RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jy chits. 16 p. 42-p. 43 ndim. 8
  • Jesu Anoshingairira Kunamata Kwechokwadi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Anoshingairira Kunamata Kwechokwadi
  • Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu Anochenesa Temberi
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Chishamiso Chechipiri muKana
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Jesu Anoita Chishamiso Chake Chokutanga Pamuchato
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Jesu Anochenura Tembere
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
Ona Zvimwe
Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
jy chits. 16 p. 42-p. 43 ndim. 8
Jesu anodzinga vanhu vari kuchinja mari mutemberi

CHITSAUKO 16

Jesu Anoshingairira Kunamata Kwechokwadi

JOHANI 2:12-22

  • JESU ANOCHENESA TEMBERI

Muchato wekuKana wapera, Jesu anonanga kuKapenaume. Amai vake nevanun’una vake, Jakobho, Josefa, Simoni naJudhasi vanoenda naye.

Asi Jesu ari kuenderei kuKapenaume? Guta iri rakakurumbira kupfuura reNazareta kana kuti reKana uye rinenge rakati kurei. Uyewo vakawanda vevadzidzi vake vaava navo vanogara muKapenaume nemunharaunda dziri pedyo. Saka Jesu anogona kuvadzidzisa basa vari kumusha kwavo.

Ava muKapenaume, Jesu anoitawo zvimwe zvishamiso. Saka vanhu vakawanda vemuguta iri nemunzvimbo dzakapoteredza vanonzwa nezvezvaari kuita. Asi Jesu nevamwe vake, avo vakazvipira muchitendero chechiJudha, vachafanira kusimudzira rwendo rwavo munguva pfupi vakananga kuJerusarema kuPaseka ya30 C.E.

Ari mutemberi muJerusarema, Jesu ane zvaanoita zvinoshayisa vadzidzi vake romuromo, zvakasiyana nezvimwe zvose zvaakamboita.

Mutemo waMwari unoti vaIsraeri vanofanira kupa zvibayiro zvemhuka patemberi, uye unotiwo vanenge vauya vanogona kutenga zvokudya panguva yavanenge vachigara ipapo. Saka Mutemo unobvumira vanhu vanouya kuJerusarema vachibva kure kuti vauye nemari yokuzotenga “mombe nemakwai nembudzi” nezvimwe zvinhu zvavangada panguva yavanenge vari muguta macho. (Dheuteronomio 14:24-26) Izvi zvinoita kuti vanhu vanotengesa zvinhu vomuJerusarema vatengese mhuka neshiri muchivanze chetemberi chaimo. Uye vamwe vavo vari kubatira vanhu vachivadhurisira.

Izvi zvinogumbura Jesu zvokuti anopidigura tafura dzevari kuchinjanisa mari, obva avadzingira kunze. Jesu anoti: “Bvisai zvinhu izvi muno! Regai kuita imba yaBaba vangu imba yokutengesera!”—Johani 2:16.

Vadzidzi vaJesu pavanoona izvi, vanoyeuka uprofita hunotaura nezveMwanakomana waMwari huchiti: “Kushingairira imba yenyu kuchandipedza.” Asi vaJudha vanomubvunza kuti: “Une chiratidzo chipi chokutiratidza, zvauri kuita zvinhu izvi?” Jesu anovapindura kuti: “Putsai temberi iyi, uye ndichaimisa mumazuva matatu.”—Johani 2:17-19; Pisarema 69:9.

VaJudha vanobva vafunga kuti Jesu ari kureva temberi chaiyo iri muJerusarema imomo, saka vanomubvunza kuti: “Temberi iyi yakavakwa mumakore makumi mana nematanhatu, uye iwe uchaimisa mumazuva matatu here?” (Johani 2:20) Asi Jesu ari kureva muviri wake paari kuti temberi. Vadzidzi vake vanozoyeuka mashoko aya papfuura makore matatu paanomutswa.

  • Achibva kumuchato kuKana, Jesu anoenda kunzvimbo dzipi?

  • Chii chinoshatirisa Jesu pane zvaanoona patemberi, uye anoita sei?

  • Chii chiri kunzi naJesu “temberi iyi,” uye ari kurevei nemashoko ake?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe