RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jl chidzidzo 10
  • Chii Chinonzi Kunamata Kwemhuri?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chinonzi Kunamata Kwemhuri?
  • Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
  • Mashoko Akafanana
  • Rubatsiro Kumhuri
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
  • Mungaita Sei Kuti Mhuri Yenyu Ifare?—Chikamu 2
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Kunamata Kwemhuri—Mungaitei Kuti Kunakidze?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Vanhu Vachiri Kuremekedzana Mumhuri Here?
    Mukai!—2024
Ona Zvimwe
Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
jl chidzidzo 10

CHIDZIDZO 10

Chii Chinonzi Kunamata Kwemhuri?

[Mufananidzo uri papeji 13]

South Korea

[Mufananidzo uri papeji 13]

Brazil

[Mufananidzo uri papeji 13]

Australia

[Mufananidzo uri papeji 13]

Guinea

Kubvira kare, Jehovha agara achida kuti vari mumhuri vawane nguva yekumbova pamwe chete, vachisimbisa imba yavo uye vachisimbisana pakunamata. (Dheuteronomi 6:6, 7) Ndosaka Zvapupu zvaJehovha zvichironga kuva nenguva yekunamata pamwe chete semhuri vhiki rega rega. Pakunamata kwacho vanokurukura zvinhu zvinoenderana nemhuri yavo vakadekara zvavo. Kunyange uchigara wega, unogona kushandisa nguva iyoyo kuti uve pamwe chete naMwari uchidzidza nyaya yemuBhaibheri yaunenge uchida.

Inguva yekuswedera pedyo naJehovha. “Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.” (Jakobho 4:8) Tinowedzera kuziva Jehovha patinodzidza zvakawanda nezvake muShoko rake Bhaibheri. Kana muchida kutanga kunamata semhuri munogona kutanga nekuverenga Bhaibheri zvinonzwika pamwe chete, zvichida muchitevedzera purogiramu yekuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki inoshandiswa paMusangano weUshumiri Uye Kurarama. Munhu wese ari mumhuri anogona kupiwa chikamu chake chekuverenga, mobva makurukura zvamunenge madzidza muMagwaro acho.

Inguva yekuti mhuri yenyu iwedzere kubatana. Varume nemadzimai avo, uye vabereki nevana vanogona kuwedzera kubatana kana vakadzidza Bhaibheri semhuri. Nguva yekunamata kwemhuri inofanira kuva nguva inonakidza, munhu wese achinzwa akasununguka uye achitotarisira kuti nguva yacho isvike. Zvichienderana nemazera evana, vabereki vanogona kusarudza nyaya dzinovabatsira, zvichida dzemuNharireyomurindi, Mukai!, kana kuti dzepajw.org. Munogona kukurukura nezvedambudziko riri kusangana nevana venyu kuchikoro, uye kuti vangarikunda sei. Munogona kuona purogiramu yepaJW Broadcasting (tv.jw.org) moikurukura pamwe chete. Munogonawo kudzidzira nziyo dzichaimbwa pamisangano movawo netwekudyira-dyira kana mapedza kunamata kwemhuri.

Nguva iyi inokosha yekuti mhuri inamate Jehovha pamwe chete ichabatsira vese mumhuri kuti vade Shoko raMwari Bhaibheri uye Jehovha achakomborera zvamunoita.—Pisarema 1:1-3.

  • Sei tichizvipa nguva yekunamata semhuri?

  • Vabereki vangaitei kuti vese vari mumhuri vanakidzwe nekunamata kwemhuri?

DZIDZA ZVIMWE

Bvunza vamwe vari muungano kuti vari kuitawo sei kunamata kwavo kwemhuri. Onawo kuti mabhuku api ari paImba yeUmambo aunogona kushandisa pakudzidzisa vana vako nezvaJehovha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe