Rwiyo 154
Ticharamba Tichitsungirira
Totsunga sei
SaJesu paakaedzwa?
Achirwadziwa
Jesu akaona mberi.
Vimbiso dzaMwari,
Ndodzaaifunga.
(KORASI)
Toda kutsungirira.
Tirwire kutenda.
Rudo rwotipa simba.
Tichatsunga kusvika pam’gumo.
Tingatambure
Makore zvaanofamba;
Ti’ne misodzi,
Tinoona nyika itsva.
Takasununguka,
Zvinotitsungisa.
(KORASI)
Toda kutsungirira.
Tirwire kutenda.
Rudo rwotipa simba.
Tichatsunga kusvika pam’gumo.
Hatimboneti
Kana kuramba chokwadi.
Tichatendeka
Kusvikira pamugumo.
Ngatitsungirire.
Hapachina nguva.
(KORASI)
Toda kutsungirira.
Tirwire kutenda.
Rudo rwotipa simba.
Tichatsunga kusvika pam’gumo.
(Onawo Mab. 20:19, 20; Jak. 1:12; 1 Pet. 4:12-14.)