RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jy chits. 48 p. 120-p. 121 ndim. 8
  • Anoita Zvishamiso, Asi Vanhu Havamugamuchiri Kunyange muNazareta

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Anoita Zvishamiso, Asi Vanhu Havamugamuchiri Kunyange muNazareta
  • Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mashoko Akafanana
  • Zvishamiso zvaJesu—Ungadzidzei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Jesu Anoita Zvishamiso Nesimba Raani?
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Musinagogi yekuNazareta
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Jesu Aiitei Paakanga Ari Pasi Pano?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
jy chits. 48 p. 120-p. 121 ndim. 8
Mhomho yevanhu inotevera Jesu paari kubva pamba paJairosi

CHITSAUKO 48

Anoita Zvishamiso, Asi Vanhu Havamugamuchiri Kunyange muNazareta

MATEU 9:27-34 13:54-58 MAKO 6:1-6

  • JESU ANOPORESA MAPOFU NEMBEVEVE

  • VANHU VEMUNAZARETA VANOMURAMBA

Jesu aswera akabatikana. Ayambuka gungwa achidzoka kubva kumaguta eDhekaporisi, ndokuporesa mukadzi aiva nechirwere chekubuda ropa, uye azomutsa mwanasikana waJairosi. Asi basa richiripo. Achingobva pamba paJairosi, mapofu maviri anomutevera achishevedzera achiti: “Tinzwirei ngoni, Mwanakomana waDhavhidhi.”—Mateu 9:27.

Kudana kwavari kuita Jesu vachimuti “Mwanakomana waDhavhidhi,” kunoratidza kuti varume ava vanotenda kuti Jesu ndiye achagara nhaka yechigaro chaDhavhidhi saMesiya. Jesu anomboita seasiri kuvanzwa, zvimwe achida kuona kuti vachanyarara here, asi varume vacho havanyarari. Jesu paanopinda mune imwe imba, varume ava vaviri vanomutevera. Jesu anovabvunza kuti: “Mune kutenda here kwokuti ndinogona kuita izvi?” Vanopindura nechivimbo kuti: “Hungu, Ishe.” Jesu anobva abata maziso avo, oti: “Ngazviitike kwamuri maererano nokutenda kwenyu.”—Mateu 9:28, 29.

Vanobva vatanga kutoona! Jesu anoudza varume ava kuti vasaudze vanhu zvaaita, sezvaagara achiita. Asi nekufara kwavaita vanozoudza vanhu vakawanda nezvake.

Varume vaviri ava pavari kuenda, vamwe vanhu vanobva vasvika nemumwe murume akagarwa nedhimoni rinomutadzisa kutaura. Jesu anodzinga dhimoni racho, uye murume wacho anobva atotanga kutaura. Vanhu vanoshamiswa nazvo voti: “Chinhu chakadai hachina kumboonekwa pakati paIsraeri.” VaFarisi varipowo. Havagoni kuramba kuti aita zvishamiso izvi, saka vanodzoka panyaya yesimba riri kushandiswa naJesu pabasa rake vachiti: “Anodzinga madhimoni nomutongi wemadhimoni.”—Mateu 9:33, 34.

Izvi zvichangoitika Jesu anodzokera kuguta raakakurira reNazareta, achiperekedzwa nevadzidzi vake. Gore rakapera akamboparidza musinagogi muguta iri. Vanhu vakambotanga vachishamiswa nezvaaitaura, asi vakazosvotwa nedzidziso dzake vakaronga kumuuraya. Iye zvino Jesu ari kuda kuedzazve kubatsira vanhu vekwaakakurira.

Musi weSabata, anoenda kusinagogi kuti anodzidzisa. Vakawanda vanoshamiswa vachitobvunzana kuti: “Munhu uyu akawana kupi uchenjeri uhwu neaya mabasa esimba?” Vanoti: “Uyu haasi iye mwanakomana womuvezi here? Amai vake havanzi Mariya here, uye vanun’una vake Jakobho naJosefa naSimoni naJudhasi here? Uye hanzvadzi dzake dzose hadzisi pakati pedu here? Saka, munhu uyu akawana kupi zvinhu zvose izvi?”—Mateu 13:54-56.

Vanhu vacho vanoona sekuti Jesu akangofanana nevamwe vanhu vemunzvimbo iyi. Vanofunga kuti, ‘Takamuona achikura, saka angava sei iye Mesiya?’ Saka vanomuramba pasinei neuchapupu huri pachena, hunosanganisira uchenjeri hwake nezvishamiso zvaari kuita. Sezvo ari munhu wavanonyatsoziva, kunyange hama dzake dziri kunyunyuta nezvezvaari kutaura nokuita. Jesu anotosvika pakuti: “Muprofita anokudzwa kumwe kwose asi kwete munharaunda yokumusha kwake uye mumba make.”—Mateu 13:57.

Jesu anoshamiswa nekushaya kwavo kutenda. Saka hapana zvishamiso zvaanoita ikoko “kunze kwokuisa maoko ake pavanhu vashomanana [vanorwara] nokuvarapa.”—Mako 6:5, 6.

  • Mapofu maviri paanotaura kuti Jesu “Mwanakomana waDhavhidhi,” ari kuratidza kuti anotenda kuti kudii?

  • VaFarisi vanoti chii zvekare nezvekunobva simba raJesu rokuita zvishamiso?

  • Jesu anotambirwa sei nevanhu vemuNazareta, uye chii chinoita kuti vadaro?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe