RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jy chits. 6 p. 20-p. 21 ndim. 8
  • Mwana Ainge Akavimbiswa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwana Ainge Akavimbiswa
  • Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Akaafungisisa Mumwoyo Make’
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • Zvatingadzidza Kuna Mariya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • ‘Akaafungisisa Mumwoyo Make’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Akadiwa Zvikuru naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Ona Zvimwe
Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
jy chits. 6 p. 20-p. 21 ndim. 8
Simiyoni anobata Jesu mumaoko, Josefa, Mariya, nemuprofitakadzi Ana vakamutarira

CHITSAUKO 6

Mwana Ainge Akavimbiswa

RUKA 2:21-39

  • JESU ANODZINGISWA OZOENDWA NAYE KUTEMBERI

Josefa naMariya vanoramba vari muBhetrehema panzvimbo pokudzokera kuNazareta. Jesu paanenge ava nemazuva masere, vanoita kuti achecheudzwe kana kuti adzingiswe sezvinotaura Mutemo waMwari waakapa vaIsraeri. (Revhitiko 12:2, 3) Maererano netsika yevaIsraeri, mwana mukomana anobva apiwa zita musi iwoyo. Vanomutumidza kuti Jesu, sezvavakaudzwa nengirozi Gabrieri.

Papfuura mwedzi nezvimazuva, Jesu ava nemazuva 40. Vabereki vake vachaenda naye kupi? Kutemberi kuJerusarema, pedyo pedyo nekwavari kugara. Mutemo unoti kana mwana mukomana azvarwa, pazuva rechi40 amai vacho vanofanira kuenda nechibayiro kutemberi kuti vacheneswe.​—Revhitiko 12:4-8.

Mariya anoita saizvozvo. Anopa shiri duku mbiri. Izvi zvinoratidza kuti Josefa naMariya vanhu vasina kupfuma. Maererano neMutemo, mukadzi anenge asununguka anogona kupa gondohwe duku kana kuti shiri. Asi kana asingakwanisi gondohwe, anogona kupa hangaiwa mbiri kana kuti magukutiwa. Mariya haakwanisi kupa gondohwe, saka anopa shiri.

‘MAZUVA OKUVANATSA PAAKAKWANA’

Josefa naMariya vanoenda naJesu kutemberi kuti vanopa chibayiro chekucheneswa

Kana mukadzi wechiIsraeri asununguka, aiita mazuva achinzi haana kuchena maererano neMutemo. Kana mazuva iwayo apera, aienda nechibayiro chaipiswa kuti chimuchenese. Izvi zvaiyeuchidza vanhu vose kuti kana mukadzi asununguka anenge apfuudza upenyu hune chivi kune mumwe munhu. Jesu akazvarwa asina chivi uye ari mutsvene. (Ruka 1:35) Kunyange zvakadaro, mazuva avo okuti ‘vanatswe’ paakakwana, Mariya naJosefa “vakakwira naye” kutemberi sezvaidiwa neMutemo.—Ruka 2:22.

Vari mutemberi, Josefa naMariya vanoona vamwe sekuru vachiuya pavari. Sekuru vacho vanonzi Simiyoni. Mwari akaudza sekuru ava kuti vasati vafa, vachaona Kristu kana kuti Mesiya akavimbiswa naJehovha. Simiyoni audzwa nemudzimu mutsvene kuti aende kutemberi, kwaanosvikowana Josefa naMariya nemwanakomana wavo mucheche. Simiyoni anobata mucheche wacho mumaoko.

Akabata mwana mumaoko, Simiyoni anotenda Mwari achiti: “Zvino, Changamire Ishe, mava kurega muranda wenyu achienda akasununguka murugare maererano nezvamakazivisa; nokuti maziso angu aona nzira yenyu yokuponesa nayo yamakagadzirira pamberi pevanhu vose, chiedza chokubvisa nacho chifukidziro pamarudzi nokukudzwa kwevanhu venyu vaIsraeri.”​—Ruka 2:29-32.

Josefa naMariya vanoshamiswa pavanonzwa mashoko aya. Simiyoni anovakomborera oudza Mariya kuti mwanakomana wake achaita kuti kuve ‘nokuwa nokumukazve kwevazhinji pakati paIsraeri’ uye kuti iye Mariya achasuwa sokunge kuti achekwa nepakati nebakatwa.—Ruka 2:34.

Pane mumwe munhuzve aripo nhasi, asi kwete zvomusi uyu chete nokuti anogara aripo patemberi. Uyu ndiAna, mumwe muprofitakadzi ane makore 84. Anobva asvikawo pana Josefa naMariya nemucheche wavo Jesu. Ana anotanga kutenda Mwari uye kutaura nezvaJesu kuvanhu vose.

Fungidzira kuti Josefa naMariya vari kufara zvakadini nezvinhu izvi zviri kuitika patemberi! Zvose izvi zvinofanira kunge zvichisimbisa kuti mwana wavo ndiye Mwanakomana waMwari Akavimbiswa.

  • Mwana mukomana anofanira kunge aiwanzopiwa zita riini nevaIsraeri?

  • Mukadzi aifanira kuita sei kana asvitsa mazuva 40 pashure pokusununguka mwana mukomana, uye zvakaitwa naMariya maererano nemutemo uyu zvinoratidzei nezvemawaniro ake?

  • Patemberi ndivanaani vakaziva kuti Jesu aiva ani uye vakazviratidza nemashoko api?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe