RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • fg chidzidzo 11 mibv. 1-4
  • Mitemo yaMwari Inotibatsira Sei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mitemo yaMwari Inotibatsira Sei?
  • Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
  • Mashoko Akafanana
  • Tungamirira Nhanho Dzako Nenheyo Dzemitemo yaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Kunzwisisa Nheyo Yacho Kunoratidza Kukura Mumudzimu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Yeuka Nheyo dzechiKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Nheyo dzaMwari Dzinogona Kukubatsira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
fg chidzidzo 11 mibv. 1-4

CHIDZIDZO 11

Mitemo yaMwari Inotibatsira Sei?

1. Sei tichifanira kutungamirirwa naMwari?

Kushandisa zviri muBhaibheri: Amai vari kusunga mwana bhandi mumotokari; baba nemwana vakapfeka heti dzevanochovha mabhasikoro; mukadzi ane pamuviri, mushandi. Vese vari kungwarira njodzi

Chokwadi chiri muShoko raMwari chinotibatsira sei kuti tidzivise njodzi?​—PISAREMA 36:9.

Musiki wedu akachenjera kutipfuura. Ndiye Baba vedu uye anotida. Haana kutisika kuti tirarame tisingamuteerere. (Jeremiya 10:23) Saka sezvakangoita mwana mudiki uyo anofanira kutungamirirwa nevabereki, tese zvedu tinotoda kutungamirirwa naMwari. (Isaya 48:17, 18) Mitemo yaMwari chipo chaakatipa.​—Verenga 2 Timoti 3:16.

Mitemo yaJehovha inotibatsira kuti tive neupenyu hwakanaka iye zvino uye kuti tizorarama nekusingaperi mune ramangwana. Mwari ndiye akatisika, saka tinofanira kubvuma kutungamirirwa naye.​—Verenga Pisarema 19:7, 11; Zvakazarurwa 4:11.

2. Shoko raMwari rinotitungamirira sei?

MuBhaibheri mune mitemo yaMwari ine nyaya dzainonyatsonanga asiwo mune chokwadi chinoshanda pazvinhu zvakawanda muupenyu. (Dheuteronomi 22:8) Chokwadi ichocho chinotoda kuti tishandise pfungwa kuti tione kuti chinoshanda sei muupenyu. (Zvirevo 2:10-12) Semuenzaniso, Bhaibheri rinoti upenyu chipo chatakapiwa naMwari. Kuziva izvi kunogona kutibatsira pamararamiro atinoita mudzimba dzedu, kubasa kana kuti patinenge tichifamba. Hatizoiti zvinhu zvinoisa upenyu hwedu nehwevamwe panjodzi.​—Verenga Mabasa 17:28.

3. Ndeipi mirayiro miviri mikuru pane yese?

Jesu akataura nezvemirayiro miviri inokosha. Wekutanga unoratidza kuti vanhu vakasikirwa kuti vazive Mwari, vamude, uye vamunamate vakatendeka. Tinofanira kufunga murayiro uyu pane zvese zvatinoita muupenyu. (Zvirevo 3:6) Vese vanoteerera murayiro uyu vanova shamwari dzaMwari, vanowana mufaro wechokwadi, uye vachararama nekusingaperi.​—Verenga Mateu 22:36-38.

Murayiro wechipiri unotibatsira kuti tigarisane zvakanaka nevamwe. (1 VaKorinde 13:4-7) Kana tichiteerera murayiro uyu, tichabata vanhu sezvavanoitwa naMwari.​—Verenga Mateu 7:12; 22:39, 40.

4. Mitemo yaMwari inotibatsira sei?

Mhuri iri kufara

Mitemo yaMwari inobatsira vari mumhuri kuti vabatane uye vave nerudo. (VaKorose 3:12-14) Shoko raMwari rinoti murume nemudzimai vanofanira kuramba vari pamwe chete. Mutemo iwoyo unochengetedza wanano.​—Verenga Genesisi 2:24.

Kuteerera zvinotaurwa muBhaibheri kunotibatsira pakurarama kwedu uye kunoita kuti tigare tichifara. Semuenzaniso, mumabasa vanhu vanowanzoda vashandi vakatendeka uye vanoshanda nesimba sezvinotaurwa muBhaibheri. (Zvirevo 10:4, 26; VaHebheru 13:18) Shoko raMwari rinotidzidzisawo kuti tigutsikane nezvinhu zvatinowana zvinodiwa kuti tirarame uye kuti tikoshese ushamwari hwedu naMwari kupfuura pfuma.​—Verenga Mateu 6:24, 25, 33; 1 Timoti 6:8-10.

Kuteerera mitemo yaMwari kunochengetedza utano hwedu. (Zvirevo 14:30; 22:24, 25) Semuenzaniso, kuteerera mutemo waMwari unorambidza kudhakwa kunotidzivirira kuti tisabatwa nezvirwere uyewo kuti tisapinda mutsaona. (Zvirevo 23:20) Jehovha haatirambidzi kunwa doro asi haadi kuti tirinwe zvisina mwero. (Pisarema 104:15; 1 VaKorinde 6:10) Mitemo yaMwari inotibatsira kuti tizvidzore pane zvatinotaura uye zvatinofunga. (Pisarema 119:97-100) Asi vaKristu vechokwadi havateereri mitemo yaMwari kuti zvingovafambira zvakanaka chete. Vanoiteerera kuti vakudze Jehovha.​—Verenga Mateu 5:14-16.

Kuti uwane mamwe mashoko ona chitsauko 12 ne13 mubhuku rinonzi Bhaibheri Rinotidzidzisei?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe