RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jy chits. 20 p. 54-p. 55 ndim. 8
  • Chishamiso Chechipiri muKana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chishamiso Chechipiri muKana
  • Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu Anoita Chishamiso Chake Chokutanga Pamuchato
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mesiya Akazadzisa Uprofita
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
  • “Awa Yake Yakanga Isati Yasvika”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Jesu Anoshingairira Kunamata Kwechokwadi
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
Ona Zvimwe
Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
jy chits. 20 p. 54-p. 55 ndim. 8
Mumwe mukuru mukuru wehurumende ari kushungurudzika, anouya kuzokumbira Jesu kuti aporese mwanakomana wake

CHITSAUKO 20

Chishamiso Chechipiri muKana

MAKO 1:14, 15 RUKA 4:14, 15 JOHANI 4:43-54

  • JESU ANOPARIDZA KUTI “UMAMBO HWAMWARI HWASWEDERA PEDYO”

  • ANOPORESA MUMWE MUKOMANA ASINA KUTOMBOENDA KWAARI

Pashure pemazuva maviri ari muSamariya, Jesu anoenda kunharaunda yekumusha kwake. Aita mwedzi yakati kuti ari kuJudhiya achiparidza, asi haasi kudzokera kuGarireya kunozorora. Anototanga kushanda nesimba muushumiri hwake munzvimbo yaakakurira. Haatarisiri hake kuti vanhu vachamutambira zvakanaka, nekuti sekutaura kwake, ‘muprofita haakudzwi kumusha kwake.’ (Johani 4:44) Vadzidzi vake vanodzokera kudzimba dzavo nekumabasa avo pane kuti varambe vainaye.

Jesu anoparidza shoko rokutii? “Umambo hwaMwari hwaswedera pedyo. Pfidzai, uye tendai mashoko akanaka.” (Mako 1:15) Vanhu vanoritambira sei? VaGarireya vakawanda vanototenda zvinotaurwa naJesu, uye vanomukudza. Izvi hazvisi kungobva pashoko raari kufamba naro chete. Vamwe vanhu vemuGarireya vaiva kuPaseka kuJerusarema mwedzi yakapfuura uye vakaona zviratidzo zvakawanda zvakaitwa naJesu.—Johani 2:23.

Jesu anotangira kupi ushumiri hwake hwakakurumbira hwemuGarireya? Munofanira kuva muKana, maakanga amboshandura mvura kuita waini pamuchato. Ava ikoko kechipiri, Jesu anonzwa kuti pane mukomana arwara zvekufa. Mwanakomana wemumwe mukuru mukuru wehurumende yamambo Herodhi Andipasi, uyo anozoita kuti Johani Mubhabhatidzi achekwe musoro. Mukuru mukuru uyu anonzwa kuti Jesu abva kuJudhiya uye ava muKana. Saka anoita rwendo kubva kumba kwake kuKapenaume achienda kuKana kuti anotsvaka Jesu. Achiratidza kushungurudzika zvikuru anoteterera Jesu achiti: “Ishe, burukai mwana wangu muduku asati afa.”—Johani 4:49.

Mapinduriro anoita Jesu anofanira kunge achishamisa murume wacho. Anoti: “Enda; mwanakomana wako mupenyu.” (Johani 4:50) Murume wacho anotenda zvataurwa naJesu uye anopinda munzira. Ari munzira anosangana nevaranda vake, avo vauya vachimhanya kuti vamuudze mashoko anofadza. Mwana wake mupenyu sezvaaudzwa! ‘Apora nguvai?’ anobvunza kudaro, achiedza kuzvibatanidza nezvaakanga audzwa.

“Fivha yakapera nezuro paawa yechinomwe,” vanomupindura kudaro.—Johani 4:52.

Mukuru mukuru wehurumende anosangana nevashandi vake obva adzokera kumba kwaanonowana mwanakomana wake aporeswa

Mukuru mukuru uyu anobva aziva kuti ndiyo nguva chaiyo yakanzi naJesu, “Mwanakomana wako mupenyu.” Murume uyu, uyo aiva mupfumi zvekuti aitova nevaranda, akava mudzidzi waKristu pamwe nemhuri yake yose.

Saka Jesu ava nezvishamiso zviviri zvaaita muKana, chokushandura mvura kuva waini uye chokuporesa mukomana wechidiki ari kure nemakiromita anenge 26. Izvi handizvo zvoga zvishamiso zvaanoita. Asi chinokosha pakuporesa kwaaita mukomana uyu ndechekuti kunoratidza kudzoka kwake kuGarireya. Zviri kungooneka kuti Jesu muprofita waMwari, asi muprofita uyu ‘achakudzwa zvakadini kumusha kwake’?

Izvi zvichanyatsooneka paanoenda kwaakakurira kuNazareta. Zvii zvichaitika ikoko?

  • Jesu paanodzokera kuGarireya, anotanga kuparidza shoko rokutii uye vanhu vanomutambira sei?

  • Jesu anoita chishamiso chipi paanodzokera kuKana, uye vanhu vaaitira chishamiso ichi vanobva vaita sei?

  • Chii chinoshamisa panzira yakashandiswa naJesu kuporesa mukomana aiva kuKapenaume?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe