RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jl chidzidzo 21
  • Chii Chinonzi Bheteri?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chinonzi Bheteri?
  • Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
  • Mashoko Akafanana
  • Iri Ndiro Ringava Basa Rakanakisisa Kwauri Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Kurangarira Nokuonga “Imba yaMwari”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Ungada Kubatsira Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Munhu Wose Ari Kukokwa!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
jl chidzidzo 21

CHIDZIDZO 21

Chii Chinonzi Bheteri?

[Mufananidzo uri papeji 24]

Dhipatimendi Remifananidzo, U.S.A.

[Mufananidzo uri papeji 24]

Germany

[Mufananidzo uri papeji 24]

Kenya

[Mufananidzo uri papeji 24]

Colombia

Bheteri izita rechiHebheru rinoreva kuti “Imba yaMwari.” (Genesisi 28:17, 19, mashoko emuzasi) Zvakakodzera kuti zvivakwa zvinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha munyika yese pakuronga uye kutsigira basa rekuparidza zvinzi Bheteri. Dare Rinotungamirira rinoshandira pamahofisi edu makuru ari muNew York, U.S.A. Vari ikoko, vanoronga mafambiro ezvinhu pamahofisi eZvapupu zvaJehovha munyika yese. Vaya vanoshanda paBheteri vanodanwa kuti mhuri yeBheteri. Vanogara pamwe chete semhuri, vanoshanda pamwe chete, vanodya pamwe chete, uye vanodzidza Bhaibheri pamwe chete vakabatana.—Pisarema 133:1.

Inzvimbo yakasiyana nedzimwe ine vanhu vanozvipira. PaBheteri rimwe nerimwe, pane vaKristu vanozvipira kushandisa upenyu hwavo kuti vaite kuda kwaMwari uye kuita zvinhu zvine chekuita neUmambo. (Mateu 6:33) Hapana anopiwa peyi, asi vese vanopiwa zvekudya nepekugara uye kamari kekuvabatsira pane zvimwe zvinhu muupenyu hwavo. Munhu wese ari paBheteri ane basa raanoita, mungava muhofisi, mukicheni, kana kuti muimba yekudyira. Vamwe vanoshanda munoprindwa mabhuku, vamwewo vachichenesa dzimba, vamwe vachishanda pakugadzira zvinhu kuti zvigare zvichishanda zvakanaka, uye kuwacha mbatya nezvimwewo.

Inzvimbo ine vanhu vanoshanda nesimba pakutsigira basa rekuparidza Umambo. Chinangwa chikuru cheBheteri rimwe nerimwe ndechekuita kuti chokwadi cheBhaibheri chisvike kuvanhu vakawanda sezvinokwanisika. Bhuku rino nderimwe rezvinhu zviri kugadzirwa paBheteri kuti zvishandiswe pabasa iri. Dare Rinotungamirira ndiro rakatungamirira pakunyorwa kwebhuku rino, richibva ratumirwa kumazana emapoka evashanduri pasi rese, rikaprindwa pamichina inomhanya chaizvo pamaBheteri akasiyana-siyana, richibva raendeswa kuungano dzinopfuura 110 000. Painoita zvese izvi, mhuri yeBheteri inenge ichitsigira basa rinofanira kukurumidza kuitwa kupfuura mamwe ese, rekuparidza mashoko akanaka.—Mako 13:10.

  • Ndivanaani vanoshanda paBheteri, uye vanowana sei zvekurarama nazvo?

  • Basa rese rinoitwa paBheteri rinotsigira basa ripi?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe