RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yc chidzidzo 11 pp. 24-25
  • Vakanyora nezvaJesu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vakanyora nezvaJesu
  • Dzidzisai Vana Venyu
  • Mashoko Akafanana
  • Vanhu Vakanyora nezvaJesu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Akadzidza Kukanganwira Kubva Kuna Tenzi
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • Akadzidza Kukanganwira Kubva Kuna Tenzi Wake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Mazano Pamusoro Pokutenda, Mufambiro Uye Rudo
    Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
Ona Zvimwe
Dzidzisai Vana Venyu
yc chidzidzo 11 pp. 24-25
Varume vakanyora nezvaJesu—Mateu, Mako, Ruka, Johani, Petro, Jakobho, Judha, naPauro

CHIDZIDZO 11

Vakanyora nezvaJesu

Uri kuona here varume vari pamufananidzo?— NdiMateu, Mako, Ruka, Johani, Petro, Jakobho, Judha, naPauro. Varume vose ava vakararama panguva imwe chete naJesu, uye vakanyora nezvaJesu. Ngatidzidzei zvakawanda nezvavo.

Chii chaunoziva nezvevarume ava?

Vatatu vavo vaiva vaapostora vakaparidza naJesu. Unoziva here kuti vatatu vacho ndivanaani?— Mateu, Johani, naPetro. Muapostora Mateu uye muapostora Johani vaiziva Jesu zvikuru, uye mumwe nomumwe wavo akanyora bhuku rinotaura nezveupenyu hwaJesu. Muapostora Johani akanyorawo bhuku rinonzi Zvakazarurwa uye tsamba 3 dzinonzi 1 Johani, 2 Johani, uye 3 Johani. Muapostora Petro akanyora tsamba 2 dziri muBhaibheri. Dzinonzi 1 Petro na2 Petro. Mutsamba yake yechi2, Petro akanyora nezvenguva yakataura Jehovha ari kudenga nezvaJesu achiti: ‘Uyu ndiye mwanakomana wangu. Ndinomuda, uye ndinodada naye.’

Vamwe varume vari pamufananidzo wacho vanotidzidzisawo nezvaJesu mumabhuku avakanyora. Mumwe wacho ndiMako. Zvichida aivapo Jesu paakasungwa uye akaona zvose zvakaitika. Mumwe wacho ndiRuka. Aiva chiremba uye zvichida akazova muKristu pashure pokunge Jesu afa.

Vamwe vanyori veBhaibheri vaviri vauri kuona pamufananidzo vaiva vanun’una vaJesu. Unoziva here mazita avo?— Vainzi Jakobho naJudha. Pakutanga, vakanga vasingatendi muna Jesu. Vaitofunga kuti aipenga. Asi vakazotenda muna Jesu ndokuva vaKristu.

Munyori weBhaibheri wokupedzisira wauri kuona pamufananidzo ndiPauro. Asati ava muKristu, ainzi Sauro. Aivenga vaKristu uye aivaitira utsinye zvikuru. Unoziva here kuti chii chakaita kuti Pauro ave muKristu?— Rimwe zuva, Pauro akanga achifamba munzira paakangoerekana anzwa mumwe munhu achitaura naye ari kudenga. Aiva Jesu! Akabvunza Pauro kuti: ‘Nei uchiitira utsinye hwakadaro vanhu vanotenda mandiri?’ Pashure paizvozvo, Pauro akachinja ndokuva muKristu. Pauro akanyora mabhuku 14 eBhaibheri, kubva pana VaRoma kusvika kuna VaHebheru.

Tinoverenga Bhaibheri mazuva ose, handizvo here?— Tinodzidza zvinhu zvakawanda nezvaJesu nokuverenga Bhaibheri. Ungada kudzidza zvakawanda nezvaJesu here?—

VERENGA MUBHAIBHERI RAKO

  • 2 Petro 1:16-18

  • Mako 3:21; 14:51

  • Judha 1

  • Mabasa 9:1-18

MIBVUNZO:

  • Ndevapi vaapostora vaJesu vakanyora nezvake?

  • Ndevapi vanyori veBhaibheri vaviri vaiva vanun’una vaJesu?

  • Chii chakaita kuti Pauro ave muKristu?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe