RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w14 5/1 p. 16
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Mwari Achirega Panyika Paine Uipi Nekutambura?
    Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
  • Nei Mwari Achibvumira Zvinhu Zvakaipa Uye Kutambura?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Ndiani Ari Kutonga Pasi Rese?
    Ndiani Ari Kutonga Pasi Rese?
  • Nei Panyika Pakazara Nhamo Nematambudziko?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
w14 5/1 p. 16

MIBVUNZO YEBHAIBHERI INOPINDURWA

Ndiani chaizvo ari kutonga nyika ino?

Mifananidzo yehondo, kuparwa kwemhosva, chisimba uye njodzi

Kudai Mwari ari iye mutongi wenyika ino, paizova nekutambura kwakanyanya kudai here?

Vanhu akawanda vanodavira kuti Mwari wechokwadi ndiye mutongi wenyika ino. Asi kudai ichocho chaiva chokwadi, nyika yaizodai yakazara nokutambura here? (Dheuteronomio 32:4, 5) Bhaibheri rinotaura kuti nyika ino iri kutongwa nemunhu akaipa.—Verenga 1 Johani 5:19.

Munhu akaipa akasvika sei pakutonga vanhu? Pakutanga kwenhoroondo yevanhu, imwe ngirozi yakapandukira Mwari ndokukurudzira vanhu vaviri vokutanga kuti vapandukewo. (Genesisi 3:1-6) Vanhu vaviri ivavo vakasarudza kuteerera ngirozi yakapanduka, Satani, ndokuita kuti ive mutongi wavo. Mwari Wemasimbaose ndiye chete ane kodzero yokuva Mutongi, asi anoda kuti vanhu vasarudze kutongwa naye zvichibva pakumuda kwavanoita. (Dheuteronomio 6:6; 30:16, 19) Zvinosuruvarisa kuti vakawanda vakatsauswa kuti vaite chisarudzo chakaipa sezvakaitwa nevaviri vokutanga.—Verenga Zvakazarurwa 12:9.

Ndiani achagadzirisa matambudziko evanhu?

Mwari acharega Satani achingopfuurira neutongi hwake hwakaipa here? Kwete! Mwari achashandisa Jesu kubvisa uipi hwakakonzerwa naSatani.—Verenga 1 Johani 3:8.

Achitsigirwa naMwari, Jesu achaparadza Satani. (VaRoma 16:20) Pashure peizvi Mwari achange ava mutongi wevanhu, oita kuti vararame vachifara uye vaine rugare sezvaaida pakutanga.—Verenga Zvakazarurwa 21:3-5.

Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 3 chebhuku iri, Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Rinowanikawo www.pr2711.com

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe