RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jy chits. 21 p. 56-p. 57 ndim. 6
  • Musinagogi yekuNazareta

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Musinagogi yekuNazareta
  • Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mashoko Akafanana
  • Nazareta—Musha Womuporofita
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Anoita Zvishamiso, Asi Vanhu Havamugamuchiri Kunyange muNazareta
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Kusinagogi—Kwaiparidzira Jesu Nevadzidzi Vake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Waizviziva Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
jy chits. 21 p. 56-p. 57 ndim. 6
Jesu akamira musinagogi achiverenga bhuku remuprofita Isaya

CHITSAUKO 21

Musinagogi yekuNazareta

RUKA 4:16-31

  • JESU ANOVERENGA NDIMA DZEMUBHUKU RAISAYA

  • VANHU VEMUNAZARETA VANOEDZA KUURAYA JESU

MuNazareta hamusi kudanwa anonzwa. Jesu ava kuzivikanwa semunhu anoita zvishamiso asi paakabva kuno achienda kunobhabhatidzwa naJohani gore rapfuura, vanhu vaingomuziva semuvezi. Vagari vemuguta iri vane chido chekuona achiita zvishamiso izvi.

Chido chiya chinotozokura Jesu paanopinda musinagogi, sezvaanogaroita. Kunamata kunoitwa imomo kunosanganisira kunyengetera nekuverenga dzimwe ndima dzemubhuku raMosesi, sezvinoitwa “musinagogi pamasabata ose.” (Mabasa 15:21) Panoverengwawo ndima dzemabhuku evaprofita. Panosimuka Jesu kuti averenge, anofanira kunge ari kuona vanhu vaakakura achiona paaiuya kuzonamata pasinagogi iri. Anotambidzwa bhuku raIsaya. Anowana mashoko akanyorwa nezveuya akazodzwa nemudzimu waJehovha, ayo ava kuwanikwa pana Isaya 61:1, 2 muBhaibheri mazuva ano.

Jesu anoverenga nezvekuti muzodziwa uyu aizoparidza sei nezvekusunungurwa kwevakatapwa, kusvinudzwa kwemaziso evasingaoni, uye nezvegore rokufarirwa naJehovha. Jesu anodzorera bhuku racho kumushandi wemusinagogi ogara pasi. Maziso ese ari paari. Anotanga kutaura, zvichida achitotaura mashoko akati wandei kusanganisira mashoko anokosha okuti: “Nhasi rugwaro urwu rwamuchangobva kunzwa rwazadzika.”—Ruka 4:21.

Vanhu ‘vanoshamiswa nemashoko anofadza anobuda mumuromo make,’ uye vanotanga kubvunzana kuti: “Uyu haasi iye mwanakomana waJosefa here?” Asi achiziva kuti vari kuda kuti aite zvishamiso zvakafanana nezvavakanzwa nezvazvo, Jesu anoenderera mberi achiti: “Chokwadi muchashandisa mufananidzo uyu kwandiri, wokuti, ‘Chiremba, zvirape; zvinhu zvatakanzwa kuti zvakaitika muKapenaume zviitewo muno munharaunda yokumusha kwako.’” (Ruka 4:22, 23) Vanhu ava vanofanira kunge vari kufunga kuti Jesu angadai akatanga nekuporesa vanhu vemumusha make. Saka vanoona sekuti Jesu akavashora.

Achiziva mafungiro avo, Jesu anotaura zvimwe zvinhu zvakaitika munhoroondo yevaIsraeri. Anotaura kuti paiva nechirikadzi dzakawanda muIsraeri pamazuva aEriya, asi Eriya haana kutumwa kuti aende kwadziri. Asi akaenda kuchirikadzi yakanga isiri muIsraeri yaigara kuZarefati, guta raiva pedyo neSidhoni, kwaakanoita chishamiso chakaponesa vanhu panzara. (1 Madzimambo 17:8-16) Uye mumazuva aErisha, muIsraeri maiva nevanhu vakawanda vaiva nemaperembudzi, asi muprofita wacho akangoporesa Naamani wekuSiriya.—2 Madzimambo 5:1, 8-14.

Varume vemusinagogi vanotora Jesu voenda naye kumucheto kwegomo

Vanhu ava vekumusha kwaJesu vanoita sei pavanoona sekuti nhoroondo dzaataura dziri kufumura kuti vanhu vanongozvifunga uye vasina kutenda? Vanoshatirwa, vosimuka, vokakaritsana naye vachienda naye kunze kweguta. Nazareta yakavakirwa pamusoro pegomo, saka vanoenda naye nechekumucheto kwaro voedza kumukandira kumawere. Asi Jesu anopukunyuka otiza. Jesu anoenda kuKapenaume, kuchamhembe kwakadziva kumavirira kweGungwa reGarireya.

  • Vanhu vekuNazareta, kumusha kwaJesu, vari kutarisira chii nemufaro?

  • Vanhu vanonzwa sei nemashoko ataurwa naJesu, uye chii chinoita kuti vadaro?

  • Vanhu vemuNazareta vanoedza kuita sei naJesu?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe