Tevedzera Kutenda Kwavo
‘Akaafungisisa Mumwoyo Make’
MARIYA anogadzirisa kugara kwaakaita pamusoro pembongoro duku yaakatasva. Ave akatasva mbongoro kwemaawa akawanda. Ari pamberi, Josefa anopfuurira kufamba zvishoma nezvishoma, achitungamirira, vari munzira inoenda kuguta riri kure reBhetrehema. Zvakare, Mariya anonzwa mwana ari mudumbu rake achitamba.
Mariya akanga ava pedyo nokubatsirwa; Bhaibheri rinorondedzera kuti panguva iyi “akanga akurirwa.” (Ruka 2:5) Vaviri ava zvavaipfuura nomuminda yakawanda, zvichida vamwe varimi vaivatarisa pavairima nokudyara mbesa dzavo vachishamisika kuti nei mukadzi akanga akakurirwa zvakadaro aifamba rwendo. Chii chakanga chaita kuti Mariya afambe rwendo rurefu rwakadaro achibva kumusha wake weNazareta?
Zvakanga zvatanga mwedzi inoverengeka yakanga yapfuura apo mukadzi muduku uyu wechiJudha akagamuchira basa raikosha zvikuru munhoroondo yose yevanhu. Aifanira kubereka mwana aizova Mesiya, Mwanakomana waMwari! (Ruka 1:35) Nguva yokusununguka payakasvika, vaitofanira kufamba rwendo urwu. Murwendo urwu, Mariya akasangana nezvinhu zvinoverengeka zvakaedza kutenda kwake. Ngationei kuti zvii zvakamubatsira kuti arambe akasimba mune zvokunamata.
Rwendo rwokuBhetrehema
Josefa naMariya vakanga vasiri ivo chete vaifamba rwendo urwu. Kesari Agasto akanga achangobva kuzivisa murayiro wokuti vanhu vanyorese mazita avo kunyika yacho, uye vanhu vaifanira kuenda kuguta ravakaberekerwa kuti vanonyoreswa. Josefa akaita sei? Nhoroondo yacho inoti: “Josefa akabvawo kuGarireya, muguta reNazareta, akaenda kuJudhiya, kuguta raDhavhidhi, rinonzi Bhetrehema, nokuti aiva weimba uye wemhuri yaDhavhidhi.”—Ruka 2:1-4.
Izvi hazvina kungoitika nemasanga kuti Kesari ape murayiro panguva iyi. Uprofita hwakanga hwanyorwa makore mazana manomwe akanga apfuura hwakanga hwafanotaura kuti Mesiya aizoberekwa muBhetrehema. Zvakaitikawo kuti kwaiva netaundi rainzi Bhetrehema raiva kure nemakiromita anenge 11 kubva muNazareta. Zvisinei, uprofita hwacho hwakanyatsotaura kuti Mesiya aizoberekwa mu“Bhetrehema Efrata.” (Mika 5:2) Kamusha aka kaiva kumaodzanyemba kaiva kure neNazareta nemakiromita 150 tichishandisa migwagwa yanhasi ine zvikomo. Ndiro taundi raifanira kuendwa naJosefa, nokuti waiva musha wemadzitateguru emhuri yaMambo Dhavhidhi, uyewo mhuri yaibva Josefa nomwenga wake.
Mariya aizobatana naJosefa parwendo urwu here? Nairwowo rwendo rwacho rwaizomuomera. Iyi inenge yaiva nguva yokutanga kwematsutso, saka zvingangodaro kuti mvura yaipfunha sezvo chirimo chakanga chava kupera. Uyewo, Bhetrehema rakanga riri pakakwirira nemamita 760 kana tichiyera negungwa, waiva mukwidza chaiwo waitotora mazuva anoverengeka. Zvichida zvaizotora mazuva akatowanda nokuti Mariya aiva akazvitakura, saka aifanira kuzorora kakawanda. Panguva yakadai yokukurirwa, mukadzi wechiduku angada kuva pedyo nokumba, kunenge kuine vemhuri neshamwari vanenge vakagadzirira kumubatsira paanenge otanga kurwadziwa nepamuviri. Saka hapana mubvunzo kuti zvaida kushinga kuti afambe rwendo urwu.
Kunyange zvakadaro, Ruka anonyora kuti Josefa akaenda “kuti vanyorwe, iye naMariya.” Anonyorawo kuti Mariya “akanga aroorana na[Josefa] sezvavakanga vavimbisana.” (Ruka 2:4, 5) Kuva kwake mukadzi waJosefa kwakamubatsira zvikuru kuti asarudze zvakanaka. Aiona murume wake somusoro panyaya dzokunamata, uye aimutsigira pazvisarudzo zvaaiita, kuratidza kuti aikoshesa basa raaiva apiwa naMwari rokubatsira murume wake.a Kuburikidza nokuteerera, akakurira muedzo wokutenda ungadai wakavapo.
Chiizve chingave chakaita kuti Mariya ateerere? Aiziva here nezvouprofita hwokuti Mesiya aizoberekerwa kuBhetrehema? Bhaibheri haritauri. Asi hatingagoni kuti akanga asingazivi nokuti izvozvo zvaizivikanwawo nevatungamiriri vezvitendero uye kunyange nevamwe vanhuwo zvavo. (Mateu 2:1-7; Johani 7:40-42) Mariya ainyatsoziva Magwaro. (Ruka 1:46-55) Chero zvazviri, kuti Mariya akasarudza kufamba rwendo urwu achida kuteerera murume wake here, kana kuti hurumende, kana uprofita hwaJehovha pachake kana kuti zvose, chokwadi ndechokuti akagadza muenzaniso wakanaka. Jehovha anoda chaizvo varume nevakadzi vanozvininipisa uye vanoteerera. Kunyange mazuva ano vanhu vasingachateereri, Mariya akaratidza muenzaniso wakanaka zvikuru kuvanhu vose vakatendeka.
Kuberekwa kwaKristu
Mariya anofanira kunge akatura befu paakatanga kuona guta reBhetrehema. Sezvavaikwira makomo, vachipfuura nomumiti yemiorivhi yakanga ine zvirimwa zvokupedzisira kukohwewa, Mariya naJosefa vangave vaifunga nezvenhoroondo yomusha muduku uyu. Rakanga risingamboverengwi pakati pemaguta aJudha, sokutaura kwakanga kwaita muprofita Mika; asi ndiko kwakanga kwaberekerwa Bhoazi, Naomi, uye Dhavhidhi, pakanga patopfuura makore chiuru zvose izvi zvaitika.
Mariya naJosefa vakawana mumusha macho makazara vanhu. Vamwe vakanga vavatangira kusvika vachida kuzonyoresawo, saka pakanga pasina imba yokuti varare.b Saka vaitofanira kurara mudanga rezvipfuwo. Tinogona kufungidzira kunetseka kwakaita Josefa paakaona mudzimai wake achirwadziwa zvikuru zvaakanga asati amboita uye marwadzo achiwedzera. Iyi yakanga isiri nzvimbo yakakodzera asi ndimo maakatangira kunzwa marwadzo okusununguka.
Madzimai kwose kwose anonzwira Mariya tsitsi. Anenge makore 4 000 izvi zvisati zvaitika, Jehovha akanga afanotaura kuti vakadzi vaizorwadziwa pakubereka nechikonzero chechivi chavakagara nhaka. (Genesisi 3:16) Hapana uchapupu hunoratidza kuti Mariya haana kurwadziwa. Nhoroondo yaRuka haidonongodzi zvose nezvokurwadziwa kwake, asi inongoti: “Akasununguka mwanakomana wake, dangwe.” (Ruka 2:7) Zvechokwadi, “dangwe” rakanga raberekwa—wokutanga pavana vaMariya, vanenge vanomwe. (Mako 6:3) Asi uyu aizosiyana nevamwe vana. Akanga asingori dangwe raMariya chete asiwo kuna Jehovha aiva “dangwe rezvisikwa zvose,” Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga!—VaKorose 1:15.
Pano ndipo patinozonzwa mamwe mashoko anozivikanwa okuti: “Akamuputira nemachira, akamuradzika muchidyiro chezvipfuwo.” (Ruka 2:7) Zvinhu zvinoratidzwa mumitambo yezvakaitika kare, muzvinhu zvinodhirowewa, uye zviri kuitika munyika nhasi, hazvisi izvo chaizvo zvakaitwa naMariya, asi kuti zvimwe zvacho zvinowedzeredzwa. Asi funga zvakanyatsoitika. Mhuka dzinodyira muchidyiro. Saka mhuri yacho yakanga ichigara mudanga, nzvimbo inotozivikanwa kuti inonhuwa uye kuti ine tsvina. Hapana vabereki vaizosarudza kuti mwana wavo aberekerwe mudanga kutoti vatoshayisisa. Vabereki vakawanda vanoda kuitira vana vavo zvinhu zvakanakisisa. Ndoda Mariya naJosefa, chokwadi vaida kuitira Mwanakomana waMwari zvakanaka zvikuru!
Zvisinei, havana kuda kutsvaka zvakawanda-wanda; vakangoita zvavakakwanisa maererano nezvavaiva nazvo. Somuenzaniso, ona kuti Mariya akanyatsotarisira mucheche wacho nokumuputira nemachira, ndokuzomuradzika zvakanakanaka muchidyiro kuti arare achinyatsodziyirwa uye akakotsekana. Mariya aisazorega kuzvidya mwoyo pamusoro pemamiriro ake ezvinhu kuchimuvhiringidza kutarisira mwana zvakanaka zvikuru sezvaaigona. Iye naJosefa vaizivawo kuti kutsigira mwana wavo mune zvokunamata kwaiva chinhu chinokosha zvikuru chavaigona kumuitira. (Dheuteronomio 6:6-8) Nhasi, vabereki vakachenjera vanoedzawo kuisa pakutanga zvinangwa zvakadaro sezvavanorera vana vavo munyika ine vanhu vasingadi kushumira Mwari.
Kushanya Kunokurudzira
Pasina nguva, zvinhu zvakangochinja. Vafudzi vakamhanyira mudanga, vachida kuona mhuri iyi uye zvikurukuru mwana wacho. Varume ava vakaita sevachabata denga nokufara. Vakanga vauya vachibva kumakomo kwavakanga vachigara nezvipfuwo zvavo.c Vakaudza vabereki ava vakanga vachishamisika zvinhu zvinoshamisa zvakanga zvichangoitika. Pakati pousiku, vari mugomo, vakangoerekana vaona ngirozi. Kubwinya kwaJehovha kwakan’aima munzvimbo iyoyo, uye ngirozi yacho yakavaudza kuti Kristu, kana kuti Mesiya, akanga achangoberekwa muBhetrehema. Vaizowana mwana wacho akarara muchidyiro, akaputirwa nemachira. Zvadaro, vakatozonyanya kushamiswa nokuona ngirozi dzakanga dzichiimba nziyo dzokurumbidza Jehovha!
Saka zvaisashamisa kuti varume ava vaizvininipisa vakauya muBhetrehema vachiita chipitipiti! Vanofanira kunge vakafara chaizvo kuona mucheche akarara sematsanangurirwo azvaiva zvaitwa nengirozi. Havana kunyarara nemashoko aya akanaka. “Vakazivisa mashoko avakanga vaudzwa . . . Vose vakazvinzwa vakashamisika pamusoro pezvinhu zvavakaudzwa nevafudzi.” (Ruka 2:17, 18) Mazuva iwayo, vatungamiriri vezvitendero vaishora vafudzi. Zviri pachena kuti Jehovha aikoshesa varume ava vaizvininipisa uye vaiva vakatendeka. Zvisinei, kushanyirwa kwakaitwa Mariya kwakaita kuti aite sei?
Zvechokwadi Mariya akanga aneta nemarwadzo okubereka, asi akanyatsoteerera mashoko ose. Uyewo akatoita zvakawanda: “Mariya akatanga kuchengeta mashoko aya ose, achiafungisisa mumwoyo make.” (Ruka 2:19) Mukadzi muduku uyu aifunga zvakadzama. Aiziva kuti mashoko aya engirozi aikosha chaizvo. Mwari wake, Jehovha, aida kuti azive uye anzwisise kuti mwanakomana wake aiva ani uye kuti aikosha. Haana kungoteerera chete, asi akachengetawo mashoko iwayo mumwoyo make kuitira kuti arambe achiafungisisa kwemwedzi uye makore aizotevera. Muupenyu hwake hwose, Mariya akaratidza kutenda kwaiva kwakasiyana nokwevamwe.
Uchatevedzera muenzaniso waMariya here? Shoko raJehovha rakazara nechokwadi chake chinokosha. Zvisinei, tinonyatsobatsirwa nechokwadi ichocho kana tikatanga tafungisisa nezvacho. Tinoita izvozvo nokuverenga Bhaibheri nguva dzose, kwete kuriverenga sebhukuwo zvaro asi seShoko raMwari rakafuridzirwa. (2 Timoti 3:16) SaMariya, tinodawo kuchengeta mumwoyo yedu chokwadi chaMwari uye tofungisisa pamusoro pacho. Kana tikafungisisa pane zvatinoverenga muBhaibheri, tichifunga kuti tingashandisa sei zano raJehovha zvakazara, kutenda kwedu kuchakura.
Zvimwe Zvaaifanira Kufungisisa
Sezvairayirwa noMutemo waMosesi, Mariya naJosefa vakadzingisa mwana wavo pazuva rake rechisere, uye vakamudana kuti Jesu sezvavaiva vataurirwa. (Ruka 1:31) Pazuva rechi40, vakabva kuBhetrehema vakaenda naye kutemberi yokuJerusarema yaiva kure nemakiromita mashoma, uye vakanopa zvibayiro zvokuchenesa zvaibvumirwa noMutemo kuti varombo vape zvaiti magukutiwa maviri kana kuti hangaiwa duku mbiri. Kana vainyara kuti vaisakwanisa kupa zvibayiro zvakadai segondohwe negukutiwa zvaipiwa nevamwe vabereki, vakatombotsveta pasi zvokunyara. Chero zvazvaiva, tinoziva kuti vakakurudzirwa chaizvo pavaiva ikoko.—Ruka 2:21-24.
Mumwe murume akanga akwegura ainzi Simiyoni akauya akaudza Mariya mamwezve mashoko aaifanira kuchengeta mumwoyo make. Akanga avimbiswa kuti asati afa aizoona Mesiya uye mudzimu waJehovha wakamuratidza kuti Jesu muduku uyu ndiye aiva Muponesi akanga afanotaurwa. Simiyoni akanyeverawo Mariya nezvokurwadziwa kwaaizoita uye kwaaizofanira kutsungirira rimwe zuva. Akamuudza kuti aizonzwa sokunge aiva abayiwa nebakatwa refu. (Ruka 2:25-35) Kunyange zvazvo mashoko iwayo aityisa, asi angave akazobatsira Mariya kutsungirira kurwadziwa kwacho pakwakazoitika makore anopfuura makumi matatu gare gare. Pashure paSimiyoni, muprofitakadzi ainzi Ana akaona Jesu muduku ndokutanga kutaura nezvake kumunhu wose aikoshesa tariro yokununurwa kweJerusarema.—Ruka 2:36-38.
Chokwadi zvakasarudzwa naJosefa naMariya zvakanga zvakanaka, zvokuti vaende nemwana wavo kutemberi yaJehovha yaiva muJerusarema! Uku kwakanga kuri kutanga kwakanaka kwoupenyu hwomwanakomana wavo kuti ashumire patemberi yaJehovha. Vari ikoko, vakaita zvose zvavaigona mubasa raMwari uye vakarayiridzwa nokukurudzirwa. Mariya akabva patemberi musi uyu kutenda kwake kwasimbiswa, uye mumwoyo make mazara chokwadi chinokosha chokufungisisa uye chokuzoudzawo vamwe.
Zvinofadza kuona vabereki nhasi vachitevedzera muenzaniso iwoyo. Vabereki vari Zvapupu zvaJehovha vakatsunga kuenda nevana vavo kumisangano yechiKristu. Vabereki vakadaro vanoita zvose zvavanogona mubasa raMwari, vachikurudzira vavanonamata navo. Uyewo pavanobva pamisangano iyi vanonzwa vasimbiswa, vachifara uye vaine zvakanaka zvakawanda zvokutaurira vamwe. Unokokwa nomwoyo wose kuti uungane navo. Kana ukadaro, uchaona kuti kutenda kwako kucharamba kuchisimba, sezvakaita kwaMariya.
[Mashoko Omuzasi]
a Cherechedza kusiyana kwakaita mashoko aya nokurondedzerwa kunoitwa rwendo rwokutanga: ‘Mariya akasimuka akaenda’ kunoshanyira Erizabheti. (Ruka 1:39) Panguva iyi, somukadzi akanga avimbiswa kuroorwa uye akanga asati achata, Mariya angave akaenda asina kumbobvunza Josefa. Vaviri ava varoorana, Josefa ndiye anozotaurwa kakawanda nezvake parwendo rwavo, kwete Mariya.
b Yaiva tsika kareko kuti maguta ave neimba imwe chete yairara vaenzi kana vanhu vaipfuurawo zvavo.
c Kuti vafudzi panguva iyoyo vairarama kunze kwemisha nezvipfuwo zvavo kunotsigirwa nezvinotaurwa neBhaibheri zvokuti: Kristu haana kuberekwa muna December zvipfuwo pazvaichengetwa pedyo nemisha, asi pane imwewo nguva kutanga kwaOctober.
[Mufananidzo uri papeji 25]
Simiyoni akakomborerwa kuona Muponesi akanga afanotaurwa