RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yc chidzidzo 10 pp. 22-23
  • Jesu Aiteerera Nguva Dzose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Aiteerera Nguva Dzose
  • Dzidzisai Vana Venyu
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu Akadzidza Kuteerera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Zvatingadzidza Kuna Mariya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • ‘Akaafungisisa Mumwoyo Make’
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • “Uyu Ndiye Mwanakomana Wangu”
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
Ona Zvimwe
Dzidzisai Vana Venyu
yc chidzidzo 10 pp. 22-23
Josefa naMariya vanowana Jesu ari patemberi

CHIDZIDZO 10

Jesu Aiteerera Nguva Dzose

Nguva dzose zviri nyore here kuti uteerere vabereki vako?— Dzimwe nguva zvakaoma. Waizviziva here kuti Jesu aiteerera Jehovha nevabereki vake?— Zvaakaita zvingakubatsira kuti uteerere vabereki vako kunyange pazvinenge zvisiri nyore. Ngatidzidzei zvakawanda nezvazvo.

Jesu asati ava panyika, aiva naBaba vake, Jehovha, kudenga. Asi Jesu aivawo nevabereki pasi pano. Vainzi Josefa naMariya. Unoziva here kuti chii chakaitika kuti vave vabereki vaJesu?—

Jehovha akatora upenyu hwaJesu kudenga akahuisa mudumbu maMariya kuti Jesu agone kuberekwa uye kurarama panyika. Izvi zvaishamisa! Jesu akakura ari mudumbu maMariya sezvinongoita vamwe vana vanokura vari mudumbu maamai vavo. Papera mwedzi inenge 9, Jesu akaberekwa. Izvi ndizvo zvakaita kuti Mariya nemurume wake, Josefa, vazova vabereki vaJesu pasi pano.

Jesu paaingova nemakore 12, akaita chimwe chinhu chakaratidza kuda kwaaiita Baba vake, Jehovha. Izvi zvakaitika Jesu nemhuri yake pavakaita rwendo rurefu rwokuenda kuJerusarema kuPaseka. Vava munzira kudzoka kumba, Josefa naMariya vakashayiwa Jesu. Unoziva here kuti Jesu aiva kupi?—

Nei Jesu aiva patemberi?

Josefa naMariya vakakurumidza kudzokera kuJerusarema ndokutsvaka Jesu kwose kwose. Vainetseka zvikuru nekuti vakanga vasiri kumuwana. Asi papera mazuva 3, vakamuwana ari mutemberi! Unoziva here kuti nei Jesu aiva patemberi?— Nemhaka yokuti ikoko aigona kudzidza nezvaBaba vake, Jehovha. Aida Jehovha uye aida kudzidza kuti angamufadza sei. Jesu aiteerera Jehovha nguva dzose, kunyange paainge ava munhu mukuru. Aiteerera kunyange pazvainge zvakamuomera uye pazvaiita kuti atambure. Jesu aiteererawo Josefa naMariya here?— Bhaibheri rinotaura kuti aivateerera.

Ungadzidzei pane zvakaitwa naJesu?— Unofanira kuteerera vabereki vako, kunyange pazvinenge zvakakuomera. Uchadaro here?—

VERENGA MUBHAIBHERI RAKO

  • Ruka 1:30-35; 2:45-52

  • VaEfeso 6:1

  • VaHebheru 5:8

MIBVUNZO:

  • Chii chakaitika kuti Josefa naMariya vave vabereki vaJesu pasi pano?

  • Jesu paaitsvakwa nevabereki vake muJerusarema, vakazomuwana kupi?

  • Ungadzidzei pane zvakaitwa naJesu?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe