Rwiyo 149
Kutenda Kudzikinurwa Kwatakaitwa
Jehovha takamira,
pamberi penyu,
Makaratidza rudo
rwukuru zvikuru.
Kupa Mwana wenyu,
kuti tirarame.
Hapana chinopfu’ra chipo
chamakapa.
(KORASI)
Akapa upenyu hwake.
Tosunungurwa neropa.
Ticharamba,
tichikutendai nariini.
Jesu akazvipira
kupa upenyu.
Nerudo, akapa upenyu
hwakakwana.
Tisina tariro
Akatiponesa.
Tariro yedu upenyu,
rufu rusipo.
(KORASI)
Akapa upenyu hwake.
Tosunungurwa neropa.
Ticharamba,
tichikutendai nariini.
(Onawo VaH. 9:13, 14; 1 Pet. 1:18, 19.)