezvaMwari wedu. Muzvinyorwa zvekare zveBhaibheri, zita raMwari rekuti Jehovha rinowanika kane zviuru. MumaBhaibheri akawanda zita iri rakatsiviwa nemazita ekuremekedza akadai seekuti Ishe kana kuti Mwari. Asi Mwari wechokwadi akaudza Mozisi zita rake chairo rekuti Jehovha, achibva ati: “Iri ndiro zita rangu nekusingaperi.” (Eksodho 3:15) Zita iri rinomusiyanisa nevamwe vanamwari vese venhema. Tinodada nekudanwa nezita raMwari dzvene.

Izita rinoratidza basa redu. Vanhu vakawanda vekare, kutangira pana Abheri uyo ainge akarurama, vakapa uchapupu hwekutenda kwavo muna Jehovha. Vamwe vanhu vaivawo ‘pagore iroro guru rezvapupu’ ndiNoa, Abrahamu, Sara, Mozisi, Dhavhidhi, nevamwewo. (VaHebheru 11:4-12:1) Sezvinongoita munhu anopa uchapupu mudare achimiririra munhu asina mhosva, isu hatiregi kuzivisa chokwadi pamusoro paMwari.

Tiri kutevedzera Jesu. Bhaibheri rinomuti “chapupu chakatendeka uye chechokwadi.” (Zvakazarurwa 3:14) Jesu pachake akati ‘akazivisa zita raMwari’ uye akaramba ‘achipupura chokwadi’ pamusoro paMwari. (Johani 17:26; 18:37) Saka vateveri vechokwadi vaKristu vanofanira kuzivikanwa nezita raJehovha uye kurizivisa vanhu. Zvapupu zvaJehovha zviri kushanda nesimba kuti zvidaro.

  • Chii chakaita kuti Vadzidzi veBhaibheri vatange kushandisa zita rekuti Zvapupu zvaJehovha?

  • Jehovha ava nenguva yakareba sei aine zvapupu panyika?

  • Ndiani Chapupu chaJehovha chikuru pane zvese?

DZIDZA ZVIMWE

Kana ukaona vamwe vatinonamata navo kwaunogara, edza kutaura navo kuti uzive zvakawanda nezvavo. Vabvunze kuti: “Chii chakaita kuti muve chapupu chaJehovha?”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe