RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yc chidzidzo 5 pp. 12-13
  • Samueri Akaramba Achiita Zvakanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Samueri Akaramba Achiita Zvakanaka
  • Dzidzisai Vana Venyu
  • Mashoko Akafanana
  • Samueri Akaramba Achiita Zvakarurama
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Kakomana Kanobatira Mwari
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • “Akaramba Achikura Jehovha Ainaye”
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • “Akaramba Achikura Jehovha Ainaye”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Dzidzisai Vana Venyu
yc chidzidzo 5 pp. 12-13

CHIDZIDZO 5

Samueri Akaramba Achiita Zvakanaka

Kubvira Samueri achiri mudiki zvikuru, aigara uye aishanda patebhenekeri, nzvimbo yaiuya vanhu kuti vanamate Jehovha. Unoziva here kuti Samueri akasvika sei pakuva patebhenekeri? Ngatitangei tadzidza nezvaamai vaSamueri vainzi Hana.

Hana akaita nguva yakareba asingakwanisi kuva nemwana kunyange zvazvo aida chaizvo kuva naye. Saka akanyengetera kuna Jehovha ndokumukumbira kuti amubatsire. Akavimbisa kuti kana akava nemwanakomana, aizoita kuti aende kunogara uye kunoshanda patebhenekeri. Jehovha akapindura munyengetero wake, uye akava nemwanakomana. Akamupa zita rokuti Samueri. Uye sezvakanga zvavimbiswa naHana, Samueri paakanga ava nemakore 3 kana kuti 4, akaenda naye kutebhenekeri kuti anoshumira Mwari ikoko.

Eri ndiye aiva mupristi mukuru patebhenekeri. Vanakomana vake vaviri vaishandawo ipapo. Yeuka kuti tebhenekeri yaiva imba yaMwari yekunamatira, uye vanhu vanofanira kuita zvinhu zvakanaka ipapo. Asi vanakomana vaEri vaiita zvinhu zvakaipa zvikuru. Samueri aiona zvavaiita. Samueri akaita zvakaipa sevanakomana vaEri here?— Akaramba achiita zvakanaka, sezvaakanga adzidziswa nevabereki vake.

Unofunga kuti Eri aifanira kuitei nevanakomana vake vaviri?— Aifanira kuvaranga. Aisafanira kuvarega vachishanda zvakare paimba yaMwari. Asi Eri haana kuita izvozvo, saka Jehovha akamutsamwira iye nevanakomana vake. Jehovha akasarudza kuvaranga.

Samueri achiri muduku achitaura neMupristi Mukuru Eri

Samueri akaudza Eri mashoko aJehovha

Humwe usiku Samueri paakanga akarara, akanzwa mumwe munhu achimushevedza kuti: ‘Samueri!’ Akamhanyira kuna Eri, asi Eri akati: ‘Handina kukushevedza.’ Izvi zvakaitikazve kaviri. Pazvakaitika kechitatu, Eri akaudza Samueri kuti kana akanzwa inzwi racho zvakare, anofanira kuti: ‘Ndapota Jehovha, taurai henyu; ndakateerera.’ Saka ndizvo zvakaitwa naSamueri. Jehovha akabva ati kuna Samueri: ‘Udza Eri kuti ndicharanga mhuri yake pamusana pezvinhu zvakaipa zvavakaita.’ Unofunga kuti zvaiva nyore here kuna Samueri kuti audze Eri mashoko aya?— Zvakanga zvisiri. Asi kunyange zvazvo Samueri aitya, akaita zvaakaudzwa naJehovha kuti aite. Zvakataurwa naJehovha zvakaitika. Vanakomana vaviri vaEri vakaurayiwa, uye Eri akafawo.

Samueri muenzaniso wakanaka kwatiri. Akaita zvakanaka kunyange zvazvo aiona vamwe vanhu vachiita zvakaipa. Ko iwe? Uchatevedzera Samueri here woramba uchiita zvakanaka? Kana ukadaro, uchaita kuti Jehovha nevabereki vako vafare.

VERENGA MUBHAIBHERI RAKO

  • 1 Samueri 2:22-26; 3:1-21

MIBVUNZO:

  • Amai vaSamueri vakavimbisei?

  • Samueri aiona vanakomana vaEri vachiitei patebhenekeri?

  • Jehovha akaudza Samueri kuti aitei?

  • Nei Samueri ari muenzaniso wakanaka kwatiri?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe