RWIYO 18
Kutenda Kudzikinurwa Kwatakaitwa
Rakaprindwa
1. Jehovha takamira
pamberi penyu.
Makaratidza rudo
rukuru zvikuru.
Kupa Mwana wenyu,
kuti tirarame.
Hapana chinopfu’ra chipo
chamakapa.
(KORASI)
Akapa upenyu hwake.
Tosunungurwa neropa.
Ticharamba
tichikutendai nariini.
2. Jesu akazvipira
kupa upenyu.
Nerudo, akapa upenyu
hwakakwana.
Tisina tariro,
akatiponesa.
Tariro yedu upenyu,
pasina rufu.
(KORASI)
Akapa upenyu hwake.
Tosunungurwa neropa.
Ticharamba
tichikutendai nariini.
(Onawo VaH. 9:13, 14; 1 Pet. 1:18, 19.)