RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • fg chidzidzo 8 mibv. 1-5
  • Nei Mwari Achirega Panyika Paine Uipi Nekutambura?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Mwari Achirega Panyika Paine Uipi Nekutambura?
  • Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Mwari Achibvumira Zvinhu Zvakaipa Uye Kutambura?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Nei Panyika Pakazara Nhamo Nematambudziko?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Seiko Panyika Pachiitika Zvakaipa Uye Vanhu Vachitambura?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
fg chidzidzo 8 mibv. 1-5

CHIDZIDZO 8

Nei Mwari Achirega Panyika Paine Uipi Nekutambura?

1. Uipi hwakatanga sei?

1. Adhamu ari kutarisa muchero wakarambidzwa; 2. Vatongi vakasiyana-siyana; 3. Hondo

Mwari akasiya vanhu vachitonga kusvika parizvino kuti zvive pachena kuti havakwanisi kugadzirisa matambudziko evanhu

Uipi hwakatanga panyika Satani paakataura nhema dzekutanga. Satani aiva ngirozi yakanaka, asi “haana kumira zvakasimba muchokwadi.” (Johani 8:44) Akachiva kunamatwa kunofanira kuitwa Mwari chete. Satani akanyepera mukadzi akatanga kusikwa, Evha, akamunyengera kuti amuteerere pane kuti ateerere Mwari. Adhamu akabva abatanawo naEvha pakupandukira Mwari. Zvakaitwa naAdhamu zvakakonzera kutambura uye rufu.​—Verenga Genesisi 3:1-6, 19.

Satani paakanyengera Evha kuti asateerera Mwari, akanga achitoita kuti Mwari atange kupandukirwa nezvisikwa zvake. Vanhu vakawanda vakaramba kutongwa naMwari, vachitevedzera Satani. Saka Satani akabva ava “mutongi wenyika.”​—Verenga Johani 14:30; 1 Johani 5:19.

2. Mwari paakasika zvinhu, pane chaasina kusika nemazvo here?

Mwari akasika zvinhu zvese zvakakwana, kureva kuti zvakanga zvisina kana pakakanganisika. Akasika ngirozi dzichikwanisa kumuteerera zvakakwana uye ndiwo masikiro aakaitawo vanhu. (Dheuteronomi 32:4, 5) Mwari akatisika tiine rusununguko rwekusarudza kuita zvakanaka kana zvakaipa. Rusununguko urwu rwunotipa mukana wekuratidza kuti tinoda Mwari.​—Verenga Jakobho 1:13-15; 1 Johani 5:3.

3. Nei Mwari achiri kungosiya vanhu vachitambura?

Kubva pakapanduka vanhu kusvika iye zvino, Jehovha ari kumbosiya vanhu vachizvitonga. Ari kuzviitirei? Kuti aratidze kuti kuzvitonga pasina Mwari hakubatsiri vanhu. (Muparidzi 7:29; 8:9) Iye zvino patopfuura makore 6 000, uye zvava pachena kuti vanhu havakwanise kuzvitonga. Utongi hwevanhu hausi kukwanisa kupedza hondo, kuparwa kwemhosva, udzvinyiriri, nezvirwere.​—Verenga Jeremiya 10:23; VaRoma 9:17.

Utongi hwaMwari hwakasiyana neutongi hwevanhu nekuti hunobatsira vaya vanobvuma kutongwa nahwo. (Isaya 48:17, 18) Pasina nguva, Jehovha achaparadza hurumende dzese dzevanhu. Panyika pachasara vanhu vanobvuma kutongwa naMwari chete.​—Isaya 11:9; Verenga Dhanieri 2:44.

Ona vhidhiyo inonzi Nei Mwari Achibvumira Kutambura?

4. Mwoyo murefu waMwari unotipa mukana wekuitei?

Satani akati vanhu havadi Jehovha asi vanongomushumira nekuti vane zvavanenge vachitsvaga. Unoda here kuratidza kuti Satani akanyepa panyaya iyi? Unogona kuzviita! Mwoyo murefu waMwari unotipa mukana wekuti tiratidze kuti tinoda kutongwa naMwari here kana kuti nevanhu. Zvatinoita muupenyu ndizvo zvinoratidza kuti tinoda kutongwa naani.​—Verenga Jobho 1:8-12; Zvirevo 27:11.

5. Tingaratidza sei kuti tinoda kutongwa naMwari?

Vanhu vari kudzidza Bhaibheri

Zvatinosarudza zvinoratidza kuti tinoda kutongwa naMwari here

Tinoratidza kuti tinoda kutongwa naMwari kuburikidza nekudzidza manamatiro echokwadi anoenderana nezvinodzidziswa muShoko raMwari Bhaibheri, tobva tanamata saizvozvo. (Johani 4:23) Tinogona kuratidza kuti hatidi kutongwa naSatani kuburikidza nekutevedzera Jesu pakusapindira mune zvematongerwo enyika uye muhondo.​—Verenga Johani 17:14.

Satani anofurira vanhu kuti vafarire zvinhu zvakaipa. Patinoramba kuita zvinhu zvakadaro, shamwari dzedu nehama dzedu dzinogona kutishora kana kutiseka. (1 Petro 4:3, 4) Saka tinofanira kusarudza patimire panyaya iyi. Tichasarudza kushamwaridzana nevanhu vanoda Mwari here? Tichateerera mitemo yake inoratidza uchenjeri uye rudo rwake here? Kana tikaita izvozvo, ticharatidza kuti Satani ainyepa paakati kana munhu akasangana nematambudziko anorega kuteerera Mwari.​—Verenga 1 VaKorinde 6:9, 10; 15:33.

Mwari anoda vanhu saka tine chokwadi chekuti uipi nekutambura zvichapera. Vaya vanoratidza kuti vanobvuma izvozvo vachararama nekusingaperi panyika.​—Verenga Johani 3:16.

Kuti uwane mamwe mashoko ona chitsauko 11 mubhuku rinonzi Bhaibheri Rinotidzidzisei?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe