Dzidzisa Vana Vako
Samueri Akaramba Achiita Zvakarurama
WAKAMBOONA vanhu vachiita zvakaipa here?—a Samueri akavaona. Aigara kunzvimbo yaungasatarisira kuona zvinhu zvakadaro zvichiitika. Paiva patebhenekeri yaMwari, kana kuti panzvimbo yokunamatira, muguta reShiro. Ngationei kuti zvakanga zvamboita sei kuti Samueri azogara patebhenekeri, anopfuura makore 3 000 akadarika.
Samueri asati aberekwa, amai vake Hana, vaida chaizvo kuva nomwana. Paakanga amboenda kutebhenekeri, Hana akanyengetera kuna Mwari nezvenyaya yacho. Ainyengetera nomwoyo wose zvokuti miromo yake yaitamba-tamba. Izvi zvakaita kuti mupristi mukuru, Eri, afunge kuti Hana akanga akadhakwa. Asi paakaziva kuti Hana akanga achishungurudzika, Eri akamukomborera, achiti: “Mwari waIsraeri ngaakupe chikumbiro chako.”—1 Samueri 1:17.
Pave paya Samueri akazoberekwa, uye Hana akafara zvokuti akaudza murume wake Erikana, kuti: ‘Pandinongorumura Samueri, ndichaenda naye kutebhenekeri kuti anoshumira Mwari ikoko.’ Uye ndizvo zvaakaita! Panguva iyoyo, Samueri angangodaro aiva nemakore mana kana kuti mashanu.
Eri akanga akwegura, uye vanakomana vake, Hofini naFiniyasi, vakanga vasinganamati Jehovha zvakarurama. Vaitoita unzenza nevakadzi vaiuya kutebhenekeri! Unofunga kuti baba vavo vaifanira kuitei?— Hungu, vaifanira kunge vakavaranga uye vakavarambidza kuita mabasa akaipa iwayo.
Samueri muduku akakura ari patebhenekeri, zvimwe aiziva nezvemabasa akaipa aiitwa nevanakomana vaEri. Samueri akavatevedzera here pamabasa avo akaipa?— Kwete, akaramba achiita zvakarurama, sezvaakanga adzidziswa nevabereki vake kuti aite. Saka, hazvishamisi kuti Jehovha akatsamwira Eri. Akatotuma muprofita kuti audze Eri kuti aizoranga sei mhuri yaEri, kunyanya vanakomana vake vakaipa.—1 Samueri 2:22-36.
Samueri akapfuurira kushumira naEri ari patebhenekeri. Zvino humwe usiku Samueri paakanga akarara, akanzwa inzwi raimudana. Akabva amhanya kuna Eri, asi Eri akati akanga asina kumudana. Izvi zvakaitika kechipiri. Pazvakaitikazve kechitatu, Eri akaudza Samueri kuti ati: “Taurai henyu Jehovha, nokuti mushumiri wenyu ari kuteerera.” Samueri paakapindura kudaro, Jehovha akataura naye. Unoziva here kuti Jehovha akati kudini kuna Samueri?—
Mwari akadzokorora chinangwa chake kuna Samueri kuti aizoranga mhuri yaEri. Mangwana acho mangwanani, Samueri akatya kuudza Eri zvaakanga audzwa naJehovha. Asi Eri akateterera kuna Samueri achiti: “Ndapota, usandivanzira.” Saka, pakupedzisira Samueri akaudza Eri zvose izvo Jehovha akanga ati aizoita—mashoko chaiwo akangofanana neaya akanga amboudzwa Eri nomuprofita. Eri akapindura achiti: “NdiJehovha. Ngaaite zvakamunakira.” Hofini naFiniyasi vakazourayiwa, uye Eri akafawo.—1 Samueri 3:1-18.
Pakaitika izvi, “Samueri akaramba achikura, Jehovha akava naye.” Panguva iyoyo, zvichida Samueri aiva mukomana aiyaruka, nguva inokosha chaizvo muupenyu hwevaduku. Unofunga kuti zvaiva nyore here kuti Samueri arambe achiita zvakarurama kunyange zvazvo vamwe vakanga vasingadaro?— Kunyange zvazvo zvaisava nyore, Samueri akashumira Jehovha akavimbika kwoupenyu hwake hwose.—1 Samueri 3:19-21.
Zvakadini newe? Uchaita saSamueri here sezvaunenge uchikura? Ucharamba uchitsigira zvakarurama here? Ucharamba wakabatisisa dzidziso dzeBhaibheri here uye zvawakadzidziswa nevabereki vako? Kana ukadaro, uchaita kuti Jehovha nevabereki vako vafare.
a Kana uri kuverenga nevana, dheshi iyi inokuyeuchidza kuti umbomira wovakumbira kuti vapindure mubvunzo wacho.