RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w02 2/15 pp. 4-7
  • Nheyo dzaMwari Dzinogona Kukubatsira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nheyo dzaMwari Dzinogona Kukubatsira
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Wokumusoro-soro Kumusoro Kwapasi Pose”
  • “Nepfungwa Dzinozvidukupisa”
  • Tungamirira Nhanho Dzako Nenheyo Dzemitemo yaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Mitemo yaMwari Inotibatsira Sei?
    Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
  • Yeuka Nheyo dzechiKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • “Munondo waJehovha nowaGidheoni!”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
w02 2/15 pp. 4-7

Nheyo dzaMwari Dzinogona Kukubatsira

HAPANA mubvunzo kuti unoziva kuti mhuka dzinotungamirirwa nouchenjeri hwokuzvarwa nahwo. Michina yakawanda yakagadzirwa kuti itevedzere mirayiridzo. Asi vanhu vakatosikwa kuti vatungamirirwe nenheyo. Ungava sei nechokwadi naizvozvo? Jehovha, Muvambi wenheyo dzakarurama, paakaita vanhu vokutanga akazivisa kuti: “Ngatiite munhu nomufananidzo wedu, akafanana nesu.” Musiki mudzimu, haana muviri wenyama sewatinawo, saka tiri “mufananidzo” wake pakuti tinogona kuratidzira unhu hwake hwakanaka zvikuru. Vanhu vanokwanisa kuronga upenyu hwavo maererano nenheyo, kureva kuti maererano neyavanodavira kuti ndiyo nzira yokuita nayo zvakarurama. Jehovha akaita kuti dzakawanda dzenheyo idzi dzinyorwe muShoko rake.—Genesi 1:26; Johani 4:24; 17:17.

‘Asi Bhaibheri rine mazana enheyo,’ mumwe munhu angadaro. ‘Handingatarisiri kudziziva dzose.’ Ichokwadi. Zvisinei, chimbofunga nezvechokwadi ichi: Nepo nheyo dzose dzaMwari dzichibatsira, dzimwe dzacho dzinokosha kupfuura dzimwe. Unogona kuona izvozvo pana Mateu 22:37-39, apo Jesu akaratidza kuti pakati pemirayiro nenheyo dzinofambirana nayo muMutemo waMosesi, mimwe yaikosha kupfuura mimwe.

Ndedzipi nheyo dzinokosha kupfuura dzimwe? Nheyo dzeBhaibheri huru dzine zvadzinogona kuita zvakananga paukama hwedu naJehovha. Kana tikaisa idzodzi mumwoyo yedu, Musiki anova simba guru rinodzora kambasi yedu yetsika. Uyezve, pane nheyo dzine chokuita noukama hwedu nevamwe vanhu. Kushandisa idzodzi kuchatibatsira kusava nechindingoveni, chingava chichiuya munzira ipi zvayo.

Ngatitangei nechimwe chezvokwadi dzinokosha dziri muBhaibheri. Ichokwadi chipi ichocho, uye chinei chokuita nesu?

“Wokumusoro-soro Kumusoro Kwapasi Pose”

Magwaro Matsvene anojekesa kuti Jehovha ndiye Musiki wedu Mukuru, Mwari Wemasimba Ose. Haatomboenzaniswi uye haatsiviwi. Ichi ichokwadi chinokosha chakanyorwa muBhaibheri.—Genesi 17:1; Muparidzi 12:1.

Mumwe wevanyori vebhuku rePisarema akati nezvaJehovha: “Ndimi Wokumusoro-soro kumusoro kwapasi pose.” Mambo Dhavhidhi wekare akati: “Ushe ndohwenyu, Jehovha, makakudzwa muri musoro wezvose.” Uye zvakaita kuti muprofita akakurumbira Jeremia anyore kuti: “Hakuna wakafanana nemi Jehovha; imi muri mukuru, zita renyu iguru nesimba raro.”—Pisarema 83:18; 1 Makoronike 29:11; Jeremia 10:6.

Tingashandisa sei chokwadi ichi nezvaMwari muupenyu hwedu hwezuva nezuva?

Zviri pachena kuti ndiani watinofanira kukoshesa kwazvo muupenyu hwedu—Musiki wedu uye Mupi Woupenyu. Saka, hazvina kukodzera here kudzivisa kurerekera kwatakaita kwokuda kuzvikoshesa—kungava kwakasimba muvamwe vanhu kupfuura vamwe? Nheyo inotungamirira nokuchenjera ndeyokuti “itai zvinhu zvose kuti Mwari apiwe mbiri.” (1 VaKorinde 10:31) Muprofita Dhanieri akava muenzaniso wakanaka panhau iyi.

Zvakanyorwa munhau zvinotiudza kuti Mambo Nebhukadhinezari weBhabhironi akambokangaidzwa nechiroto ndokurayira kuti aziviswe zvachinoreva. Nepo mumwe munhu wose akakangaidzwa, Dhanieri akaudza mambo nomazvo zvaaida kuziva. Dhanieri akazvirumbidza here? Kwete, akapa mbiri “kudenga kuna Mwari unozivisa zvakavanzika.” Dhanieri akaenderera mberi achiti: “Chinhu ichi chakavanzika hachina kundiziviswa nokuda kwenjere dzandinadzo dzinopfuura dzavamwe vapenyu vose.” Dhanieri aiva murume anoshandisa nheyo. Ndosaka mubhuku raDhanieri, achitsanangurwa katatu so“unodikanwa kwazvo” mukuona kwaMwari.—Dhanieri 2:28, 30; 9:23; 10:11, 19.

Zvichakubatsira kana ukatevedzera Dhanieri. Pakutevedzera Dhanieri, chichaita kuti ubudirire ivavariro yako. Ndiani anofanira kurumbidzwa nokuda kwezvaunoita? Pasinei nokuti zvinhu zvakakumirira sei, unokwanisa kuita mutsinhirano nenheyo iyi inokosha yokuti—Jehovha ndiye Changamire Ishe. Kuita kwako kudaro kuchakuita “unodikanwa kwazvo” mukuona kwake.

Ngatichiongororai nheyo mbiri dzinokosha dzinogona kutitungamirira muukama hwedu isu vanhu. Nokupararira kwakaita kuzvida, kuita izvi kwakaoma muupenyu.

“Nepfungwa Dzinozvidukupisa”

Vaya vanozviisa pokutanga havawanzogutsikana. Vakawanda vanoda upenyu huri nani, uye vanohuda pakarepo. Kwavari, kuva nomwero kunotoreva kuti hauna kungwara. Vanoona mwoyo murefu sechinhu chinofanira kungoratidzwa nevamwe chete. Kana zvava zvokuti ivo vaende pamberi, zvinhu zvose muchechetere. Unofunga kuti une imwe nzira yokuita zvakasiyana nezvavanoita here?

Vashumiri vaMwari vanosangana nemafungiro iwayo zuva nezuva, asi havafaniri kubva vaatevedzera. VaKristu vakakura mumudzimu vanobvuma nheyo yokuti “anotenderwa haasi iye anozvirumbidza, asi munhu uyo Jehovha anorumbidza.”—2 VaKorinde 10:18.

Kushandisa nheyo iri pana VaFiripi 2:3, 4 kuchabatsira. Ndima iyoyo inokukurudzira kusaita ‘chinhu nokukakavara kana kuzvikudza, asi nepfungwa dzinozvidukupisa uchifunga kuti vamwe vakuru kwauri.’ Nokudaro unenge ‘usingarambi uchiva nehanya nezvinhu zvako zvomunhu oga, asi uchiva nehanya nezvinhu zvevamwe somunhu oga.’

Mumwe munhu aiva nemafungiro akanaka nezvake pachake uye aisazvitora seanonyanya kukosha ndiGidhiyoni, mumwe mutongi pakati pevaHebheru vekare. Haana kutsvaka kuva mutungamiriri wevaIsraeri. Zvisinei, paakapiwa basa iroro, Gidhiyoni akataura nezvokusakosha kwake. “Rudzi rwangu ruduku kuna vose paManase, neni ndiri muduku kuna vose paimba yababa vangu,” akatsanangura kudaro.—Vatongi 6:12-16.

Uyezve, Jehovha paakaita kuti Gidhiyoni akunde, varume vokwaEfuremu vakapopotedzana naye. Gidhiyoni akaita sei? Kukunda kwaakanga aita kwakanga kwamuita kuti azvione seanokosha here? Kwete. Akadzivisa zvakaipa nokupindura nounyoro. “Ini zvino ndaiteiko hangu, kana ndichizvifananidza nemi?” Gidhiyoni aizvidukupisa mupfungwa.—Vatongi 8:1-3.

Ichokwadi kuti zviitiko zvakabatanidzwa Gidhiyoni mazviri ndezvekare-kare. Kunyange zvakadaro, kufunga nezvazvo kunokosha. Unogona kuona kuti Gidhiyoni aiva nemafungiro akasiyana nokure neakapararira nhasi uno, uye akararama maererano nawo, zvikamubatsira.

Mafungiro akapararira okuzvikoshesa anogona kukanganisa maonero atinozviita. Nheyo dzeBhaibheri dzinogadzirisa kukanganiswa ikoko, dzichitidzidzisa nezvezvatiri zvechokwadi pamberi poMusiki wedu uye pevamwe.

Nokuteerera nheyo dzeBhaibheri, tinokurira pfungwa yokungozvifunga isu chete. Hatizodzorwi nemanzwiro atinoita kana kuti nounhu hwedu. Kuwedzera kwatinoita kudzidza nezvenheyo dzakarurama, ndiko kuwedzera kwatinoitawo kuziva Muvambi wadzo. Hungu, kucherechedza nheyo dzaMwari paunoverenga Bhaibheri kunobatsira zvikuru.—Ona bhokisi.

Jehovha akaita vanhu vakakwirira kupfuura mhuka, idzo dzinonyanya kushandisa uchenjeri hwokuzvarwa nahwo. Kutevedzera kuda kwaMwari kunosanganisira kushandisa nheyo dzaMwari. Nokudaro tinobva tachengeta kambasi yedu yetsika ichishanda zvakanaka, kambasi ichatinangidzira kunyika itsva yaMwari. Bhaibheri rinotipa chikonzero chokutarisira munguva pfupi iri kutevera nyika itsva umo “kururama kuchagara.”—2 Petro 3:13.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 6]

Dzimwe Nheyo dzeBhaibheri Dzinobatsira

Mumhuri:

“Mumwe nomumwe ngaarambe achitsvaka, kwete zvake oga, asi zvomumwe munhu.”—1 VaKorinde 10:24.

“Rudo . . . haruzvitsvakiri zvarwo.”—1 VaKorinde 13:4, 5.

“Mumwe nomumwe wenyu ngaadewo mukadzi wake sezvaanozviita.”—VaEfeso 5:33.

“Imi vakadzi, zviisei pasi pevarume venyu, sezvazvakafanira munaShe.”—VaKorose 3:18.

“Teerera baba vako vakakubereka; usazvidza mai vako kana vachembera.”—Zvirevo 23:22.

Kuchikoro, kubasa, kana kuti mubhizimisi:

“Chiyero chinonyengedzera chinonyangadza . . . Wakaipa unopiwa mubayiro wokunyengedzera.”—Zvirevo 11:1, 18.

“Anoba ngaachirega kuba, asi panzvimbo paizvozvo ngaashande nesimba.”—VaEfeso 4:28.

“Kana pane munhu asingadi kushanda, ngaaregewo kudya.”—2 VaTesaronika 3:10.

“Zvose zvamunoita, zvishandei nemweya wose sokuna Jehovha.”—VaKorose 3:23.

“Tinoda kuzvibata nokutendeseka muzvinhu zvose.”—VaHebheru 13:18.

Maonero anofanira kuitwa pfuma:

“Unoda kupfuma nokukurumidza haangakoni kurohwa.”—Zvirevo 28:20.

“Unoda sirivha haangagutswi nesirivha.”—Muparidzi 5:10.

Kuzviona kuti unokosha zvakadini:

“Kuti vanhu vazvitsvakire kukudzwa, kunenge kuri kukudzwa here?”—Zvirevo 25:27, NW.

“Mumwe ngaakurumbidze, urege kuva muromo wako.”—Zvirevo 27:2.

“Ndinoudza munhu wose aripo pakati penyu kuti asazvifunge zvikuru kupfuura zvakafanira kufunga.”—VaRoma 12:3.

“Kana pane munhu anofunga kuti iye chimwe chinhu asi iye asiri chinhu, ari kunyengera pfungwa dzake.”—VaGaratiya 6:3.

[Mufananidzo uri papeji 5]

Dhanieri akapa mbiri yakafanira kuna Mwari

[Mufananidzo uri papeji 7]

Kubata nevamwe maererano nenheyo dzaMwari kunoita kuti pave noukama hunofadza uye mufaro

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 7]

U.S. Fish & Wildlife Service, Washington, D.C./Robert Bridges

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe