Dzidzisai Vana Venyu
Vanhu Vakanyora nezvaJesu
MUNONAKIDZWA here nokuverenga nezvaJesu muri pamwe chete?—a Vamwe vanhu vanoshamiswa chaizvo pavanoudzwa kuti pane zviri muBhaibheri hapana chakanyorwa naJesu pachake. Asi vanyori veBhaibheri vasere vanotiudza zvakawanda nezvake. Vose vakararama nguva yakararama Jesu, uye vanotiudza zvaakadzidzisa. Ungataura mazita evasere vacho here?—NdiMateu, Mako, Ruka naJohani. Vamwe vacho ndiPetro, Jakobho, Judhasi, uye Pauro. Pane chaunoziva nezvevanyori ava here?—
Iye zvino ngatimbotaurai nezvevanyori vatatu vaivawo vamwe vevadzidzi 12 vaJesu. Mazita avo unoaziva here?—NdiPetro, Johani naMateu. Petro akanyora tsamba mbiri dzaienda kuvaKristu vaainamata navo. Akavaudza zvinhu zvaaiziva zvakaitwa uye zvakataurwa naJesu. Vhura Bhaibheri pana 2 Petro 1:16-18, woverenga kurondedzera kunoita Petro paakanzwa Jehovha Mwari ari kudenga achitaura kuna Jesu.—Mateu 17:5.
Muapostora Johani akanyora mabhuku eBhaibheri mashanu. Ndiye akanga akagara pedyo naJesu pavaidya zvavakapedzisira kudya naTenzi wavo. Pakafa Jesu, Johani akanga aripowo. (Johani 13:23-26; 19:26) Pamabhuku mana anotaura nezveupenyu hwaJesu anonzi Evhangeri, Johani akanyora rimwe chete. Ndiyewo akanyora Zvakazarurwa zvaakapiwa naJesu uye tsamba nhatu dziri muBhaibheri dzine zita rake. (Zvakazarurwa 1:1) Mateu ndiye aiva munyori wechitatu akanga ari muapostora waJesu. Aimbova muteresi.
Vamwe vanyori vaviri veBhaibheri vane maziviro avaiita Jesu akanga akasiyana neevamwe. Vaiva vanun’una vake, vana vaJosefa naMariya. (Mateu 13:55) Pakutanga vakanga vasiri vadzidzi vaJesu. Vaitofunga kuti dzakadambuka pamusana pokushingaira kuparidza kwaaiita. (Mako 3:21) Ndivanaani vakanga vari vanun’una vacho?—Jakobho ndemumwe wacho. Akanyora bhuku reBhaibheri rinonzi Jakobho. Mumwe wacho ndiJudhasi, uyo anonziwo Judha. Akanyora bhuku reBhaibheri rinonzi Judha.—Judha 1.
Vamwewo vaviri vakanyora nezveupenyu hwaJesu ndiMako naRuka. Mariya, amai vaMako, vaiva nemba yakakura yaiva kuJerusarema kwaiungana vaKristu vepakutanga, kusanganisira muapostora Petro. (Mabasa 12:11, 12) Makore akawanda asati anyora bhuku racho, usiku uhwo Jesu akaita Paseka yokupedzisira nevaapostora vake, Mako anofanira kunge akavatevera pavaienda kubindu reGetsemane. Jesu paakasungwa, masoja akabata Mako, asi akatiza akasiya nguo yake.—Mako 14:51, 52.
Ruka akanga ari chiremba akadzidza chaizvo, uye anenge akazova mudzidzi Jesu atofa. Akanyatsoongorora mararamiro aJesu achibva anyora zvinhu zvakajeka, zvakarurama pamusoro pake. Ruka akafamba pamwe chete nomuapostora Pauro uye pava paya akazonyorawo bhuku riri muBhaibheri rinonzi Mabasa.—Ruka 1:1-3; Mabasa 1:1.
Pauro ndiye wechisere pavanhu vakanyora Bhaibheri vachitaura nezvaJesu. Akadzidziswa negweta raizivikanwa nembiri rainzi Gamarieri. Pauro uyo aimbonzi Sauro, akarerwa akadzidziswa nevaFarisi, aivenga vadzidzi vaJesu uye akatoita kuti vaurayiwe. (Mabasa 7:58–8:3; 22:1-5; 26:4, 5) Unoziva here kuti zvakafamba sei kuti Pauro azodzidza chokwadi nezvaJesu?—
Pauro akanga ari munzira kuenda kuDhamasiko kuti anosunga vadzidzi vaJesu paakangoerekana aita bofu pamusana pechiedza chaibva kudenga. Akanzwa inzwi richibvunza kuti: “Sauro, Sauro, uri kunditambudzirei?” Jesu ndiye aitaura! Akaudza Pauro kuti aende kuDhamasiko. Jesu akabva audza mudzidzi wake anonzi Ananiyasi kuti anotaura naPauro, uye Pauro akabva ava mudzidzi waJesu. (Mabasa 9:1-18) Pauro akanyora mabhuku 14 ari muBhaibheri, kutangira pana VaRoma kusvika kuna VaHebheru.
Wakatanga here kuverenga mabhuku ari muBhaibheri anotaura nezvaJesu kana kuita kuti mumwe munhu akuverengere?—Chimwe chinhu chakanaka chaunofanira kuita muupenyu hwako kutanga iye zvino uchiri muduku kuti uzive zvinotaurwa neBhaibheri nezvaJesu.
[Mashoko Omuzasi]
a Kana uchiverenga nemwana, kamutsetse ako kari kungokuyeuchidza kuti umbomira uye umukurudzire kuti ataurewo.
MIBVUNZO:
▪ Pavaapostora vaJesu ndevapi vakanyora Bhaibheri?
▪ Ndevapi vanhu vaviri vakanyora Bhaibheri vakanga vari vanun’una vaJesu?
▪ Nei Mako angava aiziva Jesu, uye nei Ruka angadaro akanga asingazivi Jesu?
▪ Zvakafamba sei kuti Pauro ave mudzidzi waJesu?
[Mifananidzo iri papeji 25]
Judha
Mako
Petro
Mateu
Pauro
Jakobho
Ruka
Johani