RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w10 4/1 pp. 30-31
  • Jesu Akadzidza Kuteerera

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Akadzidza Kuteerera
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu Aiteerera Nguva Dzose
    Dzidzisai Vana Venyu
  • Zvatingadzidza Kuna Mariya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Akadiwa Zvikuru naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • “Tarirai! Murandasikana waJehovha!”
    Tevedzera Kutenda Kwavo
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
w10 4/1 pp. 30-31

Dzidzisa Vana Vako

Jesu Akadzidza Kuteerera

DZIMWE nguva unozviona zvakaoma kuteerera here?—a Kana zvichimbokuomera izvozvo hazvishamisi. Munhu wose anombozviona zvakaoma kuteerera pane dzimwe nguva. Waizviziva here kuti kunyange Jesu aitofanira kudzidza kuteerera?—

Unoziva here kuti vana vose vanofanira kuteerera ani?—Ehe, vanofanira kuteerera baba namai. Bhaibheri rinoti, “Teererai vabereki venyu munaShe.” (VaEfeso 6:1) Baba vaJesu ndiani?—NdiJehovha Mwari, uye ndiBaba veduwo. (Mateu 6:9, 10) Asi kana wati Josefa ndiye aiva baba vaJesu uye Mariya amai vake, wagonawo. Unoziva here kuti nei vakazosvika pakunzi vabereki vake?—

Ngirozi inonzi Gabrieri yakaudza Mariya kuti aizova amai sei kunyange zvazvo akanga asina kumborara nemurume. Jehovha akaita pamuviri apa pabate nechishamiso chikuru kuti zvidaro. Gabrieri akatsanangurira Mariya kuti: “Simba roWokumusorosoro richakufukidza. Saka ichochowo chichaberekwa chichanzi chitsvene, Mwanakomana waMwari.”—Ruka 1:30-35.

Mwari akatora upenyu hweMwanakomana wake kudenga akahuisa mudumbu raMariya. Upenyu ihwohwo hwakakura maari sezvinongoita vamwe vacheche muna amai vavo. Papera mwedzi mipfumbamwe, Jesu akazvarwa. Jesu paaiva mudumbu, Josefa akaroora Mariya, uye vanhu vakawanda vakafunga kuti Josefa ndiye aiva baba vaJesu chaivo. Asi Josefa aingova baba vakamurera chete. Saka tingati Jesu aiva navanababa vaviri!

Jesu paakanga ava nemakore 12, akaita chimwe chinhu chairatidza kuda kwaaiita Baba vake vokudenga, Jehovha. Panguva iyoyo, mhuri yaJesu yakafamba rwendo rurefu rwokuenda kuJerusarema kuPaseka sezvayaiita gore negore. Paseka yapera, vava munzira kudzokera kuNazareta, Josefa naMariya havana kuona kuti Jesu akanga asipo. Uri kushamisika here kuti vakamukanganwa sei?—

Panguva iyoyo Josefa naMariya vakanga vava nevamwe vana. (Mateu 13:55, 56) Zvichida vaifambawo pamwe chete nehama, dzakadai saJakobho naJohani nababa vavo Zebhedhi, naamai vavo Sarome, angave aiva munin’ina waMariya. Saka zvimwe Mariya angave akafunga kuti Jesu aiva nedzimwe hama dzaiva muboka racho.—Mateu 27:56; Mako 15:40; Johani 19:25.

Josefa naMariya pavakaona kuti Jesu akanga asipo, vakadzokera vachimhanya kuJerusarema. Vakaita chipatapata kutsvaka mwanakomana wavo. Pazuva rechitatu, vakamuwana ari mutemberi. Mariya akati kwaari: “Watiitirei zvakadai? Tarira ini nababa vako tanga tichikutsvaka tichitambudzika mupfungwa.” Asi Jesu akapindura kuti: “Nei maifanira kufamba muchinditsvaka? Hamuna kuziva here kuti ndinofanira kuva mumba maBaba vangu?”—Ruka 2:45-50.

Unofunga here kuti Jesu akakanganisa nemapinduriro aakaita amai vake?—Vabereki vake vaiziva kuti aida chaizvo kunamata paimba yaMwari. (Pisarema 122:1) Saka zvakanga zvisina kukodzera here kuti Jesu afunge kuti vaifanira kutanga vamutsvaka kutemberi yaMwari?—Pashure paizvozvo, Mariya akaramba achifunga zvakanga zvataurwa naJesu.

Jesu aiona sei Josefa naMariya?—Bhaibheri rinoti: “[Jesu] akaburuka navo, vakasvika kuNazareta, akaramba achizviisa pasi pavo.” (Ruka 2:51, 52) Tinodzidzei pamuenzaniso waJesu?—Chokwadi, isuwo tinofanira kuteerera vabereki vedu.

Asi, zvakanga zvisiri nyore nguva dzose kuti Jesu ateerere, kunyange Baba vake vokudenga.

Usiku hwokupedzisira asati afa, Jesu akakumbira Jehovha kana zvaiita kuti achinje zvaaida kuti aite. (Ruka 22:42) Asi Jesu akateerera Mwari kunyange zvazvo zvakanga zvisiri nyore. Bhaibheri rinotaura kuti “akadzidza kuteerera pazvinhu zvaakatambura.” (VaHebheru 5:8) Unofunga kuti isu tingadzidzawo izvozvo here?—

[Mashoko Omuzasi]

a Kana uri kuverenga nemwana, kamutsetse ako kari kungokuyeuchidza kumbotura befu uye kukurudzira mwana kuti ataure zvaanofunga.

MIBVUNZO:

▪ Mariya akasvika sei pakuva amai vaJesu, uye tingati Jesu akasvika sei pakuva navanababa vaviri?

▪ Nei vabereki vaJesu vakatadza kuona kuti akanga asara?

▪ Jesu aitarisira kuti vabereki vake vamutsvake kupi?

▪ Ungadzidzei pamuenzaniso waJesu?

[Mufananidzo uri papeji 31]

Nei uchifunga kuti Josefa naMariya vaifanira kutanga kutsvaka Jesu mutemberi?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe